RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 9/15 p. 29
  • Nzwisiso Panhau

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzwisiso Panhau
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kureurura Mhaka Yavo Yeropa
  • Kushaikwa Kwavaprista
  • Mushonga Wakakwana
  • Ko Kunamata Kwesekete Kunogamuchirika Kuna Mwari Here?
    Mukai!—1988
  • Chii Chinonzi Bhabhironi Guru?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • “Bhabhironi” Risinokuchengeteka Rakashurikidzirwa Kuparadzwa
    Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo “Muchinda woRugare”
  • Kuchema Nokufarira Mugumo weBhabhironi
    Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 9/15 p. 29

Nzwisiso Panhau

Kureurura Mhaka Yavo Yeropa

“Takadana hondo yacho [Hondo yeNyika II] hondo tsvene ndokutumira vanhu kunhandare dzehondo,” akabvuma kudaro Shingen Hosokawa, munyori mukuru weTemple Office of the Buddhist True Pure Land Otani Sect muJapan. “Isu hatina chatinogona kuita kunze kwokukurirwa namanyadzi pamberi paBuddha mutsvene.” Pa“Munamato weChirangaridzo waVose Vakafira muHondo” misi ichangobva kupfuura iyi, makore 45 pashure pomugumo weHondo yeNyika II, sekete, ine vatendi vanopfuura mamirioni mashanu, yakabvuma mutoro wayo mu“kubatira pamwe nokudisa mu[nhamburiko dzehondo dze] Hondo yeNyika II.” “Hakuna muenzaniso wegadziriro yegamuchidzanwa yeBuddha yokutaura zvakajeka mutoro wayo imene wehondo pamuitiro worudzidziso,” yakadaro Asahi Shimbun.

Zvisinei, marudzidziso akawanda zvikuru kwazvo haafaniri here “kukurirwa namanyadzi” nokuda kwokuva akakurudzira majaya akawanda kuenda kuhondo? Mukuwirirana neKodansha Encyclopedia of Japan, anodokuva masangano ose echiBuddha, “echiKristu,” uye echiShinto muJapan akaumba Chinzwano choRudzidziso muna 1941 “kugovera tsigiro yomudzimu nokuda kworudzi rwuri munguva yehondo.”

Nenzira isingashamisi, richinongedzera kuumambo hwenyika hworudzidziso rwenhema se“Bhabhironi Guru,” Bhaibheri rinoti: “Hungu, mariri makawanikwa ropa . . . ravose vakaurawa pasi pano.” (Zvakazarurwa 18:2, 24, NW) Ko Jehovha Mwari, Mupi woupenyu hwomunhu, achadana vezvorudzidziso ivavo kuzozvidavirira nokuda kwemhaka yavo yeropa here? Ganhuro imwe cheteyo yaZvakazarurwa inorondedzera zvakajeka chichaitika kuBhabhironi Guru, ichiti: “Mumwe mutumwa une simba akasimudza ibwe rakaita seguyo guru, akarikandira mugungwa, achiti: ‘Saizvozvo guta guru, Bhabhironi, richaputsirwa pasi nesimba, rikasatongowanikazve.’”—Zvakazarurwa 18:21.

Kushaikwa Kwavaprista

Masekete echiBuddha muJapan anonetswa nechinetso chetembere dzakasiiwa. Vavakidzani vetembere dzisina vaprista vanogarapo vari kuramba kufamba-famba kwavadzungairi munharaunda yetembere pamwe chete nengozi yokutanga kwomwoto. Sekete yeZen Buddhist Myoshinji yakasarudza kubata chinetso chacho kupfurikidza nokutengesa tembere dzacho kana kuti zvimwe kudzibatanidza neidzo dziri pedyo. Inopfuura 20 muzana yetembere 3 500 dzesekete yeMyoshinji muJapan yose haina muprista anogarapo kana kuti zvimwe inobatirwa navaprista vanobva mutembere dzapedyo.

Neiko pane uyu mugariro? “Sekete yacho iri kuva nechitambudzo chokuwana vatsivi vavaprista vari kurega basa,” inotsanangura kudaro The Daily Yomiuri, “uye vaprista vaduku vakadzivisa kuiswa mutembere dziri munharaunda dzakaderedzwa vanogaramo.” Sekete yacho yakaedza kurovedza vashandi vakarega basa savaprista asi yakatorega gadziriro yacho. Kunyange zvazvo Myoshinji ichitaura kuti “iri harisati riri zera apo chiverengero chetembere dziripo chiri chitendiso chesimba,” hakurambiki kuti pesvedzero yavo iri kuderera.

Nenzira inofadza, bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinodeya kutaura kuti mvura dzaYufratesi, apo sangano rorudzidziso renyika yose—“Bhabhironi Guru”—rakagara, dzicha‘oma.’ (Zvakazarurwa 16:12; 18:2, 9, 11) Mvura dzinomirirei? “Mvura yawaona, . . . ndivo vanhu navazhinji namarudzi, nendimi.” (Zvakazarurwa 17:15) Kupwa kwe“mvura,” kana kuti vatsigiri, kuri kuitika zvakajeka munzvimbo yokuMabvazuva yeBhabhironi Guru.

Mushonga Wakakwana

“Tyisidziro dzinooneka kamwe kamwe dzatinotarisana nadzo zvino . . . dzine simba zvikuru kwazvo zvokuti kutoti chiito chikavamba zvino kudzichinja, idzo nenzira isingadzivisiki dzichatungamirira kumiuyo yezvemari inodhura inokuvadza nokupunzika kwamasangano enzanga neematongerwe enyika,” inodaro Worldwatch Institute, iri muWashington, D.C., U.S.A. Gore rapera mushumo wegore negore wesangano racho wakanyevera kuti masaisai anopisa anouraya, kusanaya kwemvura, uye mafashamo zvaingova bedzi kudeya kuravirwa kwengwavaira dzakakomba zvikuru dzichawira pasi ratokuvadzwa. Nharaunda dzakaratidzwa mumushumo wacho nokuda kwengwariro yokukurumidza dzinobatanidza kudzora chiverengero chavagari vapasi, kushandiswa zvakanaka kwezvinobudisa magetsi, kusimazve masango, uye kudziviswa kwenzara. Zvisinei, sangano racho rinotaura kuti ‘gadziriro [yokukurumidza] yapasi rose yechiito’ uye ‘chinjo hombe mumutoo wokuzvibata kwomunhu’ zvinodikanwa kuwana miuyo yakanaka.

Tinogona here kukarira kuona gadziriro yapasi rose iyo ichaunza chinjo hombe munguva yedu? Hungu, asi kwete kupfurikidza nenhamburiko dzomunhu upi noupi kana kuti boka ravanhu. Zvokona neiko? Nemhaka yokuti muporofita Jeremia akanyora mazana amakore apfuura, kuti: “Nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” Panzvimbo pezvo, Bhaibheri rinopikira kuti Jehovha Mwari acha“paradza avo vanoparadza pasi” uye acha“ruramisa zvinhu” kubetsera vagari vapasi.—Jeremia 10:23; Zvakazarurwa 11:18; Mika 4:3, 4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe