Utano Uye Mufarwa—Zvinogona Kuva Zvako Here?
CHERO bedzi kwave kune varume navakadzi vasina kukwana, ivo vakashuva utano uye mufarwa. Kunyange zvazvo izvozvi zviri zvirokwazvo zviviri zvezvinokosha zvikurusa zvezvishuvo zvavanhu, zvakabvumikisa kuva zvinonzvenga.
Vanhu vakarangarira zvikuru, uye vakagovera mazano akawanda, pakutsvaka ikoku. Dr. Dennis Jaffe akati: “Nhasi, chinhu chinokosha kuutano hunogarisa nokuporesa chinowanzova mumufambiro wako umene.” Abraham Lincoln akambotsinhira, kuti: “Vanhu vanenge vanofara sezvavanosarudza kuva.” Unobvuma here? Unoshuva mufarwa zvikuru sei? Kuuwana kunotsamira zvikuru sei pakuva noutano hwakanaka?
Vanhu vakatarira kose kose nokuda kwomufarwa, vachitevera nhungamiro dzinoratidzika kuva dzisingagumi. Vakanzvera uzivi, kudzidza ndangariro, uye kudzidza chisiko. Mukutsvaka kwavo mufarwa, vamwe vakanzvera sayenzi, mabasa ounyanzvi, uye nziyo. Bva kune panikiro duku yokuti rutivi rukuru rwomufarwa wechokwadi rune chokuita nokuva noutano hwakanaka. “Kana une utano hwako, une chinodokuva chinhu chiri chose,” chakadaro chimwe chiziviso chezvokutengeserana chakatanhamara chomuterevhizheni.
Vachironda nzira iyoyi, vanhu vazhinji vakanzvera mhatsa yerondedzero dzoutano, dzose dziri mbiri dzinogamuchirwa nedzisingagamuchirwi. Inodokuva raibhurari yavose iri yose inoratidza bviro dzisingagumi dzezvokudya zvakarongwa nezvimiro zvokurapa. “Mabhuku mazhinji akanyorwa pamusoro poutano, kutangira munguva dzakare,” yakatsinhira kudaro nyanzvi yomwoyo yakakurumbira Dr. Paul Dudley White. “Rimwe raakanakisisa rakanga riri Regiment of Helthe rakanyorwa anenge makore ane chiuru apfuura.”
Pasinei zvapo naizvozvi zvose, kutsvakwa kwoutano uye mufarwa kwave kuri kunoodza mwoyo nokuda kwavazhinji vavanhu. Ikoku kunokushamisa here, uchirangarira kuti pepuko yedu yakarangarirwa kuva yabudirira sei? Nenzira yakajeka, sayenzi haina kuparadza chirwere, kukwegura, uye rufu.
Asi kwaizokushamisazve here kuziva kuti tichigere kuva nenzira yokuyera nayo mufarwa uye hatina rondedzero yakanaka yechauri? Muhurukuro yairangarira “Mirangariro Pamufarwa,” Pierre Teilhard de Chardin akagumisa, kuti: “Kwamazana amakore iwoyu wave uri musoro wamabhuku mazhinji zvikuru, nzvero, kuedza kunoitwa navanhu vamwe navamwe nokunoitwa namapoka avanhu, kumwe pashure pokumwe; uye, kunosuruvarisa kurondedzera, kwave kune kundikano yachose chose yokusvika pakubvumirana. Nokuda kwavazhinji vedu, pakupedzisira, mhedziso bedzi inoshanda inofanira kuwanwa mukurukurirano yose ndeyokuti hakubetseri kupfuuridzira kutsvaka kwacho.”
Ndiwo marangarire aunoita here pamusoro pomufarwa? Zvibvunze umene mibvunzo yomunhu oga asi yokutendeseka. Uri kufara zvirokwazvo here zvino? Kana kuti mufarwa chaiwoiwo unofanira kuwanwa bedzi mudenga here? Kune kariro chaiyoiyo ipi neipi here yokuti tinogona kuva noutano uye mufarwa, uye kunyange kuva naizvozvi pano pasi pano chaipo?