Mashoko Emuzasi
a Kana huri “ukuru hweAryan,” The New York Times yaFebruary 17, 1940, yakanokora mashoko mutongi weKaturike weGeorgetown University saanotaura kuti “iye akanga anzwa Adolf Hitler achitaura kuti Umambo Hutsvene hweRoma, uhwo hwakanga huri umambo hwechiGermany, hunofanira kutangwazve.” Asi wezvenhau William L. Shirer anorondedzera muuyo wacho: “Third Reich iyo yakaberekwa pana January 30, 1933, Hitler akaganza, yaizotsungirira kwamakore ane chiuru, uye mukutaura kweNazi yaiwanzonongedzerwa kwairi se‘Reich yaMakore Ane Chiuru.’ Yakagara makore ane gumi namaviri nemwedzi mina.”