Kuronda Nharidzano Yakagadzwa Pamakore Matanhatu Ezera
YAKATAURWA NASANDRA COWAN
Vabereki vazhinji vanosarudzira vana vavo basa, zvakadai sokuimba kana kuti kutamba, uye vanovamba kuvarovedza pazera rapakuvamba zvikuru. Ikoku ndiko chaikoiko uko mai vangu vakandiitira. Kuvambira panguva ndaiva namavhiki maviri okukura, ndaiendeswa kumisangano yose yechiKristu ndokupinda muushumiri hwomumunda.
APO ndakanga ndava namakore mana, Amai vakafunga kuti ndakanga ndagadzirira kuparidzira ndiri ndoga zvangu. Ndinoyeuka zvakajeka kuedza kwangu kwokutanga. Takanga taenda nemotokari kuimba huru yapapurazi, uye apo Amai navamwe vakamirira mumotokari, ndakabuda ndokufamba ndichikwira kusuo. Mukadzi ane mutsa akateerera apo ndakamugovera mabhukwana gumi. Kuti aabhadhare, akandipa mutondoro mukuru wesipo. Kwakada maoko angu maviri kuubata. Ndakafadzwa!
Gore rimwe chetero, 1943, Watchtower Bible School of Gilead yakavhura masuo ayo nokuda kwokurovedza vashumiri mapiona venguva yakazara nokuda kwebasa roufundisi. Amai vakandikurudzira kuita basa roufundisi nharidzano yangu muupenyu. Hondo yeNyika II panguva iyoyo yakanga ichidya marasha muEurope, uye Amai vaindiudza pamusoro pavana vaduku Zvapupu muEurope avo vakatorwa kuvabereki vavo. Vaida kuti ndive akasimba zvakakwana kukunda rudzi rupi norupi rwomuedzo.
Muzhezha ra 1946, ndakabhapatidzwa pakokorodzano yamarudzi ose muCleveland, Ohio. Kunyange zvazvo ndaingova namakore matanhatu bedzi ezera, ndakanga ndakatsunga kuita tsauriro yangu kuna Jehovha. Zhezha iroro ndakabatira sapiona kwenguva yokutanga. Ndinoyeuka mamwe mangwanani ndichigovera magazini 40 kuvanhu vakanga vakagara paThe Plaza muSan Diego, California. Kuva muduku naanotaurisa kwaiva nezvokuita nako, ndine chokwadi.
Kazhinji kazhinji taiparidzira pedyo neBeth-Sarim, pakanga pari apo purezidhendi anorwara weWatch Tower Society, Hama Rutherford, akanga apedzera nguva dzechando pamberi porufu rwake muna 1942. Taishanya nguva dzose uye taiva nezvokudya navabatiri venguva yakazara ikoko. Shanyo dzinofadza dzakadaro dzakandiita kuti ndisarudze kuti urwu zvirokwazvo rwakanga rwuri rudzi rwoupenyu rwandaida. Ipapo ndakaita Gilead School nebasa roufundisi nharidzano yangu muupenyu.
Gore rakatevera racho vabereki vangu vakachatanurana, asi mugariro wemhuri wakachinja hauna kuderedza umudzimu hwedu. Amai vakanga vari piona uye vaiitira hanya zvikuru rovedzo iyo hanzvadzi yangu neni takagamuchira. Turera yedu duku yaiva mhenyu neshanyo dzehama nehanzvadzi dzechiKristu. Amai vaiita nhamburiko chaiyo yokusangana kwangu navakapedza kufunda kuGilead. Vakapedza kufunda vamwe vakadaro vakanga vari Lloyd naMelba Barry, avo vaishanya mubasa rokufambira apo vakanga vachimirira kuenda kumugove wavo wokumwe muJapan. Ivo vaiwana nguva yokundikurudzira—musikana muduku uyo aishuva kuva mufundisi—uye ikoko kwakandiorora chaizvoizvo.
Apo ndakanga ndava namakore gumi okukura, Amai vakaroorwa nechimwe Chapupu chinoshamisa icho chakanga chiriwo mushumiri piona. Iye akachengeta hanzvadzi yangu neni kwete bedzi papepa asiwo mumwoyo make. Rudo rwake nokuda kwaJehovha neshingairo nokuda kwebasa zvakanga zvichitapura zvikuru.
Amai naBaba vakashanda seboka kutungamirira vana tose tiri vaviri mumakore akaoma ouduku. Musha wedu wakanga uri nzvimbo yomudzimu yandinofunga nezvayo norudo. Kuti vapayone vachitambira mari shoma vachirera vana vaviri kwakanga kusiri nyore; kwakada kuzvinyima zvimwe zvinhu. Asi Amai naBaba vakatsamira pana Jehovha ndokuisa fariro dzoUmambo pakutanga.
Ndinosanoyeuka sei kokorodzano yamarudzi ose muNew York City muna 1950! Baba vakawana chikwereti kubhangi, uye takatora vatakurwi vatatu kubetsera nendyiko. Amai, Baba, hanzvadzi yangu, uye ini takagara pamwe chete pachigaro chemberi kubva kuSan Diego kuenda kuNew York, apo vamwe vakagara mushure. Nemhaka yokuti mushandirwi waBaba akaramba kuvapa rivhi ramavhiki maviri pabasa, kupinda kokorodzano iyoyo kwakavaparira kurasikirwa nebasa ravo. Asi sezvo Baba vakativimbisa, Jehovha aizogovera zvinodikanwa zvedu, uye Iye akadaro. Baba vakatengesa motokari kuti vabhadhare chikwereti chebhangi, uye ipapo vakawana basa riri nani. Ikoku nezvinoitika zvakafanana zvakabvumikisa kuva zvinokosha kwandiri makore akati gare gare apo murume wangu neni takatarisana nemigariro yakaoma.
Parwendo rwedu rwokudzokera tichibva New York, takashanyira Kingdom Farm, uko ndakaona Gilead School kwenguva yokutanga. Ndinoyeuka ndichimira muimwe yekamuri dzekirasi ndokuti kwandiri ndimene, ‘Handisati ndasvika chaizvo makore 11 okukura. Handisati ndichizotongouya muno. Armagedhoni ichatanga kuuya.’ Asi shanyo iyoyo yakandiita akatsunga zvikuru kupfuura nakare kose kuita Gilead nharidzano yangu.
Kushanda Ndakananga Kunharidzano Yangu
Zororo rezhezha riri rose muchikoro chose, kuvambira mugiredhi rokutanga zvichienda mberi, ndaipayona. Ipapo, mavhiki maviri pashure pokupedza kufunda pachikoro chapamusoro muna June 1957, ndakava piona wenguva dzose.
Musangano wekokorodzano yoruwa waavo vanofarira Gilead wakaitwa pakokorodzano yeLos Angeles muna 1957 wakanga uri chaiwo nokuda kwangu. Sezvo ndakanga ndichifamba ndichipinda mutende yomusangano iwoyo, ndakasangana naBill, imwe hama duku yandakanga ndaziva chifo chaapo ndakanga ndina makore matanhatu okukura. Kwegore rapfuura, akanga aenda kundobatira uko kushaiwa kwakanga kuri kukuru muLouisiana. Takashamiswa nokuwana kuti tose tiri vaviri taifarira zvikuru sei basa roufundisi. Mwedzi mitanhatu gare gare takasarudza kukuita basa redu tose. Takanyorera Sosaiti tichikumbira mugove uye mwedzi mumwe pamberi pomuchato wedu, takaugamuchira muRomney West Virginia.
Takaendako tichienda kukokorodzano yeNew York muna 1958. Tiri pakokorodzano iyoyo, takapinda musangano waavo vanofarira Gilead. Mazana akanga aripo. Tichitarira boka iroro, takanzwa kuti kariro dzedu dzokudanwa kuGilead dzakanga dziri duku zvamazvirokwazvo. Kunyanguvezvo, takapinza kumbiriso yokutanga, kunyange zvazvo takanga taroorana mavhiki 11 bedzi. Gore rakatevera racho pakokorodzano yoruwa muPhiladelphia, takapinza kumbiriso yechipiri.
Bill neni takadzidza muRomney kutsamira pana Jehovha kuti atibetsere mumigariro yakaoma. Romney rakanga riri taundi ravagari vanenge 2 000. Basa rakanga risingabviri kuwana. Taigara muturera yakagadzirwa pamba ina mamita mashanu yakagadzirwa nokuda kwomugariro wokunze weCalifornia. Takanga tisina mvura inouya nomupombi, tisina magetsi, uye tisina firiji. Mukati maitonhora kwazvo zvokuti taifanira kupunza aizi mubhakiti kuti tiwane mvura. Hama dzaitibetsera zvikuru sezvadzaigona, dzichigovera zvokudya zvadzakanga dzavhima. Taidya deer, raccoon, uye tsindi. Kanopfuura kamwe taifunga kuti hatisati taizova nechinhu chokudya nokuda kwezuva, uye ipapo apo taisvika pamba tichibva kubasa taiwana maapuro kana kuti chizi zvasiiwa pamberi pesuo redu.
Takaparapatika kwemwedzi mipfumbamwe tichirarama nemari shomanene kwazvo panguva nenguva. Pakupedzisira, takasarudza kuti kwaizova kuchenjera kutamira kuBaltimore, Maryland, uko Bill aigona kuwana basa. Apo takaudza hama nezvechisarudzo chedu, dzakachema uye isu takachema. Naizvozvo takasarudza kutsungirira kwenguva shomanene chete.
Pashure chaipo paikoko chimwe Chapupu icho chakanga chiri manija wesupamaketi muWesternport, Maryland, kure naanenge makiromita 60, chakapa Bill basa renguva isina kuzara. Mwedzi mumwe chetewo mumwe wavadzidzi vedu veBhaibheri akatipa imba duku yakaisvonaka ine fanicha ine chitofu chihombe chamarasha. Pakanga pari panguva iyoyo apo Maraki 3:10 akava rugwaro rwangu runodikanwa. Jehovha akanga adururira patiri chikomborero chinopfuura kariro dzedu.
Gilead Pakupedzisira!
Rimwe ramazuva anofadza zvikurusa oupenyu hwedu rakanga riri zuva, muna November 1959, apo takagamuchira kokero yedu yokuGilead. Takakokwa kukirasi yechi 35, yokupedzisira yakaitirwa paKingdom Farm. Apo ndakamira mukamuri rimwe chetero rekirasi randakanga ndashanyira somwana, ndakava nokunzwa kunodziya, kunofadza kusina mashoko anogona kurondedzera nenzira yakakodzera.
Gilead yakanga iri nzvimbo inofadza yomudzimu. Kwakanga kwakafanana nokugara munyika itsva kwemwedzi mishanu. Muupenyu hatiwanzomirira makore nokuda kwechimwe chinhu uye ipapo kuchiwana kuva chiri nani kupfuura zvatakanga takarira. Asi Gilead yakanga yakaita saizvozvo chaizvo.
Takagoverwa kuIndia, asi pakupedzisira takanyimwa mavhiza. Naizvozvo, pashure pegore rokumirira muNew York City, Watch Tower Society yakatigoverazve kuMorocco, North Africa.
Vafundisi muMorocco
Takapedza makore anofadza 24 muMorocco, tichidana navanhu nokukurumidza sezvo takasvika. Takadzidza zvose zviri zviviri chiFrench nechiSpanish, mitauro iyo yakatibetsera kukurukura namarudzi akawanda anogara imomo. Zvikurukuru vakanga vari avo vakanga vabva kune dzimwe nyika vakagamuchira shoko roUmambo.
Mumwe mukadzi wandakafunda naye Bhaibheri akanga ari mutambi weflamenco yeSpain uyo aishanda munzvimbo yokudyira munoimbwa nokutambwa muCasablanca. Pashure pokudzidza nheyo dzeBhaibheri, akasiya mwene wenzvimbo yokudyira munoimbwa nokutambwa waakanga achigara naye ndokudzokera kuSpain. Ikoko akapupurira kuvose vomumhuri yake, uye vamwe vavo vakagamuchira zvokwadi dzeBhaibheri dzaakagoverana navo. Pashure akadzokera kuCasablanca, uko iye akaramba akatendeka kuna Mwari kuzotosvikira parufu rwake muna 1990.
Makore edu mashomanene okutanga muMorocco akaona wedzero muchiverengero chavaparidzi voUmambo. Zvisinei, apo kwakava kwakaomera vokumwe kuwana basa nemvumo dzokugara, kwakanga kune kubuda kweZvapupu zvichienda kuEurope. Vamwe vaavo takafunda navo zvino vari muNew Zealand, Canada, United States, Bulgaria, Russia, uye France, uye vamwe vavo vanogoverana muushumiri hwenguva yakazara.
Kamwe kamwe, muna April 1973 basa redu rokuparidzira muMorocco rakarambidzwa. Ikoko kwakanga kuri ngwavaira yakadini! PaChina madekwana, takanga tave tiri boka rinofara paHoro yoUmambo, tichitaura kutozosvikira magetsi adzimwa kuita kuti tizive kuti yakanga yava nguva yokuenda kumba. Taisaziva kuti taisazotongoona zvakare magetsi iwayo achipenya paushamwaridzani hwapachena hwechiKristu. Mumigariro yokurambidzwa, misangano yedu namagungano edunhu zvaiganhurirwa kumapoka maduku mudzimba dzavanhu. Kuti zvipinde kokorodzano dzoruwa, Zvapupu zvaifamba kuenda kuFrance kana kuti zvimwe kuSpain.
Sezvo zviverengero zvedu zvakaderera, Zvapupu zvishomanene zvakasara muMorocco zvakava zvakabatanidzwa zvikuru nomumwe nomumwe. Naizvozvo apo Watch Tower Society pakupedzisira yakasarudza kuvhara bazu nokutigovera kune imwe nzvimbo, tose zvedu takaburitsa misodzi yakawanda.
KuCentral Africa
Mugove wedu mutsva wakanga uri Central African Republic. Ichinjo hombe yakadini kubva kuNorth Africa! Nepo Morocco yaiva nomugariro wokunze wakafanana zvikuru neCalifornia yokumaodzanyemba, isu zvino takazviwana timene tiri munzvimbo dzapasi dzinopisa, dzakatota.
Maiva nezvinetso zvitsva zvokutarisana nazvo. Somuenzaniso, zvino ndaifanira kudzora kutya kwangu magurwe. Panhambo nhatu gwenjere rakawira pamusoro pangu sezvandaifamba ndichipinda pasuo. Pane dzimwe nguva, ndichiitisa fundo yeBhaibheri, gonzo raisarudza kutikumbanira! Kunyange zvazvo ndaida kusvetuka ndokumhanya, ndakadzidza kuzvidzora ndimene, ndisati ndichitongobvisa meso angu pana VaGonzo nokuchengeta bhegi rangu ramabhuku netsoka zvisiri pauriri kutozosvikira vasarudza kuenda. Ndakawana kuti unogona kujaira chinhu chipi nechipi kana chete ukaomerera pachiri.
Apo takanga tavako mwedzi mitanhatu, chiziviso chakaitwa munhepfenyuro chokuti basa redu rakanga rarambidzwa. Naizvozvo Horo dzedu dzoUmambo dzakapfigwa, uye vafundisi vakakumbirwa kuenda. Isu bedzi navamwe varoorani takakwanisa kupfuurira kugara pabazu kwamamwe makore matatu. Ipapo rimwe Svondo mangwanani mukati meFundo yedu yeNharireyomurindi, mapurisa akashongedzwa nezvombo akauya ndokutiendesa kudzimbahwe ramapurisa. Ivo vakasunungura vakadzi navana, asi vakachengeta hama 23, kubatanidza murume wangu, Bill. Pashure pamazuva matanhatu vakamusunungura kuti aende kumba ndokurongedza; mazuva matatu gare gare, nomurairo wehurumende, takabva munyika macho, muna May 1989. Kwakanga kuri kumwe kuenda kwokuchema panomhara ndege, apo dzakawanda dzehama dzedu dzine rudo dzakauya kuzotioneka.
Pakupedzisira, kuSierra Leone
Mugove wedu wazvino iSierra Leone, West Africa, nyika yakaisvonaka ine mhenderekedzo dzegungwa dzakaisvonaka, dzine majecha machena. Vanhu vane ushamwari zvikuru, uye ushumiri hwomumunda hunofadza. Tinokumbirwa kugara pasi paimba iri yose, kazhinji kazhinji mumumvuri womumango kana kuti mucoconut. Vanhu vanoda kutaura pamusoro paMwari ndokuwana kopi yavo vamene yeBhaibheri kuti vatevere.
Tose tiri vaviri Bill neni tinoshanda paMusha weBheteri weFreetown. Ndinobatira somugamuchiri wavaenzi uyewo ndinotarisira kuzvinyoresa namaakaundi eungano. Pashure pamakore 16 okubatira munyika umo basa redu rokuparidzira rakarambidzwa, kunoshamisa kuva munyika umo basa rakasununguka uye riri kubudirira.
Ndakapedza makore 30 ebasa roufundisi muna June 1991. Zvirokwazvo, Amai vakagadza pamberi pangu nharidzano yakafanira! Kudai vachiri vapenyu, ndingada kuvaudza zvakare kuti, “Ndinokuongai, Amai!” Nomufaro, ndinongogona kuti, “Ndinokuongai, Baba!”
[Mufananidzo uri papeji 28]
Kokorodzano yeNew York, 1958
[Mufananidzo uri papeji 29]
35th class—July, 1960
[Mufananidzo uri papeji 30]
Bill naSandra Cowan, 1991