Nzwisiso Panhau
“Chinhu Chine Ngozi Zvikurusa”
Mhaka dzinomhangarwa navarwere avo vakabata hosha inouraya kupfurikidza nokuisirwa ropa dzakatanga mwero mutsva weitiro hanya munochengeterwa ropa kwakawanda. Pakasvika pakati pa 1989 mhaka dzakamhangarwa dzinopfuura 300 sezvinoshumwa dzakanga dzamhangarirwa munochengeterwa ropa muUnited States. Gilbert Clark, mutungamiriri mukuru weAmerican Association of Blood Banks, akabvuma kuti “vanhu vanoda ropa rakanaka zvakakwana,” asi iye akabvuma kuti hakugoni kupikirwa.
Nenzira yakafanana, Parade Magazine inoshuma kuti nyanzvi yeropa Dr. Charles Huggins inobvuma kuti ropa “rinofanira kurangarirwa serisina kunaka nenzira isingadzivisiki.” Iye anorondedzera ropa se“chinhu chine ngozi zvikurusa chatinoshandisa mumushonga.” Chifo chapakuvamba kwa 1989 chiverengero chehosha dzinopomeranwa munochengetwa ropa munoedza chaizvoizvo nokuda kwadzo chakawedzera kusvikira kushanu (HTLV-l, yakabatana neT-cell leukemia yavakuru, jovhera, kuzvimba kwechiropa B, AIDS, uye kuzvimba kwechiropa C). Zvisinei, mukuwirirana nomukuru weAmerican Red Cross S. Gerald Sandler, “kunoratidzika kuti inongova bedzi nhau yenguva kutozosvikira tawana imwe hosha yechienzi inoparadzirwa nokuisira ropa.” Pasinei zvapo nebviro yakadaro inouraya, vaNorth America vanenge mamirioni mana vanokarirwa kugamuchira kuisirwa ropa mukati ma 1990. Mukuwirirana nomunyori wepepanhau W. Gifford-Jones, chinetso chacho ndechokuti “kunze kweZvapupu zvaJehovha, varwere vazhinji havatongokurukuri kubvira kwokuisirwa ropa.”
Kwamakumi amakore Zvapupu zvaJehovha zvaka‘rega ropa’ nenzira yokutendeka muchimiro chipi nechipi sezvinoraira Shoko raMwari pana Mabasa 15:28, 29; 21:25. Dziviriro ikoku kwakazvipa pahosha dzinotyisa dzinopfuudzwa kupfurikidza nokuisirwa ropa inongoratidzira bedzi kururama kwokuteerera kwazvo mitemo yaJehovha Mwari.
Kunyangarika Isingacherechedzwi Here?
Joachim Cardinal Meisner, munhu anoitiranwa nharo apo akagadzwa February apfuura sabhishopi mukuru mutsva weCologne, Germany, misi ichangobva kupfuura iyi akataura kuti rutyo rwake rukurusa nderwokuti chechi pane rimwe zuva inga“nyangarika—uye zvichida kuenda isingacherechedzwi nechaunga.” Mukuwirirana nepepanhau reGermany Rheinische Post, Meisner akati: “Mweya wangu unotambudzika kuti chaunga chasvika pakurangarira chechi seisingakoshi.” Chikonzero chinobvira, iye akati, ndechokuti “tinonyanyotaurisa pamusoro papasi uye zvisina kukwana pamusoro pedenga, zvakanyanyisa pamusoro penguva ino uye zvishomanene zvikuru pamusoro pokusaguma.”
Kupfurikidza nokuzvibatanidza amene namasangano ezvamatongerwe enyika neezvokutengeserana apasi panzvimbo pokuvimba nesimba rokudenga kupedza zvinetso zvenyika, marudzidziso echiKristudhomu zvamazvirokwazvo akabvumikisa kuva kwenhema kutaura kwawo kuva anomirira fariro dzaMwari. Ikoku kuchava nemiuyo yakakomba. Mukuwirirana neBhaibheri, rudzidziso rwose rwenhema ruchakurumidza kunyangarika—chinoitika chisati chichizoitika chisingacherechedzwi na“madzimambo apasi” na“vashambadzi vapasi,” avo vachachema somuuyo weichi chinoitika. Nokudaro, vadi vokururama vanofanira kuteerera mashoko, anoti: “Budai mu[rudzidziso rwenhema] . . . kana musingadi kugoverana naro muzvivi zvaro, uye kana musingadi kugamuchira rutivi rwamadambudziko aro.”—Zvakazarurwa 18:4, 9, 11, NW.
Mugumo Unooneka
“Kuuraya kweHurumende” ndiko kurondedzera kunoita mamwe mapepanhau kuponda kunoitwa nehurumende kana kuti masangano anodzivirirwa nadzo. Kutaura idi, muna 1988, anodaro mutauriri weAmnesty International Gerry O’Connel, “kwakanga kune wedzero yokupunzwa kwamaruramiro avanhu, iyo yakapfuurira muna 1989.” Iye ipapo anowedzera, kuti: “Kuuraya mukupunzwa kwemitemo inozivikanwa pose pose kwasvika paukwiriri hukurusa.”
Mukuwirirana nomushumo wegore negore weAmnesty, nhamba dzacho dzinokatyamadza: Mukati ma 1988 pakati pavanhu 50 000 ne 100 000 mumarudzi 29 vakaurawa Hurumende ichitarira isingaitiri hanya. Pakati paivava vaiva vana, vanhu vakwegura, uye vakadzi, mhaka yavo bedzi yakanga iri iya yokuva vamapoka ovorushoma ezvamatongerwe enyika kana kuti edzinza kana kuti kugara munharaunda dzairwirwa namasangano anopokanidzana. Avo vane mutoro wokuuraya kwakadaro vanobatanidza zvikwata zvinouraya, vachinji, vatengesi vemishonga inokotsirisa, uye mamwe mapoka anoshandisa masimba masimba nokuda kwamadonzo ezvamatongerwe enyika. “Kazhinji kazhinji Hurumende imene inohwanda seri kwamapoka akashongedzerwa nezvombo kuti iparadze mumuviri vashori namasangano akaipa,” inodaro La Repubblica.
Hakusati kuri kusina chikonzero, naizvozvo, kuti muShoko rakafuridzirwa raJehovha rinofananidza hurumende dzavanhu ne“chikara.” (Zvakazarurwa 13:2) Zvisinei, rutyo rwakadaro runosundwa nezvamatongerwe enyika harusati ruchizogara kusvikira kunguva isingazivikanwi. Pisarema 92:7 rinoti: “Kana vakaipa vachimera souswa, uye kana vaiti vose vakaipa vachikura; zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi.” Umambo hwaMwari hwokudenga musimba raKristu Jesu, “Muchinda woRugare,” huchaita ikoku.—Isaya 9:6; Dhanieri 2:44.