RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 1/1 p. 29
  • Zvokwadi yeBhaibheri Inokurira Gamuchidzanwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokwadi yeBhaibheri Inokurira Gamuchidzanwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mugeri Anoruramisa Kufunga Kwakaipa
  • Kufarira “Kukunda neGwayana”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 1/1 p. 29

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Zvokwadi yeBhaibheri Inokurira Gamuchidzanwa

GAMUCHIDZANWA rorudzidziso rinogona kuva rakasimba zvikuru. Mamirioni anorangarira kuti kwakaipa kuchinja rudzidziso rwomunhu. Sauro, uyo akava muapostora Pauro, sezviri pachena akanzwa nenzira imwe cheteyo, sezvo iye akati: “Ndakanga ndichishingairira zvikuru magamuchidzanwa amadzibaba angu [kupfuura vazhinji vezera rangu ndimene].” Asi pakuratidzwa zvokwadi, iye akachinja achibva muchiJudha ndokuva muKristu. (VaGaratia 1:13-16, NW) Vazhinji nhasi vakasvika pakuziva kuti zvokwadi yeBhaibheri inobva kumanyuko akakwirira zvikuru kupfuura gamuchidzanwa. Cherechedza kuti zvokwadi yeBhaibheri yakakurira sei muItaly.

Mumwe mukadzi anotsanangura, achiti: “Mukoma wangu neni takakurira mumhuri huru ine magamuchidzanwa eKaturike ekare, uye takanga tiri vaKaturike vanoshingaira zvikuru. Sezvo nguva yakapfuurira, ndakaroorwa. Ipapo ndakarasikirwa nomurume wangu, uye ndakagara sechirikadzi kwamakore akawanda ndiri ndoga navana vangu. Muzukuru wangu aifundisa katekizimu, uye iye akaramba achibvunza muprista mibvunzo yeBhaibheri, asi haana kugamuchira mhinduro dzinogutsa.

“Ndichishanyira taundi rokumusha kwangu, ndakava neonano yangu yokutanga neZvapupu zvaJehovha uye ndakagamuchira fundo yeBhaibheri. Dzaichimbova shamwari dzangu dzose dzeKaturike dzakandinyomba nokuda kwokufunda Bhaibheri. Handina kuodzwa mwoyo, zvisinei. Kwenguva yokutanga, ndakava neBhaibheri, uye hapana munhu akanga achizoritora kwandiri. Mukoma wangu akatsigirawo Jehovha, uye muasingasviki makore maviri, tose tiri vaviri takabhapatidzwa.

“Ndakachema apo ndakatanga kubuda muchechi nemhaka yokuti ndaitya kusiya magamuchidzanwa akasimba mandiri kwamakore 76. Asi zvino ndinofara kufamba munzira dzaJehovha uye kuita unani hwangu kubetsera vamwe kubuda murima romudzimu!”—Enzanisa na 1 Petro 2:9.

Mugeri Anoruramisa Kufunga Kwakaipa

Mumwe mugeri muJapan aida kutaura pamusoro pamadhemoni neUFO achigera vhudzi ravagerwi. Zvisinei, pashure pokunge atanga kufunda Bhaibheri, iye akaziva kuti uyu muitiro wakanga une ngozi sei. Naizvozvo panzvimbo pezvo akakoka vagerwi vake kumukumbanira mufundo yake yeBhaibheri. Iye akapupurira kuvagerwi vaduku pamusoro pechisiko. Vhiki riri rose aiodha maBhaibheri namakopi ebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano kuChapupu chakanga chichifunda naye kuti agogona kuagovera kuvagerwi vake.

Kunyange zvazvo akanga achigere kuva Chapupu, akagovera maBhaibheri anopfuura 30 namabhuku aKurarama Nokusingaperi mukati megore rake rokutanga rokufunda. Vanhu vanopfuura 25 vakatanga kufunda Bhaibheri somuuyo wokupupurira kwake kwamasanga. Pane dzimwe nguva vazhinji savane gumi vaitora rutivi muboka rake refundo yeBhaibheri. Zvino vanomwe vaavo akapupurira kwavari pakugera vhudzi ravo vakaruramisirwa kufunga kwavo kwakaipa uye Zvapupu zvakabhapatidzwa zvaJehovha!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe