Iwe Unoyeuka Here?
Wakawana zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura iyi zveNharireyomurindi kuva zvoukoshi hunoshanda kwauri here? Ipapo kuregererei kuedza kuyeuka kwako nezvinotevera:
▫ Nderipi rakanga riri donzo guru rokuporesa kwaJesu?
Kwakaratidzira, nokuda kwokukurudzirwa kweboka guru ravanhu vakafanana namakwai nhasi, kuti vapukunyuki veArmagedhoni vachaporeswa nokukurumidza zvikuru pashure peArmagedhoni. (Isaya 33:24; 35:5, 6)—12/15, peji 12.
▫ Neiko tichida chiyeuchidzo chenguva dzose, chokuti: “Pfuurirai mumunyengetero”? (VaRoma 12:12, NW)
Dzvinyiriro dzoupenyu nemitoro zvingatiremera zvikuru kwazvo padzimwe nguva zvokuti tingagona kukanganwa kunyengetera. Kana kuti zvinetso zvingatikurira, zvichitiparira kurega kufara mutariro yoUmambo, kunyange kurega kunyengetera. Nokudaro, tinoda zviyeuchidzo zvinotikurudzira kunyengetera uye nenzira iyoyi kuswedera pedyo nguva dzose naJehovha.—12/15, peji 14.
▫ Chii chinobvumikisa kuti Mafashamo omuzuva raNoa akasiya tapuro isingadzimiki padzinza romunhu?
Kwakafungidzirwa kuti dzinopfuura ngano 500 dzaMafashamo dzinotaurwa nendudzi dzinopfuura 250 namarudzi. Fanano huru dzinowanwa mungano dzose idzodzi.—1/15, peji 5.
▫ Vaporofita venhema nhasi vakafanana sei naavo vaiva munguva yaJeremia?
Vaporofita venhema vanhasi vanotaura kuti vanomirira Mwari, asi vanoba mashoko aMwari kupfurikidza nokuparidzira zvinhu zvinotsausa vanhu pane izvo Bhaibheri rinotaura chaizvoizvo. Ikoku ndokwechokwadi zvikuru pamusoro pedzidziso yoUmambo. (Jeremia 23:30)—2/1, peji 4.
▫ Chii chinorehwa apo mumwe anobhapatidzwa muzita romudzimu mutsvene?
Ikoku kunoreva kuti uyo ari kubhapatidzwa atsunga kubatira pamwe nomudzimu, asingaiti chinhu chokudzivisa kushanda kwawo pakati pavanhu vaJehovha. Nokudaro, iyeyo anofanira kubatira pamwe nomuranda akatendeka naakachenjera uye negadziriro yavakuru iri muungano. (VaHebheru 13:7, 17; 1 Petro 5:1-4)—2/1, peji 18.
▫ Neiko kunamata mufananidzo kuchikuvadza kwazvo kumunamati?
Bhaibheri rinoratidza kuti mifananidzo inonyangadza kuna Jehovha Mwari uye haishandi mukubetsera vazvipiri vayo kuswedera pedyo zvikuru naMwari. (Dheuteronomio 7:25; Pisarema 115:4-8) Satani Dhiabhorosi “akapofumadza ndangariro” dzavanhu zvokuti zvokwadi haisati ichi“vhenekera.” (2 VaKorinte 4:4) Naizvozvo pakukudza mufananidzo, chaizvoizvo munhu ari kubatira fariro dzamadhemoni. (1 VaKorinte 10:19, 20)—2/15, mapeji 6-7.
▫ Neiko makwai airangarirwa kuva pfuma inokosha munguva dzeBhaibheri?
Mvere dzakanga dziri chinhu chinomutsidzirika uye dzaigona kushandiswa kugadzira zvipfeko zvemhuri kana kuti dzaigona kutengeswa. Nyanga dzamakondohwe dzaishandiswa kuratidzira Jubheri kana kuti dzaigona kushandiswa kuzivisa nyevero kana kuti kutungamirira zviito zvehondo. Sezvo makwai akanga ari dzimwe dzemhuka dzakachena idzo vaIsraeri vaigona kudya, boka ramakwai raivimbisa mugove wezvokudya, uye raigovera mugove wenguva dzose womukaka wokunwa kana kuti nokuda kwokugadzira chizi.—3/1, mapeji 24-5.
▫ Vadi vaMwari vari kukumbirei pavanonyengetera kuti Umambo hwaMwari huuye? (Mateo 6:10)
Vari kukumbira kuti Umambo hwaMwari hwokudenga huite chiito chakasimba kupfurikidza nokuparadza masangano ehurumende akaitwa navanhu, ayo akundikana kurarama mukuwirirana nechipikirwa chawo chokuunza rugare nechengeteko. (Dhanieri 2:44)—3/15, peji 6.
▫ Ndivanaani vaiva Vadziviriri Vedzidziso, uye vakadzidzisa Utatu here?
Vadziviriri Vedzidziso vaiva vanhu vechechi vakararama murutivi rwapashure rwezana rechipiri ramakore. Ivo vakanyora kuti vadzivirire chiKristu chavaiziva pauzivi hwakaipa hwakatekeshera munyika yeRoma. Hapana nomumwe wavo akadzidzisa Utatu.—4/1, mapeji 24-9.
▫ Zakaria, baba vaJohane Mubhapatidzi, akaitwa matsi nembeveve, sezvo Ruka 1:62 inoratidzika kuva inoratidzira here?
Gabrieri akataura kuti kutaura kwaZakaria kwaizotapurwa, kwete kunzwa kwake. (Ruka 1:18-20) Ruka 1:64 inoti: “Kamwe kamwe muromo wake [waZakaria] ukashamiswa, norurimi rwake rukasununguka, akataura.” Cherekedza, hapana kududzwa kunoitwa pano pamusoro pokunzwa kwake kuva kwakatapurwa munzira ipi neipi. Kududzwa kwe“zviratidzo” muna Ruka 1:62 kungareva kuti chiito chakati chakaitwa kuparira chisarudzo chaZakaria.—4/1, peji 31.