RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 8/15 pp. 8-12
  • Kutsvakwa Kworusununguko muSenegal

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvakwa Kworusununguko muSenegal
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • ‘Jehovha Anoda Kuti Muve Neichi Chivako’
  • Mumunda Navafundisi
  • Kusunungurwa Kutsvaka Ushumiri Hwenguva Yakazara
  • Barika Rinorwisana Nokuva Nomudzimai Mumwe kwechiKristu
  • Kunamata Zango Kunorwisana Nokunamata Kwechokwadi
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 8/15 pp. 8-12

Kutsvakwa Kworusununguko muSenegal

PEDYO nemhenderekedzo yegungwa kubva kuDakar, dzimbahwe razvino uno reSenegal, pane Gorée Island duku. Pairi pamire chiyeuchidzo chakaipa chorutivi runosuruvarisa rwenhau—imba yavaranda yakavakwa muna 1776.

Iyo ndiimwe yedzimba dzakadaro dzakawanda umo varanda vanovambira pa 150 kusvikira ku 200 vaipfigirwa mumigariro ine tsvina kusvikira kumwedzi mitatu vasati vaendeswa nengarava kunzvimbo dziri kure. Mhuri dzaitsemurwa, mitezo yacho zvokusazotongoonanazve; baba vangatumirwa kuLouisiana muNorth America, amai kuBrazil kana Cuba, uye vana kuHaiti, Guyana, kana Martinique. Kuzvidzwa kwakadini kworusununguko rwavanhu! Ichochiwo chiyeuchidzo chine simba chokuti rusununguko iropafadzo inokosha iyo yave isiri nguva dzose yavanhu vose.

Ndakaziva nezvaikoku mubhurocha ravashanyi randakanga ndichirava ndiri mundege yakanga yakananga kuSenegal, nyika yokumadokero zvikurusa iri panyika yakakura zvikuru yeWest Africa. Nyika ine uswa yeSenegal iri pakati pamarenje kuchamhembe nokumabvazuva uye masango makuru kumaodzanyemba. Muno unogona kuwana muwuyu muhombe, wagara kwenguva refu, une muchero wawo wechienzi unonzi monkey bread, unogadziriswa tartar nomukaka. Iyiwo inyika yetsoko neshiri dzakaisvonaka uye yemisha yechinyakare iri mumimango.

Ndakati dedede ndokufunga pamusoro peshanyo yangu yakamirirwa kwenguva refu kuapa pokupinda napo kuWest Africa. Nhasi, Senegal, navagari vemo vayo vane mamirioni manomwe vanobva mumigariro yakawanda yakasiana-siana yamadzinza, inofarikanya rusununguko rwakazara. Asi kungagona kuva kwakadaro here kuti mumwe munhu angava akasununguka mumuviri, bva achiva akapinzwa muuranda kumiitiro nokutenda mashura izvo zvinomutorera rusununguko rwechokwadi? Ndakakarira nokudisa kusangana nehama dzangu dzomudzimu nokuziva zvakananga nezvefambiro mberi, murutivi irworwo rwenyika, yezvokwadi iyo inosunungura vanhu.—Johane 8:32.

‘Jehovha Anoda Kuti Muve Neichi Chivako’

Yokutanga pandaza yangu yezvinhu zvokuita yakanga iri shanyo kuhofisi yebazu nomusha wavafundisi zveWatch Tower muDakar. Sezvo takasvika pachivako chinotarisika kuva chazvino uno musabhabhu rakanyarara, ndakacherekedza J mukuru pamberi. Mubvunzo wangu wokutanga pashanyo yehofisi yebazu wakanga uri icho bhii J raimirira.

“Kunofadza zvikuru,” akatsanangura kudaro mutungamiriri wangu. “Apo takanga tichitsvaka nzvimbo huru yebazu muna 1985, takashanyira chivako chino, icho chakanga chichivakwa. Asi takarangarira kuti chakanga chakanyanyokura nokuda kwezvinodikanwa zvedu. Apo mwene akanzwa kuti takanga tiri Zvapupu zvaJehovha, aida zvikuru kwazvo kutirendesa chivako chacho, sezvo aiziva nezvokutendeseka kwedu. ‘Ndine chokwadi chokuti Mwari wenyu, Jehovha, anoda kuti muve neichi chavako,’ iye akadaro. ‘Chokwadi, tarirai! Panotova naJ mukuru pamberi! Apo ndakaita kuti aiswepo, ndakafunga kuti aifanira kumirira zita rangu John, asi zvino ndine chokwadi ari nokuda kwezita raMwari, Jehovha!’ Isu takafara kuva muichi chivako chakaisvonaka kwamakore mashanu apfuura.”

Tevere ndaida kuziva kuti basa rokuparidzira rakatanga sei muSenegal.

“Mvura dzinosunungura dzezvokwadi dzakapinzwa muSenegal mukuvamba kwama 1950 nomumwe weZvapupu zvaJehovha uyo akabva kuFrance ari pachibvumirano chebasa. Muna 1965 hofisi yabazu yakazarurwa muDakar kuti itarisire basa munyika dzinotaura chiFrench dzeSenegal, Mali, uye Mauritania, pamwe chete nomunyika inotaura chiNgezi yeGambia. Chifo cha 1986 tave tichitarisirawo basa muGuinea-Bissau, umo chiPutukezi chinotaurwa.”

Ndichiziva kuti inopfuura 90 muzana yechiverengero chavagari vemo muno havasi maKristu, ndakabvunza kuti ifambiro mberii yakaitwa. “Ichokwadi kuti vanhu vazhinji vari muidzi nyika havana kurovedzana neBhaibheri,” mutungamiriri wangu akadaro, “asi basa riri kufambira mberi zvakatsiga. Muna January 1991 takafadzwa nokuona vaparidzi voUmambo 596. Ikoko kunoratidza kuti hama dzomuno navafundisi vave vachishanda zvakaoma zvikuru.”

“Ndinonzwisisa kuti kune vafundisi vazhinji vari kubatira muno,” ndakadaro.

“Hungu, tine vanenge 60 vakagoverwa kundima dzakasiana-siana dzatinotarisira, uye vakabva kunyika 13. Ivo vanoshanda zvakaoma uye vakagovera zvikuru kwazvo kukuita kuti basa rive nohwaro hwakasimba. Uyu mudzimu unoratidzirwa nehama dzomuno murudo rwadzo neshingairo nokuda kwezvokwadi. Pasinei zvapo nokutarisana nezvinetso zvakadai sokushaya basa nezvinhu zvokunyama zvakaganhurirwa zvikuru, hama dzakawanda dzinopedzera maawa 15 nokupfuura muushumiri hwomumunda mwedzi uri wose. Tinokarira muchasangana navakati vaava vashandi vanoshingaira pashanyo yenyu.”

Ndakakarira kuita saizvozvo.

Mumunda Navafundisi

Margaret (uyo akanga ave ari mubasa roufundisi kwaanopfuura makore 20 pamberi porufu rwake rwemisi ichangobva kupfuura) akazvipira kuenda neni kundima yake pakati peguta. Takakwira car rapide (motokari inomhanya) kuti tiravire hushomanene hwoupenyu hwomunzvimbomo. Rakanga riri, kutaura idi, bhazi duku raimira-mira. Rakatakura vanhu 25, uye kudai vose vavo vakanga vari vatete, ndaigona kuona kuti rwendo rwacho rwaigona sei kuva runodokufadza. Vakadzi vaviri vaigoverana bhenji rangu zvamazvirokwazvo vakanga vasiri vatete, asi ndakagamuchira mugariro wacho nenyemwerero.

“Mundima yangu yomutaundi, unogona kuona zvinhu zvakawanda zvinofadza,” akatsanangura kudaro Margaret apo takasvika kumugumo wedu. “Unoona here hwashu idzo dzakaisvonaka?” iye akabvunza kudaro, achinongedzera kutuzvitoro turi murutivi menzira. “Dzinogadzirwa namakanda akadhaiwa amakwai nembudzi.” Takasvika vagadziri vehwashu, uye Margaret akatanga mharidzo yake kwavari mumutauro wavo, Wolof. Ivo vakasanoteerera uye vakafadzwa nemifananidzo yaAdhama naEvha iri mubhurocha rakaisvonaka.

Nokukurumidza takasvikwa navatengesi, vanozivikanwa muno savabana-bana, vachigovera mhatsa isingagumi yezvinhu. Vamwe vaiva nemitsvairo; vamwe vakapa zvipfeko, kiyi, mushonga, zvikwama, maranjisi, uye kunyange shiri mhenyu. Mumwe aida kunditengesera kora, chiridzwa chine tambo chakagadzirwa nehafu yedende, chine muti nokuda kwomutsipa; chinoridzwa namaoko ose ari maviri. Ndakacherekedza kuti seri kwacho kwakanga kune mufananidzo muduku wakagadzirwa neganda, nyanga yembudzi, uye makwati maduku e“mhanza yakanaka.” Takatsanangura kuti hatisati taizotenga chinhu chipi nechipi chakashongedzwa zviratidzo zvingava nechokuita nouroyi kana kuti miitiro isiri yechiKristu. Kukushamiswa kwedu, mubana-bana akabvuma, achiratidzira kuti iye amene akanga ari muMuslim. Iye akavanza kora seri kwechipfeko chake chirefu chakarembera, kana kuti boubou, uye akasanoteerera sezvo Margaret akagovera bhurocha, iro raiva muchiArab. Iye akafadzwa kwazvo zvokuti akatora bhurocha ndokuvamba kurirava ipapo chaipo. Pashure pokutitenda zvikuru, akaenda nebhurocha nekora isina kutengeswa. Takanzwa tine chokwadi chokuti aizofunda bhurocha racho kumba.

Gare gare, ndakataura kuna John, uyo akanga ave ariwo mufundisi kwaanopfuura makore 20.

“Vanhu muno vane ushamwari zvikuru, uye unogona kutaura kuanenge munhu ari wose waunosangana naye,” John akandiudza kudaro. “Kwaziso yakakurumbira yokuti ‘assalam alaikum’ inoreva kuti ‘rugare ngaruve nemi,’ uye vanhu vazhinjisa vane rugare. Iyi inyika yeteranga, kana kuti mutsa, uye unoratidzirwa netsitsi, ushamwari hwavanhu, uye mufaro.” Kwakanga kuchiva kuri nyore zvikuru kuti ndione chikonzero nei Zvapupu zvokumwe zviduku zvakawanda kwazvo zvaigona kusiya mhuri dzazvo neshamwari kuti zvibatire muuyu munda woufundisi.

Kusunungurwa Kutsvaka Ushumiri Hwenguva Yakazara

Mudzimu woufundisi une pesvedzero huru paZvapupu zvomuno. Ikoku kuri pachena zvikuru nemhaka yokuti kushaya basa kwakapararira kunoita kuti kutanga basa roupiona hwenguva yakazara kuve denho chaiyoiyo. Marcel naLucien, avo vakasunungurwa mutsika dzakawanda dzinokuvadza kupfurikidza nokudzidza zvokwadi yeBhaibheri, vakatsanangura, kuti:

“Taida kuratidza kuonga kwedu kupfurikidza nokutanga basa roupiona. Asi basa renguva isina kuzara rakanga rakaoma kuwana. Takaedza kushanda mubindu, asi hakuna kushanda. Kugeza zvipfeko kwakatora yakawandisa zvikuru yenguva yedu. Zvino tiri mubasa rokubheka, nezvitoro zvakati savatengi vedu venguva dzose, uye ikoku kuri kushanda zvakanaka.” Nenzira yakajeka kwakada kutenda kukuru nounyanzvi, pamwe chete nenhamburiko yechokwadi, asi ikoku kunobvumikisa kuti kunobvira kupinda mubasa renguva yakazara kunyange apo migariro yemari inenge yakaoma.

Apo Zvapupu zvaJehovha zvakatanga kufunda Bhaibheri naMichel, akanga achienda kuyunivhesiti muDakar. “Ndakaodzwa mwoyo nomudzimu woutere wavazhinji kwazvo vavadzidzi, uye mibvunzo inokangaidza yakandinetsa,” akarondedzera kudaro. “Neiko munhu akaiswa muuranda kumiitiro yakadaro inokuvadza nemigariro? Bhaibheri rakandipa mhinduro. Kwakanga kwakaita sokunge chinorema zvikuru chakabviswa pamapfudzi angu. Kunyange zvazvo vabereki vangu vakataura kuti ndipfuuridzire fundo dzangu, ndakapinda mubasa roupiona hwebetsero uye ipapo ndakabatira sapiona wenguva dzose kweyakasara yenguva yandaifanira kuva muyunivhesiti. Ndinowana kugoverana mashoko akanaka navamwe sapiona, kwete kutsvakwa kwebasa roupenyu mutsika ichakurumidza kubhuroka, kuchindiunzira mufaro mukurusa.” Michel zvino ari kubatira sapiona chaiye muMbour.

Barika Rinorwisana Nokuva Nomudzimai Mumwe kwechiKristu

Tsika dzomuno nguva dzose hadzisi mubvumirano nenheyo dzechiKristu, uye ikoku kunogona kupa denho dzechienzi. Alioune, mutariri anotungamirira muimwe yeungano nhanhatu dzeZvapupu zvaJehovha muguta reDakar, akarondedzera, kuti: “Apo ndakatanga kunzwa zvokwadi inosunungura, ndaiva navadzimai vaviri. SomuMuslim anoshingaira, ndakabvumidzwa norudzidziso rwangu kuva navakatowanda. Baba vangu vaiva navana, uye vazhinjisa veshamwari dzangu vaiva navanoverengeka. Inzira inogamuchirwa muno muAfrica.” Asi chii chakanga chiri muuyo weiyi nzira youpenyu?

“Kuva naanopfuura mudzimai mumwe kunogona kuparira zvinetso zvakawanda,” Alioune akatsanangura kudaro, “zvikurukuru kana toreva nezvavana. Ndine vana gumi nomudzimai wangu wokutanga uye vaviri nowechipiri wangu. Mumhuri dzakadaro, baba vanowanzova muenzi kuvana vavo, naizvozvo havabetserwi nebetsero yavo nechirango. Sezvineiwo, barika harina kundidzivirirawo paupombwe. Panzvimbo pezvo, kuzvidzora, chibereko chomudzimu waMwari, uko kwakaita izvozvo.” Naizvozvo, chii chakaita Alioune?

“Ndakaita kuti mudzimai wangu wechipiri adzokere kumusha kwavabereki vake,” iye akapfuurira kudaro, “uye nenzira yokungwarira pakutaura ndakatsanangura kuti kwakanga kusiri kuti ndakanga ndawana chinhu chipi nechipi chisingafadzi naye, asi kwakanga kuri kutsinhirana nezvinodikanwa zvaMwari. Ndakaita gadziriro chaidzo dzokutarisira vana vangu vose gumi munyama nomumudzimu, uye ndinoonga kuti nhasi ivowo vari kubatira Jehovha. Pavapfumbamwe avo vari vaparidzi, vashanu vakabhapatidzwa, vaviri vanobatira samapiona chaiwo, uye vamwe vatatu samapiona enguva dzose neebetsero. Zvokwadi yakandisunungura chaizvoizvo muzvakawanda zvezvinetso zvinobatanidzwa nokurera vana.”

Kunamata Zango Kunorwisana Nokunamata Kwechokwadi

Inotevera pandaza yangu yakanga iri shanyo kunharaunda yeCasamance mumaodzanyemba. Ndakaororwa nokuti chinhu chiri chose chaioneka chakanaka uye chakasvibira sei. Ichisanodiridzwa noRwizi rukuru rwaCasamance kwamakiromita 300, nharaunda yacho inoita mupunga, chibage, uye nzungu zvakawanda. Dzakapararira munyika yacho dzimba dzakatenderera, dzine nhurikidzwa mbiri, dzine matenga akapfirirwa ari muchimiro chefanera kuti aunganidze mvura nokuda kwomwaka wakaoma. Dzimbahwe, Ziguinchor, rakavakwa mumichindwi mihombe. Ndakafara kusangana neungano inoshingaira yavanhu vaJehovha muno.

Dominic, mumwe mufundisi anoshanda muZiguinchor nemakapoteredza, akandiudza kuti basa rokuparidzira muiyi nharaunda riri kufambira mberi zvakaisvonaka zvikuru. “Makore gumi chete apfuura,” iye akadaro, “muZiguinchor Ungano maiva navaparidzi 18. Zvino mune 80. Kuti titarisire iyi wedzero huru, takavaka Horo yoUmambo itsva yakaisvonaka, tichishandisa munyakwe mutsvuku unowanwa panzvimbo yehoro chaipo. Basa racho rakabvumikisa kuva uchapupu hukuru kunzanga. Tsinhiro dzakanaka dzakaitwa naavo vakaona vanhu vanobva kumarudzi akawanda akasiana-siana vachishanda pamwe chete nenzira ine rugare. Pagungano redunhu remisi ichangobva kupfuura, chiverengero chapamusoro chavakapinda chaiva 206, navanhu 4 vakabhapatidzwa.”

Vanhu vazhinji vari murutivi runo rweSenegal vachiri kutevera zvitendero zvomweya zvavakare vavo, kunamata mazango kunyange zvazvo vachitaura kuti maKristu kana kuti vaMuslim. Ndakasanoteerera nhau yakarondedzerwa naVictor, mumwe mukuru muZiguinchor Ungano.

“Ndakaberekerwa mumhuri huru inonamata mazango muGuinea. Pakuberekwa kwangu, baba vangu vakanditsaurira kumudzimu wakati, kana kuti dhemoni. Kuti ndiwane nyasha dzaro, nguva dzose ndaibvisa sutukesi nhema pasi pomubhedha, kumisa atari duku, uye kupa zvibairo zveropa kunyanga iyo yaimirira mudziviriri wangu wedhemoni. Kunyange pashure pokunge ndava muKaturike, ndaingonzwa ndakapinzwa muuranda. Pashure pokunge ndatamira kuSenegal, Zvapupu zvaJehovha zvakavamba kufunda Bhaibheri neni. Mudzimai wangu neni takadzidza kuti taisagona kupfuurira ‘kudyira patafura yaJehovha netafura yamadhemoni.’ (1 VaKorinte 10:21) Asi apo ndakarega kupa zvibairo, madhemoni akavamba kutidenha. Ndaitya kukandira kunze sutukesi nhema ine zvinhu zvayo zvose zvoudhemoni nemhaka yokuti ndaiziva nezvomumwe murume uyo akanga apenga chose chose apo akaita izvozvo.” Haiwa Victor aiva mumugariro wokupererwa nezano wakadini!

“Pakupedzisira mashoko aVaRoma 8:31, 38, 39 akatipa simba rinodikanwa rokubvisa chinhu chiri chose chaiva nechokuita nokunamata mazango. Sezvo zvino takaisa chivimbo chedu muna Jehovha, takasunungurwa zvirokwazvo. Mhuri yangu yose ine tariro inoshamisa youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi, umo rudzi rwose rwomunhu ruchava rusina pesvedzero yamadhemoni akaipa.”

Pakupedzisira, yakanga yava nguva yokuti ndiende. Sezvo ndakarongedza mabhegi angu, ndakafungisisa shanyo yangu isingakanganwiki kuSenegal. Iyo yakanga yava inosimbisa kutenda sei kuti ndisangane ndokutaura kuvanhu vazhinji kwazvo vakasunungurwa muusungwa kukushandisa mirimo zvisina kufanira, utere, uye kutenda mashura uye avo zvino vanofarikanya rusununguko rwechokwadi. Pasinei zvapo nemigariro yemari yakaoma, ivo vari kuwana mufaro negutsikano mukubatira Jehovha, uyo akavaunzira tariro ine chokwadi youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Tinoonga sei kwaari uyo akaita kubvire kuita kuti mashoko akanaka akadaro aziviswe kwete bedzi muSenegal asiwo munyika yose mukati me“gore rengoni dzaJehovha”! (Isaya 61:1, 2)—Yakagoverwa.

[Mepu iri papeji 8]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

SENEGAL

St. Louis

Louga

Thiès

Dakar

Kaolack

GAMBIA

Banjul

[Mifananidzo iri papeji 9]

Mvura dzinosunungura dzezvokwadi dzinogoveranwa pachena mumisha

Musha wavafundisi nehofisi yebazu zveZvapupu zvaJehovha muDakar, Senegal

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mumhenderekedzo yegungwawo, vanhu veSenegal vanonzwa shoko rechiKristu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe