Farai Mutariro yoUmambo!
“Farai mutariro. Tsungirirai mukutambudzika.”—VAROMA 12:12, NW.
1. Neiko tichigona kuwana mufaro mukusonganirana naJehovha, uye muapostora Pauro akakurudzira maKristu kuitei?
“MWARI anofara.” (1 Timotio 1:11, NW) Ikoku kunosanorondedzera sei Jehovha! Neiko? Nemhaka yokuti ose amabasa ake anomuunzira mufarwa mukuru. Sezvo Jehovha ari Manyuko ezvinhu zvose zvakanaka nezvinofadza, zvose zvezvisikwa zvake zvakangwara zvinogona kuwana mufarwa musonganirano yazvo naye. Nenzira yakafanira, muapostora Pauro akakurudzira maKristu kuonga ropafadzo yawo inofadza yokuziva Jehovha Mwari, kuva anoonga nokuda kwezvipo Zvake zvose zvinoshamisa zvechisiko, uye kufara mumutsa worudo waAnovaratidza. Pauro akanyora, kuti: “Farai munaShe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai!”—VaFiripi 4:4; Pisarema 104:31.
2. Itariroi inounza mufaro mukuru, uye chii icho maKristu anokurudzirwa kuita pamusoro petariro iyoyi?
2 MaKristu ari kuteerera here iyi pangiro iyo Pauro akapa? Zvamazvirokwazvo ari kudaro! Hama dzomudzimu dzaJesu Kristu dziri kufara mutariro ine mbiri iyo Mwari akadzizarurira. (VaRoma 8:19-21; VaFiripi 3:20, 21) Hungu, vanoziva kuti vachagoverana mukuzadzika tariro huru yenguva yemberi yorudzi rwomunhu, vose vari vaviri vapenyu navakafa, kupfurikidza nokubatira naKristu muhurumende yake yoUmambo yokudenga. Fungidzira kuti vachafara sei mumaropafadzo avo savadyi venhaka pamwe chete, vachibatira samadzimambo navaprista! (Zvakazarurwa 20:6) Mufarwa wakadini uchava wavo sezvavanobetsera rudzi rwomunhu rwakatendeka kuwana kukwana ndokubetsera kutungamirira kudzorerwa kweParadhiso kupasi redu! Zvirokwazvo, vose vavabatiri vaMwari vane “tariro youpenyu husingaperi, hwaakapikira iye Mwari, usingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo.” (Tito 1:2) Achirangarira iyi tariro huru, muapostora Pauro anokurudzira maKristu ose, kuti: “Farai mutariro.”—VaRoma 12:12, NW.a
Mufaro Wechokwadi—Vara Romwoyo
3, 4. (a) Kutaura kwokuti “kufara” kunorevei, uye maKristu anofanira kuva achifara kazhinji sei? (b) Chii chiri mufaro wechokwadi, uye unotsamira pachii?
3 “Kufara” kunoreva kunzwa uye kuratidzira mufaro; hakurevi kuva mumugariro wenguva dzose wokunzwawo zvako kwokufara, kana kuti kufarisa. Mashoko echiito anowirirana namashoko rechiHebheru nerechiGiriki anoshandiswa muBhaibheri nokuda kwo“mufaro,” “kufara zvikuru,” uye “kufara” anoratidzira zvose zviri zviviri kunzwa kwomukati neratidzirwo yokunze yomufaro. MaKristu anokurudzirwa ku“pfuurira kufara,” “kufara nguva dzose.”—2 VaKorinte 13:11; 1 VaTesaronika 5:16, NW.
4 Asi munhu anogona sei kuva anofara nguva dzose? Ikoku kunobvira nemhaka yokuti mufaro wechokwadi ivara romwoyo, vara guru romukati, romudzimu. (Dheuteronomio 28:47; Zvirevo 15:13; 17:22) Chibereko chomudzimu waMwari, chakarongwa naPauro pashure chaipo porudo. (VaGaratia 5:22) Sevara romukati, haritsamiri pazvinhu zvokunze kwete kunyange pahama dzedu. Asi rinotsamira pamudzimu mutsvene waMwari. Uye rinobva mugutsikano huru iya yomukati yokuziva kuti une zvokwadi, tariro yoUmambo, uye kuti uri kuita chinofadza Jehovha. Nokudaro, mufaro hausati uri varawo haro rohunhu ratinoberekwa naro; rutivi rwo“hunhu hutsva,” mubatanidzwa wamavara akasianisa Jesu Kristu.—VaEfeso 4:24, NW; VaKorose 3:10.
5. Kungava neratidziro dzokunze dzomufaro rini uye sei?
5 Kunyange zvazvo mufaro uri vara romwoyo, kunyanguvezvo ungaratidzwa kunze pane dzimwe nguva. Ndedzipi dziri idzi ratidzirwo dzapanguva nenguva, dzokunze dzomufaro? Dzingagona kuva chinhu chipi nechipi kubva parugare rwechiso kusvikira kukukwakuka chaiko kwomufaro. (1 Madzimambo 1:40; Ruka 1:44; Mabasa 3:8; 6:15) Ikoku kunoreva here, ipapoka, kuti vanhu vasingataurisi kana kuti vasinganyemwereri nguva dzose havana mufaro? Aiwa! Mufaro wechokwadi hauzviratidziri umene mukutaura kwenguva dzose, kuseka, kunyemwerera, kana kuti kunyemwerera zvikuru. Migariro inoparira mufaro kuzviratidzira umene munzira dzakasiana-siana. Hausati uri mufaro woga unotiita kuti tifare paHoro yoUmambo asi, panzvimbo pezvo, chidakadaka chedu chouhama norudo.
6. Neiko maKristu achigona kufara nguva dzose kunyange paanotarisana nemigariro isingafadzi?
6 Rutivi rwenguva dzose rwomufaro kugarisa kwahwo kwomukati sorutivi rwechokwadi rwohunhu hutsva hwomuKristu. Ikoku ndiko kunokuita kuti kubvire kufara nguva dzose. Chokwadika, padzimwe nguva tingavhiringidzwa pamusoro pechimwe chinhu, kana kuti tingatarisana nemigariro isingafadzi. Asi tinongogona kuva nomufaro mumwoyo wedu. Mamwe maKristu apakuvamba akanga ari varanda, aine vanatenzi vakanga vakaoma kufadza. MaKristu akadaro aigona kuva achifara nguva dzose here? Hungu, nemhaka yetariro yawo yoUmambo nomufaro waiva mumwoyo yawo.—Johane 15:11; 16:24; 17:13.
7. (a) Chii icho Jesu akataura pamusoro pomufaro mukutambudzika? (b) Chii chinotibetsera kutsungirira mukutambudzika, uye ndiani akagadza muenzaniso wakaisvonakisisa muna ikoku?
7 Pashure chaipo pokunge muapostora Pauro, ati: “Farai mutariro,” iye akawedzera, kuti: “Tsungirirai mukutambudzika.” (VaRoma 12:12, NW) Jesu akataurawo nezvomufaro mukutambudzika paakati pana Mateo 5:11, 12: “Makaropafadzwa imi, kana vachikuzvidzai, kana vachikutambudzai, . . . Farai, mufarise kwazvo; nokuti mubairo wenyu mukuru kudenga.” Kufara nokukwakuka nokuda kwomufaro pano hakufaniri kuva ratidziro chaiyoiyo yokunze; zvikurukuru igutsikano huru iya yomukati iyo munhu anayo mukufadza Jehovha naJesu Kristu pakuramba akasimba mukuedzwa. (Mabasa 5:41) Chaizvoizvo, ndiwo mufaro unotibetsera kutsungirira pakutambudzika. (1 VaTesaronika 1:6) Muna ikoku, Jesu akagadza muenzaniso wakaisvonakisisa. Magwaro anotiudza, kuti: “Nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake iye akatsungirira danda rokutambudzira.”—VaHebheru 12:2, NW.
Kufara Mutariro Pasinei Hapo Nezvinetso
8. Zvinetsoi izvo maKristu angatarisana nazvo, asi neiko zvinetso zvisingatori mufaro womuKristu?
8 Kuva mubatiri waJehovha hakusununguri munhu pazvinetso. Pangava nezvinetso zvemhuri, zvitambudzo zvemari, utano hwakaipa, kana kuti rufu rwavadiwa. Nepo zvinhu zvakadaro zvingaparira rusuruvaro, hazvitori hwaro hwedu hwokufara mutariro yoUmambo, mufaro womukati watinawo mumwoyo wedu.—1 VaTesaronika 4:13.
9. Zvinetsoi izvo Abrahama akava nazvo, uye tinoziva sei kuti akanga ane mufaro mumwoyo make?
9 Rangarira Abrahama, somuenzaniso. Upenyu nguva dzose hwakanga husingamufadzi. Iye akanga ane zvinetso zvemhuri. Murongo wake, Hagari, nomudzimai wake, Sara, vaisawirirana. Pakanga pane gakava. (Genesi 16:4, 5) Ishmaeri akaita misere kuna Isaka, achimutambudza. (Genesi 21:8, 9; VaGaratia 4:29) Pakupedzisira, mudzimai anodiwa waAbrahama, Sara, akafa. (Genesi 23:2) Pasinei hapo neizvi zvinetso, Abrahama akafara pamusoro petariro yeMbeu yoUmambo, Mbeu yaAbrahama, iyo kupfurikidza nayo mhuri dzose dzapasi dzaizozvikomborera dzimene. (Genesi 22:15-18) Nomufaro mumwoyo make, iye akatsungirira mubasa raJehovha kwamakore ane zana pashure pokusiya guta romusha wake reUri. Naizvozvo kwakanyorwa nezvake, kuti: “Wakanga achitarira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro.” Nemhaka yokutenda kwaAbrahama muUmambo hunouya hwaMesia, Ishe Jesu, apo akatogadzwa naMwari kuva Mambo, aigona kuti: “Abrahama . . . akafara zvikuru mukariro yokuona zuva rangu, uye akariona ndokufara.”—VaHebheru 11:10; Johane 8:56, NW.
10, 11. (a) Irwisanoi iyo isu samaKristu tinayo, uye tinonunurwa sei? (b) Chii chinokwanisa kusakwanisa kwedu kurwa hondo nenzira yakakwana mukurwisana nenyama yedu inotadza?
10 Savanhu vasina kukwana, tinewo nyama yedu inotadza yokurwisana nayo, uye iyi rwisano yokuita chiri chakarurama inogona kuva inoodza mwoyo zvikuru. Kurwisana kwedu noutera hwedu hakurevi, kunyanguvezvo, kuti hatina tariro. Pauro akanzwa asingafari pamusoro peiyi rwisano, uye iye akati: “Ndianiko uchandisunungura pamuviri worufu urwu? Mwari ngaaongwe, naJesu Kristu, Ishe wedu!” (VaRoma 7:24, 25) Kupfurikidza naJesu Kristu norudzikinuro rwaakagovera, tinosunungurwa.—VaRoma 5:19-21.
11 Chibairo chorudzikinuro chaKristu chinokwanisa kusakwanisa kwedu kurwa hondo nenzira yakakwana. Tinogona kufara muurwu rudzikinuro nemhaka yokuti runobvirisa hana yakacheneswa nokukanganwirwa kwezvivi zvedu. Pana VaHebheru 9:14 (NW), Pauro anotaura nezve“ropa raKristu” iro rine simba roku“chenesa hana dzedu pamabasa akafa.” Nokudaro, hana dzamaKristu hadzifaniri kuremedzwa nokunzwa kwokushurikidzwa nokwokuva nemhaka. Ikoku, pamwe chete netariro yatinayo, kunoumba simba rakasimba romufarwa wokufara. (Pisarema 103:8-14; VaRoma 8:1, 2, 32) Tichirangarira tariro yedu, tose zvedu tichakurudzirwa kurwa hondo nenzira inobudirira.
Kusanorangarira Tariro Yedu
12. Itariroi iyo maKristu akazodzwa anogona kurangarira?
12 Kunokosha kuti vose vari vaviri vakasarira vakazodzwa nomudzimu namamwe makwai varangarire “tariro [yavo] yoruponeso,” kuipfeka sengowani inodzivirira. (1 VaTesaronika 5:8) MaKristu akazodzwa anogona kurangarira ropafadzo inoshamisa yokuwana kusafa mudenga, kugona kusvika kuna Jehovha Mwari, uye kufarikanya songanirano yomunhu oga naJesu Kristu akapiwa mbiri navaapostora navamwe vose vavane 144 000, avo vakachengeta perero yavo mumazana amakore ose apfuura. Ipfuma isingarondedzereki zvakadini yesonganiro!
13. Vakazodzwa vachiri pasi pano vanonzwa sei pamusoro petariro yavo?
13 Vakazodzwa vashomanene vachiri pasi pano vanonzwa sei pamusoro petariro yavo yoUmambo? Ikoku kunogona kupetwa mumashoko aF. W. Franz, purezidhendi weWatch Tower Society, uyo akabhapatidzwa muna 1913, anoti: “Tariro yedu chinhu chechokwadi, uye ichazadzikwa zvizere kune wokupedzisira ari wose wemitezo yavane 144 000 yeboka duku kusvikira kumwero unopfuura chatakambofungidzira. Isu vavakasarira avo vakanga varipo mugore ra 1914, pataikarira tose zvedu kuenda kudenga, hatina kurasikirwa nepfungwa yedu youkoshi hwetariro iyoyo. Asi takasimba nokuda kwayo sezvatakanga takaita nguva dzose, uye tiri kuionga zvikuru kwazvo kana tikamirira kwenguva refu zvikuru. Ndichimwe chinhu chakafanirwa nokumirira, kunyange kana kwaida makore ane mamirioni. Ndinokoshesa tariro yedu zvikuru kwazvo kupfuura nakare kose, uye handitongodi kurasikirwa nokuionga kwangu. Tariro yeboka duku inopawo chipikirwa chokuti kariro yeboka guru ramamwe makwai, pasina bviro ipi neipi yekundikano, ichazadzikwa kupfuura kufungidzira kwedu kwakajeka zvikurusa. Ndicho chikonzero nei tiri kubatisisa kusvikira kuawa ino imene, uye tichabatisisa kusvikira Mwari abvumikisa chaizvoizvo kuti iye ndowechokwadi ku‘zvipikirwa [zvake] zvinokosha nezvakaisvonaka zvikuru.’”—2 Petro 1:4; Numeri 23:19; VaRoma 5:5.
Kufara Zvino Mutariro yeParadhiso
14. Itariroi iyo boka guru rinofanira kurangarira?
14 Kuratidzirwa kwakadaro kwokutenda kunofadza kunoisa muna avo vari veboka guru ramamwe makwai zvikonzero zvikuru zvokufara. (Zvakazarurwa 7:15, 16) Vanhu vakadaro vanofanira kurangarira tariro yokupukunyuka Armagedhoni. Hungu, tarira mberi kukuona Umambo hwaMwari huchireverera uchangamire hwapose pose hwaJehovha Mwari ndokutsvenesa zita rake rine mbiri kupfurikidza nokuunza dambudziko guru, iro richabvisa vakaipa mupasi avo Dhiabhorosi ave ari mwari wavo. Uchava mufaro wakadini kupukunyuka dambudziko guru iroro!—Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 7:14.
15. (a) Ibasai rokuporesa iro Jesu akaita paakanga ari pasi pano, uye nei? (b) Chii chichava zvinodikanwa zvoutano zvavapukunyuki veArmagedhoni, uye neiko zvakasiana neizvo zvaavo vanomutswa?
15 Pamusoro peboka guru, Zvakazarurwa 7:17 (NW), inoti: “Gwaiana . . . richavafudza, uye richavatungamirira kumatsime emvura dzoupenyu. Uye Mwari achapukuta musodzi uri wose mumeso avo.” Kunyange zvazvo uhu uporofita hune zadziko yomudzimu zvino, vapukunyuki veArmagedhoni vachahuona huchizadzikwa chaizvoizvo. Seiko? Eya, chii icho Jesu akaita paakanga ari pasi pano? Iye akaporesa zvirema, akaita kuti vanokamhina vafambe, akadziura nzeve dzematsi nameso aavo vakanga vari mapofu, uye iye akarapa maperembudzi, zvipusha, uye “rudzi rwuri rwose rwechirwere norudzi rwuri rwose rwoundonda.” (Mateo 9:35; 15:30, 31, NW) Izvozvo handizvo izvo maKristu anoda nhasi here? Boka guru richapinza kuremara kwenyika yekare noundonda munyika itsva. Chii chatinokarira Gwaiana kuita pamusoro paizvozvo? Zvinodikanwa zvavapukunyuki veArmagedhoni zvichava zvakasiana zvikuru nezvinodikanwa zvaavo vachamutswa. Vanomutswa sezvingabvira vachasikwazve nemiviri yakazara, yakanaka, ine utano, kunyange zvazvo ichigere kuva nokukwana kwohunhu. Nemhaka yenenji rorumuko, sezviri pachena pashure paikoko havasati vachizoda kugadzirwa kwokwaichimbova kuremara kupi nokupi kupfurikidza nenenji rokuporesa. Pane rumwe rutivi, nemhaka yechinoitika chavo chechienzi chokupukunyuka Armagedhoni, kugadzira kwenenji ndiko uko vazhinji veboka guru vachada uye vachagamuchira. Sezviri pachena, donzo guru rokuporesa kwaJesu rakanga riri rokuratidzira nokuda kwekurudzirwo yeboka guru kariro inofadza yokuti havasati vachizopukunyuka bedzi asi vachaporeswa pashure paikoko.
16. (a) Ndirini apo kuporeswa kwenenji kwavapukunyuki veArmagedhoni kungaitika, uye nomuuyoi? (b) Mutariroi matichapfuurira kufara mukati meMireniyumu?
16 Kuporesa kwenenji kwakadaro kuchaitika nenzira ine mufungo pakati pavapukunyuki veArmagedhoni nokukurumidza zvikuru pashure peArmagedhoni uye pamberi zvikuru pokuvamba kworumuko. (Isaya 33:24; 35:5, 6; Zvakazarurwa 21:4; enzanisa naMarko 5:25-29.) Ipapo vanhu vacharasa magirazi amaziso, tsvimbo, madondoro, mawheelchair, mazino okuisira, yamuro dzokunzwa, uye zvakafanana. Chisakiso chakadini chokufara! Chiito chapakuvamba chakadaro chokudzorera chinoitwa naJesu chakasanokodzera sei basa ravapukunyuki veArmagedhoni sehwaro hwepasi idzva! Zvirwere zvinoremadza zvichabviswa kuti vapukunyuki ivava vagogona kufambira mberi nomufaro, vachitarira mberi nokudisa kumubato unoshamisa weMireniyumu unotambanuka pamberi pavo, vasingaremedzwi nenhamo idzo nyika yekare ingave yakaunza pavari. Uye mukati meMireniyumu mose, vachava vachifarira tariro yokusvika kuzara kumene kwoupenyu hwakakwana hwohunhu panosvika mugumo wamakore ane chiuru iwayo. Mukati mose meMireniyumu, vachava vachifara mutariro yokusvika nharidzano iyoyo inofadza.
17. Mifaroi ichavapo sezvo basa rokudzorera Paradhiso rinopfuurira?
17 Kana iyoyo iri tariro yako, rangarirawo mufaro wokugoverana mukudzorera Paradhiso pasi pano. (Ruka 23:42, 43) Pasina panikiro vapukunyuki veArmagedhoni vachabetsera kuchenesa pasi uye nokudaro kugovera nzvimbo dzinofadza apo vakafa vachamutsirwa. Mariro angatsiviwa namarusando okugamuchira avo vanomutswa murumuko, kubatanidza vadiwa vedu timene avo vakaburukira murufu. Uye funga nezvoushamwaridzani hunopfumisa navarume navakadzi vakatendeka vomumazana amakore akapfuura. Ndiani zvikurukuru waunoda kutaura kwaari? NdiAbheri here, Enoki, Noa, Jobho, Abrahama, Sara, Isaka, Jakobho, Josefa, Mosesi, Joshua, Rakabhi, Dhebhora, Samsoni, Dhavhidhi, Eria, Erisha, Jeremia, Ezekieri, Dhanieri, kana kuti Johane Mubhapatidzi? Eya, ipapoka, iyi kariro inofadza rutiviwo rwetariro yako. Uchakwanisa kukurukura navo, kudzidza kwavari, uye kushanda pamwe chete navo mukuita kuti pasi rose rive paradhiso.
18. Mimwe mifaroi yatinogona kurangarira?
18 Fungidzirawo zvokudya zvakanaka, mvura yakachena, uye mhepo yakachena, nepasi redu rakadzorerwa kudzikamo yaro yakakwana yezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo munzira iyo Jehovha akarisika kuva. Upenyu ipapo huchava, kwete mufarwawo zvawo wokusakendenga wokukwana, asi kutora rutivi kwokushingaira uye kune revo mumibato inofadza. Rangarira chaunga chenyika yose chavanhu vasina utsotsi, udyire, godo, gakava—uhama umo chibereko chomudzimu chinosakurirwa ndokuratidzirwa navose. Kunofadza sei!—VaGaratia 5:22, 23.
Tariro Inoita Kuti Upenyu Huve Hwakafanira Kurarama
19. (a) Ndirini apo kufara kunodudzwa pana VaRoma 12:12 kuchawanwa? (b) Neiko tichifanira kuva vakatsunga kusarega mitwaro youpenyu kusundira tariro yedu parutivi?
19 Kariro inowanwa haichisiri tariro, naizvozvo kufara kunokurudzirwa naPauro pana VaRoma 12:12 kunofanira kuwanwa zvino. (VaRoma 8:24) Kungofunga chete nezvezvikomborero zvomunguva yemberi izvo Umambo hwaMwari huchaunza chisakiso chokuti tifare mutariro iyoyo zvino. Naizvozvo iva akatsunga kusabvumira mitwaro youpenyu munyika yakaipa kusundira tariro yako ine mbiri parutivi. Usaneta ndokukundikana, uchirasikirwa nechiono chetariro iri mberi. (VaHebheru 12:3) Kurega nzira yechiKristu hakusati kuchizopedza zvinetso zvako. Yeuka, kana mumwe munhu akarega kubatira Mwari nemhaka yemitwaro yose youpenyu zvino, iye achiri ane mitwaro iyoyo, asi iye anorasikirwa netariro uye naizvozvo anorasikirwa nebviro yokufara mukariro dzinoshamisa dziri pamberi apa.
20. Muuyoi uyo tariro yoUmambo inawo paavo vanoigamuchira, uye nei?
20 Vanhu vaJehovha vane chikonzero chiri chose chokuva noupenyu hunofadza. Tariro yavo yakajeka, inonyandura inoita kuti upenyu huve hwakafanira kurarama. Uye havachengeti iyi tariro inofadza kwavari vamene. Aiwa, vanodisa kuigoverana navamwe. (2 VaKorinte 3:12) Naizvozvo kunodaro kuti avo vanogamuchira tariro yoUmambo vanhu vane chivimbo, uye vanotsvaka kukurudzira vamwe kupfurikidza nokuvaudza mashoko akanaka anobva kuna Mwari. Ikoku kunozadza upenyu hwaavo vanogamuchira shoko netariro inoshamisa zvikurusa iyo isina kumbopiwa kurudzi rwomunhu rwose—tariro yoUmambo uhwo huchadzorera Paradhiso kupasi. Kana vanhu vasingaigamuchiri, tinongopfuurira kufara nemhaka yokuti tine tariro yacho. Avo vasingateereri varasikirwi; isu hatisi.—2 VaKorinte 4:3, 4.
21. Chii chiri pedyo, uye tinofanira kuyera sei tariro yedu?
21 Chipikirwa chaMwari ndeichi: “Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.” (Zvakazarurwa 21:5, NW) Nyika itsva nezvikomborero zvayo zvose zvinofadza nezvisingagumi yava pedyo. Tariro yedu—youpenyu mudenga kana kuti paparadhiso yapasi—inokosha; rambira pairi. Muaya mazuva okupedzisira anotambudza, kupfuura nakare kose, irangarire “sechibatiso chomweya, zvose zviri zviviri chechokwadi nechakasimba.” Netariro yedu yakasimbiswa muna Jehovha, “dombo risingaperi—Dombo ramazera,” zvirokwazvo tine chikonzero chakasimba nechinofadza iko zvino choku“fara mutariro” yakaiswa pamberi pedu.—VaHebheru 6:19; Isaya 26:4, The Amplified Bible.
[Mashoko Omuzasi]
a Mukati ma 1992, Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvichava nomusoro wegore, unoti: “Farai mutariro. . . . Pfuurirai mumunyengetero.”—VaRoma 12:12, NW.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Ndeipi iri tariro huru yorudzi rwomunhu?
◻ Chii chiri mufaro wechokwadi?
◻ Ndirini apo kuporeswa kwenenji kwavapukunyuki veArmagedhoni sezvingabvira kuchaitika?
◻ Neiko tisingafaniri kurega mitwaro youpenyu ichisundira tariro yedu parutivi?
◻ Mifaroi yaunotarira mberi kwairi munyika itsva?
[Mufananidzo uri papeji 9]
Kupupurira rudzi rwokuporesa uko Jesu akaita kungasazadza mwoyo wako nomufaro here?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Avo vanofara muUmambo vanokurudzira vamwe kupfurikidza nokugoverana tariro yavo