VaGibheoni—Vakatsvaka Rugare
GUTA riri pamusoro pegomo riri pamusoro apa rinoziviswa seriri panzvimbo apo Gibheoni yakare yaiva, makiromita gumi kuchamhembe kweJerusarema.
Iwe sezvingabvira unoziva kuti Gibheoni rakasvika pautanhamari nokukurumidza pashure pokunge Joshua atungamirira vaIsraeri kupinda muNyika Yakapikirwa ndokukunda Jeriko. VaKanani veGibheoni vakaziva kuti vaisagona kukunda Israeri, uyo sezviri pachena akanga ane tsigiro youmwari. Chii chinofanira kuitwa? Vachitendeukira kuujarijari, vaGibheoni vakatuma vamiriri vakanyepedzera savafambi vakabva kunyika iri kure. Iyi nhamburiko kurugare yakabudirira, nokuti Israeri akaita sungano navo. Apo ujarijari hwavo hwakaonekwa, vaGibheoni vakava vatezi vehuni navateki vemvura.
Mwari haafaniri kuva asina kufadzwa navanhu vakatsvaka rugare. Iye akatsigira dziviriro yaJoshua yavaGibheoni apo vakadenhwa namadzimambo mashanu. Jehovha akatoita nenji rokurebesa chiedza chezuva nokuda kwehondo iyoyo.—Joshua 9:3-27; 10:1-14.
Vacheri vakawana paichi chikomo gomba rakadzama, kana kuti dziva, rakacherwa mudombo rakasimba. VaGibheoni vaigona kudzikisa manera vachipinda imomu ndokuwana muimba yapasi pevhu. Irori ringagona kuva raiva “dziva reGibheoni” rinodudzwa pana 2 Samueri 2:13 here? Vacheri vamatongo vakawanawo makamuri akatemwa mubwe nezvinhu zvakawanda zvokugadzira waini. Hungu, kunoratidzika kuti Gibheoni yakanga iri nzvimbo yokuita waini.
Mukati menguva yaDhavhidhi tendi, kana kuti tabhernakeri, yaMwari wechokwadi yaiva muno. Mambo Soromoni akauya muno kuzopa zvibairo. Jehovha akaoneka kuna Soromoni muchiroto ndokumupikira “mwoyo wakangwara, unonzwisisa,” pamwe chete nepfuma. (1 Madzimambo 3:4-14; 2 Makoronike 1:3) Nyaya iri pamapeji 12-17 echinyorwa chino inoratidza kuti vazukuru vavanhu vaigara muno muGibheoni vakaropafadzwa zvikuru pakati porudzi rwaMwari panguva yapashure. Unoziva kuti sei here?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.