Minyengetero Ine Chokwadi Chokupindurwa
KUNE minyengetero ichapindurwa zvamazvirokwazvo. Mapfundo makuru ayo akabatanidzwa mumuenzaniso uyo Jesu Kristu akapa vadzidzi vake apo akati: “Munofanira kunyengetera, ipapoka, neiyi nzira: ‘Baba vedu vari mumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, pasi panowo.’”—Mateo 6:9-13, NW.
Mashoko iwayo omunyengetero womuenzaniso waJesu akadzokororwa kane mamirioni akawanda. Kunyange zvazvo Kristu asina kukarira vateveri vake vechokwadi kungodzokorora zvavo munyengetero wakadaro, zvikumbiro zvavo zvinotaura mirangariro yakafanana zvine chokwadi chokupindurwa. (Mateo 6:7, 8) Naizvozvo, kuita kuti zita raMwari ritsveneswe kunorevei? Kunyengetererei kuti Umambo hwake huuye? Uye kukumbirirei kuti kuda kwaMwari kuitwe?
“Zita Renyu Ngaritsveneswe”
Jehovha, “Wokumusorosoro pamusoro papasi rose,” ndiye Uyo Jesu akataura sa“Baba vedu vari mumatenga.” (Pisarema 83:18, NW) Mwari akanga “abereka” vaIsraeri kupfurikidza nokuvasunungura muusungwa hweEgipita uye kupfurikidza nokupinda muukama hwesungano navo. (Dheuteronomio 32:6, 18; Eksodho 4:22; Isaya 63:16) Nhasi, maKristu akazodzwa anoremekedza zvikuru Jehovha saBaba wawo. (VaRoma 8:15) Uye vasonganiri vawo, avo vane tariro yapasi, nenzira yakafanana vanonyengetera kuna Jehovha Mwari saBaba wavo.—Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:1-9.
Asi kunyengetererei kuti zita raMwari ritsveneswe? Eya, chifo chokupanduka kwavaviri vokutanga vohunhu mubindu reEdheni, ruzvidzo rwakatutirwa pazita roumwari. Mumhinduro kumunyengetero wakadaro, Jehovha achabvisa ruzvidzo rwose rwakakandirwa nguva dzose pazita rake rechirangaridzo. (Pisarema 135:13) Iye achaita ikoku kupfurikidza nokubvisa uipi mupasi. Pamusoro penguva iyoyo, Mwari akati kupfurikidza nomuporofita Ezekieri: “Zvamazvirokwazvo ndichazvikudza ndimene ndokuzvitsvenesa ndimene ndokuzviita ndimene anozivikanwa pamberi pameso amarudzi mazhinji; uye vachafanira kuziva kuti ndini Jehovha.”—Ezekieri 38:23, NW.
Jehovha Mwari mutsvene uye akachena. Zita rake rinofanira naizvozvo kutsveneswa, kana kuti kutsaurwa sedzvene. Iye acharatidzira utsvene hwake kupfurikidza nokuita chiito kuti azvitsvenese amene pamberi pechisiko chose. (Ezekieri 36:23) Avo vanoshuva nyasha dzake noupenyu husingagumi vanofanira kuremekedza Jehovha norutyo ndokutsvenesa zita rake kupfurikidza nokuribata serakaparadzana uye serakakwirira zvikuru kupfuura mamwe ose. (Revhitiko 22:32; Isaya 8:13; 29:23) Naizvozvo, Jesu akaudza vateveri vake kunyengetera, kuti: “Zita renyu [ngaritsveneswe, NW]” kana kuti, “kurangarirwa serinoyera; kubatwa sedzvene.” Tinogona kuva nechokwadi chokuti Mwari achapindura rutivi urwu rwomunyengetero womuenzaniso waJesu.
“Umambo Hwenyu Ngahuuye”
Jesu akaudzawo vateveri vake kunyengetera, kuti: “[Umambo, NW] hwenyu ngahuuye.” Minyengetero yokuuya kwoUmambo hwaMwari ichapindurwa zvamazvirokwazvo. Umambo ubati ushe hukuru hwaJehovha hunoratidzirwa nehurumende yaMesia yokudenga musimba roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye “vatsvene” vakabatanidzwa. (Dhanieri 7:13, 14, 18, 22, 27; Isaya 9:6, 7) Zvapupu zvaJehovha zvakabvumikisa kwenguva refu kubva muMagwaro kuti Jesu akagadzwa pachigaro choumambo saMambo wokudenga mugore ra 1914. Neiko, ipapoka, munhu upi noupi achifanira kunyengetera kuti Umambo “huuye”?
Kunyengeterera kuuya kwoUmambo zvomenemene kunoreva kukumbira kuti hurwisane navashori vose voubati ushe hwoumwari pasi pano. Nokukurumidza zvino “umambo [hwaMwari] . . . huchaputsanya ndokugumisa maumambo iwawa ose [apasi], uye ihwo humene huchagara kusvikira kunguva dzisingazivikanwi.” (Dhanieri 2:44, NW) Ichi chinoitika chichabatira kukutsveneswa kwezita dzvene raJehovha.
“Kuda Kwenyu Ngakuitike”
Jesu akaraidzazve vadzidzi vake kunyengetera, kuti: “Kuda kwenyu ngakuitike, somudenga, [pasi panowo, NW].” Ichi chikumbiro chokuti Jehovha aite mutsinhirano nokuda kwake nokuda kwapasi. Kwakafanana neziviso yowezvamapisarema: “Zvose zvaakada kuita Jehovha wakazviita, kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose. Unokwidza makore pamigumo yapasi; unoita mheni kuuyisa mvura; unobudisa mhepo panovigwa pfuma yake. Ndiye wakaparadza matangwe eEgipita, avanhu neezvipfuwo. Wakatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako, iwe Egipita, pamusoro paFarao napamusoro pavaranda vake vose. Ndiye wakaparadza ndudzi zhinji nokuuraya madzimambo ane simba.”—Pisarema 135:6-10.
Kunyengetera kuti kuda kwaJehovha kuitike pasi pano chikumbiro chokuti aite madonzo ake kupasi rino. Ikoku kunobatanidza kubviswa kwechigarire kwavashori vake, kunyange sezvo akavabvisa pamwero muduku munguva dzakare. (Pisarema 83:9-18; Zvakazarurwa 19:19-21) Minyengetero yokuti kuda kwaJehovha kuitwe mupasi rose nechisiko chose zvirokwazvo uchapindurwa.
Apo Umambo Hunotonga
Panzvimbo pouipi uhwo zvino hwakatekeshera muchaunga chavanhu, chii chinogona kukarirwa apo Umambo hwaMwari hunotonga uye kuda kwoumwari kuchiitwa pasi pano sezvakunoitwa mudenga? Mukuwirirana nomuapostora Petro, “kune matenga matsva nepasi idzva zvatakamirira mukuwirirana nechipikirwa [chaMwari], uye kururama kuchagara muna izvozvi.” (2 Petro 3:13, NW) “Matenga matsva” masimba anotonga omudzimu akarurama—Jesu Kristu navadyi nhaka pamwe chete vane 144 000 muUmambo hwokudenga. (VaRoma 8:16, 17; Zvakazarurwa 14:1-5; 20:4-6) “Pasi idzva” harisati riri rimwe denderedzwa rapasi. Panzvimbo pezvo, chaunga chakarurama chavanhu vanogara papasi.—Enzanisa nePisarema 96:1.
Mukutonga kwoUmambo, pasi richashandurwa kuva paradhiso yapasi pose. (Ruka 23:43) Rugare rwechokwadi nebudiriro panguva iyeyo zvichafarikanywa norudzi rwose rwomunhu runoteerera. (Pisarema 72:1-15; Zvakazarurwa 21:1-5) Unogona kuva pakati pamapoka iwayo anofara kana uri murevereri akavimbika woubati ushe hwaMesia pavadzorwi vapasi vanoteerera. Varevereri voubati ushe hwakadaro vanonyengeterera zvapachokwadi tsveneswo yezita raJehovha, kuti Umambo hwake huuye, uye kuti kuda kwake kuitike. Minyengetero yavo yomwoyo wose ine chokwadi chokupindurwa.