Tsungiriro Yokufara muMiddle East
Uyu mushumo unofadza unobva kuZvapupu zvaJehovha muLebanon
GORE redu rebasa ra 1990 rakatanga nenhambo pfupi dzamasimba masimba dzokupfura mabara muBeirut. Ipapo kwakava nokuterama kwakagara kuvambira pamugumo waSeptember 1989 kusvikira kuna January 1990.
Mukati memwedzi iyoyo chiverengero chitsva chapamusoro chavaparidzi 2 659 chakashumwa (muna November), kuenzaniswa ne 2 467 mugore rebasa ra 1989. Vanhu vane makumi mana navana vakabhapatidzwa, uye mwedzi mumwe nomumwe avhareji yavane 65 vakagoverana mubasa roupiona hwebetsero. Kwenguva yokutanga, dzinopfuura fundo dzeBhaibheri 2 000 dzakashumwa, uye takatanga kukarira chaigona kuitwa munguva yemberi.
Asi hondo yakatanga zvakare muEast Beirut, umo ungano zhinjisa dziri, uye hama dzedu dzakawanda dzaifanira kutizira kumamwe mativi enyika. Kwamazuva akawanda takanga tisina onano neungano munharaunda dzakatapurwa, uye mishumo yebasa romumunda yakanga isina kukwana. Kunyanguvezvo, hama dzakanga dzapararira dzakakumbanira ungano dzomunharaunda kwadzakanga dzatizira, uye basa rapaimba neimba rakapfuurira nemiuyo yakaisvonaka munyika yose. Munguvayo, yakawanda yemisha yehama dzedu yakapiswa kana kuti zvimwe yakakuvadzwa nokubhomba. Hanzvadzi imwe yakarasikirwa noupenyu hwayo.
Nechivimbo takatarira kuna Jehovha nokuda kwebetsero nenhungamiro. Mapiona ane ushingi akazvipira kuendesa zvokudya zvomudzimu, pamwe chete nezvokudya nemvura, kuhama dzedu dzaiva munharaunda dzakakombwa. Vachisundwa norudo nokuda kwaJehovha nehama, ivo vakatopinda mungozi yokuyambuka migwagwa yakanga yaiswa zvimbambaira. Uchapupu hwakaisvonaka hwakapiwa sezvo vanhu vakaona yamuro ichiuya kumhuri dzehama dzedu. Ivo vakaona icho rudo chairwoirwo runogona kuita apo vose vanenge vakabatanidzwa mukunamatwa kwaMwari mumwe wechokwadi, Jehovha.—Johane 13:34, 35; 15:13.
Mukati megore rebasa, hama hadzina kupotsa chinyorwa chimwe chamagazini edu. Sezvakwakanga kwakatoita neNharireyomurindi, magazini aMukai! muchiArab yakatanga kubudiswa panguva imwe cheteyo nechiNgezi, kutanga nechinyorwa chaJanuary 8, 1990. Zvapupu navanhu vanofarira vakafadzwa zvikuru. Kwakanga kuchifadzawo kuona mabhuku matsva muchiArab, zvakadai sebhurocha rinonzi Unofanira Kudavira Utatu Here? uye mabhuku anonzi The Bible—God’s Word or Man’s? uye Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.
Izvi zvipo zvomudzimu zvakagoverwa pasinei zvapo nokuvharwa kwamafekitari akawanda nedzimwe nzvimbo muBeirut. Mugariro wezvemari wakashata munyika yacho yose. Nzvimbo dzakawanda hadzina magetsi, hadzina mvura, hadzina runhare. Zvino, dzimwe dzehama dzedu ngadzitaure kuti dzakawana sei mufaro kunyange dzichirwisana nokuparadzanya kwehondo iyo yave ichipfuurira kwamakore 15.
“Rutivi Rwakanaka”
Imwe hama yomuBeirut inonyora, kuti: “Kutanga kwazvose, ndinopa kuonga kwechokwadi kuna Jehovha nemhaka yokuti akatichengeta takakotsekana mukati mesangano rake renamato yakachena pasinei zvapo nemigariro yose inotambudza yatakatarisana nayo. Mukati mezvinoitika zvemisi ichangobva kupfuura iyi, ndakava nezvinoitika zvakandiunzira mufaro, uye ndinozvirangarira kuva rutivi rwakanaka rwehondo.
“Mukati mokubhomba kukuru, takagara navavakidzani pamasitepisi, sezvo iyoyo iri nzvimbo yakakotsekana zvikurusa mukati mokupfura mabara. Nguva dzose taitaura navo pamusoro poUmambo hwaMwari semhinduro bedzi yezvinetso zvorudzi rwomunhu, uye tainyengetera nguva dzose kuna Mwari wedu, Jehovha. Ikoku kwakava kunozivikanwa kuna vose.
“Pane dzimwe nguva kupfura mabara kwaipfuurira kwamazuva, uye taisagona kupinda misangano. Naizvozvo ndakauya namagazini eNharireyomurindi ndokuifunda ndakagara pamasitepisi. Ikoko kwakanyandura fariro yavavakidzani vedu. Vamwe vavo vakanga vave vasingatauri nesu nemhaka yokuti tiri Zvapupu zvaJehovha. Asi apo imba yedu yakarohwa nebara, vakashamiswa norudo hama dzedu dzakaratidza. Zvino vaida kutaura nesu. Ikoko kwakatigonesa kugovera kuzvinyoresa kwaMukai! muchiNgezi kwavari.
“Izvi zvinoitika zvakandiita akatsunga kuramba ndichitaura pamusoro pezvokwadi. Jehovha anofanirwa nenamato yedu yose uye rukudzo rwedu rwose nembiri yose.”
“Zita raJehovha Rakaponesa Upenyu Hwangu”
Imwe hama yeRas Beirut Ungano inorondedzera, kuti: “Mudzimai wangu, vakomana vedu vaduku, uye ini takatanga zuva redu muushumiri hwedu hwapaimba neimba muchikamu chokumadokero cheBeirut. Mumasikati, takava nomusangano womutauro wechiNgezi pamba pangu. Pakasvika 6:30 p.m. kwakanga kwasviba. Vanhu bedzi vaiva mumugwagwa vaiva varume vakashongedzwa nezvombo. Mabhomba akanga achinaya. Vagari vazhinjisa vechivako chedu vakanga vatiza. Kwakanga kusina mvura kana kuti magetsi. Ipapo takanzwa kugogodza pasuo.
“Achifunga kuti angava mumwe wavavakidzani vedu anoda mvura kana kuti chingwa, mudzimai wangu akazarura suo. Vamirepo vakanga vari varume vana vakashongedzwa nezvombo. Ivo vakanongedzera pfuti dzavo kumudzimai wangu ndokundibvunza nezita. Vhiki iroro varume vapfumbamwe vakanga vatorwa mumisha yavo neiyi nzira uye vakaurawa kamwe kamwe. Apo varume vakashongedzwa nezvombo vakandiona, vakanongedzera pfuti dzavo dzinoshanda dzoga kumusoro wangu ndokundiraira kuenda navo. Ndakavaudza, kuti: ‘Ndichaenda nemi. Asi kutanga regai ndipfeke.’ Ndakanyengetera kuna Jehovha nomwoyo wangu wose, ndichikumbira betsero yake. Sezvandakapedza kunyengetera, ndakanzwa ndasununguka zvikuru ndokuvamba kurangarira ava varume vakashongedzwa nezvombo navanotyisa savanhuwo zvavo. Ndakagona kutaura navo ndisingatyi.
“Ndakavabvunza, kuti: ‘Chii chamunoda kwandiri? Ngatimboti taurei mumba tisati taenda.’ Tangopinda bedzi mukamuri rokutandarira, mukuru wavo akandibvunza, kuti: ‘Maruramiroi aunawo okupinda mudzimba ndokuparidzira kuvanhu?’ Ndakapindura: ‘Imi munotakura pfuti kumanikidzira kuda kwenyu, uye hakuna munhu anomira munzira yenyu. Ini ndinotakura mashoko akanaka orugare ayo Jesu akatiraira kuparidzira.’ Ipapo ndakatsanangura zvitendero nebasa zveZvapupu zvaJehovha. Nokukurumidza apo ndakadudza zita rokuti Jehovha, vakati: ‘Tichagutswa nokukubvunzurudza pano. Hapana dikanwo yokuti uende nesu.’ Sezviri pachena, mumwe pakati pavo akanga akarovedzana neimwe hama. Iye akati: ‘Iyeyu akafanana naJarjoura.’
“Takapupurira kuvarwi ivavo ndokupindura mibvunzo yavo kweawa nehafu. Ipapo, panzvimbo pokunditora ndiri mubhokisi remotokari yavo sezvo vakanga vaita navamwe, vakakumbira ruregerero, vakanditsvoda, vakapa betsero yavo kana ndaimboida, uye vakaenda. Nguva iyoyo yose, ndakanzwa dziviriro yaJehovha. Kugoverana mubasa rapaimba neimba mangwanani iwayo nokupinda musangano mumasikati zvakanga zvandisimbisa kumira ndakasimba. Zvirokwazvo, zita raJehovha rakaponesa upenyu hwangu.”—Zvirevo 18:10.
“Tarisiro yaJehovha Yakatikomba”
Imwe hama inonyora iri kuBeirut, kuti: “Chakanga chiri Chitatu, 31 January, 1990. Ndichishanda pamwe chete nomukoma wangu pamba peimwe hanzvadzi, kurwa kwakavamba zvakare. Mabhomba akaputika munzvimbo iri yose. Nemhaka yehondo inotyisa, hataigona kudzokera kumusha. Hanzvadzi yaiva nomutsa zvikuru kunyange zvazvo yaingova nezvidumbu zvishomanene bedzi zvechingwa.
“Ndakanetseka zvikuru pamusoro pomudzimai wangu nemhaka yokuti muFilipino uye asina kurovedzana namasimba masimba ehondo. Pazuva rechipiri, zvisinei, ndakakwanisa kuenda kumba kwangu. Mirwi yefanicha yakavhara migwagwa, asi kuonga kuna Jehovha, mhuri yangu yakanga yakakotsekana. Pashure peteramo pfupi, kupfura mabara kukuru kwakatanga zvakare. Takahwanda mumusha meimwe hama pedyo nowedu. Kwakanga kune vashanu vedu—mudzimai wangu, mwanakomana wangu ane makore maviri okukura, ini, mukoma wangu, uye mudzimai wake. Mabhomba, mabara, uye maroketi zvakawira makatikomba mose, asi tarisiro yaJehovha yakatikomba. Mazuva maviri okupfura mabara kukuru akapfuura, apo takaramba takarara pasi noutsi hwamabhomba mumhino dzedu.
“Tichiteerera kuputika, takayeuka mashoko aDhavhidhi ari paPisarema 18:1-9, 16-22, 29, 30. Munguva idzodzo dzinotambudza, uye pasinei zvapo nezvose zvakanga zvichiitika, takanga tichifara uye taigona kungonyemwerera. Takanyengetera kuna Jehovha kuti kana tikafanira kufa, taizofa nyore nyore, pasina kutambura. Tariro yedu murumuko yakanga yakasimba.
“Zuva rakatevera rakanga risingadaviriki. Anenge mabhomba 25 akawira pedyo nemba matakanga takahwanda, asi hapana mumwe wedu akakuvadzwa. Unogona here kufungidzira kunzwa kwedu sezvo takanzwa dziviriro yaJehovha? Mangwanani akatevera acho, takakurumidza kusarudza kutiza. Motokari yangu ndiyo bedzi yaiva mumugwagwa yakanga isina kupiswa. Ndakachaira ndichipfuura napakati pezvimbambaira namabhomba, uye kuonga kuna Jehovha, takakwanisa kunzvengera kunharaunda yakanga yakati teramei kupfuura yedu. Ikoko, hama dzedu nenzira yorudo dzakatigovera zvipfeko, zvokudya, uye mari.
“Pasinei zvapo nezvitambudzo zvose, takanzwa tichifara nemhaka yokuti Jehovha akanga anesu. Kwakanga kwakadokuita sokunge kuti iye akanga atumira ngirozi dzake kuzochengeta mabhomba ari kure nesu. (Pisarema 34:7) Hungu, mufaro wedu wakanga uri mukuru. Asi mufaro wedu uchava mukuru zvikuru pashure pokupukunyuka Armagedhoni.”
Kushanda Kwebetsero Yomungozi!
Dzimwe nharaunda dzeBeirut dzakatarisika sokunge kudengenyeka kwapasi kwakanga kwarova. Dzakawanda dzedzimba dzehama dzedu dzakakuvadzwa kana kuti kuparadzwa. Apo njodzi yemisi ichangobva kupfuura yakamuka, Dare reBazu rakaronga dare rebetsero yomungozi kuti ritarisire zvinodikanwa zvehama. Rakatanga kushanda pana February 16, 1990, panenge chaizvo panguva apo taigona pakupedzisira kupinda munharaunda dzakatambudzwa. Donzo reiri dare rakanga rakapetwa katatu: kupa kurudziro yomudzimu kuhama; kutarisira zvinodikanwa zvadzo zvemari, zvokudya, uye mvura; uye kudzibetsera kugadzira kana kuti kuvakazve misha yadzo.
Pakanga pasina kudikanwa kwokudana vazvipiri. Zuva rimwe nerimwe vazhinji vakakurumidza kuuya mumangwanani kuzobetsera. Hedzino dzakati kuti dzetsinhiro dzaavo vakabetserwa:
Imwe hanzvadzi, sezvo imba yayo yakacheneswa ndokudzorerwa, yakati: “Ndakanzwa pamusoro pebetsero inopiwa nehama apo ngwavaira inorova. Zvino ndinoiona uye ndinoinzwa.” Kunyange muvakidzani wayo, mukadzi weMuslim, akaudza iyi hanzvadzi, kuti: “Imi munodana chaizvoizvo. Rwenyu ndirwo rudzidziso rwakarurama. Zvino ndichatizira kumusha wangu ndokuudza munhu ari wose zvamuri kuita kuno.” Uyu muvakidzani akaunza zvokudya kuvashandi vanozvipira.
Hanzvadzi yakwegura yakatsinhira, kuti: “Ndaikarira kuti maizouya kuzondishanyira, asi ndaisakarira kuti Sosaiti ingatumira mumwe munhu kundiunzira mvura.” Iye akanga achichema sezvo akatsvoda hama yakauya kuzomubetsera.
Mhuri yavatatu—murume nomudzimai avo vakanga vari vaparidzi vasina kubhapatidzwa nomukomana wavo muduku—vakashanyirwa ndokupiwa bhokisi guru romukaka, zvingwa, mvura yokunwa, uye mari. Apo vakaudzwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvaita iyi gadziriro, murume wacho akati: “Ndakanga ndiri muChechi yeEvangelical kwamakore 11 uye ndaishingaira zvikuru. Asi kwaaya makore 15 ehondo muLebanon, havana kutongofunga kuita chimwe chinhu chakafanana neichi nokuda kwemitezo yavo.” Iye akapfuurira, kuti: “Iri chaizvoizvo isangano bedzi raMwari.” Murume nomudzimai wake vakabhapatidzwa pagungano muna May 1990.
Mumwe mukuru akatsinhira, kuti: “Mashoko anokundikana kuratidzira kutenda kwedu nokuda kwamabasa orudo ayo imi makaita kuhama dzinotambudzika. Ndakaororwa kwazvo zvokuti ndakabudisa misodzi apo ndakaona boka rehama duku, vazvipiri, vachivakazve imba yavabereki vangu. Kunyange vavakidzani vedu avo vasiri Zvapupu vakataura kuonga kwavo. Tinotenda zvirokwazvo kuna Jehovha nesangano rake nokuda kwetsigiro inoshanda yakapiwa. Ndeechokwadi sei mashoko owezvamapisarema ari paPisarema 144:15: ‘Vanofara vanhu vana Mwari ari Jehovha.’”
“Imi Muri Rudzii Rwavanhu?”
Imwe hanzvadzi ine mhuri yakanyora, kuti: “Ndinoda kutaura kuonga kwangu kukuru nokuda kworudo rwaJehovha nesangano rake. Imba yangu yakarohwa namabara akawanda ndokupiswa. Vazhinji vakatiudza kuti yaisagona kugadzirwa. Zvisinei, pano imire yakagadzirwa chose chose sokunge hapana chinhu chakanga chaitika kwairi, yakapoteredzwa namazana edzimba pamugwagwa wedu idzo dzakapiswa nokuparadzwa.
“Kunyange vavakidzani vedu, avo vasiri Zvapupu zvaJehovha, vari kubvunza, kuti: ‘Rudo urwu runobvepi? Muri rudzii rwavanhu? Ndivanaani vari ava vanhu vanoshanda neshingairo yakadaro uye vakanyarara kwazvo uye vanozvibata zvakanaka? Mwari akakupai rudo urwu nomudzimu wokuzvibaira ngaarumbidzwe.’ Akakodzera sei mashoko ePisarema 84:11, 12: ‘Nokuti Jehovha Mwari izuva nenhovo; Jehovha uchapa nyasha nokukudzwa; hapane chinhu chakanaka chaanganyima vanofamba nokururama. Jehovha wehondo, wakaropafadzwa munhu unovimba nemi.’”
Mumwe murume ane mudzimai navana vari Zvapupu zvaJehovha akanyora, kuti: “Ndingada kukutendai nokuda kwebetsero yenyu mukugadzira imba yedu. Basa renyu rakaratidza rudo rwechiKristu rwechokwadi urwo rwuri rwechienzi zvikuru mazuva ano. Mwari ngaakomborere nhamburiko dzenyu.”
Pashure pokunge imba yomumwe mukuru yadzorerwa, iye akati: “Miromo yedu inokundikana kutaura zviri mumwoyo yedu. Hatigoni kuwana mashoko okukuudzai kuonga kwedu nokuda kwaJehovha nesangano rake. Takanzwa kuva pedyo kwaJehovha mungwavaira yedu. Rudo rwenyu rwakakurudzira mitezo yose yemhuri yangu kugoverana mukubetsera vamwe vanoshaiwa.”
Mukati maApril, vanhu 194 muLebanon vakafarikanya basa roupiona hwebetsero. Usiku hweChirangaridzo hwakanga hwakaterama zvikuru kupfuura humwe usiku, uye Chirangaridzo chakaitwa nehwerengedzo yavakapinda 5 034. Magungano ose akarongwa akaitwa, uye hwerengedzo yavanhu vakabhapatidzwa nokuda kwegore yakanga iri 121, pasinei zvapo nenyongano munyika yacho. Mhuri dzakawanda dzomuungano dzakasiya nyika yacho zvachose. Asi vachangobva kufarira vari kufambira mberi kurubhapatidzo, uye chiverengero chavane 2 726 chavaparidzi voUmambo chinopfuurira kukura muchiverengero. Mukati megore rebasa ra 1990, vanhu vose vaJehovha muLebanon vakawana kutendeka kwaJehovha sezvo akatitarisira zvakanaka nokutitungamirira munguva dzakanyanduka.—Pisarema 33:4, 5; 34:1-5.