RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 3/1 pp. 2-5
  • Nhau Huru Ndeipi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhau Huru Ndeipi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhau Huru
  • Mavambo Echisiko Chapose Pose
  • Mavambo Oupenyu
  • Kupedza Nhau
  • Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvehondo Yenyukireya?
    Dzimwe Nyaya
  • Hondo Yenyukireya—Ndivanaani Vangangoimutsa?
    Mukai!—2004
  • Musiki Anogona Kuwedzera Zvinoreva Upenyu Hwako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kutyisidzira Kwenyukireya Hakusati Kwambopera
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 3/1 pp. 2-5

Nhau Huru Ndeipi?

NDEIPI iri nhau huru yatarisana nomumwe nomumwe wedu? Mwero inokwira yegungwa nomugariro wokunze wechienzi unoparirwa nokudziya kwenyika here? Kupera kweozone layer here, kunotungamirira kukuiswa pachena kune ngozi kumwaranzi mipfupi inokuvadza yezuva? Kuwandisa kwavanhu here, uko kunoomesa zvimwe zvinetso zvenyika, zvakadai sourombo noutsotsi? Kana kuti ikariro yokuparadzwa kwamamirioni asingatauriki muhondo yenyukireya, navapukunyuki vapi navapi voruparadziko rukuru vanofa pakupedzisira mukurwadziwa nokutonhora, nzara, kana kuti kupisa here?

Pashure pokukurukura idzi nedzimwe nhau, muna 1989 magazini inonzi Scientific American yakagumisa, kuti: “Bviro yehondo yenyukireya nenzira isingapanikirwi inomirira ngozi inobvira yakakomba zvikurusa . . . kukupukunyuka.” Hondo yenyukireya, ipapoka, ndiyo nhau huru yakatarisana nesu here?

Nhau Huru

Nechinjo mumugariro wezvamatongerwe enyika chifo cha 1989, hondo yenyukireya ingaratidzika kuva isingabviri zvikuru. Kunyange zvakadaro, chero bedzi zvombo zvenyukireya zviripo, zvichapa tyisidziro yakakomba kurudzi rwomunhu. Zvisinei, mashoko ari mu 1990 Britannica Book of the Year anonongedzera kuimwe nhau yakakomba. Mukuwirirana neiri bhuku renongedzero, mamirioni anopfuura 230 avagari vapasi haadaviri kuvapo kwaMwari. Mamwe manyuko anoratidza kuti mamirioni okuwedzera anopesvedzerwa nouzivi hwokuMabvazuva uhwo hunobvumira murangariro wokuti hakuna Musiki. Uyezve, nepo mazana amamirioni achidavira Musiki, mifungo yawo pamusoro pake inosiana zvikuru. Uye muzvinoitika zvizhinji, zviito zvavo zvinounza ruzvidzo rukuru pano Uyo vanotaura kuti vanonamata.—2 Petro 2:1, 2.

Kana Mwari aripo—uye zvamazvirokwazvo aripo—ipapo zvirokwazvo nhau huru nhasi inofanira kumubatanidza. Neiko akasika rudzi rwomunhu? Chiiko chiri mutoro wedu kwaari? Achaita sei kunzira iyo munhu ari kuparadza nayo pasi? Uye achapindura sei denho inorehwa nokuramba kwavazhinji kwazvo kumudavira kana kuti kuzviisa pasi pokuda kwake? Kutaura idi, nhau huru yakatarisana nomumwe nomumwe wedu ndeyokuti tinogamuchira here kana kuti kuramba uchangamire hwaMwari, “ane zita oga rinonzi JEHOVHA.”—Pisarema 83:18, King James Version.

Mavambo Echisiko Chapose Pose

Chokwadika, kuna avo vasati vachidavira muna Mwari, mutoro wedu kwaari hausi nhau. Asi munhu upi noupi anotarisa nenzira yokutendeseka parongedzero norunako zvomusha wedu wapasi anomanikidzirwa kubvuma kuti panofanira kuva noMurongedzeri mukuru. Ichokwadi kuti mukuedza kutsanangura zvishamiso zvechisiko zvakatipoteredza, masayendisiti mazhinjisa haabatanidzi Mwari. Somuenzaniso, vazhinji vanotaura kuti chisiko chapose pose chakakura kusvikira paukuru hwacho hwazvino kuvambira panzvimbo duku zvikuru kupfuura musoro wepini, kuti zvose zvakaitika “nenzira yomusikirwo,” netsaona pasina dikanwo yoMusiki. Zvisinei, pashure pokutsanangura rondedzero itsva yakakurumbira pamatangire akaita chisiko chapose pose, nyanzvi yephysics Hanbury Brown, mubhuku rake The Wisdom of Science, anobvuma, kuti: “Kuvanhu vazhinjisa, ndinofunga kudaro, ikoko kungaratidzika kuva kwakafanana zvikuru namanomano amashiripiti kupfuura tsananguro.” Purofesa Brown anogumisa kuti “mavambo nedonzo zvenyika” ndi“zvakavanzika zvikuru” izvo sayenzi inoratidzika kuva isingakwanisi kupedza.

Masayendisiti akaratidzira kuti zvinhu nesimba zvakasanobatanidzwa uye kuti zvinhu zvinogona kuchinjwa kuva simba uye simba kuva zvinhu. Sezvinooneka mukuputika kwenyukireya, mwero muduku wezvinhu unomirira mwero mukuru wesimba. Ipapoka, ndokupi kune manyuko esimba rose rinomirirwa nenyeredzi dzina mamirioni 100 000 mugwara redu renzou, pamwe chete namakwara enzou anopfuura mamirioni 1 000 ayo anoumba chisiko chapose pose chinooneka?

Bhaibheri rinoti: “Tarirai kudenga nameso enyu, muone kuti ndiani wakasika izvozvi, unobudisa hondo yazvo yakawanda; iye unozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, hakuna chimwe chinoshaikwa.” Ndiani Iyeyo? Bhaibheri rinodudza mhinduro, kuti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu; kukudzwa kwangu handingakupi mumwe.”—Isaya 40:26; 42:5, 8.

Fungidziro yokuti pasi pamwe chete nechisiko chapose pose chose chasara zvakavapo netsaona inobvisa mbiri yakafanira Musiki, Jehovha Mwari. (Zvakazarurwa 4:11) Inobvisawo vavariro yakasimba yokuita nenzira yomutoro kupasi. Kudai vanhu vakanga vachiziva kuti vanozvidavirira kuna Mwari nokuda kwezvavanoita kuchisiko chake, sezvinobvira vaizova vanogwarira zvikuru munhau dzakadai sokushatisa, ruparadziko rweozone layer, uye kudziya kwapasi.

Mavambo Oupenyu

Rangarirawo mubvunzo wokuti: Upenyu hwakatanga sei? Vanhu vakadzidziswa kuti upenyu hwakavapo pasina kupindira kupi nokupi kwakaitwa naMwari. Asi ikoku kunopokanidza nheyo yakasanosimbiswa yesayenzi. Pane imwe nguva kwaidavirwa kuti zvitutamatuzvi zvakabva mundove yemombe, honye dzakabva munyama yakaora, uye mbeva dzakabva mudhaka. Kunyange mukati mezana ramakore rapfuura, masayendisiti akadzidzisa kuti zvinhu zvipenyu zvisingagoni kuonekwa nameso zvakabva muzvinhu zvisina upenyu. Asi pfungwa dzakafanana naidzodzi dzakabvumikiswa kuva dzisina kururama naRedi, Pasteur, namamwe masayendisiti. The World Book Encyclopedia (chinyorwa cha 1990) inoti: “Pashure pokuedza kwaPasteur, vanodzidza nezvezvinhu zvipenyu vazhinjisa vakagamuchira mufungo wokuti upenyu hwose hunobva muupenyu huripo.”

Kunyanguvezvo, masayendisiti anorondedzera kuti zvinhu zvakanga zvakasiana munguva yakapfuura. Vanotaura kuti zvinhu zvipenyu zvokutanga zvaiva nesero rimwe zvakavapo netsaona zvichibva mumuvhenganiswa usina upenyu uyo wavanodana kuti muto wekare, uyo waiva namakemikoro aidikanwa nokuda kwoupenyu. “Tsaona, uye tsaona yoga, yakazviita, kubva mumuto wekare kusvikira kumunhu,” anozivisa kudaro Christian de Duve muA Guided Tour of the Living Cell.

Richitaura nezvaMwari, Bhaibheri rinoti: “Kwamuri ndiko kune tsime roupenyu.” (Pisarema 36:9) Kutaura ikoku kuri zvirokwazvo mutsinhirano nezvakacherekedzwa—kuti upenyu hunogona bedzi kubva muupenyu hwaitovapo. Sezvo, zvisinei, sayenzi huru ichida zvayo kurangarira chimwe chezvipo zvinokosha zvikurusa zvaMwari, upenyu, sechimwe chinhu chakangoitikawo zvacho, vanhu vazhinji vanonzwa vasina mutoro kuna Mwari wamashandisire avanoita upenyu hwavo. Nokudaro, vanoputsa mitemo yaMwari, vachidzvinyirirana, vachibirana, vachipondana, uye kupedzera mari yakati, nguva, uye unyanzvi mukugadzira zvombo zvinouraya nokuparadza nokubudirira kunotyisa.

Kupedza Nhau

Kunze kwavasingadaviri kuvapo kwaMwari navazvino uno, vamwe vasingaverengeki vanoramba uchangamire hwaMwari. Chiverengero chikuru nhasi chinotaura kudavira muna Mwari, uye mamirioni anopfuura 1 700 anozvidana amene kuti maKristu. Kwamazana amakore machechi echiKristudhomu akarumbidza Mwari pachena muminamato yavo. Asi vazhinjisa vamamirioni iwayo avanhu 1 700 anomira papi chaizvoizvo panhau youchangamire hwaMwari?

Vose vari vaviri vanhu vamwe navamwe namarudzi vakaratidzira kuhuzvidza kwavo kupfurikidza nokurwisana nemirairo yakananga yaMwari. Marudzi anotaura kuva echiKristu akapfuuridzira mabasa asiri oumwari amasimba masimba, kubatanidza hondo mbiri dzakaipisisa dzenhau yomunhu—uye vakuru vakuru vorudzidziso ve“chiKristu” pamativi ose ari maviri vakakomborera hondo idzodzo! Nounyengeri hwakadaro, vakamirira Mwari zvisina kururama zvikuru. Sokutaura kunoita Bhaibheri: “Vanozivisa pachena kuti vanoziva Mwari, asi vanomuramba kupfurikidza namabasa avo.”—Tito 1:16, NW.

Kunyanguvezvo, Mwari “haagoni kuzviramba amene.” (2 Timotio 2:13, NW) Nguva inofanira kusvika apo achapedza mativi ose enhau iyi youchangamire mutsinhirano nedonzo rake amene rakataurwa: “Vachaziva kuti ndini Jehovha.” (Ezekieri 38:23) Asi neiko atora nguva refu kudaro? Nhau yacho pakupedzisira ichapedzwa sei? Uye unogona sei kuita zvisarudzo zvakarurama muiyi nhau inokosha zvikurusa?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

Cover background: U.S. Naval Observatory photo

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Background: U.S. Naval Observatory photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe