RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 1/1 pp. 10-15
  • Kubatira Jehovha Nomufaro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubatira Jehovha Nomufaro
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nhambo Dzomufaro
  • Mufaro Mubasa raJehovha
  • Mufaro Unowanda
  • Kutsungirira Nomufaro
  • Mufaro Uyo Unotsigira
  • Mufaro Unobva Kuna Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Batira Jehovha Nomwoyo Unofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mufaro waJehovha Inhare Yedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Zadzwa Nomufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 1/1 pp. 10-15

Kubatira Jehovha Nomufaro

“Batirai Jehovha nokufara. Pindai pamberi pake nokudanidzira kwokufara.”—PISAREMA 100:2, “NW.”

1, 2. (a) Urudzi hwakatanhamariswa sei muBerlin, Germany, asi rwisano nechakaipa ye“Reich yaMakore Ane Chiuru” yakaita sei? (b) Musianoi kuna 1936 wakacherekedzwa muOlympia Stadium muna July 1990, uye mufaro weboka ramarudzi ose rakaungana imomo wakasimbiswa muchii?

CHIONO chacho iOlympia Stadium, Berlin. Makore makumi mashanu namana pamberi pezvi, iyi nhandare yakaisvonaka yakava nzvimbo yenharo apo mudzvinyiriri weNazi Adolf Hitler sezvinoshumwa akanyadzisa mumhanyi wechitema weAmerica uyo akanga awana menduro ina dzendarama. Ngwavaira, zvamazvirokwazvo, kukutaura kwaHitler kwourudzi kwo“ukuru hweAryan”!a Asi zvino, pana July 26, 1990, vatema, vachena, vatsvuku—vanhu vakabatana vanobva mumapoka amarudzi 64, vane 44 532 pamwe chete—vakaungana pano nokuda kwo“Mutauro Wakachena” Kokorodzano yoRuwa yeZvapupu zvaJehovha. Mufaro wakadini unopfachukira pamasikati iwayo eChina! Pashure pehurukuro pamusoro porubhapatidzo, vanoda kubhapatidzwa vane 1 018 vanodanidzira, “Ja!” uye zvakare “Ja!” mukusimbisa tsauriro yavo kuna Jehovha Mwari, kuti vaite kuda kwake.

2 Kunotora maminiti 19 kuti izvi Zvapupu zvitsva zvibude kunze kwenhandare zvichienda kudziva rorubhapatidzo. Uye mukati mamaminiti iwayo ose, kuombera maoko kukuru kunoungira munhandare huru yose iyoyo. Vakundi vapaOlympic Games vakanga vasina kutongowana kuombera maoko kwakadai sokunogamuchira zvino aya mazana, anobva mumapoka mazhinji amarudzi, ayo ari kuratidzira kutenda kunokunda nyika. (1 Johane 5:3, 4) Mufaro wavo unosimbiswa zvikuru muchivimbo chokuti kutonga kwoUmambo hwaMwari kunoitwa naKristu kuchaunza zvamazvirokwazvo makore ane chiuru ezvikomborero zvine mbiri kurudzi rwomunhu.—VaHebheru 6:17, 18; Zvakazarurwa 20:6; 21:4, 5.

3. Izvokwadii inosimbiswa nekariro yavakokorodzani, uye sei?

3 Hapana kuvengana kwamadzinza kana kuti kwamarudzi pano, nokuti vose vari kutaura mutauro wakachena weShoko raMwari, nokudaro vachisimbisa zvokwadi yamashoko aPetro, anoti: “Zvirokwazvo ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35; Zefania 3:9.

4. Vazhinji vavakokorodzani vakava vatendi mumigariroi, uye minyengetero yavo yakapindurwa sei?

4 Chikamu chikuru chaava vakokorodzani muBerlin chakava vatendi mukati mamakore akareba edzvinyiriro, anofukidza nhambo yeNazi (1933-45) uye nhambo yechisosharisiti iyo yakatevera muEast Germany, umo rambidzo paZvapupu zvaJehovha yakabviswa nenzira yapamutemo pana March 14, 1990. Nokudaro, vazhinji vavo vaka“gamuchira shoko mudambudzo guru nomufaro womudzimu mutsvene.” (1 VaTesaronika 1:6, NW) Zvino vane rusununguko rukuru zvikuru rwokubatira Jehovha, uye mufaro wavo hauzivi miganhu.—Enzanisa naIsaya 51:11.

Nhambo Dzomufaro

5. Israeri akachengeta sei rununuro rwaJehovha paGungwa Dzvuku?

5 Kusunungurwa kwehama dzedu muEastern Europe, uye zvino uno mumativi eAfrica neAsia, kunotiyeuchidza nezvokununura kwakaitwa naJehovha munguva dzapakuvamba. Tinoyeuka chiito chesimba chaJehovha paGungwa Dzvuku, uye masvikire akaita rwiyo rwaIsraeri rwokuonga mugumo muaya mashoko: “Ndiani pakati pavamwari akafanana nemi, Haiwa Jehovha? Ndiani akafanana nemi, munozvibvumikisa mumene kuva ane simba muutsvene? Uyo anofanira kutyiwa nenziyo dzerumbidzo, Uyo anoita zvinoshamisa.” (Eksodho 15:11, NW) Nhasi, hatipfuuriri kufarira here zvinhu zvinoshamisa izvo Jehovha ari kuitira vanhu vake? Zvamazvirokwazvo tinodaro!

6. Chii chatinogona kudzidza mukudanidzira kwaIsraeri nokuda kwomufaro muna 537 P.N.V.?

6 Mufaro wakapfachukira muna 537 P.N.V. apo Israeri akadzorerwa kunyika yake pashure poubatwa muBhabhironi. Rudzi rwaJehovha rwaigona zvino kuzivisa, sokuporofita kwakanga kwaita Isaya, kuti: “Tarirai, Mwari ndiye ruponeso rwangu; ndichavimba naye, handingatyi; nokuti Jehovha, iye Jehovha, ndiye simba rangu norwiyo rwangu; iye wava ruponeso rwangu.” Kufara kwakadini! Uye rudzi rwacho rwaizoratidzira sei mufaro iwoyo? Isaya anopfuurira, kuti: “Zvino nezuva iro muchati: ‘Ongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudzwa. Imbirai Jehovha; nokuti wakaita zvinhu zvakaisvonaka.’” Vaigona zvino “kudanidzira nokuda kwomufaro” mukuita kuti mabasa ake esimba “azivikanwe mupasi rose,” kunyange sezvo vabatiri vakasunungurwa vaJehovha vanoita nhasi.—Isaya 12:1-6.

Mufaro Mubasa raJehovha

7. Kununurai kwakaraira kufara muna 1919?

7 Munguva dzazvino uno vabatiri vaJehovha vakavamba kudanidzira nokuda kwomufaro apo iye akavapa rununuro runoshamisa muna 1919. Pana March 26 wegore iroro, mitezo yoMutumbi Unodzora yakasunungurwa mutorongo reUnited States umo vakanga vapinzwa kwemwedzi mipfumbamwe mupomero dzenhema dzokupandukira. Kuchengeta kukuru kwakadini kwakaitika mukuvagamuchira vachidzoka kuBheteri yeBrooklyn! Uyezve, vose avo vavakasarira vakazodzwa vaigona zvino kufara pakuva vanosunungurwa mumudzimu muBhabhironi Guru, sangano rorudzidziso umo Satani akaputira nyika yose.—Zvakazarurwa 17:3-6; 18:2-5.

8. Kusunungurwai kunoshamisa kwakaziviswa paKokorodzano yapaCedar Point muna 1919, uye idanidzoi yokuchiito yakapiwa?

8 Zvinoitika zvinokosha zva 1919 zvakagumiswa nekokorodzano yavanhu vaMwari yakaitwa paCedar Point, Ohio, U.S.A., September 1-8. Pazuva rechishanu regungano iroro, “Zuva Ravashandi Biyake,” purezidhendi weWatch Tower Society, J. F. Rutherford, akakurukura kuvane 6 000 muhurukuro inonyandura yaiva nomusoro unoti “Kuzivisa Umambo.” Pashure pokukurukura Zvakazarurwa 15:2 naIsaya 52:7, iye akaudza vateereri vake kuti magazini itsva, The Golden Age (zvino inozivikanwa saMukai!), yaizobudiswa mavhiki maviri ari ose, zvikurukuru nokuda kwokugovera mumunda. Mumhedziso iye akati: “Avo vakazvipira chose chose zvakazara kuna Ishe; avo vasingatyi, vane mwoyo yakachena, vanoda Mwari naIshe Jesu nendangariro yavo yose, simba, mweya nomuviri, chido, sezvo banza rinopiwa, vanofara kutora rutivi muiri basa. Kumbirai Ishe nokuda kwenhungamiro yake noutungamiriri kuti akuitei mumiriri wechokwadi, akatendeka, uye anoita zvakanaka. Ipapoka, norwiyo rwomufaro mumwoyo menyu, endai mundomubatira.”

9, 10. Jehovha akabudiririsa mberi sei kubudiswa kweNharireyomurindi naMukai!?

9 “Rwiyo [irworwo] rwomufaro” rwakanzwiwa mupasi rose! Vazhinji vavaravi vedu vakagoverana, pasina panikiro, mukukwidza kuparadzirwa kwemagazini yaMukai! kusvikira kumakopi azvino 12 980 000 echinyorwa chimwe nechimwe mumitauro 64. Somudziyo une simba mukutungamirira vanhu vanofarira kuzvokwadi, Mukai! anobatira somubiyake weNharireyomurindi. Mune imwe nyika yokuMabvazuva, imwe hanzvadzi piona, yaishanda kwakamirirwa magazini kwenguva dzose, yakashamiswa kuwana kuti nguva imwe neimwe iyo yaiendesa magazini azvino uno, saimba aipa mupiro wakaenzana ne$16,80 kubasa renyika yose reZvapupu zvaJehovha—zvirokwazvo achiratidza kuonga kwechokwadi nokuda kwebasa roUmambo!

10 Zvino ichitanga gore rayo rechi 112 rokubudiswa, magazini yeNharireyomurindi ine paradzirwo ye 15 290 000 mumitauro 111, 59 yeizvi zvinyorwa ichioneka panguva imwe cheteyo munyika yose nezviri mukati zvimwe chetezvo. Somuranda akatendeka, vakasarira vakazodzwa vanopfuurira kupa varavi vanoonga “mwero wavo wemigove yezvokudya [zvomudzimu] panguva yakafanira.” (Ruka 12:42, NW) Mukati ma 1990, Zvapupu zvaJehovha zvakashuma kugovera kuzvinyoresa kutsva kune 2 968 309 kumagazini maviri, wedzero ye 22,7 muzana kupfuura 1989.

Mufaro Unowanda

11. (a) Kudanidzirai kwakatambanudzirwa kuvanhu vaMwari paCedar Point muna 1922? (b) Kudanidzira kwomufaro kwakakudzwa sei?

11 Mufaro wakawandawo sezvo vanhu vaMwari, zvino 10 000 muchiverengero, vakaungana nokuda kwekokorodzano yechipiri paCedar Point, muna September 1922, navane 361 vachibhapatidzwa. Muhurukuro yake yaiti “Umambo Hwamatenga Hwava Pedyo,” yakavakirwa pana Mateo 4:17, Hama Rutherford akasvika kumhedziso inonyandura: “Nyika inofanira kuziva kuti Jehovha ndiMwari uye kuti Jesu Kristu ndiMambo wamadzimambo naIshe wamadzishe. Iri izuva ramazuva ose. Tarirai, Mambo anotonga! Imi muri vazivisi vake. Naizvozvo, zivisai, zivisai, zivisai, Mambo noumambo hwake.” Avo vakatanga mukudanidzira kwomufaro kwakakwira pakokorodzano iyoyo vakawedzera muchiverengero kusvikira muna 1989 vaipfuura 6 600 000 vakaungana mukokorodzano 1 210 dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose, apo 123 688 vakabhapatidzwa.

12. (a) Vanhu vaMwari vanogoverana mumufaroi usingatauriki nhasi? (b) Tinodzikamisa sei basa redu kuna Jehovha neteerero ku“zviremera zvikuru”?

12 Zvapupu zvaJehovha zvinofarira rusununguko rwazvo. Kupfuura zvose, zvinofarira zadziko yomuzuva razvino yamashoko aJesu, anoti: “Uye muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.” Mufaro wakadini kusunungurwa muzvakavanzika nokutenda mashura kworudzidziso rwenhema! Mufaro usingayereki wakadini kuziva Jehovha noMwanakomana wake nokuva vashandi biyavo, nekariro youpenyu husingaperi! (Johane 8:32, NW; Joh 17:3; 1 VaKorinte 3:9-11) Vabatiri vaMwari vanokuongawo apo “zviremera zvikuru” zvenyika ino, zvavanogara mazviri, zvinoremekedza rusununguko rwazvo rwokuzivisa tariro ine mbiri yoUmambo hwaJehovha pasi paKristu. Vano“ripa zvinhu zvaKesari kuna Kesari” nokudisa, nepo panguva imwe cheteyo vachiripa “zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”—VaRoma 13:1-7; Ruka 20:25, NW.

13. Zvapupu zvaJehovha zvakaratidzira sei mufaro wazvo pakusunungurwa mudzvinyiriro?

13 Zvisinei, kana zviremera zvavanhu zvikaedza kuganhurira uyu musengwa kuna Mwari, Zvapupu zvaJehovha zvinopindura sezvakaita vaapostora, kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi kupfuura vanhu.” Panhambo iyoyo, pashure pokunge vatongi vasunungura vaapostora, ivava “vakaenda . . . vachifara.” Vakaratidzira sei mufaro iwoyo? “Zuva riri rose mutembere uye paimba neimba vakapfuurira vasingaregi kudzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu, Jesu.” (Mabasa 5:27-32, 41, 42, NW) Nenzira yakafanana, Zvapupu zvomuzuva razvino uno zvaJehovha zvinofara pazvinowana rusununguko rukuru rwokuronda ushumiri hwazvo. Munyika zhinji umo Jehovha akazarura nzira, zvinoratidzira mufaro mukuru kupfurikidza nokupa uchapupu hwakakwana kuzita raJehovha noUmambo hunouya hunotongwa naKristu Jesu.—Enzanisa naMabasa 20:20, 21, 24; 23:11; 28:16, 23.

Kutsungirira Nomufaro

14. Uyu mufaro uri chibereko chomudzimu unopfuura sei uyo unorondedzerwa neduramashoko?

14 Chii chiri uyu mufaro mukuru uyo maKristu echokwadi anowana? Mukuru zvikuru uye ndowechigarire zvikuru kupfuura mufaro wechinguvana womukundi paOlympic Games. Iwo chibereko chomudzimu mutsvene waMwari, uyo Mwari anopa kuna avo “vanomuteerera somutongi.” (Mabasa 5:32, NW) Duramashoko raWebster rinorondedzera mufaro souri ‘mukuru zvikurusa kupfuura mufarwa, unobwinya zvikuru kana kuti unoratidzira kupfuura kufara.’ Kuno muKristu, mufaro une revo inotova huru zvikuru. Zvawakasimbiswa mukutenda kwedu, ivara rine simba, rinosimbisa. “Mufaro waJehovha isimba renyu.” (Nehemia 8:10) Mufaro waJehovha, uyo vanhu vaJehovha vanosakurira, unopfuura zvikuru manyemwe apamusoro ayo vanhu vanowana mumifarwa yenyama, yenyika.—VaGaratia 5:19-23.

15. (a) Muchinoitika chamaKristu akatendeka, tsungiriro yakabatanidzwa sei nomufaro? (b) Dudza magwaro anopa chipikirwa chinosimbisa pamusoro pokuchengeta mufaro.

15 Rangarira hama dzedu dziri muUkraine. Apo ‘chiremera chikuru’ chakadzingira zviuru zvaidzodzi kuSiberia mukuvamba kwama 1950, dzakatambura zvitambudzo zvikuru. Gare gare, apo chiremera chakadzisunungura, dzakaonga, asi hadzisati dziri dzose dzadzo dzakadzokera kunyika yadzo. Neiko? Mabasa adzo muMabvazuva akanga adziyeuchidza nezvaJakobho 1:2-4: “Hama dzangu, muti mufaro bedzi kana muchiwira mumiidzo mizhinji; muchiziva kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.” Dzaida kuramba dzichitsungirira mukukohwa ikoko kwokufara, uye wave uri mufaro wakadini pakokorodzano dzichangobva kupfuura dzeZvapupu zvaJehovha muPoland kugamuchira Zvapupu zvakabva kure kumabvazuva senyika dzomumhenderekedzo sePacific. Tsungiriro nomufaro zvakawirirana nokubereka ichi chibereko. Zvamazvirokwazvo, tose zvedu tinotsungirira nokufara mubasa raJehovha tinogona kuti: “Kunyange zvakadaro ndichafara kwazvo muna Jehovha, ndichava nomufaro muna Mwari woruponeso rwangu. Jehovha Ishe isimba rangu.”—Habhakuki 3:18, 19; Mateo 5:11, 12.

16. Mienzaniso yakaisvonaka yaJeremia naJobho inofanira kutikurudzira sei mubasa redu romumunda?

16 Tinogona sei, kunyanguvezvo, kuchengeta mufaro wedu pakupupurira pakati pavashori vakaoma musoro? Yeuka kuti vaporofita vaMwari vakachengeta chimiro chokufara mumigariro yakafanana. Jeremia akataura paakanga ari mumuedzo, kuti: “Mashoko enyu akawanikwa, ndikaadya; mashoko enyu akava mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu; nokuti ndakatumidzwa nezita renyu, imi Jehovha, Mwari wehondo.” (Jeremia 15:16) Iropafadzo yakadini kudanwa nezita raJehovha uye kupupurira kuzita iroro! Fundo yedu yomunhu oga yokushingaira nokutora rutivi kwakazara mumisangano yechiKristu zvinotivaka kuti tipfuurire kufara muzvokwadi. Mufaro wedu uchaoneka muchimiro chedu mumunda uye mukunyemwerera kwedu kwoUmambo. Kunyange mumuedzo unorwadza, Jobho aigona kuti nezvavavengi vake: “Ndaivasekerera kana vasingatsungi—havana kudzima chiedza chechiso changu.” (Jobho 29:24) Kufanana naJobho akatendeka, hatifaniri kuva vanoodzwa mwoyo apo vashori vanotizvidza. Ramba uchinyemwerera! Chitarisiko chedu chinogona kuratidzira mufaro wedu uye naizvozvo kuwana nzeve dzinoteerera.

17. Tsungiriro nomufaro zvingabereka sei chibereko?

17 Sezvatinofukidza ndima nguva nenguva, tsungiriro yedu nomufaro zvingaorora vanhu vakarurama ndokuvakurudzira kunzvera tariro ine mbiri yatinayo. Mufaro wakadini kuvaitisa fundo dzeBhaibheri pahwaro hwenguva dzose! Uye sezvavanopinza mumwoyo yavo zvokwadi dzinokosha dzeShoko raMwari, mufaro wakadini watinonzwa sezvo pakupedzisira vanova shamwari dzedu mubasa raJehovha! Ipapo tinokwanisa kutaura, sokuudza kwakaita muapostora Pauro vatendi vatsva muzuva rake, kuti: “Nokuti tariro yedu ndeipiko, kana mufaro, kana korona yokurumbidzwa nayo—hamuzimi here?—pamberi paShe wedu Jesu pakuuya kwake? Nokuti imi muri kubwinya kwedu nomufaro wedu.” (1 VaTesaronika 2:19, 20) Zvirokwazvo, mufaro unogutsa unowanikwa mukutungamirira vatsva kuzvokwadi yeShoko raMwari uye mukuvabetsera kuva Zvapupu zvakazvitsaurira, zvakabhapatidzwa.

Mufaro Uyo Unotsigira

18. Chii chichatibetsera kugonana nemiedzo yakasiana-siana yomuzuva razvino uno?

18 Muupenyu hwedu hwezuva nezuva, migariro mizhinji ingaraira tsungiriro. Kurwara munyama, kuora mwoyo, uye nhamo yemari zvinongova zvishomanene. MuKristu anogona sei kuchengeta mufaro wake kuti agonane nemiedzo yakadaro? Ikoku kunogona kuitwa kupfurikidza nokuenda kuShoko raMwari nokuda kwenyaradzo nenhungamiro. Kurava kana kuti kuteerera kuraviwa kwamapisarema kunogona kugovera zorodzo huru munguva yomuedzo. Uye cherekedza zano rokuchenjera raDhavhidhi: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Zvamazvirokwazvo Jehovha “Munzwi womunyengetero.”—Pisarema 65:2, NW.

19. Kufanana naDhavhidhi naPauro, chivimboi chatingava nacho?

19 Sangano raJehovha, kupfurikidza nezvinyorwa zvaro navakuru varo veungano, rinogara rakagadzirira kutibetsera, isu vanhu vasina simba, kuti tirwisane nezvinetso zvedu. Dhavhidhi anopa zano nenzira youshamwari, kuti: “Isa nzira yako kuna Jehovha; vimba naye, iye uchazviita.” Aigonawo kuti: “Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; kunyange zvakadaro handina kutongoona wakarurama achisiiwa, kana vana vake vachipemha zvokudya.” Musonganirano neungano yechiKristu, tichaziva kuti “kuponeswa kwavakarurama kunobva kuna Jehovha; ndiye nhare yavo panguva yokutambudzika.” (Pisarema 37:5, 25, 39) Nguva dzose ngatiteverei zano raPauro, rinoti: “Saka hatineti . . . tisingatariri zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi, nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi ndezvokusingaperi.”—2 VaKorinte 4:16-18.

20. Chii chatinoona neziso rokutenda, uye ikoku kunotisunda sei?

20 Nameso edu okutenda, tinogona kuona tsika itsva yaJehovha pamberi apa. Mifaro isingaenzaniswi yakadini nezvikomborero zvichavamo! (Pisarema 37:34; 72:1, 7; 145:16) Mukugadzirira nokuda kwenguva iyoyo ine mbiri, ngatiteererei mashoko ePisarema 100:2 (NW), anoti: “Batirai Jehovha nokufara. Pindai pamberi pake nokudanidzira kwokufara.”

[Mashoko Omuzasi]

a Kana huri “ukuru hweAryan,” The New York Times yaFebruary 17, 1940, yakanokora mashoko mutongi weKaturike weGeorgetown University saanotaura kuti “iye akanga anzwa Adolf Hitler achitaura kuti Umambo Hutsvene hweRoma, uhwo hwakanga huri umambo hwechiGermany, hunofanira kutangwazve.” Asi wezvenhau William L. Shirer anorondedzera muuyo wacho: “Third Reich iyo yakaberekwa pana January 30, 1933, Hitler akaganza, yaizotsungirira kwamakore ane chiuru, uye mukutaura kweNazi yaiwanzonongedzerwa kwairi se‘Reich yaMakore Ane Chiuru.’ Yakagara makore ane gumi namaviri nemwedzi mina.”

Muhwirudzuro:

◻ Kukundwai kwokufara kwourudzi kunooneka nhasi?

◻ Chii chakaparira vanhu vekare vaMwari kuimba ndokudanidzira nokuda kwomufaro?

◻ Mufaro wechokwadi wakawedzera sei munguva dzazvino uno?

◻ Tsungiriro nomufaro zvinowirirana sei?

◻ Tingatsigira mufaro wedu nenzirai?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe