Akanga Ari Mutangiri waMesiya
BHANHIRE reganda rakafara rakatanhamarisa ganda rake rakatsva nezuva. Akapfeka nguvo yemvere dzekamera, zvirokwazvo aitarisika somuporofita. Vakawanda vakakweverwa kwaari parwizi rweJoridhani. Ikoko uyu murume anokwezva akazivisa nenzira youshingi kuti akanga akagadzirira kubhapatidza vatadzi vanopfidza.
Vanhu vakakatyamadzwa! Uyu murume akanga ari ani? Chii chakanga chiri chinangwa chake?
Jesu Kristu akati nezvouyu munhu: “Makanga mabudireiko? Kuzoona muporofita here? Hon’o, ndinoti kwamuri, unopfuura kwazvo muporofita. . . . Kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna kumuka mukuru kuna Johane Mubhapatidzi.” (Mateo 11:9-11) Neiko Johane akanga ari murume wechienzi akadaro? Nemhaka yokuti akanga ari mutangiri waMesiya.
Basa Rake Rakafanotaurwa
Makore anopfuura 700 Johane asati aberekwa, Jehovha akazivisa kuti iyeyu aizova achidanidzira murenje, kuti: “Gadzirai murenje nzira yaJehovha, ruramisirai Mwari wedu mugwagwa musango.” (Isaya 40:3; Mateo 3:3) Makore anopfuura 400 Johane asati aberekwa, Mwari Wamasimba ose akazivisa, kuti: “Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria, zuva iro guru raJehovha, rinotyisa, risati rasvika.” (Maraki 4:5) Kuti Johane Mubhapatidzi akaberekwa mwedzi inenge mitanhatu Jesu asati yakanga isati iri tsaonawo zvayo, uyewo hakuna kungoitika bedzi nemiitiro yomusikirwo. Kufanana nokuberekwa kwomwana akapikirwa Isaka, kuberekwa kwaJohane kwakanga kuri chishamiso, nokuti vabereki vake vose vari vaviri, Zekaria naErisabhete, vakanga vapfuura zera romuzvarirwo rokubereka vana.—Ruka 1:18.
Kunyange Johane asati anambwa, kutumwa kwake, basa, uye mararamire zvakaziviswa nengirozi Gabrieri. Aine simba raEria nomudzimu, Johane aizodzorera vasingateereri kubva munzira yorufu uye aizovagadzirira kugamuchira Jesu saMesiya. Kubvira pakuberekwa, Johane akanga achizova muNaziri, akatsaurirwa zvizere kuna Mwari, uye akanga asingafaniri kubata waini kana kuti chinwiwa chinodhaka. Zvirokwazvo, chokudya chake murenje chaiumbwa ne“mhashu nouchi hwesango.” (Marko 1:6; Numeri 6:2, 3; Ruka 1:13-17) Kufanana naSamueri, kubvira pauhwana Johane akatsaurwa nokuda kwebasa rine mbiri raMwari Wokumusoro-soro.—1 Samueri 1:11, 24-28.
Kunyange zita rokuti Johane rakasarudzwa naMwari. Zita rechiHebheru rinoshandurwa kuti “Johane” rinoreva kuti “Jehovha Aratidza Nyasha;” “Jehovha Ave Ane Nyasha.”
Apo mwana akadzingiswa pazuva rechisere, baba vake, Zekaria, vakafuridzirwa nenzira youmwari kuzivisa, kuti: “Iwe, mwana, uchanzi muporofita woWokumusoro-soro, nokuti iwe uchatungamira pamberi paShe, kumugadzirira nzira dzake; kuzivisa vanhu vake nzira yokuponeswa nayo, vachikanganwirwa zvivi zvavo, nomwoyo munyoro waMwari wedu, uchatishanyira namambakwedza okudenga.” (Ruka 1:76-78) Ushumiri hwapachena hwaJohane hwakanga huchizova hwoukoshi hukuru muupenyu hwake. Zvichienzaniswa nahwo, zvimwe zvinhu zvose zvakanga zvisingakoshi. Nokudaro, Magwaro anofukidza makore 30 okutanga oupenyu hwaJohane mundima imwe, kuti: “Mwana akakura, akasimba mumweya, akagara mumarenje, kusvikira zuva rokuratidzwa kwake kuvaIsraeri.”—Ruka 1:80.
Inzwi Murenje
Mugore rechi 15 rokutonga kwaTibherio Kesari, apo Pontio Pirato akanga ari gavhuna weJudhea, Johane Mubhapatidzi akaoneka murenje neiri shoko rinokatyamadza, rinoti: “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.” (Mateo 3:2; Marko 1:4; Ruka 3:1, 2) Vanhu vomunharaunda yose vakanyandurwa. Ziviso youshingi iyoyo yakaorora mwoyo yavanhu vaipanga tariro yechokwadi. Chiziviso chaJohane chakadenhawo kuzvininipisa kwomunhu nemhaka yokuti chairayira rupfidzo rwomwoyo wose. Uchokwadi hwake nokupwiswa zvakanyandura vazhinji-zhinji vavanhu vakatendeseka navapachokwadi kumurangarira somunhu akatumwa naMwari.
Mbiri yaJohane yakapararira sokubuda kwezuva idzva. Somuporofita waJehovha, iye akazivikanwa nenzira iri nyore kupfurikidza nomupfekero wake uye kuzvipira. (Marko 1:6) Kunyange vaprista navaRevhi vakafamba kubva Jerusarema kuti vawane chakanga chichinyandura fariro yose iyoyi. Kupfidza? Neiko, uye chii? Uyu murume akanga ari ani? Vaida kuziva. Johane akatsanangura, kuti: “Handizi Kristu. Vakamubvunza, vachiti: Asi kudiniko? Ndiwe Eria here? Akati: Handizi iye. Ko uri uya muporofita here? Akapindura, akati: Kwete. Zvino vakati kwaari: Ndiwe aniko? Tigondopindura vakatituma. Unozviti aniko? Akati: Ndini inzwi rounodana murenje, richiti: Ruramisai nzira yaShe; sezvakarehwa nomuporofita Isaya. Ava vakanga vatumwa vaiva vavaFarise. Vakamubvunza, vakati kwaari: Kana usi Kristu, kana Eria, kana muporofita uya, unogobhapatidzireiko?”—Johane 1:20-25.
Rupfidzo norubhapatidzo zvakanga zviri nhano dziri madikanwa nokuda kwaavo vaizopinda muUmambo. Naizvozvo, Johane akapindura, kuti: ‘Ndinobhapatidza vatadzi vanopfidza nemvura, asi mushure mangu mumwe munhu akasimba zvikuru achakubhapatidzai nomudzimu mutsvene uye nomwoto. Chokwadi, handina kunyange kukodzera kusunungura shangu dzake. Uye ngwarirai! Iye akatakura rusero muruoko rwake uye achaunganidza gorosi mudura rake asi achapisa nokuparadza hundi.’ (Ruka 3:15-17; Mabasa 1:5) Zvirokwazvo, mudzimu mutsvene waizopiwa vateveri vaMesiya, asi vavengi vake vaizowana mwoto woruparadziko.
“Vose” Vanonyeverwa
VaJudha vane mwoyo wakatendeseka vakawanda vakaororwa zvikuru namashoko aJohane uye vakareurura pachena zvivi zvavo zvokusatendeseka kusungano yoMutemo. Vakaratidzira pachena rupfidzo rwavo kupfurikidza nokubvumira Johane kuvabhapatidza muRwizi rweJoridhani. (Mateo 3:5, 6) Somugumisiro, mwoyo yavo yakanga iri mumamiriro akanaka kuti igamuchire Mesiya. Achipedza nyota yavo yezivo yezvinodikanwa zvakarurama zvaMwari, Johane nomufaro akavarayiridza savadzidzi vake, kunyange kuvadzidzisa nzira yokunyengetera nayo.—Ruka 11:1.
Pamusoro pouyu mutangiri waMesiya, muapostora Johane akanyora, kuti: “Iye wakauya kuzopupura, kuti apupurire chiedza, kuti vose vatende naye.” (Johane 1:7) Naizvozvo vanhu vamarudzi ose vakauya kuzonzwa Johane Mubhapatidzi sezvo ai“paridzira vanhu vaIsraeri rubhapatidzo rwokutendeuka.” (Mabasa 13:24) Akanyevera vateresi pamusoro pokutendeukira kuugororo. Akanyevera varwi pamusoro pokunetsa munhu upi noupi kana kuti kuita pomero dzenhema. Uye akaudza vaFarise navaSadhuse vorudzidziso, vanonyengera, kuti: “Vana venyoka, ndianiko wakakunyeverai kuti mutize kutsamwa kunouya? Naizvozvo berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka. Musafunga kutaura mumwoyo menyu, muchiti: Abrahama ndibaba vedu; nokuti ndinoti kwamuri, Mwari ungamutsira Abrahama vana pamabwe awa.”—Mateo 3:7-9; Ruka 3:7-14.
Seboka, vatungamiriri vorudzidziso vezuva raJohane vakaramba kumudavira ndokumupomera zvenhema kuva ane dhemoni. Vakaramba nzira yokururama inotungamirira kuupenyu husingagumi. Pane rumwe rutivi, vateresi vanotadza nemhombwe avo vakadavira chipupuriro chaJohane vakapfidza uye vakabhapatidzwa. Munguva yakafanira, vakagamuchira Jesu Kristu saMesiya.—Mateo 21:25-32; Ruka 7:31-33.
Mesiya Anosumwa
Kwemwedzi mitanhatu—kubvira muchirimo kusvikira kuchirimo cha 29 C.E.—chapupu chakatendeka chaMwari Johane chakanangidzira ngwariro yavaJudha kuna Mesiya anouya. Yakanga iri nguva yokuti Mambo wouMesiya aoneke. Asi apo akadaro, akaburukira kumvura dzimwe chetedzo dzeJoridhani ndokukumbira kubhapatidzwa. Pakutanga Johane akaramba, asi ipapo akabvuma. Fungidzira mufaro wake apo mudzimu mutsvene wakaburuka pana Jesu uye inzwi raJehovha rakanzwika richitaura kutendera Mwanakomana Wake.—Mateo 3:13-17; Marko 1:9-11.
Johane akanga ari wokutanga kuziva Jesu saMesiya, uye iye akasuma vadzidzi vake amene kuuyu Muzodziwa. “Tarirai,” akadaro Johane, “Gwayana raMwari, rinobvisa zvivi zvenyika.” Akazivisawo, kuti: “Ndiye wandaireva, ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakavapo mberi kwangu, nokuti wakanditangira. Neni ndakanga ndisingamuzivi; asi ndizvo zvandakauyira, ndichibhapatidza nemvura, kuti aoneswe kuvaIsraeri.”—Johane 1:29-37.
Basa raJohane rakapfuurira rakaenzana noushumiri hwaJesu kwemwedzi inenge mitanhatu. Mumwe nomumwe wavo ainzwisisa basa iro mumwe akanga achiita. Johane aizvirangarira amene seshamwari yeChikomba uye akafara kuona Kristu achiwedzera apo iye akaderera nebasa rake.—Johane 3:22-30.
Jesu akazivisa Johane somutangiri wake, aifananidzirwa naEria. (Mateo 11:12-15; 17:12) Pane imwe nhambo, Jesu akati: “Murayiro navaporofita zvakanga zviripo kusvikira kuna Johane; kubva panguva iyo ushe hwaMwari hunoparidzwa, mumwe nomumwe unopinda mahuri nesimba.”—Ruka 16:16.
Akatendeka Kusvikira Kumugumo
Johane akasungwa ndokuiswa mutorongo nemhaka yokuti akazivisa zvokwadi nenzira youshingi. Haana kunzvenga basa rake rokufumura kunyange chivi chaMambo Herodhe. Mukuputswa kwomutemo waMwari, mambo iyeyo akanga ari kurarama muupombwe nomudzimai womunun’una wake amene, Herodhiasi. Johane akataura noushingi kuti murume wacho agopfidza ndokuwana ngoni dzaMwari.
Johane akanga ari muenzaniso wakadini wokutenda norudo! Pakurasikirwa norusununguko rwake rwomunhu oga, iye akabvumikisa kutendeka kwake kuna Jehovha Mwari norudo rwake nokuda kwavanhu biyake. Pashure pokuiswa mutorongo kwegore, Johane akagurwa musoro somugumisiro wezano rakafuridzirwa naDhiyabhorosi rakarongwa naHerodhiasi akaipa, uyo akanga “achichengeta mafi” pamusoro pake. (Marko 6:16-19, NW; Mateo 14:3-12) Asi mutangiri waMesiya akachengeta kuperera kwake kuna Jehovha uye nokukurumidza achamutswa kubva muvakafa kuti afarikanye upenyu munyika itsva yaMwari yokururama.—Johane 5:28, 29; 2 Petro 3:13.