Krisimisi—Inzira Yokugamuchira Nayo Jesu Here?
KUBEREKWA kwoMuponesi, Mesia akamirirwa kwenguva refu, zvamazvirokwazvo yakanga iri nguva yokufara. “Tarirai!” yakazivisa kudaro ngirozi kuvafudzi vari muruwa rweBhetrehema, “Ndiri kuzivisa kwamuri mashoko akanaka omufaro mukuru uyo vanhu vose vachava nawo, nemhaka yokuti mazvarirwa nhasi Muponesi, uyo ari Kristu Ishe.” Ngirozi zhinji dzakakumbanira, dzichirumbidza Mwari, kuti: “Mbiri kumusorosoro kuna Mwari, uye pamusoro papasi rugare pakati pavanhu vanofarirwa.” (Ruka 2:10-14, NW) Vamwe vangagumisa kuti maKristu anofanira kutevedzera ngirozi mukuratidzira mufaro pamusoro pokuuya kwaKristu kupasi shure panguva iyeyo.
Ichi chakanga chisati chiri chinyorwa chokutanga cheBhaibheri chengirozi dzichiimba nziyo dzerumbidzo. Apo hwaro hwapasi hwakavanzarikwa, “nyeredzi dzamangwanani dzakadanidzira nomufaro pamwe chete, uye vanakomana vose vaMwari vakavamba kudanidzira murumbidzo.” (Jobho 38:4-7, NW) Musi chaiwoiwo wechinoitika ichochi hauna kunyorwa muBhaibheri. (Genesi 1:1, 14-18) Pasinei zvapo nokuti nhambo yacho yaiva inofadza zvakadini, maKristu haana kutaura kuti nemhaka yokuti ngirozi dzakarumbidza, anofanira kuchengeta gore negore kusikwa kwapasi uye zvichida kugamuchira mutambo wechihedheni kuti varangarire nhambo yacho.
Bva izvozvo ndizvo chaizvo izvo vanhu vanochengeta Krisimisi vari kuita kukuberekwa kwaJesu Kristu. Kunzvera enisaikoropidhia ipi neipi inovimbika pasi pomusoro unoti “Christmas” kunosimbisa kuti musi wokuberekwa kwaJesu hausati uchizivikanwa. Bhaibheri rakanyarara pakunouya pamusi iwoyo.
“Kana Hwamanda Isingariri Kwazvo”
“Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare,” akanyora kudaro muapostora Pauro, mukururamisa kusava nenhevedzano kweungano yaiva muKorinte yekare. Mumashoko mamwe chetewo akapoteredza, iye akabvunza, kuti: “Kana hwamanda isingariri kwazvo, ndianiko ungazvigadzira kundorwa?” (1 VaKorinte 14:8, 33) Zvino, kana Mwari wenhevedzano aida kuita kuti maKristu achengete kuberekwa kwoMwanakomana wake pasi pano, Iye aizokusiira kuvanhu vasina kukwana kusarudza nenzira yamadiro musi mumitambo yechihedheni nokugamuchira miitiro isiri youmwari here?
Kunzvera mienzaniso yeBhaibheri mishomanene kunojekesa kuti Jehovha Mwari haasati achibata navanhu vake nenzira iyoyo. Apo akada kuti vaIsraeri vachengete chengeto yegore negore muMutemo waMosesi, Mwari akasarudza misi chaiyo ndokuvaudza nzira yokuchengeta nayo nhambo dzemitambo idzodzo. (Eksodho 23:14-17; Revhitiko 23:34-43) Jesu Kristu, kunyange zvazvo akanga asingatongorairi kuti kuberekwa kwake kurangarirwe, akaraira vateveri vake kuti vachengete musi mumwe chaiwoiwo. “Nousiku hwaakapandukirwa,” Nisan 14, 33 N.V., Jesu akatanga kuchengetwa kweChirairo chaShe, achishandisa chingwa chisina kuviriswa newaini. Iye akaraira, kuti: “Itai izvi muchindirangarira.” (1 VaKorinte 11:23, 24) Kurira kwehwamanda pamusoro pokuti ndirini uye nzira yokuchengeta nayo Chirairo chaShe kwakajeka uye hakuna chikanganiso. Ipapoka zvakadiniko neKrisimisi? MuBhaibheri hamuna patinowana murairo upi noupi wokuchengeta kuberekwa kwaKristu, uyewo haritiudzi kuti rini kana kuti sei.
‘Kuwana Vanhu’
“Haiwa, chokwadika ndinoziva kuti Krisimisi ndeyamavambo echihedheni,” akadaro mufundisi paimwe Zion Church yeTokyo, “asi chero bedzi vanhuwo zvavo vachifarira chiKristu pana December 25 ndokusvika pakudzidza dzidziso dzaJesu Anoremekedzwa, Krisimisi ine nzvimbo yayo muchiKristu.” Vazhinji vanobvumirana nokurangarira kwake. Iwe unodavira kuti kuita kubvumirana pane zvisina kufanira kwakadaro kwakakodzera here?
Vamwe vanotaura kuti kunyange Pauro akabvumirana pane zvisina kufanira kuti awane vatendi. “Ndinozviita ndimene muranda womunhu ari wose,” iye akanyora kudaro, “kuti ndiwane vanhu vazhinji sezvinobvira . . . Pandinenge ndichishanda navaMarudzi, ndinorarama sowaMarudzi, kunze kwoMutemo wechiJudha, kuti ndiwane vaMarudzi. . . . Ndinoita zvose izvozvi nokuda kweevhangeri, kuti ndigoverane muzvikomborero zvayo.” (1 VaKorinte 9:19-23, Today’s English Version) Mashoko iwaya anoruramisa kugamuchira mutambo wechihedheni kukwezvera vaMarudzi kuchiKristu here?
Sanorangarira mashoko akapoteredza okutaura kwaPauro. Mundima 21, iye akati: “Ikoku hakusati kuchireva kuti handiteereri mutemo waMwari; ndiri zvomenemene mumutemo waKristu.” (TEV) Naizvozvo haana kubvumirana pane zvisina kufanira munhau dzaidarika mutemo waKristu, asi ai‘rarama sowaMarudzi’ kupfurikidza nokuremekedza tsika dzomunzvimbomo nemiitiro chero bedzi izvozvi zvakanga zvisati zvichirwisana nemirairo yechiKristu.a
Uchirangarira ikoku, funga kuti kugamuchira mitambo yechihedheni mu“chiKristu” muzita reKrisimisi kwaizooneka sei pakunorangarirwa nebetsero yomurairo unotevera weBhaibheri, unoti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi; nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? . . . Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi? . . . ‘Saka budai pakati pavo, muzviraure’; ndizvo zvinotaura [Jehovha, NW], ‘musabata chinhu chine tsvina’; ‘ini ndichakugamuchirai.’” (2 VaKorinte 6:14-17) Pasinei zvapo nepembedzo dzingapiwa, kushatisa chiKristu nemitambo yechihedheni haisati itongori nzira yokugamuchira nayo Jesu soMuponesi. Kwaizodai kwakava kusina kufanira muzana rokutanga ramakore apo Jesu akauya munyama, uye hakuna kufanira zvakafanana nhasi kana kuti munguva yemberi, apo Kristu anouya saMambo kuti aite marutongeso aMwari. (Zvakazarurwa 19:11-16) Kutaura idi, avo vanoda havo kuchengeta mitambo yechihedheni vakavanzwa ne“chiKristu” vangave vari kusanoramba Jesu Kristu.
“MaKristu Akavanda” Asina Kudzorerwa
Dzidza muzvakaitika kuvaKaturike muJapan mukati menguva yavatungamiriri vamauto vanogara nhaka. Apo kudzvinyirirwa kwechiKaturike kwakavamba muna 1614, vaKaturike veJapan 300 000 vaiva nezvisarudzo zvitatu: kuva vafiri kutendeka, kusiya kutenda kwavo, kana kuti kupinda pasi pevhu. Avo vakapinda pasi pevhu vakanzi maKristu akavanda. Kuti vavanze kutenda kwavo, vakachinjira kutsika dzakasiana-siana dzechiBuddha nechiShinto. Mukunamata kwavo kwakagadzwa, vaishandisa Maria Kannon, uyo akanga ari Maria akanyepedzerwa saakatemerwa kuziva wechiBuddha ari muchimiro chamai vakabata mwana. Mitambo yavo yaivhenganisa rudzidziso rwechiBuddha, chiKaturike, uye tsika dzeShinto. Zvisinei, apo vaimanikidzwa kupinda mariro echiBuddha, vaiita minyengetero yechiKristu ndokuita modoshi, chinoitika chokushaisa simba munamato wechiBuddha. Chii chakaitika ku“maKristu” iwayo?
“Kana vari voruzhinji veKirishitans [maKristu],” rinotsanangura kudaro bhuku rinonzi The Hidden Christians, “kubatana kworudzidziso kwakakura maari kuchikuita kwakaoma kusiya kunamatwa kwavanamwari vechiShinto nechiBuddha.” Apo rambidzo yakabviswa uye vafundisi veKaturike vakadzokera kuJapan, voruzhinji va“maKristu akavanda” iwayo vakanamatira kurudzi rwavo rworudzidziso rwakavhengana.
Zvisinei, Chechi yeKaturike yaigona kutsoropodza nenzira ine mufungo “maKristu akavanda” iwayo ayo akaramba kudzorerwa kuchiRoma Katurike here? Chechi yeKaturike nenzira yakafanana yakagamuchira dzidziso zhinji dzechihedheni nemitambo, kubatanidza Krisimisi. Kana vaKaturike navaPurotesitendi, kunyange zvazvo vachitaura kuti maKristu, vakaita kuti “chiKristu” chavo chive chechihedheni nemitambo yechihedheni, vaisagonawo here kuva vari kuramba Jesu Kristu?
Vakadzorerwa kuchiKristu Chechokwadi
Setsuko, muKaturike akazvipira kwamakore 36, pakupedzisira akasvika pakuziva ikoko. Pashure peHondo yeNyika II, akanga aedza kuzadza nzvimbo yake yomudzimu kupfurikidza nokusonganirana nechechi yeKaturike. ‘Kunogutsa sei!’ akafunga kudaro sezvaakapinda Misa yeKrisimisi ndokuona miti yeKrisimisi yakaisvonaka mukati nokunze kwechechi yake. “Ndakadada nezvishongedzo zvedu zvakaisvonaka, izvo zvakapfuura izvo zvechechi dziri pedyo,” iye akadaro. Kunyanguvezvo, Setsuko chaizvoizvo akanga asina nzwisiso yedzidziso dzechiKaturike, kunyange zvazvo aitodzidzisa Sandisikuru kwechinguvana. Naizvozvo apo akada kuva anobatanidzwa zvikuru mubasa rechechi, akabvunza muprista wake mibvunzo mishomanene. Panzvimbo pokupindura mibvunzo yake, muprista akamuzvidza. Aodzwa mwoyo, akasarudza kufunda Bhaibheri iye pachake. Mavhiki maviri gare gare, Zvapupu zvaJehovha zvakamushanyira, uye iye akagamuchira fundo yeBhaibheri yapamusha.
Iye anotsanangura, kuti: “Kwakanga kuchirwadza kutarisana nezvokwadi dzeBhaibheri dzaibvumikisa zvitendero zvangu zvekare kuva zvenhema. Ndaitova nealopecia neurotica, kurasikirwa nebvudzi nemhaka yokushatirwa. Zvishoma nezvishoma, zvisinei, chiedza chezvokwadi chakapenya mumwoyo mangu. Ndakakatyamadzwa kuziva kuti Jesu aisagona kuva akaberekwa muna December anotonhora, anonaya, apo vafudzi vaisazova vari kufudza makwai avo musango usiku. (Ruka 2:8-12) Kwakaparadza mufananidzo wangu unoratidza chiono china Kristu ari muchechi, nokuti takanga tashandisa donje sechando kushongedza zviono zvamakwai navafudzi.”
Pashure pokuzvipwisa amene nezveizvo Bhaibheri rinodzidzisa chaizvoizvo, Setsuko akasarudza kurega kuchengeta Krisimisi. Haachisitongorinazve “mudzimu weKrisimisi” kamwe pagore asi anoratidzira mudzimu wokupa kwechiKristu kune mufaro zuva riri rose.
Kana uchidavira zvapachokwadi muna Kristu, usagumburwa apo unoona vahedheni vachishatisa Krisimisi. Vari kungodzokorora zvayakanga yakaita pakuvamba—mutambo wechihedheni. Krisimisi haitungamiriri munhu kugamuchira Jesu Kristu, uyo akadzokera asingaoneki saMambo wokudenga. (Mateo, ganhuro 24 ne 25; Marko, ganhuro 13; Ruka, ganhuro 21) Panzvimbo pezvo, maKristu echokwadi anoratidza mudzimu wakafanana nowaKristu gore rose, uye anozivisa mashoko akanaka oUmambo, uhwo Jesu akava Mambo wahwo. Ndiyo nzira iyo Mwari anoda kuti tigamuchire nayo Jesu Kristu soMuponesi wedu naMambo woUmambo.—Pisarema 2:6-12.
[Mashoko Omuzasi]
a Enzanisa nzira mbiri idzo Pauro akadavidza nadzo panhau yedzingiso. Kunyange zvazvo aiziva kuti “dzingiso haisati ichireva chinhu,” iye akadzingisa mufambidzani wake Timotio, uyo akanga ari wechiJudha kurutivi rwaamai vake. (1 VaKorinte 7:19, NW; Mabasa 16:3) Muchinoitika chaTito, muapostora Pauro akadzivisa kumuita kuti adzingiswe senhau yenheyo mukurwisana navanopesvedzera chiJudha. (VaGaratia 2:3) Tito akanga ari muGiriki ndizvo, kusafanana naTimotio, akanga asina chikonzero chapamutemo chokuva anodzingiswa. Kana iye, waMarudzi, aifanira kudzingiswa, ‘Kristu aisazova webetsero kwaari.’—VaGaratia 5:2-4.
[Mufananidzo uri papeji 7]
MaKristu echokwadi anokudza Jesu gore rose