“Korona Nechipupuriro”
“IPAPO [Jehoyadha muprista] akabudisa mwanakomana wamambo, akamudzika korona, akamupa chipupuriro, vakamuita mambo, vakamuzodza.” (2 Madzimambo 11:12) Uku ndiko kurondedzera kunoita bhuku raMadzimambo kugadzwa kwaMambo Jehoashi. Wacherechedza here kuti kunze kwe“korona,” kana kuti ngowani youmambo, Jehoyadha akaisawo “Chipupuriro” pana mambo muduku. Chii chakanga chiri Chipupuriro? Uye neiko chaiva rutivi rweichi chinoitika chokugadza?
Shoko rechiHebheru pano rakashandurwa kuti “Chipupuriro” kazhinji kazhinji rinonongedzera kuMirairo Gumi kana kuti kuMutemo waMwari wose zvawo. (Eksodho 31:18; Pisarema 78:5, Revised Standard Version) Mutsinhirano naikoku, nhauro inowirirana iri pana 2 Makoronike 23:11 inorava muThe Jerusalem Bible (1966), kuti: “Ipapo Jehoyadha akabudisa mwanakomana wamambo, akamupfekedza korona, uye akaisa Mutemo paari.” Zvisinei, pana 2 Madzimambo 11:12, iyi shanduro inotsiva shoko rokuti “rundarira” na“Chipupuriro,” kunyange zvazvo shoko rimwe chetero rechiHebheru richioneka mundima dzose dziri mbiri. Neiko?
Mutsinhiri weBhaibheri akakurumbira weGermany, Herders Bibelkommentar, anotsanangura kuti vamwe vashanduri havagoni kufungidzira kuti mambo aizopfeka Mutemo pamusoro pake kana kuti paruoko rwake. Sezvo, pakukurukura Mambo Sauro, 2 Samueri 1:10 ichidudza rundarira (kana kuti, koza) pamwe chete nekorona izvo iye aipfeka, vanodavira kuti rugwaro ruri pana 2 Madzimambo 11:12 pakuvamba runofanira kuva rwakarava kuti “korona nendarira.” Asi iyi inongova zvayo fungidziro. Kutsiva “Chipupuriro” ne“ndarira” kunomirira chinjo huru yorugwaro.
The New Jerusalem Bible (1985) naizvozvo inodzorera mufungo woMutemo, kana kuti sungano yomutemo, ichishandura chitsama chamashoko kuti “uye akamupa kopi yesungano.” Asi Jehoyadha akapa Jehoashi “Chipupuriro” here? Chokwadi, shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “dzika” rinogonawo kushandurwa kuti “kupa.” Asi muzvose zviri zviviri Madzimambo naMakoronike, rinongooneka kamwe chete, richinongedzera kuzvose zviri zviviri korona neChipupuriro. Uyezve, rinokurumidza kuteverwa neshoko rechiHebheru rokuti “pa.” Nokudaro, “akamudzika” inofanira kuva shanduro yakarurama. Zvose zviri zviviri korona neChipupuriro zvaka“dzikwa” pana Mambo muduku Jehoashi, sezvinoratidza New World Translation.
Naizvozvo neiko—uye seiko—muprista mukuru “akadzika” Chipupuriro pana mambo muduku? Rangarira cherechedzo yenyanzvi yeGermany Otto Thenius: “Mutemo, bhuku umo mirairo yaMosesi yakanyorwa. Irori nenzira yokufananidzira raiiswa pamusoro pamambo, pashure pokunge ashongedzwa korona.” (Die Bücher der Könige) Nenzira yakafanana, Purofesa Ernst Bertheau anoti: “Kuiswa kwoMutemo [pana mambo] zvamazvirokwazvo kwaiva nepfungwa yokufananidzira, yokuti mambo akanga achisungirwa kutonga mukuwirirana nawo.”—Die Bücher der Chronik.
Mwari akaraira kuti apo mambo aitora chigaro chake pachigaro choumambo, anofanira kuzvinyorera amene kopi yoMutemo, kuifunda nokuishandisa upenyu hwake hwose. (Dheuteronomio 17:18-20) Kuisa “Chipupuriro” pana mambo mutsva kungave kwaiva chiito chokufananidzira chipfupi chinoratidzira kuti kunyange zvazvo akanga ava mambo zvino, akanga asiri pamusoro poMutemo waJehovha. Nenzira isingafadzi, pashure porufu rwomuprista mukuru Jehoyadha, Jehoashi akakanganwa ichi chidzidzo chinokosha uye pashoma napashoma akasiya kunamatwa kwaJehovha, pakupedzisira achifa pasimba ravaurayi.—2 Makoronike 24:17-25.