Minyengetero Inopindurwa
CHISHUVO chokukurukura nesimba rakati rakakwirira chagara somunhu amene. Somuenzaniso, manyoro akati akatemerwa eEgipita yakare ane minyengetero. Mimwe yaiyoyi yaikumbira dziviriro inobva kuna mwari, nepo mimwe yaiva kutaura kwerumbidzo kana kuti kwechivimbo muna mwari ari kutaurwa kwaari. Pakati pavaGiriki vezana ramakore rechisere P.N.V., nziyo pamwe chete neminyengetero yokudetembera neyemiitiro yaizivikanwa navose. Muminyengetero yeRoma, ngwariro yaidikwana mukutaura kuna mwari akati, sezvo vanamwari vazhinji vainamatwa panguva iyeyo.
Kusvikira kuzuva rino, munyengetero rutivi runozivikanwa navose rwamarudzidziso makuru enyika. Vanozivikanwa zvikuru nokuda kwokuwanzoshandisa kwavo munyengetero vaBhuddha, vaHindu, vaJudha, vaMuslim, uye avo vanotaura kuva maKristu. Kunyange zvazvo munyengetero wakapararira murudzidziso rwezana ramakore rechi 20, mhatsa huru mumitoo nemiitiro zvomunyengetero zvinoparira katyamadzo kuvazhinji vanotsvaka kuita kuti minyengetero yavo ipindurwe.
Munyengetero Upi Noupi Uchaita Here?
Sezvo kunyengetera kuchiva nezvimiro zvakawanda, ko munyengetero upi noupi zvawo uchava unobudirira here? Vamwe vanorangarira kuti chero bedzi munhu anonyengetera ari wapachokwadi uye “achidavira,” hazvinei hazvo zvikuru nokuti chimiroi chomunyengetero chinoshandiswa. Iwe unofungei? Nemhaka yomusiano womurangariro paiyi nhau, kuri madikanwa kupfuura mirangariro yavanhu ndokutsvaka mashoko akaziviswa akabva kumanyuko akakwirira.
Mhinduro dziri pamapeji anotevera dzakatorwa kumanyuko akadaro, Bhaibheri Dzvene. Iro rinoratidza kuti hausati uchingova munyengetero upi noupi zvawo uchaita kana munhu achikarira munyengetero wake kunzwiwa ndokupindurwa.
Bhaibheri Rinotsanangura, Kuti:
Minyengetero inofanira kutaurwa kuna ani
Chikonzero nei mimwe minyengetero isingapindurwi
Chii chingakumbirwa mumunyengetero
Rutivii runoita munhu ari kupa munyengetero?
Chinodikanwa chikuru kutenda, kwete chete uchokwadi hwechitendero chokuti Mwari aripo uye anogona kunzwa minyengetero. (VaHebheru 11:6) Kutenda kwakadaro kunoratidzirwa mukuvavarira kurarama mutsinhirano nenheyo dzakarurama dzaMwari dzinooneswa muBhaibheri. MuMharidzo yake yapaGomo, Jesu Kristu akasimbisa iri pfundo: “Haasati ari munhu wose anonditi ‘Ishe, Ishe’ achapinda muUmambo hwedenga, asi avo bedzi vanoita izvo Baba vangu vari mudenga vanoda kuti vaite.”—Mateo 7:21, Today’s English Version.
Somuenzaniso waavo vane minyengetero isati yaizonzwiwa, muporofita wechiHebheru Isaya akanyora, kuti: “Kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi [Jehovha Mwari]; maoko enyu azere neropa.” (Isaya 1:15) Naizvozvo vapi navapi vasingaremekedzi kuyera kwoupenyu havagoni kukarira minyengetero yavo kunzwiwa, hazvinei hazvo nokuti ivo vanonyengetera kazhinji kazhinji uye nesimba sei.
Neiko vamwe “vatendi” kazhinji kazhinji vasingawani mhinduro dzeminyengetero yavo?
Chitendero choga hachina kukwana kufadza Mwari ndokumuita kuti apindure minyengetero yedu. Kunyange munhu asingatani kunyengerwa angati anodavira. Kuti chitendero chive noukoshi, chinofanira kuvakirwa pazivo yakarurama, iyo inogona kuwanwa bedzi kupfurikidza nefundo yeBhaibheri. Mukuwedzera, chitendero nokutenda zvinofanira kubvumikiswa namabasa azvinoita. “Sezvo muviri usina mudzimu wakafa, naizvozvowo kutenda kusina mabasa kwakafa.”—Jakobho 2:26, NW.
Mutendi wechokwadi aizodikanirwa kurangarira Mwari zuva nezuva, kwete kutendeukira kumunyengetero bedzi paanenge atarisana nengozi. Iye aizoitawo mabasa okutenda, mabasa akarurama ayo anobatanidza kutaura kuvamwe pamusoro pechitendero chake nokutenda muna Mwari.
Munyengetero unofanira kuva nechimiroi?
Munyengetero haufaniri kungova muitiro chete, uyewo haufaniri kuraviwa mubhuku. Uyewo munyengetero haufaniri kuva nezvitsama zvamashoko zvinodzokororwa sokunge kudzokorora kunouita kuti uve unobudirira zvikuru. Uye munyengetero haufaniri “kuitwa” nokuda kwokuratidzira kana kuti kuorora vamwe. Jesu akapa iri zano rakanaka pamusoro pechimiro icho minyengetero yedu inofanira kuva nacho uye chatinofanira kudzivisa: “Kana muchinyengetera, musava savanyengeri, nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira dzomumusha, kuti vaonekwe navanhu. . . . Pakunyengetera kwenyu, musapamhidza zvisina maturo savahedheni; nokuti ivo vanofunga kuti vachanzwika nokutaura kwavo kuzhinji.”—Mateo 6:5-7.
Hapana chimiro chomuviri chakati chinorondedzerwa kuti minyengetero inzwiwe. Zvisinei, munhu ari kunyengetera aizofanira kuva anozvininipisa naanoremekedza muzvose zviri zviviri muchimiro nomumashoko anoshandiswa mumunyengetero wake.
Minyengetero inofanira kutaurwa kuna ani?
Bhuku reBhaibheri raVaHebheru rinotaura nezvomunhu uyo “anosvika Mwari.” (VaHebheru 11:6, NW) Ndiani ari uyu Mwari? Kunongova naMwari mumwe bedzi Wamasimba ose, kunyange zvazvo kune vamwari vazhinji vakaitwa nomunhu nevenhema. (1 VaKorinte 8:5, 6) Mwari Wamasimba ose weBhaibheri anonzi Jehovha. (Pisarema 83:18) Iye ndiye Musiki wezvinhu zvose, uye nokuda kweichi chikonzero munyengetero unofanira kunangidzirwa bedzi kwaari. Jesu Kristu akadzidzisa zvakajeka vateveri vake kunyengetera, kuti: “Baba vedu vari mumatenga.” (Mateo 6:9, NW) Aiwa, Jesu haana kudzidzisa vadzidzi vake kunyengetera kwaari, kuna mai vake Maria, kana kuti mumwe munhu upi noupi. Asi Mwari zvino anoda kuti tizive nzvimbo yoMwanakomana wake ndokupa minyengetero yedu yose muzita raJesu. Ndokusaka Kristu akaudza vateveri vake, kuti: “Hapano munhu unouya kuna Baba, asi nokwandiri.”—Johane 14:6.
Kuti minyengetero ive inogamuchirika kuna Mwari, ipapoka, iyo inofanira kutaurwa kuna Jehovha Mwari kupfurikidza noMwanakomana wake, Jesu Kristu. Ndiko kuti, iyo inofanira kutaurwa kuna Mwari muzita raJesu.
Chii chingakumbirwa muminyengetero?
“Hazvinei hazvo nechiri chatinokumbira mukuwirirana nokuda kwake, iye [Mwari] anotinzwa.” Ichi chipikirwa chinoratidzika kuva chisingadaviriki chakanyorwa pana 1 Johane 5:14, NW. Asi ko wacherechedza here mugariro wacho—“mukuwirirana nokuda kwake”? Hungu, chikonzero chikurusa nei minyengetero yakawanda isingapindurwi ndechokuti munhu ari kunyengetera haana kutanga kuedza kuwana chiri kuda kwaMwari.—Zvirevo 3:5-7.
Senhungamiro kana kuti muenzaniso unobetsera, Jesu akapa vadzidzi vake munyengetero unozivikanwa zvikuru nhasi so“Munyengetero waShe.” (Mateo 6:9-13) Kunyange zvazvo usati uchifanira zvawo kutaurwa somuitiro, iwo unoratidza zvinokosha zvakafanira. Kunotanga kuuya zita raMwari nedonzo. Kunotevera kurongwa zvinhu zvokunyama, kanganwiro, uye kununurwa mumuedzo unopiwa nowakaipa. Kutaura kwokuti “Baba vedu” kungabetsera munhu ari kunyengetera kupamhamisa minyengetero yake nokufunga kwake kubatanidza kwete bedzi mitezo yemhuri nehama dzokunyama asiwo vamwe vanotsvaka kufadza Muiti wavo.—Mabasa 17:26, 27.
Minyengetero inofanira kuva yakareba sei?
Bhaibheri harigadzi urefu chaihwo hweminyengetero. Iyo ingava mipfupi zvikuru kana kuti ingatopiwa chinyararire. (Nehemia 2:4; 1 Samueri 1:12, 13) Pano rumwe rutivi, minyengetero inogona kuva mirefu zvikuru. Kwaiva nenhambo apo Jesu “akapfuurira usiku hwose mumunyengetero kuna Mwari.” Ikoku sezviri pachena kwakanga kuri kukumbira batsiro youmwari mukusarudza vaapostora vake 12. (Ruka 6:12, NW) Naizvozvo urefu hweminyengetero inogamuchirika huchasiana mukuwirirana nezvinodikanwa.
Minyengetero Inopindurwa Chaizvoizvo
Bhaibheri rakazara nenhauro dzeminyengetero yakapindurwa no“Munzwi [mukuru] womunyengetero,” Jehovha Mwari. (Pisarema 65:2, NW) Muenzaniso wakatanhamara ndiwo “munyengetero womuedzo” womumazuva aEria muporofita, wakanyorwa muna 1 Madzimambo ganhuro 18. Muzana rokutanga ramakore, vadzidzi vaJesu vakawana iyi mhinduro yokukurumidza kumunyengetero: “Zvino vakati vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakaungana pairi ikazununguswa; vakazadzwa vose no[mudzimu, (NW)] mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.”—Mabasa 4:23-31.
Pakati pezvinoitika zvakawanda zvakagamuchirwa navabudisi vamagazini ino pane izvo zvavarume navakadzi vamazera ose avo vakanzwa kuti vakanga vasvika panjodzi. Nemhaka yomuuyo, ivo vanopwiswa kuti minyengetero yavo yakanga yanzwiwa ndokupindurwa.
Kuenzanisira: Rimwe jaya rinogara mumupata wegomo riri kure reSwitzerland pedyo nomuganhu weItaly rinoti: “Kuva kwangu asina simba mukuwana mhinduro [kuzvinetso zvoupenyu] kwakanga kuri pachena kwazvo zvokuti ndakangoda bedzi kufa. . . . Ndakaita chinhu bedzi chakauya kundangariro yangu. Ndakanyengetera: ‘Haiwa Mwari asingazivikanwi, imi munofanira kuvapo, uye munofanira kuva Mwari worudo. Ndibetserei! Handichatongogoni kupfuurirazve—ndibetserei kuwana zvokwadi.’” Mazuva mashomanene gare gare, varoorani vaduku avo vakanga vari Zvapupu zvaJehovha vakashanyira uyu murume. Fundo yeBhaibheri yakarongwa, uye iye zvino Chapupu chakabhapatidzwa chaJehovha.
Mumwe mukoti akakwaniriswa uyo akanga ane upenyu husingafadzi nemhaka yokusazvibata kwomurume wake neparadzano yavo pakupedzisira aiva worudzidziso zvikuru. Rimwe zuva akanyengetera nenzira yokupererwa nezano rose, achikumbira kuti Mwari amuite kuti azive kana aiva nedonzo rakafanira. Masikati iwayo amene, Zvapupu zvaJehovha zvakasvika pasuo rake mubasa razvo rokuparidzira rapaimba neimba. Iye akazvikumbira kupinda mumusha make, akabvunza mibvunzo yakawanda, uye akafarikanya kugamuchira mhinduro dzapaMagwaro. Pashure penguva yakati, mukoti amene akava muzivisi wa“mashoko akanaka” uye akanga oitisa fundo yeBhaibheri.—Mateo 24:14, NW.
Mumwe weZvapupu zvaJehovha akanga achirava Nharireyomurindi mumotokari make apo mumwe munhu akamubata mumutsipa kamwe kamwe. Iye akanyengetera nesimba kuna Jehovha Mwari. Mudenhi akamira, uye kubata kwake kwakava kushoma. Chapupu chakamutsa motokari, chakaoneka murume wacho, chikamusiya akamira somufananidzo pakati pomugwagwa.
Munyika yepanikiro nokupokana zvinowedzera, vadi vaMwari nezvokwadi vanogona kushingiswa nevimbiso yakananga yokuti minyengetero inopiwa kuna Jehovha Mwari, kupfurikidza nomukoto wakarurama, nomutoo wakarurama, uye nechimiro chakarurama chendangariro nomwoyo inonzwiwa. Mwari Wamasimba ose haasati achizongonzwa bedzi minyengetero yakadaro asi achaipindurawo pasina kundikano, mukuwirirana nokuda kwake kwoumwari uye panguva yake yakasarudzwa.
[Bhokisi riri papeji 4]
Zvimiro Zvomunyengetero
Kunzverwa kupfupi kwezvimiro zvakasiana-siana zvomunyengetero zvinoshandiswa nhasi kuchabvumikisa kuva kunoraidza.
Unowanzoshandiswa muchiHindu munyengetero mukuru unopa rukudzo kuna mwari akasarudzwa kana kuti mwarikadzi, kunofungwa kuti kune 330 000 000, vanonamatwa mutembere 10 000. Kazhinji kazhinji zvikuru, kunyanguvezvo, minyengetero yechiHindu yakasanorongwa uye ingava nezvimiro zviviri—fungisiso (dhyana) kana kuti zvimwe rumbidzo (stotra). Ukoshi hukuru hunoiswa pakutaura minyengetero zvinonzwika.
MuchiBhuddha chechiChina nomunogara mamongi echiTaoist, minyengetero inotaurwa nguva dzose katatu pazuva (mangwanani-ngwanani, pamasikati, uye usiku). Iyi minyengetero inoperekedzwa nokurira kwebhero duku. Kuvabetsera mukunyengetera, mamongi echiBhuddha anotakura tambo yezvuma 108. Vanhuwo zvavo vanoshandisawo uyu mutoo werozari kuti vaverenge chiverengero chenguva minyengetero inotaurwa.
KumaMuslim anoshingaira, rutivi runokosha zvikurusa rwenamato yavo munyengetero wezuva nezuva (salat). Iwo unofanira kudzokororwa kashanu pazuva vakatarisa Mecca muSaudi Arabia.
Minyengetero yechiJudha inobatanidza iyo inotorwa zvakananga muBhaibheri, zvakadai samapisarema. Mimwe minyengetero inobatanidza iyo vanarabhi vakasiana-siana vakawedzera.
Pakati pavanoti maKristu, pane minyengetero yakawanda nemitoo yokunyengetera. Iyoyi inovambira paminyengetero inodzokororwa rozari iri muruoko kuminyengetero yakatsikirirwa, pamwe chete neiyo yamashoko mashomanana anotaurwa pasina kudzokorora.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Minyengetero yaJesu yakapindurwa. Yako inogonawo