RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 9/15 pp. 4-6
  • Minyengetero Yaani Inopindurwa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Minyengetero Yaani Inopindurwa?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chibvumikiso Chokuti Mwari Anopindura Minyengetero
  • Chikonzero Nei Mimwe Minyengetero Isingapindurwi
  • Jesu “Akanzwiwa Zvakanaka”
  • Nzira Iyo Jehovha Anopindura Nayo Minyengetero Nhasi
  • Minyengetero Yavo Inopindurwa
  • Minyengetero Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Jehovha Anopindura Sei Minyengetero Yedu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Sumo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2021
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 9/15 pp. 4-6

Minyengetero Yaani Inopindurwa?

JEHOVHA ndiMwari anopindura minyengetero. Kutaura idi, Shoko rake, Bhaibheri, rinomudana kuti “Munzwi womunyengetero.” (Pisarema 65:2, NW) Iye anodisa kupindura minyengetero. Asi minyengetero yaani yaanopindura zvomenemene?

Mwari anopindura minyengetero yavanhu vanomufadza. Ivo vane chimiro chokuremekedza chowezvamapisarema uyo akati: “Senondo inotakwairira hova dzemvura, saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai imi Mwari. Mweya wangu une nyota kuna Mwari, iye Mwari mupenyu.” (Pisarema 42:1, 2) Bva, ufakazii huripo hwokubvumikisa kuti Jehovha anopindura minyengetero yavanamati vake vechokwadi?

Chibvumikiso Chokuti Mwari Anopindura Minyengetero

Bhaibheri rine chinyorwa chikuru chinobvumikisa kuti Jehovha anopindura minyengetero yavabatiri vake vakatendeka. Somuenzaniso, apo Mambo Jehoshafati waJudha akanyengeterera rununuro, Mwari akapindura munyengetero wake ndokumupa rukundo kupfurikidza nokuparira vavengi vake kurwisana. (2 Makoronike 20:1-26) Apo Mambo Hezekia nenzira yakafanana akatarisana neuto rinotyisa, akanyengetera nokuzvininipisa kuna Mwari nokuda kwebetsero. Hezekia akaona ruponeso rwaJehovha apo ngirozi yakauraya vaAsiria 185 000 muusiku humwe.—Isaya 37:14-20, 36-38.

Neiko Mwari akapindura minyengetero iyoyo? Muzvinoitika zvose zviri zviviri, madzimambo akateterera kuti kurasikirwa nehondo kwaizoratidzira zvakaipa pazita raJehovha. (2 Makoronike 20:6-9; Isaya 37:17-20) Ivo vakanga vachiitira hanya mukurumbira wake. “Donzo gurusa romunyengetero,” inodaro The International Standard Bible Encyclopedia, “hachisati chiri zvacho chakanaka chomukumbiri asi rukudzo rwezita raMwari.” Naizvozvo, vabatiri vakatendeka vaJehovha vanogona kuva nechokwadi chokuti achavabetsera “nokuda kwezita rake.” Chinyorwa chinobvumikisa kuti minyengetero yakadaro yakapindurwa chinopa vanhu vaMwari chivimbo chokuti iye anonzwa minyengetero yavo.—Pisarema 91:14, 15; 106:8; Zvirevo 18:10.

Kunyange kana mugariro uchibatanidza zita raJehovha, zvisinei, Mwari anosarudza kupindura minyengetero yakati kana kuti kwete. Iye angava nezvikonzero zvakanaka zvokusapindura mimwe minyengetero. Kana tichinzwa kuti minyengetero yedu haisi kunzwiwa, kwakanaka kurangarira chikonzero nei ikoku kungava kwakadaro.

Chikonzero Nei Mimwe Minyengetero Isingapindurwi

“Kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi;” Jehovha akamboudza vaIsraeri kudaro. Achionesa chikonzero chacho, iye akapfuurira, kuti: “Maoko enyu azere neropa.” (Isaya 1:15) Munhu upi noupi angagona sei kufuratira mutemo waJehovha ndokungonzwiwa naye? Chimwe chirevo cheBhaibheri chinopa mhinduro yakajeka, chichiti: “Unoramba kunzwa murairo nenzeve yake, kunyange nomunyengetero wake unonyangadza.”—Zvirevo 28:9.

Bhaibheri rinopa chimwe chikonzero nei mimwe minyengetero isinganzwiwi, apo rinoti: “Munokumbira, musingapiwi; nokuti munokumbira zvakaipa, kuti muzviparadze pakuchiva kwenyu.” (Jakobho 4:3) Aiwa, Jehovha haasati achizopindura minyengetero yokugutswa kwezvishuvo zvakaipa. Tinofanira kuyeukawo kuti Mwari haasi kutora mirairo inobva kuvanhu, sokunge zvakadaro. Iye Ndiye anosarudza kupindura kwaachaita minyengetero yedu.

Ine chokwadi chokupindurwa ndiyo minyengetero inoenda kuna Mwari ichibva mumwoyo wakachena, ine vavariro yakafanira, uye munzira yake yakagadzwa—kupfurikidza naJesu Kristu. (Johane 14:6, 14) Asi kunyange avo vane minyengetero inosvitsa zvinodikanwa zvakadaro pane dzimwe nguva vakanzwa kuti havasi kunzwiwa. Nei Mwari asati aizopindura nokukurumidza minyengetero yakati yavabatiri vake?

Jehovha anoziva nguva yakanakisisa yokupindura minyengetero. Kunyange zvazvo mukomana achikumbira bhasikoro, baba vake vangasamuwanira rimwe kutozosvikira mwana akura zvakakwana kuritasva zvakakotsekana. Zvimwe chetezvo zvingava zvechokwadi nemimwe minyengetero yaavo vanoda Mwari. Achiziva chakanakisisa nokuda kwavo, iye anopa chinodikanwa panguva yakanaka zvikurusa.

Bva, vabatiri vaJehovha havawani chinhu chiri chose chavanganyengeterera. Zvavasina kukwana, vangashuva zvimwe zvinhu zvingasava zvakavanakira. Baba vavo vokudenga vane rudo havangavapi chinhu chipi nechipi chinokuvadza, nokuti iye Mupi we“chipo chakanaka chiri chose nechipiwa chakakwana chiri chose.” (Jakobho 1:17, NW) Nenzira yakafanana, Mwari angasapa chimwe chinhu icho chisiri madikanwa mumurangariro wake. (Enzanisa na 2 VaKorinte 12:7-10.) Iye anopindura minyengetero iri mutsinhirano nokuda kwake nedonzo nokuda kwavanhu vake.—1 Johane 5:14, 15.

Jesu “Akanzwiwa Zvakanaka”

Jesu Kristu akanga ari munhu womunyengetero. (Mateo 6:9-13; Johane 17:1-26) Iye aiva nechivimbo chakazara chokuti Baba vake vokudenga vaizonzwa ndokupindura minyengetero yake. Jesu akamboti: “Baba, . . . ndaiziva kuti munondinzwa nguva dzose.” (Johane 11:41, 42, NW) Asi Jesu haana kuodzwa mwoyo here pamugumo pamene penzira yake yapasi? Ipapo haana here kuchema, achiti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko?”—Mateo 27:46.

Apo Jesu akataura mashoko iwayo, sezviri pachena akanga achizadzika uporofita pamusoro porufu rwake. (Pisarema 22:1) Mupfungwa yakaganhurirwa, Jesu aigonawo kuva akareva kuti Jehovha akanga abvisa dziviriro yake ndokurega Mwanakomana wake achifa rufu runorwadza norunonyadzisa kuti aedze perero yake zvakakwana. Kunzverwa kwezvinoitika pazuva iroro rokupedzisira roupenyu hwapasi hwaJesu kunoratidza kuti Mwari akanzwa minyengetero yake.

Pausiku hwokusungwa kwake, Jesu akanyengetera ari mubindu reGetsemane. Katatu akateterera, kuti: “Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri.” (Mateo 26:39, 42, 44) Jesu akanga asingazenguriri kupa upenyu hwake sorudzikinuro nokuda kworudzi rwomunhu runotenda. Aiwa, asi iye sezviri pachena aiitira hanya zvikuru kubvira kwokuzvidza Baba vake vanodiwa zvikuru kupfurikidza nokufira padanda rokutambudzira somutuki waMwari akatukwa. Ko Jehovha akanzwa here munyengetero waJesu?

Makore akawanda gare gare muapostora Pauro akanyora, kuti: “Iye, pamazuva enyama yake, wakauya kuna iye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, [akanzwiwa zvakanaka, NW] nokuda kwokutya kwake Mwari.” (VaHebheru 5:7; Ruka 22:42, 44) Hungu, pausiku hunorwadza pamberi porufu rwake, Jesu “akanzwiwa zvakanaka.” (NW) Asi seiko?

Jehovha akatuma ngirozi iyo “yakaoneka kuna [Jesu] ndokumusimbisa.” (Ruka 22:43, NW) Anzarwozvo kusimbiswa, Jesu akakwanisa kutarisana norufu padanda rokutambudzira. Sezviri pachena, Jehovha ipapo akamupa vimbiso yokuti rufu rwake padanda harusati rwaizounza ruzvidzo pazita roumwari asi pakupedzisira raizova chinhu chimene chinoshandiswa kuritsvenesa. Zvamazvirokwazvo, rufu rwaJesu padanda rokutambudzira rwakazarura nzira yokuti vaJudha, avo kudai zvisizvo vakanga vakatukwa muMutemo, vaponeswe mushurikidzo kurufu.—VaGaratia 3:11-13.

Mazuva matatu gare gare, Jehovha akamutsa Jesu ndokumubvisira pomero ipi neipi inobvira yokutuka Mwari kupfurikidza nokumukwidza kunzvimbo huru yokudenga. (VaFiripi 2:7-11) Inzira inoshamisa zvakadini yokupindura nayo munyengetero waJesu pamusoro po“mukombe uyu”! Munyengetero iwoyo wakapindurwa munzira yaJehovha. Uye Jesu akawana zvikomborero zvinoshamisa nemhaka yokuti akanga audza Baba vake vokudenga, kuti: “Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.”—Ruka 22:42.

Nzira Iyo Jehovha Anopindura Nayo Minyengetero Nhasi

Kufanana naJesu, avo vanotsvaka kufadza Jehovha nhasi vanofanira nguva dzose kukumbira kuti kuda kwaMwari kuitike. Ivo vanofanira kuva nokutenda kwokuti Jehovha achapindura minyengetero yavo nenzira ichavabetsera zvikurusa. Kutaura idi, iye acha‘ita zvinopfuura zvakawanda zvikuru zvinhu zvose zvavanokumbira kana kuti kunzwisisa.’—VaEfeso 3:20.

Mumwe mukadzi muduku wechiKristu aigara navabereki vake vasingatendi akawana uzvokwadi hworugwaro irworwo. Mutsamba yakabva kuWatch Tower Society, iye akakumbirwa kurangarira nenzira yokunyengetera kubvira kwokugamuchira mugove chaiwo woufundisi. Kunyange zvazvo chishuvo chake chechokwadi chakanga chiri chokugara pamusha kuti abetsere vabereki vake kuva maKristu, akakumbira Mwari mumunyengetero, kuti: “Chii chiri kuda kwenyu? Ndechokugamuchira iyi kokero pasinei zvapo nechishoro chavabereki vangu here, kana kuti ndechokubetsera vabereki vangu kupfurikidza nokupfuurira kugara navo?” Nguva iri yose yaainyengetera, hana yake yakamuudza kugamuchira kokero. Iye akasarudza kuti iyi yakanga iri mhinduro yakabva kuna Jehovha.

Mwari akasimbisa uyu mukadzi kuti aomerere kuchisarudzo chake. Apo akakumbirwa kuenda kuAwaji Island, Japan, vabereki vake vakakatyamadzwa ndokusimbisa chishoro chavo. Zvisinei, vasingakwanisi kumupwisa kuti achinje ndangariro yake, mai vake vakasarudza kufunda Bhaibheri kuti vagoona chete chikonzero nei mwanasikana wavo akaita chisarudzo chakadaro. Mwedzi mitatu gare gare vabereki vake vakamushanyira. Pakuona kuti aisanotarisirwa sei nezvimwe Zvapupu zvaJehovha, baba vake vakaororwa zvikuru ndokuchema apo kwakanga kusina munhu aivapo. Nokukurumidza ivowo vakavamba kufunda Bhaibheri. Pashure penguva yakati vabereki vose vari vaviri vouyu mukadzi muduku vakabhapatidzwa ndokuvamba kubatira Jehovha nokutendeka. Ko Jehovha Mwari haana kukomborera uyu mukadzi muduku wechiKristu zvikuru kwazvo here?

Minyengetero Yavo Inopindurwa

Unoyeuka here mashoko omukadzi adudzwa pakutanga kwenyaya yapfuura? Iye akanga asina kutongonzwa kunzwa kwokupindurirwa minyengetero yake. Bva, iye gare gare akanzwisisa kuti Mwari akanga achipindura minyengetero yake. Mukadzi wacho akanga achengeta chinyorwa chamapfundo makuru eminyengetero yake. Rimwe zuva akatarira mubhuku rezvinonyorwa ndokuziva kuti Jehovha akanga anzwa mizhinjisa yeminyengetero yake, kunyange iyo iye amene akanga akanganwa! Iye nokudaro akaziva kuti Mwari akanga achimutarisira nokupindura minyengetero yake nenzira nyoro iyo yakamubetsera zvikurusa.

Kana uchinzwa kuti minyengetero yako haisi kupindurwa, zvibvunze umene, kuti: ‘Ko ini ndine ukama hwomunhu oga here naJehovha, “Munzwi womunyengetero”? Kana ndisina, ndiri kuita nhano here dzokudzidza pamusoro pake ndokuva mumwe wavabatiri vake vakazvitsaurira?’ Iye anopindura minyengetero yaavo vanomuda ndokuita kuda kwake. Ivo “vanopfuurira mumunyengetero” uye vanonzwiwa zvakanaka, sezvakaitwa Jesu. (VaRoma 12:12, NW) Naizvozvo, “durura mwoyo wako” kuna Jehovha ndokuita kuda kwake. (Pisarema 62:8, NW) Ipapo minyengetero yako ichanzwiwa.

Nhasi, mamirioni avanhu ari kunyengeterera chimwe chinhu chaicho. Hungu, uye minyengetero yavo iri kunzwiwa. Ngationei chikonzero nei tichigona kuva nechokwadi chokuti minyengetero yakadaro ichapindurwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe