Gara Pedyo naJehovha
“Pfuurirai mumunyengetero.”—VAROMA 12:12, NW.
1. Chii chiri kuda kwaJehovha pamusoro pomunyengetero, uye ikurudziroi iyo muapostora Pauro akapa pamusoro pokunyengetera?
JEHOVHA ndi“Mwari anopa tariro” kuvose vavanhu vake vakatendeka. So“Munzwi womunyengetero,” iye anoteerera zvikumbiro zvavo zvebetsero yokuwana tariro inofadza iyo anoisa pamberi pavo. (VaRoma 15:13; Pisarema 65:2, NW) Uye kupfurikidza neShoko rake, Bhaibheri, iye anokurudzira vose vavabatiri vake kuuya kwaari nguva ipi neipi yavanoda. Iye aripo nguva dzose, achishuva kugamuchira itiro hanya dzavo dzomukati-kati. Kutaura idi, iye anovakurudzira ku“pfuurira mumunyengetero” noku“nyengetera nguva dzose.”a (VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 5:17, NW) Kuda kwaJehovha kuti maKristu ose adane paari nguva dzose mumunyengetero, achidururira mwoyo yavo kwaari uye achiita kudaro muzita roMwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu.—Johane 14:6, 13, 14.
2, 3. (a) Neiko Mwari akatipangira ku“pfuurira mumunyengetero”? (b) Chipikirwai chatinacho chokuti Mwari anoda kuti tinyengetere?
2 Neiko Mwari achitipa iyi pangiro? Imhaka yokuti dzvinyiriro dzoupenyu nemitoro zvinogona kutiremera zvikuru kwazvo zvokuti tingagona kukanganwa kunyengetera. Zvinetso zvedu zvingatikurira ndokutiparira kurega kufara mutariro ndokurega kunyengetera. Mukurangarira izvi zvinhu, tinoda zviyeuchidzo zvinotikurudzira kunyengetera nokuswedera pedyo zvikuru namanyuko ebetsero nenyaradzo, Jehovha Mwari wedu.
3 Mudzidzi Jakobho akanyora, kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8, NW) Hungu, Mwari haasati ari akanyanyokwirira uyewo haasati ari kure zvokusagona kunzwa kutaura kwedu kwaari, pasinei hapo nomugariro wedu wokusakwana wohunhu. (Mabasa 17:27) Kupfuurirazve, haasati ari asingakendengi naasingaitiri hanya. Wezvamapisarema anoti: “Meso aJehovha anotarira vakarurama, uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo.”—Pisarema 34:15; 1 Petro 3:12.
4. Kupa ngwariro kwaJehovha kumunyengetero kungaenzanisirwa sei?
4 Jehovha anokumbira munyengetero. Tingaenzanisa ikoku nokuungana apo chiverengero chakati chavanhu chiri kutaura pamwe chete. Iwe uripo, uchiteerera kuvamwe vachitaura. Basa rako nderiya romucherekedzi. Asi ipapo mumwe munhu anotendeukira kwauri, anotaura zita rako, uye anonangidzira mashoko ake kwauri. Ikoku kunobata ngwariro yako munzira chaiyo. Nenzira yakafanana, Mwari anoteerera nguva dzose vanhu vake, kupi nokupi kwavangava. (2 Makoronike 16:9; Zvirevo 15:3) Naizvozvo iye anonzwa mashoko edu, achicherekedza nenzira yokudzivirira neyokufarira, sokunge zvakadaro. Patinodana pazita raMwari mumunyengetero, zvisinei, ngwariro yake inobatwa, uye iye zvino anoisa ngwariro patiri munzira chiyo. Kupfurikidza namasimba ake, Jehovha anotogona kucherekedza ndokunzwisisa chikumbiro chomunhu chisina kutaurwa chinopiwa mukati memativi akavandika omwoyo nendangariro. Mwari anotipikira kuti achaswedera pedyo naavo vose vanodana zvapachokwadi zita rake uye vari kutsvaka kugara pedyo naye.—Pisarema 145:18.
Mhinduro Mukuwirirana Nedonzo raMwari
5. (a) Zano rokuti “pfuurirai mumunyengetero” rinoratidzirei pamusoro peminyengetero yedu? (b) Mwari anopindura sei minyengetero?
5 Zano rokupfuurira mumunyengetero rinoratidzira kuti Jehovha padzimwe nguva angatibvumira kuramba tichinyengetera pamusoro penhau yakati kwechinguvana mhinduro yake isati yaoneka. Tingatokombamira kukuneta kukumbira Mwari nokuda kwenyasha kana kuti mutsa worudo uyo ungaratidzika kuva unodikanwa zvikuru asi wave uchirebeswa kwenguva refu. Nokudaro, Jehovha Mwari anotikumbira kusatera kukombamiro ipi neipi yakadaro asi kuramba tichinyengetera. Tinofanira kupfuurira kumukumbira pamusoro peitiro hanya dzedu, tine chivimbo chokuti anoremekedza munyengetero wedu uye achagovera chinodikanwa chedu chaichoicho, kwete chatingave takafungawo hedu. Jehovha Mwari pasina panikiro anodzikamisa zvikumbiro zvedu mukuwirirana nedonzo rake. Somuenzaniso, vamwe vangatapurwa nechikumbiro chedu. Tingafananidzira nhau yacho neiyo yababa vane mwanakomana anovakumbira bhasikoro. Baba vacho vanoziva kuti kana vakatengera bhasikoro mwanakomana iyeyo, mumwe mwanakomana wavo angadawo rimwe. Sezvo mwanakomana mumwe anganyanyova muduku nokuda kwebhasikoro, baba vangasarudza kusatenga ripi neripi panguva iyoyo yakati. Nomutoo wakafanana, nemhaka yedonzo ravo nokuronga nguva yezvinhu, Baba vedu vokudenga vanosarudza chiri chakanakisisa zvirokwazvo nokuda kwedu uye nokuda kwavamwe.—Pisarema 84:8, 11; enzanisa naHabhakuki 2:3.
6. Muenzanisiroi uyo Jesu akapa pamusoro pomunyengetero, uye kupfuurira mumunyengetero kunoratidzei?
6 Unokosha muenzanisiro uyo Jesu akapa pamusoro pokudikanwa kwokuti vadzidzi vake “vanyengetere nguva dzose, vasingarashi mwoyo.” Imwe chirikadzi, isingakwanisi kuwana ruramisiro, yakapfuurira muchikumbiro chayo kuna mambo wohunhu kusvikira pakupedzisira yawana ruramisiro. Jesu akawedzera, kuti: “Ko zvino Mwari haangaruramisi vasanangurwa vake here?” (Ruka 18:1-7) Kupfuurira mumunyengetero kunoratidza kutenda kwedu, kutsamira kwedu pana Jehovha, kudisa kwedu kugara pedyo naye ndokuita chikumbiro chedu, tichisiira muuyo wacho mumaoko ake.—VaHebheru 11:6.
Mienzaniso Yokugara Pedyo naJehovha
7. Tinogona sei kutevedzera kutenda kwaAbheri mukugara pedyo naJehovha?
7 Bhaibheri rakazara nenhauro dzeminyengetero yakataurwa navabatiri vaMwari. Iyoyi yaka“nyorwa nokuda kwomurairidzo wedu, kuti kupfurikidza netsungiriro yedu uye kupfurikidza nenyaradzo inobva muMagwaro tingava netariro.” (VaRoma 15:4, NW) Tariro yedu inosimbiswa kupfurikidza nokurangarira kwedu mimwe mienzaniso yaavo vakagara pedyo naJehovha. Abheri akapa chibairo chinogamuchirika kuna Mwari, uye kunyange zvazvo pasina munyengetero unoshumwa, iye pasina panikiro akakumbira mumunyengetero kuna Jehovha kuti chibairo chake chigogamuchirwa. VaHebheru 11:4 inoti: “Nokutenda Abheri wakabaira Mwari chibairo chakanaka kune chaKaini; akapupurirwa nacho kuti wakanga akarurama.” Abheri aiziva nezvechipikirwa chaMwari chiri pana Genesi 3:15, asi tichienzanisa nezvatinoziva zvino, aiziva zvishomanene zvikuru. Bva, Abheri akashandisa zivo yaakanga anayo. Naizvozvo nhasi, vamwe vaavo vachangobva kufarira zvokwadi yaMwari vachigere kuva nezivo yakawanda, asi vanonyengetera uye vanoshandisa zvikurusa zivo yavanayo, sezvakaita Abheri. Hungu, vanoita mukutenda.
8. Neiko tichigona kuva nechokwadi chokuti Abrahama akagara pedyo naJehovha, uye mubvunzoi watinofanira kuzvibvunza timene?
8 Mumwe mubatiri akatendeka waMwari akanga ari Abrahama, “baba vaavo vose vane kutenda.” (VaRoma 4:11, NW) Nhasi, kupfuura nakare kose, tinoda kutenda kwakasimba, uye tinofanira kunyengetera mukutenda, sezvakaita Abrahama. Genesi 12:8 (NW), inotaura kuti iye akavaka artari “kuna Jehovha uye akavamba kudana pazita raJehovha.” Abrahama aiziva zita raMwari uye akarishandisa mumunyengetero. Nguva nenguva iye akapfuurira zvapachokwadi mumunyengetero, achidana “zita raJehovha Mwari usingaperi.” (Genesi 13:4; 21:33) Abrahama akanga achidana Mwari mukutenda uko iye akakurumbira nokuda kwako. (VaHebheru 11:17-19) Munyengetero wakabetsera Abrahama kuramba achifara zvikuru mutariro yoUmambo. Tiri kutevera muenzaniso waAbrahama wokupfuurira mumunyengetero here?
9. (a) Neiko minyengetero yaDhavhidhi iri yebetsero huru kuvanhu vaMwari nhasi? (b) Chii chingabva mukunyengetera kwedu sezvakaita Dhavhidhi kuti agare pedyo naJehovha?
9 Dhavhidhi akanga akatanhamara pamusoro pokupfuurira mumunyengetero, uye mapisarema ake anoenzanisira icho minyengetero inofanira kuva. Somuenzaniso, vabatiri vaMwari vanogona kunyengeterera nenzira yakafanira zvinhu zvakadai soruponeso kana kuti kununurwa (Pis 3:7, 8; 60:5), nhungamiro (Pis 25:4, 5), dziviriro (Pis 17:8), kanganwirwo yezvivi (Pis 25:7, 11, 18), uye mwoyo wakachena (Pis 51:10). Apo Dhavhidhi akanzwa achitambudzika, iye akanyengetera, kuti: “Itai kuti mwoyo womubatiri wenyu ufare.” (Pis 86:4, NW) Tinogona kunyengeterera nenzira yakafanana mufaro womwoyo, tichiziva kuti Jehovha anoshuva kuti tifare mutariro yedu. Dhavhidhi akagara pedyo naJehovha uye akanyengetera, kuti: “Mweya wangu unokunamatirai nesimba rose; ruoko rwenyu rworudyi runonditsigira.” (Pis 63:8) Tichagara pedyo naJehovha, sezvakaita Dhavhidhi here? Kana tikadaro, iye achatitsigirawo.
10. Mifungoi isina kururama iyo wezvamapisarema Asafi akava nayo pane imwe nguva, asi chii chaakasvika pakuziva?
10 Kana tichizogara pedyo naJehovha, tinofanira kudzivisa kugodora vakaipa nemhaka youpenyu hwavo hwamadiro nohwokudisa zvenyika. Wezvamapisarema Asafi pane imwe nguva akanzwa kuti kwakanga kusina maturo kubatira Jehovha, nokuti vakaipa “vanongogara vasingatamburi.” Asi, akanzwisisa kuti kurangarira kwake kwakanga kusina kururama uye kuti vakaipa vari “panotedza.” Iye akaziva kuti hapana chakanga chiri nani kupfuura kugara pedyo naJehovha, uye akataura iye amene kuna Mwari neiyi nzira: “Ndinoramba ndinemi; makabata ruoko rwangu rworudyi. Nokuti tarirai! vari kure nemi vachapera. . . . Kana ndirini, kuswedera pedyo ari ndizvo zvinondifadza; Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu, kuti ndiparidze mabasa enyu ose.” (Pisarema 73:12, 13, 18, 23, 27, 28) Panzvimbo pokugodora upenyu hwamadiro hwavakaipa, vanhu vasina tariro, ngatitevedzerei Asafi mukugara pedyo naJehovha.
11. Neiko Dhanieri ari muenzaniso wakaisvonaka wokugara pedyo naJehovha, uye tinogona sei kumutevedzera?
11 Dhanieri akapfuurira zvakasimba mumunyengetero, kunyange mukutarisana nengozi yokuva mugomba reshumba nemhaka yokuzvidza ganhuriro dzavakuru vakuru pamunyengetero. Asi Jehovha “akatuma [ngirozi yake, NW] ikadzivira miromo yeshumba,” achinunura Dhanieri. (Dhanieri 6:7-10, 22, 27) Dhanieri akakomborerwa zvikuru kupfurikidza nokupfuurira kwake mumunyengetero. Tinopfuurirawo mumunyengetero here, zvikurukuru patinotarisana nechishoro kukuparidzira kwedu Umambo?
Jesu, Muenzaniso Wedu
12. (a) Pamavambo poushumiri hwake, muenzanisoi uyo Jesu akagadza pamusoro pomunyengetero, uye iwoyu unogona sei kubetsera maKristu? (b) Munyengetero womuenzaniso waJesu unozivisei pamusoro pomunyengetero?
12 Kuvambira pamavambo chaipo poushumiri hwake hwapasi, Jesu anocherekedzwa achinyengetera. Chimiro chake chokunyengetera paakanga achibhapatidzwa chakagadza muenzaniso wakaisvonaka nokuda kwaavo vanobhapatidzwa mumvura munguva dzazvino uno. (Ruka 3:21, 22) Munhu angagona kunyengeterera betsero yaMwari yokuita chinoratidzirwa norubhapatidzo rwomumvura. Jesu akabetserawo vamwe kusvika Jehovha mumunyengetero. Pane imwe nhambo apo Jesu akanga ari mune imwe nzvimbo achinyengetera, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari pashure: “Ishe, tidzidzisei kunyengetera.” Jesu ipapo akarondedzera unowanzonzi munyengetero womuenzaniso, umo nhevedzano yemisoro inoratidza kuti zita raMwari nedonzo zvinofanira kupiwa nzvimbo yokutanga. (Ruka 11:1-4) Nokudaro, muminyengetero yedu tinofanira kuchengeta murangariro nedzikamo, tisingaregeredzi “zvinhu zvinokosha zvikuru.” (VaFiripi 1:9, 10, NW) Chokwadika, pane nguva dzechinodikanwa chaicho kana kuti apo chinetso chakati chinoda kutaurwa. Kufanana naJesu, maKristu angaenda kuna Mwari mumunyengetero kundotsvaka simba rokuita migove yakati kana kuti kutarisana nemiedzo kana kuti ngozi. (Mateo 26:36-44) Kutaura idi, minyengetero yomunhu oga ingabatanidza runodokuva rutivi ruri rwose rwoupenyu.
13. Jesu akaratidza sei ukoshi hwokunyengeterera vamwe?
13 Kupfurikidza nomuenzaniso wake wakaisvonaka, Jesu akaratidza ukoshi hwokunyengeterera vamwe. Iye aiziva kuti vadzidzi vake vaizovengwa ndokutambudzwa, kunyange sezvaakaitwa. (Johane 15:18-20; 1 Petro 5:9) Iye, naizvozvo, akakumbira Mwari ku“vachengeta pano wakaipa.” (Johane 17:9, 11, 15, 20) Uye achiziva muedzo chaiwo wakanga uri mberi nokuda kwaPetro, akamuudza, kuti: “Ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera.” (Ruka 22:32) Kunobetsera sei kana isuwo tikapfuurira mukunyengeterera hama dzedu, tichifunga nezvavamwe uye kwete chete zvinetso zvedu timene nefariro!—VaFiripi 2:4; VaKorose 1:9, 10.
14. Tinoziva sei kuti Jesu akagara pedyo zvikuru naJehovha muushumiri hwake hwose hwapasi, uye tinogona sei kumutevedzera?
14 Muushumiri hwake hwose, Jesu akapfuurira mumunyengetero, achigara pedyo zvikuru naJehovha. (VaHebheru 5:7-10) Muapostora Petro, pana Mabasa 2:25-28, anonokora mashoko Pisarema 16:8 uye anorishandisa kuna Ishe Jesu Kristu: “Dhavhidhi akataura pamusoro pake, achiti: ‘Ndakaona [Jehovha, NW] pamberi pangu misi yose, nokuti uri kurudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.’” Tinogona kuita zvakafanana. Tinogona kunyengetera kuti Mwari ave pedyo nesu, uye tinogona kuratidza chivimbo chedu muna Jehovha kupfurikidza nokuramba tichimuona nameso edu mundangariro. (Enzanisa nePisarema 110:5; Isaya 41:10, 13.) Ipapo tichadzivisa marudzi ose ezvinetso, nokuti Jehovha achatitsigira, uye hatisati tichizotongozununguka.
15. (a) Hatitongofaniri kukundikana kupfuurira mumunyengetero pamusoro pechii? (b) Inyeveroi inopiwa pamusoro pokuonga kwedu?
15 Ngatirege kutongokundikana kutaura kuonga kuna Jehovha nokuda kworunako rwake rwose kwatiri, hungu, “mutsa usakafanirwa mukuru waMwari,” uyo unobatanidza chipo choMwanakomana wake sechibairo chorudzikinuro nokuda kwezvivi zvedu. (2 VaKorinte 9:14, 15, NW; Marko 10:45; Johane 3:16; VaRoma 8:32; 1 Johane 4:9, 10) Zvamazvirokwazvo, muzita raJesu, “muonge Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose.” (VaEfeso 5:19, 20; VaKorose 4:2; 1 VaTesaronika 5:18) Tinofanira kungwarira kusabvumira kuonga kwedu nokuda kwezvatinazvo kuchishatswa nemhaka yokuti takanyanyobatikana kwazvo nezvatisina kana kuti nezvinetso zvedu zvomunhu oga.
Kukandira Mitoro Yedu Pana Jehovha
16. Apo mutoro wakati unotinetsa, chii chatinofanira kuita?
16 Kupfuurira mumunyengetero kunoratidza ukuru hwokuzvipira kwedu. Patinodana pana Mwari, muuyo wacho patiri wakanaka kunyange mhinduro isati yabva kwaari. Kana mutoro wakati uri kunetsa ndangariro dzedu, tinogona kugara pedyo naJehovha kupfurikidza nokutevera zano rinoti: “Kandira mutoro wako pana Jehovha; iye achakusimbisa.” (Pisarema 55:22) Kupfurikidza nokukandira mitoro yedu yose—funganyo, kunetseka, kuodzwa mwoyo, kutya, uye zvichingodaro—pana Mwari, nokutenda kwakazara maari, tinogamuchira kunyarara kwomwoyo, “rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose.”—VaFiripi 4:4, 7; Pisarema 68:19; Marko 11:24; 1 Petro 5:7.
17. Tingawana sei rugare rwaMwari?
17 Urwu rugare rwaMwari runouya kamwe kamwe here? Kunyange zvazvo tinganunurwa kamwe kamwe, icho Jesu akataura pamusoro pokunyengeterera mudzimu mutsvene ndechechokwadi panowo: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.” (Ruka 11:9-13, NW) Sezvo mudzimu mutsvene uri nzira iyo tinobvisa nayo funganyo, tinofanira kupfuurira mukukumbira rugare rwaMwari nebetsero yake pamusoro pemitoro yedu. Tinogona kuva nechokwadi chokuti kupfurikidza nokupfuurira mumunyengetero, tichawana kununurwa kunoshuviwa nokunyarara kwomwoyo.
18. Jehovha anotiitirei kana tisingazivi chaizvoizvo chokunyengeterera mumugariro wakati?
18 Asi zvakadiniko kana tisingazivi chaizvoizvo chokunyengeterera? Kugomera kwedu kwomukati kazhinji kazhinji kunoramba kusingataurwi nemhaka yokuti hatinzwisisi zvizere mugariro wedu, kana kuti hatizivi pamusoro pechokupa kuna Jehovha. Ndipo pano apo mudzimu mutsvene unogona kutireverera. Pauro akanyora, kuti: “Hatizivi kunyengetera zvakafanira; asi [mudzimu, NW] umene unotinyengeterera nokugomera kusingataurwi.” (VaRoma 8:26) Seiko? MuShoko raMwari mune mauporofita akafuridzirwa neminyengetero zvine chokuita nomugariro wedu. Iye anorega izvozvi zvichitireverera, sokunge zvakadaro. Iye anogamuchira izvozvi seizvo taizonyengeterera kudai bedzi taiziva revo yazvo kwatiri, uye nenzira inowirirana iye anozviita.
Munyengetero Netariro Zvichafanira Kupfuurira
19. Neiko munyengetero netariro zvichapfuurira nokusingaperi?
19 Munyengetero kuna Baba vedu vokudenga uchapfuurira nokusingaperi, zvikurukuru pamusoro pokuonga nyika itsva nezvikomborero zvayo zvose. (Isaya 65:24; Zvakazarurwa 21:5) Tichapfuurirawo kufara mutariro, nokuti tariro muchimiro chakati ichagara nokusingaperi. (Enzanisa na 1 VaKorinte 13:13.) Zvinhu zvitsva izvo Jehovha achabudisa paanenge achisirizve muzuva rake reSabata raakagadza amene rezororo kupasi, hatimbogona kunyange kufungidzira. (Genesi 2:2, 3) Nokusingagumi kwose, iye achava nezvinoshamisa zvorudo zviri mberi nokuda kwavanhu vake, uye nguva yemberi ine zvinhu zvikuru nokuda kwavo mubetsero yokuita kuda kwake.
20. Chii chinofanira kuva kutsunga kwedu, uye nei?
20 Netariro yakadaro inofadza iri pamberi pedu, tose zvedu ngatigarei pedyo naJehovha kupfurikidza nokupfuurira mumunyengetero. Ngatirege kutongorega kuonga Baba vedu vokudenga nokuda kwezvikomborero zvedu zvose. Munguva yakafanira kariro dzedu dzichazadzikwa nomufaro, kunyange kupfuura chatingagona kuve takafungidzira kana kuti kukarira, nokuti Jehovha anogona “kuita zvikuru kwazvo zvinopfuura zvose zvatinokumbira kana zvatinofunga.” (VaEfeso 3:20) Mukurangarira izvozvi, ipapoka, ngatipe rumbidzo yose nembiri nokuonga nokusingagumi kwose kuna Jehovha Mwari wedu, “Munzwi womunyengetero”!
[Mashoko Omuzasi]
a Mukuwirirana neWebster’s New Dictionary of Synonyms, “Pfuurirai nguva dzose anodokuva anokarakadza vara rinodikanwa; anokarakadza zvose zviri zviviri kuramba kuodzwa mwoyo nokukundikana, kupanikira, kana kuti zvinetso, uye rondwo yakatsiga kana kuti yokusaneta yedonzo kana kuti basa.”
Waizopindura Sei?
◻ Neiko tichifanira kupfuurira mumunyengetero?
◻ Chii chatinodzidza mumienzaniso yapamberi pechiKristu yomunyengetero?
◻ Muenzaniso waJesu unotidzidzisei pamusoro pomunyengetero?
◻ Tinogona sei kukandira mitoro yedu pana Jehovha uye nomuuyoi?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Dhanieri akapfuurira mumunyengetero pasinei hapo netyisidziro yokukandirwa mugomba reshumba