RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 9/15 p. 28
  • Revo Yechirevo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Revo Yechirevo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukumbirirei Kusveta Kwomuvengi?
  • Vakarurama Vanowanda Sei Apo Vakaipa Vanoparara?
  • Famba ‘Munzira Yakarurama’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • ‘Munhu Akanaka Anowana Nyasha Kuna Mwari’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • ‘Zvikomborero Ndezveakarurama’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Farira Kururama kwaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 9/15 p. 28

Revo Yechirevo

Kukumbirirei Kusveta Kwomuvengi?

MURUME akachenjera akafuridzirwa nenzira youmwari akataura izvi: “Mavanga anotemwa neshamwari angatendwa, asi kusveta kwomuvengi [ndizvinhu zvinofanira kukumbirwa, NW].” (Zvirevo 27:6) Aya mashoko anofanirwa kunzwisiswa sei?

Mumwe munhu anokunda achatema mavanga okufananidzira pauri nenzira yokutendeka. Iye angakupa zano norudo mumwoyo make uye nekariro dzokukuitira zvakanaka. Hausati uchifanira kukumbira shamwari yechokwadi betsero yakadaro kana kuti kunyange tsiuro apo unoida. Uye wakachenjera sei kana ukagamuchira nenyasha zano rinodikanwa, tsoropodzo inovaka, kana kuti tsiuro iri madikanwa!

Kana uchida mumwe munhu anokuvenga kuti akuitire chinhu chomutsa, zvisinei, unofanira kumukumbira. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti ruvengo rwake nenzira yomuzvarirwo rungasaita kuti akusvete. Panzvimbo pezvo, angakubata nenzira youtsinye. Mutsa upi noupi unobvira waaizokuratidza waizowanwa kwaari bedzi nechitambudzo chakati nokukumbira kwako kwakawanda.

Wefariro muna ikoku ndimumwe wemifananidzo yaJesu Kristu. Iye akambotaura nezvechirikadzi yakawana ruramisiro kumutongi akanga asingatyi Mwari kana kuti ruremekedzo nokuda kwomunhu. Akabudirira sei? Mutongi akava nechokwadi chokuti mukadzi akawana betsero yaaifanirwa nayo bedzi nemhaka yokuti akaramba achimukumbira. Jesu akashandisa uyu muenzanisiro kuorora vadzidzi vake no“kudikanwa kwokuti vanyengetere nguva dzose ndokusarega.”—Ruka 18:1-8, NW.

Vakarurama Vanowanda Sei Apo Vakaipa Vanoparara?

Zvirevo 28:28 (NW), inoti: “Apo vakaipa vanosimuka, munhu anozvivanza amene; asi apo vanoparara, vakarurama vanowanda.” Ikoku kunobvumikisa sei kuva kwechokwadi?

Vakaipa vanga“simuka” musimba, zvichida savatongi vane hasha. Panguva yakadaro, munhu akarurama anozvivanza amene. Iye angaita saizvozvo nemhaka yokutya kudzvinyirira kwavo. Uye zvokona neiko? Ichokwadi kuti “munhu akadzora munhu kusvikira kukuvadziko yake.”—Muparidzi 8:9, NW.

Apo vakaipa vanoparara, zvisinei, vanhu vakarurama “vanowanda.” Seiko? Sezviri pachena mukuti vakarurama nguva iyoyo vanobuda mukuvanda uye vanooneka pachena. Ivo nokudaro vanobudirira uye vanoratidzika kuva vawedzera muchiverengero nemhaka yokuti havana chimwe chinodikanwa chokuzvivanza vamene. Kana vakarurama vakafanira kutonga panguva iyoyo, ivo vaizoranga vaiti vezvakaipa ndokusimudzira mufambiro wakarurama. Ikokowo kungagona kuva nomuuyo wokuderedza chiverengero chavanhu vasina kururama nokuwedzera vakarurama.—Enzanisa naZvirevo 28:12; 29:2.

Avo vari vakarurama vachakurumidza kuona vakaipa vachiparara papasi mu“zuva rokutsamwa kwaJehovha” rinosvika nokukurumidza. Naizvozvo, tsvaka kururama nounyoro mukuwirirana nemipimo youmwari, uye ungachengetwa ndokupinda munyika itsva yaMwari, umo vakarurama vachawanda zvamazvirokwazvo.—Zefania 2:2, 3; 2 Petro 3:11-13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe