Nzwisiso Panhau
Ndedzechinyakare Here?
Mukuwirirana nomuprista weAnglican muAdelaide, Australia, nyevero pamusoro pokunyandurwa kwomuviri uko kunogona kutungamirira kuufeve noupombwe ndedzechinyakare uye dzinobva mumanyuko asiri echiKristu. Mufundo yake yemisi ichangobva kupfuura iyi pamusoro pevatano, iye anotaura kuti vaviri vakavimbisana kuroorana havasi kutadza zvavo kana ivo vakavatana pamberi peroorano. Fundo yacho inotaurawo kuti vatano yavane mitezo mimwe chete yevatano ingava inogamuchirika muzvinoitika zvakati. Mukuwirirana neCourier Mail yeBrisbane, mumwe mutauriri weUniting Church muAustralia “akabvumirana nenheyo huru dzomushumo wacho.”
Bhaibheri, zvisinei, rinotaura kuti kuda kwaMwari kuti vose “varege ufeve” uye kuti “uyewo zvifeve, kana kuti vanonamata zvifananidzo, kana kuti mhombwe, kana kuti varume vakachengeterwa madonzo asiri omuzvarirwo, kana kuti varume vanovata navarume . . . havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.” (1 VaTesaronika 4:3, 4; 1 VaKorinte 6:9, 10, NW) Zvirokwazvo, avo vanogamuchira Bhaibheri seShoko rakafuridzirwa raMwari vanoziva kuti murangariro waro wevatano unobva kuMusiki wokuchenjera kwose. Muuyo paavo vanorarama mukuwirirana nemipimo yeBhaibheri unobvumikisa kuti idzi nhungamiro dzetsika dzinonzi dzechikanyakare dzichiri kugovera kugadzikano yemhuri uye dzinogovera taviridziro pamavanga makuru emirangariro nehosha dzinosemesa dzinobva mumufambiro woutere.
Dziviriro Yakanakisisa
Kushandiswa zvisakafanira kwemirimo kunoramba kuri chinetso chakakomba. Naizvozvo ipapoka, ndeipi iri nzira yakanakisisa yokudzivirira nayo pwere pakushandisa mirimo zvisakafanira? Mubvunzurudzo yakabudiswa mupepanhau reBrazil O Estado de S.Paulo, purofesa weFrance uye murapi wendangariro Claude Olievenstein vakasimbisa kudikanwa kwenhungamiro netsigiro yorudo. Iye akati: “Apo vanhu vanotaura pamusoro pemirimo nhasi, basa ramapurisa, vatongi, uye chikoro rinosimbiswa. Zvisinei, chinodikanwa chikuru ndichiya chokudzivirira kwemhuri [kushandisa mirimo]. . . . Vana vazhinji havazivi chiri chiremera chababa. Baba haapo; sezviri pachena akarega basa.”
Achitsanangura chikonzero nei kudzivisa kushandisa mirimo zvisakafanira kuchikosha pamwero wemhuri, Dr. Olievenstein akawedzera, kuti: “Tinogara muchaunga chemhindu umo vanhu vanonyadziswa netsika. Apo, nemhaka yemirimo, vana vedu vanotanga kuratidzira mufambiro wakati, imhaka yokuti hatisati tichaita kuti tsika dzizivikanwe. Chaunga chedu chazova chakaoma, chisinganzwi, chokushanda. Vanhu vanofunga bedzi nezvehondo yokurarama.”
Mukuwirirana nemagazini inonzi Superinteressante, imwe nzvero yeU.S. inosimbisa ukoshi hwechiremera chavabereki. Magazini yacho inoti: “Vayaruki vanoita zvakanakisisa mubvunzo dzechikoro uye vakaterama zvikuru mundangariro vanobva mumhuri umo vabereki vanoshandisa chiremera chokugadza mitemo yakajeka yomufambiro uye vanopa rusununguko mukati memiganhu yakasanorondedzerwa. Nenzira yakafanana, chikamu chavayaruki vakapindwa muropa nemirimo nezvinodhaka chakaderera zvikuru mumhuri dzakadaro.”
Nechikonzero chakanaka, Bhaibheri rinopa zano vabereki, kuti: “Rairira mwanakomana wako, agokuzorodza; zvirokwazvo uchafadza mweya wako.” (Zvirevo 29:17) Hungu, ruramiso yakavakirwa paBhaibheri inogona kubetsera vabereki kudzivisa kushandiswa zvisakafanira kwemirimo nokuvandudza kunaka kwoupenyu nokuda kwemhuri yose.