Mibvunzo Inobva Kuvaravi
VaHebheru 9:16 inotaura kuti muiti wesungano anofanira kufa kuti sungano isimbe. Asi Mwari akaita sungano itsva, uye iye haana kufa. Naizvozvo tinogona sei kunzwisisa iyi ndima?
Tinorava pana VaHebheru 9:15-17, kuti: “Nemhaka iyo, iye [Kristu], murevereri wesungano itsva, kuti, rufu zvarwakasvika kuzodzikinura avo vakadarika pasungano yokutanga, vakadanwa vagopiwa chipikirwa chenhaka isingaperi. [Nokuti apo pane sungano, rufu rwomuiti wesungano [wohunhu] runofanira kugoverwa, NW]. Nokuti [sungano, NW] ine simba kana vanhu vafa; nokuti haitongovi nesimba kana wakaiita [wohunhu] achiri mupenyu.”a
Jehovha ndiye Muiti chaiyeiye wesungano itsva. Pana Jeremia 31:31-34, Mwari akadeya kutaura zvakananga kuti iye amene aizoita sungano itsva navanhu vake. Muapostora Pauro anonokora mashoko urwu rugwaro pana VaHebheru 8:8-13, iyo inoratidza kuti Pauro akanzwisisa kuti, chaizvoizvo, Mwari akatanga iyi sungano youmwari.
Zvisinei, muna VaHebheru ganhuro 9, Pauro akapfuurira kubata namabasa akasiana-siana ayo Jesu akaita pamusoro pesungano itsva. Kristu akauya soMuprista Mukuru weiyi sungano. Muno mumwe murangariro, Jesu akanga ari chibairo chesungano itsva; “ropa raKristu” bedzi rinogona “kuchenesa hana dzedu pamabasa akafa.” Kristu akanga ariwo Murevereri weiyi sungano, kunyange sezvo Mosesi akanga ave ari murevereri wesungano yoMutemo.—VaHebheru 9:11-15.
Pauro akadudza kuti rufu rwaidikanwa kusimbisa sungano pakati paMwari navanhu. Sungano yoMutemo muenzaniso. Mosesi akanga ari murevereri wayo, uyo aizoparira ichi chibvumirano pakati paMwari naIsraeri wokunyama. Mosesi nokudaro akaita rutivi runokosha uye akanga ari munhu uyo akabata navaIsraeri apo vakanga vachipinda musungano yacho. Mosesi nokudaro aigona kurangarirwa somuiti wohunhu wesungano yoMutemo iyo yakabva kuna Jehovha. Asi Mosesi aifanira kudeura ropa rake roupenyu kuti sungano yoMutemo ishande here? Aiwa. Panzvimbo pezvo mhuka dzaibairwa, ropa radzo richitsiva ropa raMosesi.—VaHebheru 9:18-22.
Zvakadiniko nesungano itsva pakati paJehovha norudzi rwaIsraeri womudzimu? Jesu Kristu akanga ane nzvimbo ine mbiri yokuva munyai, Murevereri pakati paJehovha naIsraeri womudzimu. Kunyange zvazvo Jehovha akatanga iyi sungano, yakanga yakatsamira pana Jesu Kristu. Kunze kwokuva Murevereri wayo, Jesu akanga ava nokubata kwakananga munyama naavo vaizotanga kupinzwa muiyi sungano. (Ruka 22:20, 28, 29) Uyezve, akakwaniriswa kugovera chibairo chaidikanwa kusimbisa sungano yacho. Ichi chibairo chakanga chisiri chemhukawo zvadzo asi choupenyu hwakakwana hwohunhu. Naizvozvo Pauro aigona kunongedzera kuna Kristu somuiti wohunhu wesungano itsva. Pashure pokunge “Kristu apinda . . . mudenga mumene, zvino kuzooneka pamberi paMwari nokuda kwedu,” sungano itsva yakasimbiswa.—VaHebheru 9:12-14, 24.
Mukutaura nezvaMosesi naJesu savaiti vesungano vohunhu, Pauro akanga asiri kukarakadza kuti mumwe nomumwe wavo akanga atanga sungano dzakatsaukana, idzo chaizvoizvo dzakaitwa naMwari. Panzvimbo pezvo, vanhu vaviri ivavo vakabatanidzwa zvikuru savarevereri mukuparira sungano dzakatsaukana. Uye muchinoitika chimwe nechimwe, rufu rwaidikanwa—mhuka dzaitsiva Mosesi, uye Jesu achipa ropa rake amene roupenyu nokuda kwaavo vari musungano itsva.
[Mashoko Omuzasi]
a Mashoko maviri echiGiriki anoshandiswa pano nokuda kwo“muiti wesungano” anoshandurwa chaizvoizvo kuti “rwo(uyo) anenge azviitira amene sungano” kana kuti “rwo[uyo] anoita sungano.”—The Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., neThe Interlinear Greek-English New Testament, rakanyorwa naDr. Alfred Marshall.