Nhano Yokuchenjera Pamberi Pengwavaira
SEZVO vana vaMary vakanga vakura zvino, aiva nenguva ndizvo akasarudza kuwana basa rokunyika renguva isina kuzara. Apo akaudza murume wake, Enos, zvisinei, akajekesa kuti kwakanga kusina dikano yokuti aite saizvozvo. “Kana ndaigona kugovera nokuda kwako navana, ndinogona zvamazvirokwazvo kuchengeta vaviri vedu zvino,” iye akadaro. Panzvimbo pokuita kuti mudzimai wake ashande kunyika, akakarakadza kuti arangarire nenzira yokunyengetera kuva piona, muzivisi woUmambo wenguva yakazara.
Kunyange zvazvo Mary aifarikanya kugoverana shoko roUmambo navavakidzani vake, akanga achinyara uye aisava nechivimbo. Bva, akada kutevera zano romurume wake. Naizvozvo, nemirangariro yakavhengana, iye akanyoresa sapiona webetsero muna April 1981.
Mary akakurumidza kutanga rudo rwebasa rokuparidzira Umambo urwo iye akanga asina kutongowana kare. Nokukurumidza, akanga ava kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha ina vanhu vanofarira. Mukati megore rimwe iye akanga ava piona wenguva dzose, achiitisa fundo dzeBhaibheri gumi. Christine, chimwe Chapupu chaJehovha chaiva navana vaviri vachiri muchikoro, akakumbanira Mary nenzira yembavarira sapiona biyake. Vanhu vachangobva kufarira vakavamba kupinda misangano paHoro yoUmambo yomunzvimbomo, uko mudzimu woupiona wakaisvonaka wakanga uchikura. Uye mufaro mukurusa waMary wakauya apo mwanakomana wake amene, Christopher, akasarudza kutevera muenzaniso wake ndokuva pionawo.
Ipapo, kamwe kamwe, muna 1985 ngwavaira yakarova. Mary akapunzika. Kukura kwetsinga yeropa mumusoro wake kwakatungamirira kukupinda kwakakomba kweropa muuropi, uye mukati mamazuva matatu Mary ane makore 45 okukura akafa.
Mukati mamakore mana iwayo okupayona, zvisinei, Mary akanga avaka chimiro chakaisvonaka munzanga yake. Mariro ake akapindwa navanhu vanopfuura 300, kubatanidza vavakidzani vazhinji. Mumwe waavo vaivapo akanga ave ari shamwari yokuchikoro akanga aororwa nokutenda kwaMary, akada kudzidza zvakawanda pamusoro pako, uye akakumbira fundo yeBhaibheri. Ushumiri hwaMary hwakanga huchiri kubereka zvibereko.
“Ndiri piona webetsero ini ndimene zvino,” anodaro Enos, “asi ndinongoshuva bedzi kuti kudai ndakakumbanira Mary apo akanga achipayona. Nguva dzose akanga achitaura pamusoro pezvinoitika zvake uye akanga achifara kwazvo. Kutaura idi, makore mashomanene iwayo akanga ari anofadza zvikurusa oupenyu hwedu pamwe chete, asi ndizvino bedzi wandinonzwisisa chikonzero nei.”
Hapana munhu anogona kudeya kutaura apo “nguva nechinoitika chisingadeyi kuonwa” chingaraira nyajambwa wacho, sezvakwakaita nenzira isingakarirwi muchinoitika chaMary. Zvisinei, avo vanoramba vakatendeka savazivisi voUmambo vanozvivimbisa vamene kuzivikanwa navose vari vaviri Mwari nomunhu, kunyange mukutarisana nengwavaira.—Muparidzi 9:11; 11:1, 2.
[Mifananidzo iri papeji 31]
Kugoverana muushumiri inguva inosanopedzwa