Zviono zvomuNyika Yakapikirwa
Shanyira Nyika, Shanyira Makwai!
ZVIURU zvamaKristu zvakashanyira Nyika Yakapikirwa, zvichifunga kuti kuona nzvimbo uko zvinoitika zvakaitika kwaizozvibetsera kunzwisisa Bhaibheri, kuriita rine revo zvikuru. Uye kwakadaro.
Kana wakashanyira chaizvoizvo kana kuti wakashanyira mundangariro kupfurikidza nokufunda mabhuku nenyaya pamusoro penyika yacho, zvakadiniko nokushanyira makwai? ‘Makwai ane chii chokuita neNyika Yakapikirwa?’ ungashamisika. Zvomenemene, makwai akanga ari zvikuru kwazvo rutivi rwoupenyu munguva dzeBhaibheri zvokuti shanyo kuNyika Yakapikirwa, chaizvoizvo, haina kukwana pasina kubatanidza makwai.
Mapikicha aunoona pano anogona kuva rutivi rweshanyo yako, sezvo makwai angaonwa muruwa rwacho nhasi akafanana zvikuru nayo aizivikanwa navose mukati menhambo yeBhaibheri.a Muswe wawo wakafara unorema namafuta. (Revhitiko 7:3; 9:19) Makushe makobvu kazhinji kazhinji machena. Asi yeuka kuti boka guru ramakwai raJakobho raibatanidza “makwai ane mavara nezvine makwapa, . . . namatema pakati pamakwai.”—Genesi 30:32.
Nhauro imwe cheteyi inoratidzira kuti munhu ane boka guru ramakwai airangarirwa kuva akapfuma. (Genesi 30:43) Tinorava nezvaJobho, kuti: “Pfuma yake yakasvika makwai ane zviuru zvinomwe, namakamera ane zviuru zvitatu, nemombe dzingaringana majoko ana mazana mashanu, namakadzi embongoro ana mazana mashanu . . . naizvozvo munhu uyu akanga ari mukuru pakati pavana vamabvazuva.” (Jobho 1:3; 42:12) Kana kuti yeuka kuti Nabhari aiva namakwai 3 000 nembudzi 1 000. Chii chaunofunga kuti mugariro wake nepesvedzero zvakanga zvakaita muzuva raDhavhidhi? (1 Samueri 25:2) Asi chaizvoizvo nei boka guru ramakwai aiumba pfuma huru?
Kwakanga kuri nemhaka yokuti makwai aigovera mufudzi wawo kana kuti mwene zvinhu zvinokosha. Makushe amene akanga ari pfuma inomutsidzirika. Zvirevo 31:13, 21, 22 inotibetsera kuona kuti mudzimai akachenjera, anobishaira aigona sei kushandisa zvakadaro kuita zvipfeko zvemhuri yake kana kuti nguvo idzo dzaigona kutengeswa. (Jobho 31:20) Makushe akanga ari chinotengeswa chinokosha. Ikoko kunoratidzirwa mutsinhiro yokuti mambo weMoabhi “wakanga ari mwene wamakwai, waipa mambo waIsraeri makushe amakwaiana ane zviuru zvine zana namakondohwe [asina kupfurwa] ane zviuru zvine zana.” (2 Madzimambo 3:4) Hungu, akanga ari makwai “asina kupfurwa; makushe awo akawanda akawedzera kukukosha kwawo.
Gwaianarume, makondohwe, aigona kuva nenyanga dzinoorora, zvakadai somupikicha iri kurudyi. Ko ikoku kunokuyeuchidza here kuti nyanga yegondohwe yaishandiswa kuzivisa Jubheri? (Revhitiko 25:8-10) Nyanga dzine mwena dzakafanana dzaishandiswa mukuzivisa zviratidzo zvenyevero kana kuti kutungamirira zviito zvehondo.—Vatongi 6:34; 7:18, 19; Joere 2:1.
Nenzira inonzwisisika, kudai iwe waiva neboka ramakwai, waivimbiswa zvokudya nemhaka yokuti makwai akanga ari pakati pemhuka dzakachena idzo vaIsraeri vaigona kudya. (Dheuteronomio 14:4) Nyama (nyama yegwaiana) yaigona kubikwa kana kuti kugochwa. Gwaiana rakagochwa rakanga riri chinhu chikuru muPaseka yegore negore. (Eksodho 12:3-9) Makwai akanga ariwo manyuko enguva dzose omukaka, waishandiswa nokuda kwokunwa uye nokuda kwokugadzira chizi.—1 Samueri 17:17, 18; Jobho 10:10; Isaya 7:21, 22.
Hapana shanyo kumakwai ingava yakakwana pasina kucherekedza chisungo chapedyo pakati peboka nomufudzi waro. Mufudzi akatendeka aitarisira makwai ake. Sezvakadudza Jesu, iwo aiziva inzwi romufudzi wawo ndokupindura apo aiadana nezita. (Johane 10:3, 4) Kana rimwe rakanga risipo, mufudzi anongwarira airitsvaka. Pakuwana gwai rakarasika, iye angariisa pamafudzi ake ndoritakura achidzokera kuboka.—Ruka 15:4, 5.
Dhavhidhi akashandisa chinoitika chake chomunhu oga neboka apo akazvifananidza amene negwai rina Jehovha soMufudzi waro. Dhavhidhi akadzivirirwa, sezvo makwai aidzivirirwa pamhuka dzinodenha. Makwai aigona kutevera nhungamiro dzomufudzi wawo anoitira hanya. Kana akakuvara, airapa maronda awo, zvichida namafuta anonyaradza. Musiano wakadini nezviito zvoudyire zvavatungamiriri vaIsraeri, zvinorondedzerwa pana Ezekieri 34:3-8!
Bhaibheri rine nongedzero dzakawanda dzouporofita nedzokufananidzira kumakwai. Naizvozvo kushanyira kwako, kurovedzana namakwai eNyika Yakapikirwa kunogona kudzamisa nzwisiso yako yamashoko akadai se“boka duku,” “Gwaiana raMwari,” uye “mamwe makwai.”—Ruka 12:32; Johane 1:36; 10:16.
[Mashoko Omuzasi]
a Pikicha iri pamusoro apa yamakwai ari murenje reJudhea inogona kufundwa mu 1992 Karenda reZvapupu zvaJehovha.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 24]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 25]
Garo Nalbandian