RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 2/15 pp. 3-4
  • Gakava Pamusoro Porufu rwaJesu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gakava Pamusoro Porufu rwaJesu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Rudzikinuro—Dzidziso Yakarasika yechiKristudhomu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Utatu Hunostsanangurwa Sei?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
  • Jesu Akafirei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Chinetso Chorudzidziso
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 2/15 pp. 3-4

Gakava Pamusoro Porufu rwaJesu

PAZUVA rePaseka 33 N.V., kuurawa kwavatatu kwakaitika. Varume vatatu vakashurikidzwa vakatungamirirwa kunzvimbo iri kunze kwamasvingo eJerusarema ndokuurawa muimwe yenzira dzinorwadza, dzinonyadzisa zvikurusa: kurovererwa pamatanda akati twasu. Kuurawa kwakadaro kwakanga kuchizivikanwa navose munguva dzeRoma, naizvozvo kungakarirwa kuti pari zvino kuuraya kwapaPaseka kwaizova kwakanganwiwa kwenguva refu. Mumwe wavarume vakaurawa, kunyanguvezvo, akanga ari Jesu Kristu. Rufu rwake rwakasunungura chinjo inokosha yorudzidziso negakava.

Anodokusvika makore ane zviuru zviviri apfuura chifo chechinoitika ichocho, naizvozvo ungakombamira kuchirangarira senhauwo zvayo yomunguva yekare. Zvisinei, unoziva here kuti gakava rakamuka harisati ratongopedzwa?

Sezvaungaziva, mamirioni anodavira kuti Jesu akaafira. Anodavira zvakasimba kuti rufu rwaKristu ndirwo nhungamiro yokurudzikinuro uye kanganwirwo yezvivi, kuti kutenda murufu rwake ndiwo mutoo wokuruponeso. Nenzira inoshamisa, kunyanguvezvo, imwe nyaya iri muAnglican Theological Review inoshuma kuti iyi dzidziso inokosheswa iri “muchinetso.” Uye “chinetso” chacho chiri kubva kuvatungamiriri vorudzidziso.

Anglican Theological Review inotsanangura, kuti: “Dzidziso yeyananiso mumurangariro wechiKristu iri muchinetso nemhaka yokuti hwaro hwayo hweBhaibheri hunopanikirwa, kuumbwa kwayo kwaremedzwa zvikuru nemirangariro [yenguva pfupi] . . . , uye kutaura kwayo muhumudzimu hwakakurumbira kwakava nechimiro chemirangariro yomunhu oga uye kuzviruramisa kusingatsoropodzi.” Zvamazvirokwazvo, vose vari vaviri vafundisi vePurotesitendi neKaturike vakundikana kusvika rudzi rupi norupi rwebvumirano pamusoro peicho, kana chiripo, rufu rwaJesu Kristu runoreva.

Ungarangarira kuti ikoku kunongova zvako kukakavadzana kunoitwa nenyanzvi dzavafundisi shomanene, kuti hakuna chokuita noupenyu hwako. Asi rangarira izvi: Kana rufu rwaJesu ruchibatana chaizvoizvo nechimiro chako pamberi paMwari uye kariro dzako dzokuvapo kusingaperi (mudenga kana kuti munzvimbo ipi neipi zvayo), ipapo iri gakava rinoraira kurangarira kwako.

Nei vafundisi vachiri kuitirana nharo panhau yacho? Rangarira, somuenzaniso, Chechi yeRoma Katurike. Iyo ine dzidziso inotsanangurwa zvakanaka pakusafa kwomweya uye paUtatu. Bva, chechi yacho haina chokwadi nenzira yechienzi pamusoro porudzikinuro kupfurikidza norufu rwaKristu. New Catholic Encyclopedia inobvuma, kuti: “Mitoo yakawanda neyakasiana-siana yakatangwa kutsanangura nzira iyo munhu anonunurwa nayo muzvakaipa zvechivi ndokudzorerwa kunyasha . . . Asi hapana nomumwe wemitoo iyoyi wakabudirira chose chose. . . . Dzidziso youmwari yoRudzikinuro murutivi rwakati haisati yawanwa uye inopfuurira kuzvipa imene sechinetso mudzidziso youmwari.”

Hakufaniri kuva chishamiso kwauri, ipapoka, kuti pamamirioni anotaura zvakasimba kuti ‘Jesu akatifira,’ vashomanene vane inopfuura pfungwa isina kujeka pamusoro peicho ikoko kunoreva chaizvoizvo. Anglican Theological Review inoti: “Paanodzvinyirirwa . . . muKristu anotenda anowanzosagona kududza manyuko eBhaibheri edzidziso yacho, kana kuti kutsanangura nzira yainoshanda nayo.” Varemedzwa nedzidziso yavasinganzwisisi kana kuti zvimwe kugona kutsanangura, vanamati vari mumachechi vanodzvinyirirwa zvakaoma kuti vaone nzira iyo rufu rwaKristu runowirirana nayo noupenyu hwavo.

Kukundikana kwechiKristudhomu kutaura dzidziso yakajeka parudzikinuro kwakakuvadzawo nhamburiko dzacho dzokusvika vaJudha, vaHindu, vaBuddha, uye vamwe neshoko rechiKristu. Nepo vazhinji vavakadaro vachiyemura ndokuremekedza zhinji dzedzidziso dzaJesu, vhiringidziko yakapoteredza rufu rwaKristu uye charunoreva inomira sechidziviso kukutenda.

Ukoshi hworufu rwaKristu hunongovawo zvahwo chakavanzika—chinopfuura kunzwisisa kwomunhu here? Kana kuti kune tsananguro yarwo ine mufungo, yakavakirwa paBhaibheri here? Mibvunzo iyoyi yakafanirwa nokurangarira kwako, nokuti Bhaibheri rinoita uku kutaura kunokatyamadza pamusoro paKristu, kwokuti: ‘Munhu ari wose anoshandisa kutenda maari haasati achizoparadzwa asi achawana upenyu husingaperi.’—Johane 3:16.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe