RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 2/15 pp. 21-25
  • Zviwi zveIndian Ocean Zvinonzwa Mashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviwi zveIndian Ocean Zvinonzwa Mashoko Akanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Kumira Kwokutanga—Rodrigues
  • Seychelles Dziri Kure
  • Kudzokera kuRéunion
  • Mayotte—Perfume Island
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 2/15 pp. 21-25

Zviwi zveIndian Ocean Zvinonzwa Mashoko Akanaka

ZVAKARONGWA muchikamu chedenderedzwa kana toreva nezveMadagascar uye zvakapararira kwaanopfuura makiromita akaenzana kumativi mana ane mamirioni 3,9 zveIndian Ocean yokumadokero zviwi zveRodrigues, Mauritius, Réunion, Seychelles, Mayotte, uye Comoros. Kunyange zvazvo zvichifukidza nzvimbo yakakura yakadaro, izvi zviwi zvinoita hwerengedzo yamakiromita akaenzana kumativi mana anenge 7 300 bedzi munharaunda yenyika. Nechiverengero chavagari vemo chamamirioni 2,3, izvo zviri pakati pezviwi zvakagarwa navanhu vakawanda zvikurusa munyika.

Ichi chiverengero chavagari vemo chinobatanidza Zvapupu zvaJehovha zvinenge 2 900, izvo zvinoshanda nokushingaira kuparidzira mashoko akanaka oUmambo hwaMwari kuvagari vapazviwi. Zvazviri zvoga, izvi Zvapupu zvinoonga zvikuru shanyo dzinoitwa navatariri vanofambira namagungano egore negore anorongwa nehofisi yebazu yeWatch Tower Society muVacoas, Mauritius. Idzi inguva apo izvo zvinogona kufarira zvirokwazvo revo yamashoko aIsaya 42:10, anoti: “Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubvira pamigumo yenyika; imi, munoburukira kugungwa, nezvose zviri mukati maro, zviwi navagere pazviri.”

Misi ichangobva kupfuura iyi, vamiriri vakabva hofisi yebazu vakafamba vachienda kuzviwi kushanyira ungano nokuva nenhevedzano yegore negore yemagungano chaiwo ezuva rimwe, ayo aisimbisa musoro unoti “Ivai Vatsvene Mumufambiro Wenyu Wose,” wakavakirwa pana 1 Petro 1:15. Kufukidza nzvimbo huru yegungwa, kufamba zvikurukuru kwaiva kupfurikidza nomumhepo—pane dzimwe nguva mumajumbo jeti azvino uno asi kazhinji kazhinji mundege duku zvikuru inofambiswa nepropeller. Maschooner anofamba mugungwa namabrig maduku zvakashandiswawo. Hendei tose, muone kuti zviwi zviri muIndian Ocean iri kure zviri kunzwa sei mashoko akanaka!

Kumira Kwokutanga—Rodrigues

Pashure pokubhururuka awa imwe nehafu kubva Mauritius, tinoona coral reef. Iyo inoratidzira mucheto wokunze wemvura yakawanda isina kudzama yakaparadzaniswa negungwa nejecha yakakomba nyika duku muIndian Ocean. Uku ndiko kumira kwedu kwokutanga, chiwi cheRodrigues.

Panomhara ndege pakavakwa pacoral inobva panyika, inonzi Point Coraille. Muiyi nharaunda coral yakakura kwazvo zvokuti inogona kuchekwa nesaha kuva zvidimbu zvokushandisa mukuvaka zvivako. Bhazi duku rinotikwidza nomugwagwa wakatetepa, unomonereka uchibva panomhara ndege kuenda kutaundi guru rePort Mathurin. Pane imwe nzvimbo, tinogona kuona mhiri chaiko kwechiwi kusvikira kumacoral reef ari kure, lagoon yebhuruu, uye mhenderekedzo yegungwa ine mabwe. Sezvo mwaka wemvura uchangobva kuguma, mativi egomo akafukidzwa nouswa hwakashata hwakapfava, uye kune mombe, makwai, uye mbudzi zvinofura.

Horo yoUmambo duku, yakatsvinda iri pakati pePort Mathurin inzvimbo yegungano redu chairo rezuva rimwe. Basa muRodrigues rakatanga kuzaruka muna 1964. Zvino, pakati pavagari vemo vane 37 000, mune vaparidzi 36 vamashoko akanaka. Mufaro wakadini kuona vanhu 53 varipo nomumwe murume muduku ane makore 18 okukura achibhapatidzwa. Amai vake, kunyange zvazvo vasingakwanisi kurava kana kuti kunyora, vakagamuchira zvokwadi muna 1969, uye ivo vakapfuurira kubatira Jehovha pasinei zvapo nechishoro chemhuri. Zvino vaviri vavana vavo vakazvitsaurira kuna Jehovha.

Pashure pegungano, tinopedza vhiki rimwe tichiparidzira muchiwi chacho. Tinotaura chiCreole chedu cheMauritius, sezvo uri mutauro unotaurwawo muno muRodrigues. Kukwira bhazi nokufamba zvinotiendesa kundima yedu—mupata wakasvibira unovambira mumugwagwa uri pamusoro penyika uchidzika kugungwa. Chiono chinoshamisa zvakadini—lagoon yebhuruu, coral reef chena, uye gungwa rakadzama rebhuruu mushure! Tafadzwa nemhepo yakapfuma, isina kushatiswa, tagadzirira kuenda.

Tinotevera nzira duku dzomuminda uye tinoyambuka tayambukazve rwizi rune matope kuti tisvike misha miduku yakawanda iri mumupata. Tinogamuchira kwaziso youshamwari pamusha mumwe nomumwe uye tinokwanisa kutaura kuna vanasaimba pamusoro pezvikomborero zvoUmambo zvichakurumidza kuuya. Nguva refu isati yapfuura tava kure mumupata, uye yava nguva yokuenda kumusha. Ikoku kunoreva kukwira kwakawanda namaawa okufamba, asi mutsa womunzvimbomo unotiyamura—tinokwidzwa shure kwejipi.

Pashure porwendo irworwo rwakaoma, tinofara kudzokera kuMusha weBheteri wakaisvonaka muVacoas. Mazuva egungano chaiwo maviri akarongwa paHoro yeManisiparati. Zuva rokutanga, vanhu 760 vanouya. Ivo vanobva kuhafu yeungano 12 dziri pachiwi chacho. Zuva rinotevera racho, tinogoverana purogiramu imwe cheteyo navanhu 768 vakabva kudzimwe ungano nhanhatu. Mukupera kwevhiki, vatsva vana vanobhapatidzwa. Mune mapiona chaiwo 30 namapiona enguva dzose 50 avo vanogoverana mukuunza mashoko akanaka kuvagari vapazviwi zvacho.

Seychelles Dziri Kure

Nokukurumidza yava nguva yokuti tibhururuke zvakare, zvakananga kuchamhembe anopfuuura makiromita 1 600 egungwa kuenda kuchiwi cheMahé muSeychelles, chinonzi Zil Elwannyen Sesel muCreole, kureva kuti “Zviwi zveSeychelle Zviri Kure.” Nemhaka yedaro racho, hofisi yebazu inogona kuronga bedzi shanyo mbiri pagore. Zuva chairo regungano negungano redunhu zvinoitwa pamazuva matatu anotevedzana muchirimo. Kokorodzano yoruwa inoitwa gare gare mugore. Zvino pakati paOctober, tiri muno nokuda kwekokorodzano yoruwa, inoteverwa neshanyo yevhiki kuungano. Muno zvakare tinogona kushandisa chiCreole chedu cheMauritius.

Hama dzakabva kuzviwi zviri pedyo zvePraslin neLa Digue dzatosvika. Kunofadza sei kuva namarudzi 12 anomirirwa! Nzvimbo yegungano iHoro yoUmambo yomunzvimbomo, garaji guru rakachinjwa seri kwomusha wechimwe cheZvapupu. Sezvo hama nhanhatu bedzi, kubatanidza vashanyi, dzakakwaniriswa kutora rutivi mupurogiramu, vamwe vane ropafadzo yokukurukura hurukuro dzinoverengeka mukati mamazuva mana. Vaparidzi 81 vanofadzwa nokuona 216 varipo pazuva rokupedzisira rekokorodzano.

Pashure pekokorodzano, tinokwira schooner kuenda kuPraslin, makiromita 40 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweMahé. Ngarava yakareba mamita 18 yakaitwa namapuranga omuti womutacamahac. Ngarava yakaisvonaka inogona kutakura vanhu 50 uye anenge matani 36 ezvinhu. Sezvo tinobva pachiteshi chengarava muMahé ndokunangidzira ngarava yedu kumucheto kwePraslin pajengachenga riri kure, tinogona kunzwa simba reinjini yedhiziri ichiyamurwa namachira machena achivhuvhutirwa panze achibva pamatanda maviri.

Maawa maviri nehafu gare gare, tinopota nyika ina mabwe kuti tipinde mumvura dzakaterama zvikuru dzeBay St. Anne yakaisvonaka. Apo tinoburuka panomira ngarava parefu, tinoona hama dzedu dzakamirira. Pane vaparidzi 13 paichi chiwi chiduku, uye vashanyi 8 vakabva kumamwe mativi. Naizvozvo kuri namanyemwe makuru kuti tinoona horo duku yakazadzwa navanhu 39 nokuda kwehurukuro chaiyo. Ibviro yakaisvonaka zvakadini yokukura!

Tiri muno muPraslin, tinofanira kushanyira Vallée de Mai yakaisvonaka. Uyu ndiwo musha womuchindwi weCoco-de-mer, uyo unobereka mbeu hurusa munyika, imwe neimwe ichirema makirogiramu anosvika 20. Mumumvuri wakasvibira unotonhorera wesango, tinoona iyi michindwi pamwero yose yokukura. Tsananguro yakanyorwa nehurumende yakagoverwa nokuda kwavashanyi inotsanangura kuti murefu zvikurusa wakanga wakareba mamita 31 apo wakagumisira kuyerwa muna 1968. Mimwe yeiyi miti mirefu inofungidzirwa kuva yagara makore 800. Kunotora makore 25 muti usati wakatanga kubereka michero uye makore 7 kuti muchero wacho uibve. Hakushamisi kuti bhurocha racho rinonyevera, kuti: “Ingotorai mifananidzo bedzi, ingosiyai bedzi tsoka!”

Panguva ya 7 kiroko mangwanani akatevera, tinokwira igwa kuenda kuchiwi chiduku cheLa Digue. Magwa maduku akawanda anounganidzwa panomira magwa. Iwo ndiwo anotsigira upenyu pakati pavagari vemo 2 000 nenyika iri kunze. Tinosanganwa navaviri vakwegura vakabva Switzerland avo vave vari muizvi zviwi chifo cha 1975. Panzvimbo pokutora “tekisi” yechikochikari, tinofamba nomumhenderekedzo yegungwa ine mabwe ayo anoorora epingi akaitwa kuti atsvedzerere negungwa nemvura inonaya. Pashure pechisvusvuro chepikiniki, tinoenda nomuruzevha ruduku, umo kateredemu kasingawanzoonekwa kanoberekera, kumusha wavamwe vanhu vanofarira. Vanhu gumi navatatu vakaungana kuzonzwa hurukuro ichikukurwa muchiCreole. Tinosangana navaviri vakaita gadziriro dzose dzokunyoresa pamutemo roorano yavo kuti vagogona kufambira mberi mumudzimu. Zvirokwazvo, Jehovha ari kupinza vanodikanwa vamarudzi kunyange muizvi zviwi zviri kure zvikuru.

Kudzokera kuRéunion

Réunion ndicho chitsuwa chakabudirira zvikurusa chatinoshanyira paurwu rwendo. Sezvo tinosvika nyika, tinoona mugwagwa une nzira ina, wakazadzwa nezvinofamba zvinobva kudzimbahwe, Saint-Denis. Zvivako zvirefu zvinozadza nzvimbo iri pakati pegungwa negomo. Ichi chiwi ndicho musha wavanhu 580 000 uye wakabvumikisa kuva munda unobereka nokuda kwokupupurira Umambo. (Mateo 9:37, 38) Zvino mune vaparidzi vamashoko akanaka vanoshingaira vanenge 2 000 muungano 21.

Zuva chairo regungano rinoitwa munhandare huru yakafukidzwa. Tinofara kuona vanhu 3 332 varipo, uye mufaro wakadini kuva navatsva 67 vanozvipa ivo vamene nokuda kworubhapatidzo! Pashure pokufarikanya songanirano navafundisi pachiwi chacho, tava panzira yedu kuenda kumugumo wedu unotevera.

Mayotte—Perfume Island

Pashure pokubhururuka kwamaawa maviri, ndege yedu inogara vanhu 40 inovamba kudzika kwayo ichienda panomhara ndege panonzi Pamanzi, apo pari pachiwi chiduku chakabatanidzwa nomugwagwa una makiromita 1,9 unoenda kuDzaoudzi, dzimbahwe reMayotte. Denga rebhuruu, makore machena, mativi amakomo akasvibira, uye gungwa rakadzama rebhuruu zvinobatana kupa mufananidzo weparadhiso yakaisvonaka munzvimbo dzapasi dzinopisa. Nenzira yakafanira, Mayotte yakapiwa zita rokunemera rokuti Perfume Island nemhaka yokunhuwira kwakaisvonaka kwemiti yeilang-ilang. Zvinobviswa mumaruva ayo zvinotumirwa kuFrance sezvokugadzirisa zvinonhuwira zvakakurumbira munyika yose.

Kunongova bedzi kukwira kwamaminiti 15 muigwa guru kuenda kuchiwi chikuru. Pashure pedonhodzo pamusha wavafundisi, tinokokwa kufundo yebhuku yeungano makiromita 19 parumwe rutivi rwechiwi. Ikoko kwakaunza mugumo kukariro dzedu dzeshanyo yedu yakaisvonaka! Tinokwira mujipi isina denga nokuda kwokufamba kunosimudza vhudzi mumigwagwa yakatetepa. Kunoratidzika kuti tinopotsa napadukuduku vanhu, mombe, uye dzimwe motokari. Asi muchairi wedu weFrance anoziva nzira. Nokukurumidza, tinosvika paChiconi, patinosangana nemhuri ine imba munoitirwa fundo.

Baba vacho, vaichimbova muMuslim, vanosuma vana vavo vasere. Mwanakomana wavo mudukusa, ane makore mana okukura, anotipa yatinoziva gare gare kuva kwaziso yegamuchidzanwa. Iye anoisa kunze kworuoko rumwe muchanza chorumwe uye anomira nawo akaita sekomichi pamberi pedu. Tinotanga kuedza kubata maoko ake, ipapo mudzimai wangu anoedza kuisa maoko ake pamusoro pake. Mukomana muduku ane meso makuru akaurungana anomirira nokushivirira nameso mahombe, pasina panikiro achishamisika nezvatiri kuita. Pakupedzisira tinokunzwisisa zvakarurama—tinoisa maoko ake pamusoro wake. Fundo inovamba navane 14 varipo. Nechapakati, munhu anofarira anopinda uye anobata maoko munhu ari wose. Ikokowo sezviri pachena ndiimwe yetsika dzavo.

Parwendo rwedu rwokudzokera nomunyika zvino yosviba, tinoona zvimiremwaremwa zvihombe zvinodya michero zvichienda kumiti nokuda kwokudya kwazvo kwousiku. Tinonzwawo kunhuwira kwemichero inonhuwira zvakanaka yejackfruit yakawira mumugwagwa unomonereka nokunhuwira kwakanaka kwemango, mapapaya, uye magwavha. Umu ndimo munogara malemur, mhuka duku dzakafanana netsoko dzine zviso zvakafanana nezvegava nemiswe mirefu, ine mapfundo, inobata zvinhu. Sezvo tinosvika pamusoro pegomo, tinoona chiona chinokatyamadza. Jena guru rakatsvuka seranjisi richangobva kukwira pabay, richikandira mwaranzi mumvura dzakanyarara. Kunyange muchairi wedu anofamba zvishoma kuti ariyemure. Nokuda kwerwendo rwasara, tinorutsvaka pakona riri rose romugwagwa.

Mangwanani anotevera tinoenda kundoparidzira navafundisi. Kutanga, tinoshanyira murume muduku uyo ari mudzidzisi uye anotaura chiFrench chakanaka. Iye anogara pauriri, uye isu tinogara pamubhedha wake. Fundo yakatevera iriwo nomurume muduku, uye anotikumbira kuti tigare pamatiresi yake pauriri pekamuri rake duku. Pashure penguva yakati tinotanga kuzvongonyoka, pasinei zvapo nokuedza kufuratira zviveve mumakumbo edu neziya rinodzika mumisana yedu. Nenhepfenyuro paimba inotevera inobudisa zvikuru nziyo dzazvino uno dzepop, hakusati kuri nyore kupa ngwariro pafundo yacho, inoitiswa murutivi muchiFrench uye murutivi muchiMahoria.

Shanyo yedu yokupedzisira iri pamurume muduku anobva muComoros iri pedyo. Iye anokumbira ruregerero nokuda kwokusataura chiFrench zvakanaka kwazvo, anobudisa bhurocha rake, uye akagadzirira kutanga. Apo mufundisi anopfuurira kutsanangura chimwe chinhu kwandiri, iye anodzongonyedza uye anoti ari kuzorava ndima. Iye ari kutiudza nounyoro kuti tinyarare. Ava vanhu vose vaMuslim, asi vanoonga chaizvoizvo zvavari kudzidza muBhaibheri.

Tinoshamisika chikonzero nei varume vaduku kwazvo vachifunda, bva vakadzi vashomanene kwazvo kana kuti vasikana vachidaro. Ikoku, tinoudzwa, muuyo wamagamuchidzanwa enzanga neemhuri. Sezvo barika richigamuchirwa murudzidziso nomunzanga uye mudzimai mumwe nomumwe achigara mumusha make amene, pesvedzero yababa iduku; mai ndivo vanodzora. Tinozivawo kuti vanasikana nemhaka yegamuchidzanwa vanoramba vari mumusha mamai vavo kusvika paroorano. Vanakomana, pane rumwe rutivi, vanobva pamusha pakuputudza uye vanovaka banga yavo vamene, kana kuti imba, kana kuti vanogara navamwe vakomana mubanga. Muiyi migariro varume vaduku vakasununguka kufunda kana vachida, asi vasikana vashomanene vane rusununguko rwakadaro.

Svondo rinofanira kuva zuva chairo regungano. Mugariro wokunze unotanga wakaisvonaka, asi pakati pamasikati makore anovamba kuungana, uye nokukurumidza mvura huru inotanga kunaya. Hakuna munhu anoratidzika kuva nehanya zvikuru, sezvo ichitonhodza zvayo zvinhu. Pano zvakare tinowana zvakapfuma zvomudzimu zvakawanda sezvo vaparidzi 36 namapiona vanofarira kuona 83 varipo uye vatsva 3 vachibhapatidzwa.

Kubudiswa kwebhurocha rinonzi Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! mumutauro wavo ndichinoitika chikuru. Hachisati chichingova chete chinyorwa cheWatch Tower muMahoria asiwo chinyorwa bedzi chorudzi rupi norupi kusvikira pari zvino mumutauro iwoyo. Chine manyoro echiArab akanyorwa pasi porugwaro rwechiRoma. Vanhu vanodzidza runyoro rwechiArab muchikoro asi kwete mutauro weArab. Ivo vanogona kudzokorora minyengetero muchiArab ndokurava Koran muchiArab; bva havanzwisisi zvavari kutaura. Sezvavanorava manyoro echiArab mubhurocha, ivo vanoshamisika kuti vanogona kuchinzwisisa. Chavari kurava chaizvoizvo mutauro wavo vamene wechiMahoria wakanyorwa uchimirira kunzwika kwechiMahoria mumanyoro echiArab. Mufaro kuona zviso zvavo zvichijeka sezvo vanowana mufungo weizvo vari kurava.

Mabhurocha anogoverwa kuvanhu nyore nyore. Mumumwe wemisha iri kunze, mumwe murume anotisvika apo tiri kuparidzira kumumwe mukadzi. Iye anotanga kutaura nesimba zvikuru kuhama yedu muchiMahoria. Kunoratidzika kwatiri kuti iye anoshora zvikuru. Murume wacho anopfuurira kwenguva yakati, achijangarika zvikuru. Hama yacho gare gare inotsanangura kuti murume wacho akanga achinyunyuta, kuti: “Munogona sei kutikarira kuyeuka zvinhu zvamunotiudza apo munongotishanyira bedzi kamwe pagore? Munogona sei? Munofanira kuuya kazhinji kazhinji zvikuru kuzotaura kwatiri pamusoro pezvinhu izvozvi.”

Mashoko iwayo okupedzisira anoratidzira mirangariro yeduwo. Jehovha zvamazvirokwazvo ari kuunganidza zvinhu zvinodikanwa zvamarudzi ose kupfurikidza namashoko akanaka oUmambo. Kunyange zvazvo vakaparadzaniswa nenzvimbo huru dzegungwa, vagari vomuzviwi vari kuwedzera manzwi avo kudanidzo huru yerumbidzo iri kupiwa kuMusiki wavo naBaba vokudenga, Jehovha Mwari.—Hagai 2:7.

[Mepu iri papeji 21]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

SEYCHELLES

INDIAN OCEAN

COMOROS

MAYOTTE

MADAGASCAR

MAURITIUS

RÉUNION

RODRIGUES

[Mufananidzo uri papeji 23]

Nyika ine mabwe paPraslin, Bay St. Anne

[Mufananidzo uri papeji 24]

“Tekisi” yechikochikari paLa Digue, Seychelles

[Mufananidzo uri papeji 25]

Kuparidzira nebhurocha idzva muMayotte

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe