Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Tinofanira kugumisa here kubva muna Mateo 11:11 kuti Jesu aiziva pachine nguva mberi kuti Johane Mubhapatidzi aizofa pamberi paJesu?
Hungu, Jesu sezviri pachena aiziva kuti Johane haasati aizopona kuti ave muKristu akazodzwa, nokuti Jesu akatsinhira, kuti “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kune vakaberekwa navakadzi, hakuna kumuka mukuru kuna Johane Mubhapatidzi; asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari.”—Mateo 11:11.
Apo ngirozi Gabrieri yakazivisa kuberekwa kunouya kwaJohane, yakadeya kutaura kuti Johane, “nomudzimu waEria nesimba, . . . [aizo]gadzirira nokuda kwaJehovha vanhu vakagadzirirwa.” Johane aifanira kuva mutangiri, achigadzirira vanhu nokuda kwaMesia waJehovha. Asi hapana chinhu muchiziviso ichocho choumwari chakaratidzira kuti Johane amene aizova mudzidzi waMesia anouya, uyewo pakanga pasina chikarakadzo chipi nechipi chaikoko mukutaura kwouporofita kwakaitwa nababa vaJohane, Zakaria.—Ruka 1:17, 67-79, NW.
Nokudaro, pashure pokubhapatidza Jesu, Johane akapfuurira kuparidzira nokubhapatidza, achinamatira kumugove wake wokugadzirira vanhu. Johane nenzira yenenji akaziva kuti Jesu aizogovera rubhapatidzo nomudzimu mutsvene, asi Johane haana kutaura kuti iye amene aizogamuchira mudzimu mutsvene, achiva muKristu akazodzwa. (Mateo 3:11) Johane akazivawo kuti aizopfuurira kuderera, apo Jesu aizopfuurira kuwedzera.—Johane 3:22-30.
Apo Jesu akataura izvo tinorava pana Mateo 11:11, Johane akanga atopinzwa mutorongo. Jesu akakuzivisa pachine nguva mberi kuti uyu muporofita akapinzwa mutorongo aiva muduku kupfuura muduku uyo munguva yemberi aizobatira samambo muprista mumatenga. Bva, Jesu anoratidzikawo kuva akaziva kuti Johane aizokurumidza kufa, achibva pachiono chapasi nzira “itsva” yokuupenyu hwokudenga isati yazarurwa. (VaHebheru 10:19, 20) Ikoko kwakareva kuti Johane haasati aizopona kutozosvikira paPentekosta 33 N.V., apo kuzodzwa kwavadzidzi vaJesu nomudzimu kwakavamba. Nokudaro, tsinhiro yaJesu iri pana Mateo 11:11 inogona kurangarirwawo kuva chiratidzo chokuti iye aiziva kuti Johane haasati aizoenda kudenga.