RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 3/1 p. 30
  • Kutendeseka Ndiko Muitiro Wakanakisisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutendeseka Ndiko Muitiro Wakanakisisa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Kutendeseka Kunorevei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Iva Akatendeseka Muzvinhu Zvose
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Pane Chinokosha Kupfuura Madhaimondi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Kutendeseka Kunorumbidza Ushumiri Hwedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 3/1 p. 30

Kutendeseka Ndiko Muitiro Wakanakisisa

KUTENDESEKA kunorumbidzwa zvikuru kwazvo muBhaibheri uye ndichinodikanwa chamaKristu echokwadi. (Mateo 22:39; 2 VaKorinte 8:21) Uyezve, kutendeseka chaizvoizvo muitiro wakanakisisa, sezvinoratidzirwa muupenyu hwavazhinji nhasi vane ndangariro nomwoyo zvakashandurwa nezivo yakarurama yeBhaibheri. Muenzaniso waikoku unobva kuLiberia.

Pashure perangariro huru yokunyengetera, mumwe mukuru wechiKristu nomudzimai wake vakavhara shopo yavo yokusona. Neiko? Nemhaka yokuti iyo yaidya yakawanda zvikuru yenguva yavo ndokudzivisa mibato yavo youshumiri nefundo yomunhu oga. Ivo vakabvuma kugutswa nemari shoma yaiwanwa mukutengeswa kwezvokudhaisa zvipfeko. Nokukurumidza pashure pokunge vaita iyi nhano, zvisinei, mitengo yezvokudhaisa yakaderera munzvimbomo. Mari yavo zvino haisati yaizotsigira mhuri. Chii chavaizoita?

Ivo vakakumbira kambani inogovera zvokudhaisa kuderedza mitengo yavo, nokudaro kuchibvumira mwero uri nani wemhindu. Ikoku kwakarambwa. Zvisinei, kambani yakakarakadza kutumira mainivhoisi mairi, imwe inoratidza mutengo chaiwoiwo uye imwe yacho mutengo wakaderedzwa uye ivo vaigona kupa kuCustoms kuti vabhadhare mari inobhadharwa kuhurumende zvinhu zvisati zvapinda munyika. Ikoku kwaizobvumira mukuru wacho kufarikanya mhindu isiri yapamutemo ye$2,000 pazvinhu zvimwe nezvimwe zvinotumirwa.

Hama yacho yakaramba kuva rutivi rwokushanda kwakanga kusiri kwokutendeseka uye yaizorozvera hurumende. Vakuru vakuru vekambani vakashamiswa. Ivo vakanyora, vachiti: “Tinoremekedza hana yenyu,” uye ivo vakagadza hama yacho kuva mumiriri bedzi wezvinhu zvavo muLiberia. Nezvinodikanwa zvokunyama zvemhuri zvino zvinotarisirwa zvakakwana, mukuru nomudzimai wake vakakwanisa kuita upiona hwebetsero, vachisanoshandira pamwe nehama kuvaka ungano. Zvirokwazvo, kutendeseka kwavo kwakabvumikisa kuva chikomborero nokuda kwavo.

Alfonso, muSpain, akawanawo kuti kutendeseka ndiko muitiro wakanakisisa. Uyu mukomana akabva pamusha pazera ramakore 12, uye nguva refu isati yapfuura akanga otengesa mirimo, pamwe chete nokuba motokari, misha, uye mashopo. Pane dzimwe nguva iye akabira zvitoro zvakawanda segumi muzuva rimwe. Pazera ramakore 21, vana vavasonganiri vake vakamurova zvakakomba, vakaba mugove wake wose wemirimo, uye vakatyisidzira kumuuraya kana akavashuma kumapurisa. Sezvo iye aisanozivikanwa namapurisa, aitotya kuenda kuchipatara kundorapwa.

Achinaya zvishoma nezvishoma maronda ake, Alfonso akarangarira zvakakomba pamusoro penzira yake youpenyu. Iye akayeuka zvinhu pamusoro peBhaibheri nenheyo dzechiKristu izvo amai vake vakanga vamuudza apo akanga achiri mwana. Ipapo, iye akanga afuratira mashoko avo, asi zvino iye akakumbira fundo yeBhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Mumwedzi mitanhatu iye akanga achinja chose chose mufambiro wake nohunhu uye akakwanirisa nokuda kworubhapatidzo.

Zvisinei, pazuva rapamberi porubhapatidzo rwake, akagamuchira masamanisi okuoneka mudare kuzotarisana nepomero yokuba akashongedzerwa nezvombo. Yakanga iri mhaka yaakanga apara nguva huru munguva yakapfuura. Kunyanguvezvo, Alfonso akabvuma pachena chakaipa chacho uye akaiswa mutorongo achimirira kutongwa. Gweta rake raimudzivirira rakamukurudzira kutaura kuti akanga asina kuba chinhu chipi nechipi uye kuti akanga asina kutakura pfuti. Asi Alfonso akaomerera pakutaura zvokwadi. Nemhaka yemhaka yacho nechinyorwa chake chakashata chamapurisa, murovereri wemhaka akaraira tongerwo yamakore 13. Asi nemhaka yomufambiro wake wakanaka nechimiro chokutendeseka, iye akapiwa mwedzi mitanhatu, iri nguva yaakanga atobatira achimirira kutongwa.

Zvino Alfonso nomudzimai wake vanobatira Jehovha nokutendeka, vachifara kuva vakawana donzo chairoiro muupenyu uye kuva vakabvumikisa nechinoitika chavo vamene kuti kutendeseka ndiko muitiro wakanakisisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe