Zadzwa Nomufaro
“Vadzidzi vakapfuurira kuzadzwa nomufaro nomudzimu mutsvene.”—Mabasa 13:52, “NW.”
1. (a) Mufaro rudzii rwechibereko? (b) Mwari anofanira kurumbidzwa nokuda kwegadziriroi yokufara?
MUFARO! Iri vara rechiKristu rinorongwa serechipiri bedzi kurudo murondedzero yaPauro yechibereko chomudzimu. (VaGaratia 5:22-25) Uye chii chinoraira mufaro iwoyo? Ndiwo mashoko akanaka ayo ngirozi yaMwari yakazivisa kuvafudzi vanozvininipisa anopfuura makore 1 900 akapfuura, kuti: “Tarirai! Ndiri kukuzivisai mashoko akanaka omufaro mukuru uyo vanhu vose vachava nawo, nemhaka yokuti maberekerwa Muponesi nhasi, uyo ari Kristu Ishe, muguta raDhavhidhi.” Ipapo boka rengirozi rakaoneka ndokukumbanira ngirozi yacho mukurumbidza Mwari nokufara uye dzichiti: “Mbiri kumusoro kuna Mwari, uye pasi pano rugare pakati pavanhu vomutsa.”—Ruka 2:10-14, NW.
2, 3. (a) Neiko kwakanga kwakakodzera kuti Mwari atumire Mwanakomana wake wedangwe kuzova Mudzikinuri worudzi rwomunhu? (b) Mudzimwe nzirai umo Jesu akabatira madonzo aMwari paakanga ari pasi pano?
2 Mutsa waJehovha kuvanhu unoratidzirwa mukugovera ruponeso kupfurikidza naKristu Ishe. Uyu Mwanakomana wedangwe waMwari anotaurwa souchenjeri hwechokwadi uye anorondedzerwa saanoti nezvaBaba vake panguva yokusika: “Ipapo ini ndakava parutivi rwavo mushandi akasimba nowechokwadi, ipapo ini ndakazadzwa nomufaro zuva nezuva, ndichifara pamberi pake panhambo iri yose; ndichifarira nyika inobereka yapasi rake, hungu kuzara kwangu kwokufara kwakanga kuna vanakomana vavanhu.”—Zvirevo 8:30, 31, Rotherham.
3 Kwakanga kwakakodzera, naizvozvo, kuti Jehovha atume uyu Mwanakomana, uyo akawana mufaro wakadaro muvanakomana vavanhu, kuti ave Mudzikinuri worudzi rwomunhu. Uye ikoku kwaizounza sei mbiri kuna Mwari? Kwaizozarura nzira yokuti aite donzo rake guru rokuzadza pasi navanhu vakarurama navanoda rugare. (Genesi 1:28) Uyezve, ari pasi pano, uyu Mwanakomana, Jesu, aizoratidza ari mumuedzo wakakomba zvikurusa kuti munhu akakwana anogona kuteerera Jehovha nokuvimbika saChangamire Ishe, nokudaro achireverera zvizere utongi hwakarurama hwaBaba vake pamusoro pechisiko Chavo. (VaHebheru 4:15; 5:8, 9) Nzira yaJesu yokuchengeta perero yakasiyawo muenzaniso wokuti maKristu ose echokwadi asanotevera nhano dzake.—1 Petro 2:21.
4. Tsungiriro yaJesu inoguma nomufaroi mukuru, uye ikoku kunofanira kutikurudzira sei?
4 Jesu akawana mufaro mukuru mukudarozvo kuita kuda kwaBaba vake, uye ikoko mukukarira mufaro wakatokura zvikuru, sokuratidzira kunoita Pauro pana VaHebheru 12:1, 2, kuti: “Ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, Muvambi noMukwanisi wokutenda kwedu, iye wakatsunga [padanda rokutambudzira, NW] nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.” Mufaroi iwoyu? Mufaro uyo Jesu anawo, kwete bedzi mukutsvenesa zita raBaba vake nokudzikinura rudzi rwomunhu murufu asiwo mukutonga saMambo noMuprista Mukuru sezvaanodzorera vanhu vanoteerera kuupenyu husingagumi muparadhiso yapasi.—Mateo 6:9; 20:28; VaHebheru 7:23-26.
5. Ndivanaani vari “hama” dzaJesu, uye vanogoverana mumufaroi wechienzi?
5 Hungu, Mwanakomana waMwari akawana mufaro nguva dzose mukubatira rudzi rwomunhu. Uye wave uri mufaro wake kubatira naBaba vake mukusarudza boka ravanhu vanochengeta perero avo iye anodana kuti “hama” dzake uye avo parufu vanomutsirwa kudenga. Ivava vanopinda mumufaro wechienzi naJesu. Vanonzi “vanofara navatsvene,” uye ivo “vachava vaprista vaMwari navaKristu, uye vachatonga samadzimambo naye kwamakore ane chiuru.”—VaHebheru 2:11; Zvakazarurwa 14:1, 4; 20:6, NW.
6. (a) Ikokeroi yokufara iyo Mambo anotambanudzira ku“mamwe makwai” ake? (b) Maropafadzoi ayo vazhinji vaaya makwai vanofarikanya nhasi?
6 Uyezve, boka guru ra“mamwe makwai,” ayo Mambo anotonga anoparadzanisira kuruoko rwake rworudyi rwetendero, anogamuchira kokero yake, inoti: “Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka umambo hwakakugadzirirwai kubva pakuvambwa kwenyika.” (Johane 10:16; Mateo 25:34, NW) Iropafadzo inofadza zvakadini! Vaivava vachagara nhaka nzvimbo yapasi yoUmambo, vazhinji vari kutogamuchira zvino migove yomutoro pamwe chete navakazodzwa, kungofanana nezvakadeya kutaura Jehovha, kuti: “Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai, navaeni vachava varimi venyu navagadziri vemizambiringa yenyu. Asi imi muchanzi vaprista vaJehovha, vanhu vachakutumidzai vashumiri vaMwari wedu.” Vose vaivava vanokumbanirana nomuporofita waMwari mukuti: “Ndichafarira Jehovha kwazvo, mweya wangu uchava nomufaro muna Mwari wangu; nokuti wakandipfekedza nguvo dzoruponeso.”—Isaya 61:5, 6, 10.
7. Neiko iri “zuva” chifo cha 1914 riri chairo zvikuru?
7 Tiri kurarama zvino muzuva chairo zvikuru. Chifo cha 1914 rave riri zuva rokutonga kwaKristu saMambo wokudenga, rinorondedzerwa paPisarema 118:24, 25, kuti: “Rino izuva rakaitwa naJehovha; ngatifare kwazvo tiri farire. Tiponesei zvino, Jehovha—ndizvo zvatinonyengetera; Jehovha, tipei mufarwa—ndizvo zvatinonyengetera.” Izuva richasvika mugumo apo Jehovha anoparadza rudzidziso rwechiBhabhironi uye anobatanidza mwenga waKristu wehama dzine 144 000 naMambo wavo wokudenga. Vose vavanhu vaMwari vacha“fara nokufarisisa” pana ikoku. Vachafarawo sezvo Mambo wavo wouMesia anorwa paArmagedhoni kuti aponese rudzi rwake rwakavimbika ndokupinda munyika itsva yake yakarurama. (Zvakazarurwa 19:1-7, 11-16) Jehovha anopa budiriro here sezvo vanhu vake vanozivisa iyi tariro inofadza? Mushumo unotevera uchatsanangura.
Futunuko Munyika Yose
8. (a) Mufaro nomudzimu mutsvene unoratidzirwa sei mumushumo uri pamapeji 18 kusvikira ku 21 amagazini ino? (b) Ndaapi ari mapfundo makuru omushumo wacho?
8 Zvapupu zvomuzuva razvino uno zvaJehovha “zvine tariro yakawandisa, nesimba ro[mudzimu mutsvene, NW].” (VaRoma 15:13) Ikoku kunoratidzirwa muchati iri pamapeji 18 kusvikira ku 21 amagazini ino, apo mushumo wenyika yose webasa roUmambo wa 1990 unoratidzwa muudzame. Tinofara sei kuona chiverengero chitsva chapamusoro chavashumiri vanoshingaira mumunda vane 4 017 213! Ikoku kunoratidza wedzero ye 77 muzana mukati mamakore gumi apfuura, sezvo kuunganidzwa kwamakwai kunofambira mberi nokukurumidza munyika 212 kupote nyika. Pashure pamakore 15, rubhapatidzo rwakasvikazve chiverengero chapamusoro kupfuura zvose—301 518! Kwakanga kune zviverengero zvorubhapatidzo zvakakwirira zvikuru pakokorodzano zhinji, zvikurukuru idzo dzakapindwa neZvapupu zvakabva kuEastern Europe. Pakati paizvozvi pakanga pane vanhu vaduku vazhinji, vachizivisa kuva kwenhema kutaura kwechisosharisti kwokuti rudzidziso rwaizofa navanhu vakare.
9. (a) Rovedzo yapakuvamba yavabereki iri kuunza muuyoi unofadza? (b) Ndizvinoitikai zvomunzvimbomo kana kuti zvimwe zvinopupurira ikoku?
9 Mapoka avanhu vaduku ari kupindura kudana kuri paPisarema 32:11, kwokuti: “Farai muna Jehovha, mufarise, imi makarurama, pururudzai nomufaro, imi mose makarurama pamwoyo.” Kunoratidzika kuti vabereki vazhinji vari kushandisa zano rokurovedza vaduku vavo “kubvira paucheche.” (2 Timotio 3:15) Kushandisa kwakanaka kuri kuitwa kwamabhuku namatepi amakaseti zvinogoverwa nokuda kwaavo vari vaduku. Sezvo ava vaduku vanopinda chikoro, vanokurumidza kupa uchapupu hwakaisvonaka, somuenzaniso musikana ane makore masere okukura wechiJapan uyo akashuma, kuti: “Pashure pezororo rezhezha, ndakasvika mudzidzisi wangu ndokumubvunza, kuti: ‘Makashanyira guva rababa venyu mukati mezororo here?’ Iye akapindura, kuti: ‘Hungu, baba vangu vakanga vari vanyoro zvikuru, uye ndinoshanyira guva ravo gore riri rose.’ Ndakati: ‘Kana mukafunda Bhaibheri ndokutevera dzidziso dzaMwari, muchakwanisa kuona baba venyu vane rudo muparadhiso yapasi.’ Ipapo ndakamupa Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri. Zvino mudzidzisi wedu anoravira ganhuro imwe yeiri bhuku kirasi yose panguva yezvokudya zvamasikati vhiki rimwe nerimwe.”
10. Idonzoi rakanaka rakabatirwa nebhuku raYoung People Ask, uye ndeipi iri mienzaniso?
10 Vanhu vaduku vari mumakore avo ohuduku vakashandisa zvakanaka bhuku raQuestions Young People Ask—Answers That Work, zvose zviri zviviri nokuda kwefundo yomunhu oga uye mukupupurira kuna vamwe vaduku. Vaberekiwo vakaonga iri bhuku. Imwe hanzvadzi iri muSwitzerland, yakanyoresa sapiona webetsero, yakasarudza kushanyira vabereki vovokuchikoro biyake vomwana wayo. Ikoku kwakazarura banza rekurukurirano dzakaisvonaka navabereki vazhinji, uye mabhuku 20 (zvikurukuru Young People Ask) namagazini 27 zvakavasiirwa. Apo musikana wechikoro muTrinidad akagovera iri bhuku kuno mudzidzisi wake kuchikoro, amai vake vakadzokera, vachigovera makopi 25 pakati pavashandi 36. Ivo vakapfuurira mumwedzi wakatevera nengwariro chaiyo kuvabereki avo vaiziva somunhu oga, vachigovera mamwe mabhuku 92 uye kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha itsva. MuKorea mudzidzisi wechikoro chepuraimari akashandisa bhuku raYoung People Ask mukupa mharidzo pfupi pamisoro yakadai se “How Can I Improve My Grades?” uye “How Can I Get Along With My Teacher?” uye ipapo akagovera bhuku racho. Pashure pokunge vadzidzi vagamuchira mabhuku 39, vamwe vabereki vakavamba kunyunyuta. Asi mukuru wechikoro akanzvera kopi imwe, akarizivisa se“rinoshamisa,” ndokuodhesa rimwe nokuda kwomwanasikana wake amene.
Dzidzo Yakaisvonakisisa
11, 12. Ndezvipi zviri zvipupuriro kuidi rokuti zvinyorwa zveWatch Tower Society zvinogovera dzidzo yakaisvonakisisa?
11 Ukoshi hwedzidzo hwamagazini edu hunoongwawo navazhinji, somuenzaniso chikoro cheU.S. chakaodhesa makopi 1 200 aMukai! muchiNgezi waJuly 22, 1990, (anoratidzira kupindwa muropa necrack) nokuda kwokushandisa mukirasi dzacho. Uyezve, mufambiro womuenzaniso muchikoro wavana veZvapupu zvaJehovha unopfuurira kuita kuorora kwakaisvonaka. Mukamuri rekirasi rine ruzha muThailand, mudzidzisi akadanira Racha ane makore 11 okukura pamberi pekirasi ndokumurumbidza pamufambiro wake, achiti: “Neiko mose zvenyu musingamurangariri somuenzaniso? Anoshingaira muzvidzidzo zvake uye ane tsika dzakaisvonaka.” Ipapo iye akawedzera, kuti: “Eya, ndinofunga kuti mungafanira kuva Zvapupu zvaJehovha kufanana naRacha kuti muvandudze mufambiro wenyu.”—Enzanisa naZvirevo 1:8; 23:22, 23.
12 Imwe hanzvadzi duku muDominican Republic inonyora, kuti: “Pandakanga ndava namakore mana chete okukura, ndakanga ndava kudokupedza kufunda pakireshi yorudzidziso, apo ndakanga ndadzidza kurava nokunyora. Sechipo, ndakapa munun uyo akanga ari mudzidzisi wangu bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano neshoko, rokuti: ‘Ndinoonga zvikuru kuti makandidzidzisa kurava nokunyora. Ndinoda kuti munzwisisewo kutenda kwangu ndokusvika pakuva netariro yangu yokurarama nokusingaperi papasi rino parinoitwa paradhiso.’ Nokuda kwaikoku ndakadzingwa pachikoro chacho. Makore masere gare gare ndakasanganazve nouyu mudzidzisi. Iye akarondedzera, pasinei hapo nechishoro chikuru chakabva kumuprista, kukwanisa kwaakaita kurava bhuku racho. Akatamira kudzimbahwe, uko akakwanisa kufunda Bhaibheri neChapupu. Akanga achibhapatidzwa pa‘Mutauro Wakachena’ Kokorodzano Yoruwa pamwe chete neni.” Sezvakaporofitwa, uchenjeri hunogona kunyange kubva “mumuromo wavacheche”!—Mateo 21:16; Pisarema 8:1, 2.
13. Vechiduku vazhinji vari kuita sei kuzano raSoromoni, uye ikoku kunoratidzirwa sei mumushumo wenyika yose?
13 Soromoni akapa zano rinokurudzira: “Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, mwoyo wako ngaukufadze pamazuva oujaya hwako; famba nenzira yomwoyo wako.” (Muparidzi 11:9) Mufaro nhasi kuona vana vazhinji zvikuru veZvapupu zvaJehovha vachishandisa aya mashoko, vachishandisa makore avo ohuduku kugadzirira nokuda kwoupenyu hwebasa renguva yakazara kuna Jehovha uye kupinda muiri gurusa ramabasa ose sezvavanopedza kudzidza pachikoro. Mapiona anopfuurira kuwedzera nokukurumidza, navane 821 108 vanoshuma mukati megore. Pamwe chete nehama nehanzvadzi 11 092 avo vakabatira muBheteri, ikoko kunomirira 21 muzana yehwerengedzo yavaparidzi!
14. Mupiroi uyo hanzvadzi dzedu dziri kuita, uye irumbidzoi yadzinofanirwa nayo?
14 Ndokwefariro kuti munyika zhinji, dzakadai seUnited States, inenge 75 muzana yavaparidzi vose mapiona ihanzvadzi, kuchipa simba kumashoko ePisarema 68:11, anoti: “Jehovha akataura shoko; vakadzi vakaparidza shoko vaiva vazhinji-zhinji.” Hanzvadzi dzedu dzinofanira kurumbidzwa mukuti dziri kuita rutivi rukuru zvikuru rwebasa romumunda. Kudzidzisa kwadzo kwounyanzvi pafundo dzeBhaibheri dzapamusha kuri kutungamirira vazhinji kuzvokwadi, uye hanzvadzi dzakaroorwa idzo dzinotsigira nenzira yokuvimbika varume vane mabasa mazhinji eungano dzinofanirawo kurumbidzwa nenzira youshamwari.—Zvirevo 31:10-12; VaEfeso 5:21-25, 33.
Dzidzo yeBhaibheri Inobudirira
15. (a) Dzimwe nyika dzakarongwa mumushumo wenyika yose dzakapfuura sei mumubato wefundo dzeBhaibheri dzapamusha? (b) Ndizvinoitikai zvaunogona kurondedzera, zvinoratidza kuti fundo dzeBhaibheri dzinogona kuva dzinobudirira sei?
15 Basa redzidzo yeBhaibheri riri kubudirira, fundo dzichiitiswa munyika yose muavhareji yenzvimbo 3 624 091 mwedzi mumwe nomumwe. Zvokwadi yeBhaibheri inogona kuchinja hunhu, sokuratidza kunoita mushumo unobva kuNew Zealand. Pakuvamba muna January 1987, mumwe murume akaendeswa kuNew Zealand achibva kuAustralia pashure pokubatira nhambo yamakore 25 mutorongo nokuda kwoumbavha nounyengeri. Akanga apindwa muropa nemirimo uye akangawo aitengesa kwaanopfuura makore 17. Gore rakatevera racho mudzimai wake akavamba kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye sezvo zivo yake yakakura, iye akacherekedza chinjo inoshamisa mumufambiro wake. Iye akava mudzimai ari nani uye mai. Pakurudziro dzomudzimai wake, iye akapinda gungano redunhu muna June 1989. Zvino akagamuchira fundo yeBhaibheri yapamusha, uye chinjo huru dzakavamba kuonekwa muchitarisiko chake namararamire. Mitezo yose minomwe yemhuri yakavamba kupinda misangano. Iye akabhapatidzwa muna January 1990 souyo akanga atevera zano rakaisvonaka raPauro riri pana VaEfeso 4:17-24.
16. (a) Mishumo yeChirangaridzo ya 1990 manyuko omufaro sei? (b) Ikurumidziroi inofanira kucherekedzwa, uye inhamburikoi yatinofanira kuita kubetsera?
16 Rutivi rwakatanhamara rwomushumo wegore chiverengero chakanakisisa chavakapinda chavane 9 950 058 pakuchengetwa kweChirangaridzo, kwakaitwa paChipiri, April 10, 1990. Dzinopfuura 70 kubva munyika 212 dzakashuma zviverengero zvavapindi zvakanga zvakapfuura nekatatu chiverengero chapamusoro chadzo chavaparidzi! Somuenzaniso, pasinei zvapo neganhuriro, nyika nomwe dzeAfrica dzine chiverengero chapamusoro chakabatanidzwa chavaparidzi 62 712 dzakashuma chiverengero chavapindi veChirangaridzo 204 356. Vaparidzi veLiberia yanetswa nenhamo vane 1 914 vakafara kuva navane 7 811 paChirangaridzo. Haiti ine chiverengero chapamusoro chavaparidzi 6 427, yakashuma 36 551. Vaparidzi 886 vari muzvitsuwa zvakapararira zveMicronesia vakava ne 3 958. Vaparidzi veSri Lanka, 1 298 vakashuma 4 521, uye Zambia, ine vaparidzi 73 729, yakava navane 326 991 vakapinda Chirangaridzo, rashio yomunhu mumwe ku 25 yechiverengero chavanhu veZambia. Mushumo wenyika yose unozivisazve kuti kune mamirioni avanhu vapachokwadi ari kumirira kuunganidzirwa mudanga ramakwai. Asi uchokwadi hauna kukwana. Tinogona here kuwedzera ndokuvandudza kunaka kwebasa redu refundo dzeBhaibheri dzapamusha, kubetsera vapindi vakawanda veChirangaridzo kuvaka kutenda kwakasimba? Tinoda kuti vave shamwari dzedu dzinoshingaira, vachirumbidza Jehovha. Kunoreva upenyu hwavo humene!—Pisarema 148:12, 13; Johane 17:3; 1 Johane 2:15-17.
Kuzara Kwomufaro
17. Mienzanisoi yomuzana rokutanga ramakore inofanira kusimbisa kutsunga kwedu kubatisisa mufaro wedu?
17 Miedzo ipi kana ipi ingasangana nesu, ngativei vakatsunga kubatisisa mufaro wedu. Zvimwe hatisati tichizofanira kupinda nomuchinoitika chakaoma kwazvo seicho chaStefano, bva muenzaniso wake unogona kutisimbisa. Mukupomerwa, iye akakwanisa kuchengeta dzikamo yake yokufara. Vavengi vake “vakaona kuti chiso chake chakanga chakaita sechiso chengirozi.” Mwari akamira parutivi pake mukati momuedzo wake. Iye akapupurira noushingi, “akazara nomudzimu mutsvene” kusvikira kurufu rwake rwomufiri kutendeka. Sezvo Pauro naBharnabhasi vakatendeukira kumarudzi mukuparidzira kwavo, ivavawo “vakavamba kufara nokurumbidza shoko raJehovha.” Chitambudzo chakamukazve. Asi hachina kutyisidzira avo vakatenda. “Vadzidzi vakapfuurira kuzadzwa nomufaro nomudzimu mutsvene.” (Mabasa 6:15; 7:55; 13:48-52, NW) Chipi kana chipi icho vavengi vedu vanoita kwatiri, ipi kana ipi ingava miedzo yedu yezuva nezuva muupenyu, hatitongofaniri kurega mufaro wedu womudzimu mutsvene uchideredzwa. Pauro anopa zano, kuti: “Farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera.”—VaRoma 12:12.
18. (a) Chii chiri Jerusarema Idzva, uye neiko vanhu vaMwari vachifanira kufara naro? (b) “Matenga matsva nepasi idzva” zvichakomborera sei rudzi rwomunhu?
18 Tariro iyoyo inoshamisa sei! Kuvose vavanhu vake, Jehovha anozivisa, kuti: “Pano ndiri kusika matenga matsva nepasi idzva; uye zvinhu zvekare hazvisati zvichizoyeukwa, uyewo hazvisati zvichizofungwa mumwoyo. Asi farai, imi vanhu, uye farai nokusingaperi muzvandiri kusika.” Kristu Ishe pamwe chete ne“Jerusarema Idzva” (zvino dzimbahwe resangano raMwari rokudenga, “Jerusarema riri kumusoro”) uye chaunga chenyika itsva pasi pano zvichaunza mufaro mukuru kurudzi rwomunhu. (VaGaratia 4:26) Rumuko rwavanhu vakafa, kusimudzirwa kwavanoteerera vose kuupenyu husingaperi mukukwana kwohunhu, kusaguma kwokurarama kunoshanda, kunofadza muparadhiso yapasi—ikoku itariro yakaisvonaka zvakadini nechikonzero chokufara! Sezvo Jehovha amene achiwana ‘mufaro muJerusarema ndokufarira vanhu vake,’ naizvozvo muporofita wake anobudisa kumwe kudana kuvanhu vaMwari: “Farai neJerusarema uye farai naro, imi mose vadi varo. Farai zvikuru naro.” (Isaya 65:17-19, 66:10, NW; Zvakazarurwa 14:1; 20:12, 13; 21:2-4) Ngatizadzwe nguva dzose nomufaro nomudzimu mutsvene sezvatinoteerera pangiro yomuapostora Pauro, inoti: “Farai munaShe nguva dzose. Ndichapamhidzazve, Farai!”—VaFiripi 4:4.
Kupeta Mufaro Wedu:
◻ Muenzanisoi wokutsungirira kwokufara uyo Jesu akatisiira?
◻ Mapoka maviri akazvitsaurira ane zvikonzeroi zvokufara?
◻ Vaduku navakuru nhasi vari kufara sei muzvokwadi?
◻ Tichihwirudzura mushumo wa 1990, imhinduroi iri kupiwa zvino kumunyengetero wokuti, “Jehovha, tipei mufarwa—ndizvo zvatinonyengetera”?
◻ Kuzara kwomufaro kuchasvikwa rini uye sei?
[Chati iri papeji 18-21]
MUSHUMO WEGORE REBASA RA1990 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE
(Ona bhaundi vhoriyamu)
[Mufananidzo uri papeji 16]
Ngirozi yaJehovha yakazivisa kuberekwa kwaKristu Ishe sa“mashoko akanaka omufaro mukuru”