RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 2/15 pp. 19-20
  • Bhuku Idzva Rinofadza Mamirioni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhuku Idzva Rinofadza Mamirioni
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mavambo Ebhuku Racho
  • Rinosimbisa Kutenda
  • Kushandiswa Kwakasiana-siana
  • Mativi Anokosha
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • ‘Moto Wokuda Kuziva Mumwoyo Nepfungwa’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Koka Vamwe Kuti Vatevere Munhu Mukurusa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • “Rakazadzisa Nzvimbo Yakanga Isina Chinhu Mumwoyo Mangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 2/15 pp. 19-20

Bhuku Idzva Rinofadza Mamirioni

RUMWE rutivi rweKokorodzano dza“Vadi Vorusununguko” idzo dzakavamba June akapfuura rwakanga rwuri hurukuro inoti “Munhu Mukurusa Ati Amborarama.” Chinofadza chayo chakanga chiri kubudiswa kwebhuku rine musoro mumwe chetewo. Vanhu vanopfuura mamirioni matanhatu munyika yose vakatopinda iyi nhevedzano yekokorodzano ndokunzwa hurukuro yacho, iyo inooneka muchimiro chakachinjwa kukuva duku munyaya mbiri dzapfuura dzemagazini ino.

Anopfuura makopi ane mamirioni 12 ebhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama akatsikirirwa mumitauro 60. Rinotowanikwa mumitauro yokuEastern Europe yechiAlbania, chiCroatia, chiHungaria, chiMacedonia, chiPolish, chiRussia, chiSerbia, uye chiSlovenia. Vanopfuura 74 000 avo vakapinda kokorodzano nomwe muSoviet Union vakafara zvikuru kurigamuchira mumutauro wechiRussia.

Mavambo Ebhuku Racho

Mashoko ari mubhuku racho akanga aoneka pakuvamba muchimiro chenhevedzano muzvinyorwa 149 zvinotevedzana zveNharireyomurindi, kuvamba nechinyorwa chaApril 1, 1985. Varavi vakawanda vakataura kuti vakasuruvariswa apo nhevedzano yacho yakasvika kumugumo nechinyorwa chaJune 1, 1991. Melissa, ane makore 12 okukura ari muItaly, akava nemisodzi mumeso ake apo akarava nhauro yokupedzisira muNharireyomurindi. “Usiku hwapamberi pekokorodzano yedu,” iye akadaro, “ndakanyengetera kuna Jehovha ndichikumbira bhuku pamusoro poupenyu hwaJesu. Apo bhuku racho rakabudiswa, ndakaombera maoko angu kusvikira ndisingachatongogonizve kuita saizvozvo.”

Mashoko akaitwa munhevedzano muNharireyomurindi akapepetwa ndokubatanidzwa kuva bhuku idzva rine mifananidzo yakaisvonaka, ramapeji 448 ramaganhuro 133. Nhamburiko yakaitwa yokupa kutaura kuri kwose uko Jesu akapa nechinoitika chiri chose chakanyorwa muupenyu hwake hwapasi, kubatanidza mienzanisiro yake yose namanenji. Kusvikira kutambanuko inobvira, chinhu chiri chose chinorondedzerwa munhevedzano umo chakaitika namo. Pamugumo weganhuro rimwe nerimwe pane ndaza yamagwaro eBhaibheri apo ganhuro racho rakavakirwa.

Mumwe munhu angave achifunga kuti, ‘Eya, ndakatorava bhuku racho nemhaka yokuti ndakarava nhevedzano muNharireyomurindi.’ Asi varavi veNharireyomurindi vakagamuchira nhauro youpenyu hwaJesu muzvidimbu zviduku zvakapiwa munyaya dzaioneka mavhiki maviri ari ose kwenhambo yeanopfuura makore matanhatu. Kunyange zvazvo nyaya dzacho dzakanga dzichiraidza muchimiro chenhevedzano, fungidzira mufaro wokurava nhauro yose munguva pfupi uye kutarira mufananidzo wakazara womunhu mukurusa ati amborarama!

Rinosimbisa Kutenda

“Ndakapedza kurava chinyorwa chacho mumavhiki maviri,” anoshuma kudaro mumwe mukadzi wokuWashington, D.C., U.S.A. “Apo ndairava, misodzi yaiyerera mumaziso angu. Ndaimira kurava ndokunyengetera ndokuchema. Rakandiita kuti ndinzwe sokunge ndakanga ndiripo chaizvo naJesu, ndichitambura pamwe chete naye. Kunyange vhiki pashure pokurava bhuku racho, misodzi yakanga ichiri kuuya kumaziso angu apo ndaifunga pamusoro pezvandakanga ndarava. Ndinonzwa ndichitova pedyo zvikuru naJehovha nokuda kwokuva kwake akapa Mwanakomana wake.”

“Ndapedza bhuku pamusoro paJesu nhasi,” mumwe mukadzi wokuPittsburgh, Pennsylvania, U.S.A., akanyora kudaro. “Rakanga richishamisa. Ndakava nemisodzi mumaziso angu sezvandakanga ndichirava maganhuro mashomanene okupedzisira. Kurava bhuku racho rose nguva imwe chete kwakanga kwakaisvonaka kwazvo. Handigoni kurondedzera chaizvoizvo manzwire andinoita pamusoro paro—bedzi kuti ndakarida zvikuru kwazvo!”

Mienzanisiro yakaisvonaka iri mubhuku racho inoparira kuororwa, sokutaura kunoita mumwe muravi anoonga, kuti: “Rinondiita kuti ndinzwe sokunge ndinogona kudokuvanzwa vachichema mwana akafa (ganhuro 47) kana kuti tinoziva izvo Jesu akanga ari kufunga apo mukadzi aibuda ropa akamubata uye akaporeswa (ganhuro 46). Kutarisika kuri pazviso zvavo ndokwechokwadi chaizvoizvo zvokuti kunorwadza. . . . Panzvimbo pokuti kurava kuve basa, iri bhuku rinokuita kuti kufanane zvikuru nevaraidzo kana kuti chinofadza pakupera kwezuva rangu. Nzira inotapura iyo bhuku racho rakanyorwa nayo haitauri bedzi izvo Jesu akaita asi rinopa murangariro wezvaaifunga nokunzwa.”

Kushandiswa Kwakasiana-siana

Vazhinji vakatanga kushandisa bhuku racho mufundo yavo yeBhaibheri yemhuri. “Tine vana vaduku vatatu,” vabereki vokuSilverton, Oregon, U.S.A., vanonyora kudaro, “uye iri bhuku rakakwana nokuda kwe‘fundo yemhuri yousiku huri hwose’ yedu. Zvirokwazvo, kwakakodzera sei kuti tisanofunda nhau yekare yaMambo wedu ane rudo, Kristu Jesu.”

Mumwe wechiduku wokuJapan anotsanangura, kuti: “Baba vangu vave vachitiravira apo tinozorora pashure pezvokudya zvedu zvamanheru. Semhuri, tiri kurava kubva pamavambo, asi ndakasarudza kurava ganhuro rimwe usiku humwe kubva shure kwebhuku racho ndisati ndaenda kundorara. Zvisinei, bhuku racho rinofadza kwazvo zvokuti kazhinji kazhinji inosvika 1 kiroko mumangwanani ndisati ndacherekedza nguva.”

Vazhinji vanoshamiswa kuti udzame hwakawanda sei hunobatanidzwa munhauro dzacho. “Ndakadzidza zvinhu zvakawanda zvandaisatongoziva,” chimwe Chapupu chakanyora kudaro. Imwe tsamba inobva California, U.S.A., yakati: “Mudzimai wangu neni tave tiri muzvokwadi kwaanopfuura makore 35, uye tinogona kutaura nenzira yokutendeseka kuti hatina kuva nechinyorwa mumaoko edu chave chichifadza zvikuru kwazvo seichi.”

Bhuku racho rinofanira kubetsera kuparadza nhema dzokuti Zvapupu zvaJehovha hazvidaviri muna Jesu. Mumwe muravi anoonga akatsinhira neiyi nzira: “Ndaisagona kuriisa pasi, nokuti rakanga riri mhinduro hurusa kukusaziva kwaavo vanotaura kuti vanhu vaJehovha havadaviri kana kuti kukudza Jesu Kristu. Chatinofanira kuita bedzi zvino kuisa mumaoko avo iyi mhinduro kukusaziva kwavo.”

Zvirokwazvo iri bhuku richava nenzvimbo inokosha muushumiri hweZvapupu zvaJehovha. “Ndakapa kopi yaro kumumwe mukadzi wandinofunda naye Bhaibheri,” chakanyora kudaro chimwe Chapupu, “uye tapuro yarakava nayo paari inoratidzika kuva chishamiso. Ave achifunda kwegore, uye ndakava nechinetso kumuita kuti auye kumisangano.” Pashure pokunge mudzidzi wacho arava maganhuro 45 ebhuku idzva, Chapupu chacho chakatsanangura kuti, “iye akandiudza kuti akanga achizova pamusangano neSvondo nemhaka yokuti yakanga yava nguva yokuti aite chisarudzo chake.”

Mativi Anokosha

Chaizvoizvo, Munhu Mukurusa Ati Amborarama anogovera tsinhiro paEvhangeri. Tsananguro dzezvakawanda zvezvinhu izvo Jesu akataura nokudzidzisa dzinogoverwa, naizvozvo bhuku racho rinogona kushandiswa sechishandiswo chokunzvera chinokosha, nokuti rinosanonamatira kunhauro dzeBhaibheri.

Rutivi rwakaisvonaka zvikuru nderwokuti zvikurukuru chinhu chiri chose chinorondedzerwa munhevedzano yokuverengwa kwenguva. Kungovhura mapeji aro naikoku mundangariro kunogona kubvumikisa kuva yamuro chaiyoiyo mukuziva kuti ndirini, mukufamba kwoushumiri hwaJesu, apo zvinoitika zvakati zvakaitika. Varavi veEvhangeri vanowanzosangana nedzinoratidzika kuva pokanidzano. Bhuku idzva, pasina kukwevera haro ngwariro kune idzodzi, rinodzitsinhiranisa mukutsanangura kwaro.

SamaKristu, zvirokwazvo hatifaniri kuda kuregeredza fundo yokungwarira youpenyu hwoMuenzaniso wedu wakatendeka, Jesu Kristu. Naizvozvo, ngatisanorangarirei nhauro dzeEvhangeri nebetsero yebhuku idzva raMunhu Mukurusa Ati Amborarama.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe