RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 8/15 pp. 4-7
  • Utano Uye Mufarwa—Unogona Sei Kuzviwana?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Utano Uye Mufarwa—Unogona Sei Kuzviwana?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Utano Uye Mufarwa—Mukupfupikisa
  • Umambo, Kana Kuti Hurumende, yaMwari
  • Tinogona Kufarikanya Utano Uye Mufarwa Zvino Here?
  • Utano Hwako, Mufarwa Wako
  • Utano Uye Mufarwa—Zvinogona Kuva Zvako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Zvaungaita Kuti Uwane Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kutsvaka Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Mufaro Wechokwadi Unogona Kuwanwa Kupi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 8/15 pp. 4-7

Utano Uye Mufarwa—Unogona Sei Kuzviwana?

MUNHU akaziva kwenguva refu batano yapedyo pakati poutano uye mufarwa. Hippocrates, anofungwa nezvake sa“baba womushonga,” akati: “Munhu akachenjera anofanira kurangarira kuti utano ndicho chikurusa chezvikomborero zvavanhu.” Muzivi weGermany Arthur Schopenhauer akati: “Vavengi vaviri vomufarwa wavanhu marwadzo nokufinhwa.”

Mubhuku rinonzi Anatomy of an Illness as Perceived by the Patient, Norman Cousins akarondedzera chinoitika chake mukushandisa kuseka kuti arwise chirwere chake chaidokutyisidzira upenyu. Akataura kuti kunaya kwake kwakabva murunenge zvarwo rutivi rwokuseka kukuru kwaaifarikanya paaitarira mabhaisikopo anosetsa. Vanachiremba vakakurumbira vakavamba kunzvera betsero inobvira yemakemikoro akati, anonzi endorphins, anobudiswa mumuviri patinoseka. Nokudaro tinogona kuona uchenjeri hwechirevo chakafuridzirwa, chinoti: “Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora.”—Zvirevo 17:22.

Bva, mukupesana, vanzveri wakawana kuti utano hwakanaka hahuvimbisi zvahwo mufarwa, nokuti vanhu vazhinji vane utano havafari. Kunzvera kwakavakirwa pandaza yemibvunzo nemhinduro dzebvunzurudzo yavanosanopfuura vanhu 100 000 yakatungamirira Jonathan Freedman kumhedziso isingakarirwi yokuti inopfuura 50 muzana yavanhu vakanga vasingafadzwi noupenyu hwavo vakanga vane utano zvikuru.

Utano Uye Mufarwa—Mukupfupikisa

Ndokupi, ipapoka, kwatinofanira kutsvaka mubatanidzwa unonzvenga woutano nomufarwa? Nzwisiso inofadza yakapiwa mazana amakore apfuura naConfucius: “Hurumende yakanaka inobudirira apo avo vari pedyo vanoitwa kuti vafare, uye avo vari kure vanokwezviwa.” Pedyo zvikuru nenguva yedu, Thomas Jefferson munhu wehurumende akazivisa kuti vavariro bedzi yehurumende ndeyo“kuwana mwero mukurusa womufarwa unobvira kuboka rose raavo vakabatanidzwa pasi payo.”

Kutaura idi, kusanonzvera kunozivisa kuti mhinduro yokupedzisira kukutsvaka kworudzi rwomunhu utano uye mufarwa zvamazvirokwazvo inonangidzira ngwariro pachinhu chimwe—hurumende.

Mumazera ose, vanhu vakatarira ikoko—kuhurumende—nokuda kwomufarwa wavo. Somuenzaniso, United States Declaration of Independence ine aya mashoko akakurumbira, anoti: “Tinodavira zvokwadi idzodzi kuva dzakajeka kuti vanhu vose vanosikwa vakaenzana, kuti vanogoverwa noMusiki wavo Maruramiro akati asingatorwi, kuti pakati paiwaya pane Upenyu, Rusununguko nokurondwa kwoMufarwa.” Cherechedza kuti hurumende yakaiswa muchiono ipapo yakapikira vadzorwi vayo maruramiro bedzi okuronda mufarwa. Kana toreva nezvoutano, hurumende zhinji dzakasimudzira nenzira inorumbidzwa gadziriro dzokuvandudza utano hwavagari vemo vadzo. Zvisinei, utano hwakanaka hwavose nokuda kwavoruzhinji hwakabvumikisa kuva hunonzvenga.

Bva zvakadiniko nezvehurumende inopikira kugovera zvakatowanda? Zvakadiniko kana ikapikira kwete bedzi kurondwa kwomufarwa asi mufarwa umene? Uye zvakadiniko kana ikapikira, kwete vimbiso youtano hwakanaka, asi utano hwakanaka humene? Hausati waizofara here kuti hepano pane chinokosha chikuru kukutsvaka kworudzi rwomunhu rugare uye mufarwa?

Vazhinji nhasi vangafunga kuti ichochi chiroto chisiri chechokwadi, bva hurumende yakadaro inodeya kutaurwa chaizvoizvo uye inorondedzerwa muudzame hwakati. Tinogona kuwana mashoko akavimbika muBhaibheri Dzvene, uye hurumende yacho Umambo hwaMwari hwaMesia.

Umambo, Kana Kuti Hurumende, yaMwari

Bhaibheri rinotaura kazhinji kazhinji nezve“umambo hwaMwari, (NW).” Ihwo chii chaizvoizvo? Webster’s New World Dictionary of the American Language rinorondedzera “umambo” se“hurumende kana kuti nyika inotungamirirwa namambo kana kuti mambokadzi.” Zvichitaurwa nenzira yakapfava, Umambo hwaMwari ihurumende, hurumende youmambo inotungamirirwa noMwanakomana waMwari akazodzwa naMambo, Jesu Kristu. Hurumende iyoyi inokosha sei chaizvoizvo mudonzo raMwari? Mashoko aJesu ngaapindure: “Naizvozvo, rambai muchitanga kutsvaka umambo . . . Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa . . . Ndinofanira kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari, nemhaka yokuti ndakatumwa nokuda kwaikoku. . . . [Umambo, NW] hwaMwari hunoparidzwa, mumwe nomumwe anopinda anopinda mahuri nesimba.”—Mateo 6:33; 24:14; Ruka 4:43, NW; Ru 16:16.

Shoko rokuti “umambo,” (NW) rinoshandiswa kanopfuura kane zana munhauro dzeEvhangeri dzoupenyu hwaJesu, pane dzimwe nguva zvakananga zvikuru pamusoro poutano uye mufarwa. Cherechedza Mateo 9:35: “Zvino Jesu wakapota namaguta ose nemisha, achidzidzisa mumasinagoge avo, achiparidza evhangeri yo[umambo, NW] nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose.” Kunyange zvazvo Jesu akabatanidza kuunzwa kwoutano hwakanaka nokudzidzisa kwake pamusoro poUmambo, tinofanira kucherechedza kuti kuporesa kwake zvirwere kwakanga kuri chinhu chechipiri kukuparidzira kwake nokudzidzisa. Iye aizivikanwa so“Mudzidzisi,” kwete “Muporesi.” (Mateo 26:18; Marko 14:14; Johane 1:38) Haana kubatikana zvikuru nokuporesa vanhu kana kuti kutarisira vanorwara. Itiro hanya yake huru nguva dzose yakanga iri Umambo. Kupfurikidza nokutarisira zvirwere zvavanhu, iye akaratidza tsitsi dzake huru uye akaratidzira kuti akanga ane tsigiro youmwari.

Kuporesa kwakaitwa naJesu kwakabatirawo sechiono chepachine nguva mberi chokudzorerwa kwoutano hwavanhu kwaachaita apo Umambo hwaMwari hunodzora pasi zvakazara. Ikoku kunosimbiswa nechiono chinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 22:1, 2, kuti: “Akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, yakapenya sekristaro, inobuda pachigaro choushe chaMwari necheGwaiana, pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kune muti woupenyu unobereka zvibereko zvamarudzi ane gumi namaviri, uchiita zvibereko zvaro mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.”

Asi ndokupi kuchatibvirira kufarikanya izvozvi? Kungaratidzika kuva kwakanyanyonaka zvikuru zvokusagona kukarira kuporesa kunoshamisa kwakadaro kuitika pasi pano. Zvisinei, yeuka mashoko aJesu ayo iwe umene ungave wakataura mumunyengetero, anoti: “[Umambo, NW] hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.”—Mateo 6:10.

MuUmambo hwaMesia hwaMwari, ipapoka, mune tariro yedu chaiyoiyo, yedu yakavimbika, youtano uye mufarwa munguva yemberi. Kunyanguvezvo, mubvunzo unoramba uripo.

Tinogona Kufarikanya Utano Uye Mufarwa Zvino Here?

Kunyange zvino, kutevera kwedu nheyo dzeBhaibheri kungatigonesa kufarikanya mwero mukuru zvikuru woutano, pamwe chete nomufarwa wakawedzerwa. Sezvave zvichioneswa kazhinji kazhinji mumapeji amagazini ino, avo vanoshandisa Bhaibheri muupenyu hwavo hwezuva nezuva kazhinji kazhinji vanodzivirirwa muzvinetso zvoutano zvinobva muutere hwevatano, kusvuta, kunyanyonwisa, uye kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo. Vanowanawo betsero dzoupenyu hwakaterama zvikuru noukama huri nani nehama dzokunyama navamwe.

Tatoona, kunyanguvezvo, kuti kuva noutano hwakanaka hakugumi hako nomufarwa unogarisa. Kwaizodei kwauri kuti ufarikanye mwero mukuru zvikuru womufarwa?

Munzvero yadudzwa pakuvamba, Jonathan Freedman akarangarira mubvunzo iwoyo zvakadzama. Iye akatarira kuzvinhu zvakadai so“Rudo Uye Vatano,” “Pwere Uye Zera,” “Mari Inowanwa Uye Dzidzo,” kunyange “Taundi Uye Nyika.” Kungakufadza kuziva kuti akawana kuti zvinhu izvozvi zvaiva netapuro shomanene pamufarwa mukuru womunhu. Somuenzaniso, achidudza zvinoitika zvavanhu vakanga vane zvinhu zvokunyama zvakawanda asi vakanga vachiri vasingafari, iye akagumisa, kuti: “Taona kuti, nenzira inoti shamisei, mari uyewo dzidzo hazviratidziki kuva zvinoita rutivi rukuru mumufarwa.”

Mhedziso dzake dzakadzokorora munyori akachenjera weBhaibheri, muapostora Pauro, uyo akati: “Ndakadzidza, mumugariro upi kana upi wandiri mauri, kuva anogutsikana nezvirimo.” (VaFiripi 4:11, King James Version) Yeukawo, mashoko aJesu, anoti: “Muzvichengete pakuchiva kwose, nokuti upenyu hwomunhu hahuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.”—Ruka 12:15.

Zvamazvirokwazvo, Purofesa Freedman akawana izvi: “Nguva nenguva, sezvatinotarira pakutaura kunoitwa navanhu vasingafari vanoratidzika kuva vane chinhu chiri chose, tinovawana vachitsinhira kuti upenyu hwavo hunoshaiwa revo nenhungamiro.” Iye akawedzera, kuti: “Ndinozengurira kunyanyisa pana ikoku, asi kunoratidzika kuti zvinokosha zvomudzimu zvinopesvedzera mirangariro yomumwe pamusoro pezvomene, nepo kushaikwa kwazvo kusvikira kutambanuko yakati kuchishatisa kana kuti kuderedza chinhu chiri chosezve.”

Muzuva redu tinoona ufakazi hwezvokwadi hwecherechedzo idzodzi. Tarira makakupoteredza. Hauoni here vanodokuva vanhu vose—vamwe vane zvishomanene, vamwe vane zvakawanda—vachitandanisa mufarwa asi vasiri kufarikanya wakawanda wawo? Chokwadi, vamwe vakarega uye vanorarama mukupererwa nezano rose muchinyararire, bva vazhinji vanorarama upenyu hwavo sokunge vari kuita basa rinofinha, vari kutandanisa, asi vasingatongobati chaizvo, chavanoronda. Vamwe vanoroora kuti vawane mufarwa, kunyange nepo muvakidzani wavo anenge ari kuchatanura nokuda kwechikonzero chimwe chetecho. Vamwe vanozvinetesa vamene nebasa, nepo vamwezve vachirega mabasa avo nokuda kwezororo renguva refu zvichida nerinodhura. Vose vanotsvaka mugumo mumwe chetewo unonzvenga, kuva vane utano navanofara. Vanouwana here? Wakauwana here?

Utano Hwako, Mufarwa Wako

Idi ndeiri, unogona kuva nomwero mukuru woutano uye mufarwa zvino. Seiko?

Zvamazvirokwazvo kuchenjera kuedza kutarisira utano hwako nenzira yakadzikama, zvakadai sokushandisa zano rinoshanda reBhaibheri. Richabetserawo kuva wechokwadi. Ikoko kunobatanidza kuziva kuti chirwere chingauya kumiviri yedu isina kukwana, bva hatisati tichizoora mwoyo apo ikoko kunoitika. Ikoku kungada imwe nhamburiko yokuchengeta chiono chine tariro sezvatinonangidzira ngwariro pachipikirwa choutano hwakakwana munyika itsva ichauya.

Kuti uone kana une mwero une mufungo womufarwa zvino, zvibvunze umene mibvunzo iyi: 1. Nenzira inokosha ndiri kudzora upenyu hwangu ndimene here? 2. Zvikurukuru ndine rugare neni ndimene naavo vakandipoteredza here? 3. Ndinowanzofadzwa zvikuru nezvinopedzwa zvoupenyu hwangu sezvinopiwa nebetsero yeBhaibheri here? 4. Mhuri yangu neni tiri kufarikanya kukwanisa kubatira Mwari here?

Kusvikira kutambanuko huru, chisarudzo ndechedu. Vazhinji vedu vangava vane utano zvikuru, uye tine chisarudzo chokufarawo. Asi tinofanira kuva nenharidzano dzomudzimu uye ipapo kushanda kuti tidziwane. Yeuka mashoko aJesu, anoti: “Pane pfuma yako, nomwoyo wako uchavapowo.” (Mateo 6:21) Uye tine chikonzero chakavakirwa paBhaibheri chokutarira mberi kuutano hunotova hukuru zvikuru uye mufarwa mukutonga kwakakwana kwoUmambo hwaMesia. Panguva iyeyo utano hwakakwana uye mufarwa zvinogona kuva zvedu.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vanhu vanofara vanofadzwa kugoverana navamwe tariro yavo youtano hwakakwana

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe