RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 3/1 p. 31
  • Kuwana Mufarwa—Asi Kupiko?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwana Mufarwa—Asi Kupiko?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 3/1 p. 31

Kuwana Mufarwa—Asi Kupiko?

JESU akati: “Vanofara avo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu.” (Mateo 5:3, NW) Musikana muduku akatendeseka muMiddle East aiziva chinodikanwa chake chomudzimu uye akanga achitsvaka kufadza Mwari. Pakupedzisira, iye akawana mufarwa—asi kupiko? Tichamurega achitsanangura.

“Ndakarererwa mumhuri yorudzidziso zvikuru yeMaronite Katurike. Isu vana takarovedzwa kunyengetera madekwana ari ose pamberi pemifananidzo, uye kuvambira paucheche ndaiva nechishuvo chokubatira Mwari.

“Pazera ramakore 17, ndakapinda mukonivhendi kuti ndive munani, ndichifunga kuti ikoku kwaizova nzira yokugutsa nayo chishuvo changu. Zvisinei, ndakaona zvinhu zvakawanda pakati pamanani izvo zvakanditambudza. Ivo vaiita guhwa pamusoro pomumwe nomumwe. Vadzidzi vaisapiwa zvakakwana zvokudya, apo manani aifarikanya zvokudya zvakanakisisa. Uye makanga mune miitiro youtere pakati pamanani navaprista. Ndaodzwa mwoyo zvakakasharara, ndakabva pakonivhendi pashure pemwedzi mipfumbamwe ndokudzokera kumusha.

“Ndakanga ndichine mibvunzo yakawanda isina kupindurwa, uye apo ndakanga ndisingagoni kuwana mhinduro dzinogutsa kwairi, ndakasvika papfundo rokusaitira hanya rudzidziso. Ipapo, muna 1982, apo ndakanga ndava namakore 22, hanzvadzi yangu yokunyama namukoma vaifunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Vabereki vangu neni takavashora. Hanzvadzi yangu yakatambura chitambudzo chikuru, kurohwa, uye kuiswa mutorongo nemhaka yokutenda kwake kutsva. Dzakandiorora, kunyanguvezvo, dzakanga dziri chinjo huru idzo akaita muupenyu hwake. Uyezve, iye aipa mhinduro dzeBhaibheri dzine mufungo kumibvunzo iyo ndakanga ndave ndichibvunza kwenguva refu. Naizvozvo ndakatanga pachivande ini ndimene kurava Bhaibheri pakati pousiku.

“Rimwe zuva ndakaendawo kundocherechedza gungano reZvapupu zvaJehovha. Ndakaororwa norudo rwakaratidzwako. Kwakanga kusino musiano pakati pavapfumi navarombo. Zvapupu zvinorarama mutsinhirano neizvo zvinodzidzisa. Ndakapwiswa kuti ivo vaiva nezvokwadi.

“Pashure chaipo pegungano, ndakakumbira mumwe wavo kufunda neni. Ndakamuudza kuti ndaingoda kufunda chete, kwete kupinda misangano kana kuti kundoparidzira. Zvisinei, nokukurumidza ndakaziva kuti ndakanga ndichidzidza zvokwadi. Ndakanyengetera ndokusarudza kubatira Jehovha. Pana October 28, 1983, hanzvadzi yangu, mukoma wangu, uye ini takabhapatidzwa. Zvino ndakanga ndawana nzira yokugutsa nayo chishuvo chokubatira Mwari chandakanga ndava nacho kuvambira paucheche.

“Mwedzi miviri pashure porubhapatidzo, ndakatanga kuita upiona hwebetsero, uye mwedzi misere gare gare ndakava piona wenguva dzose. Gore rimwe nehafu gare gare, ndakakokwa kuzobatira kuhofisi yebazu reZvapupu zvaJehovha, inozivikanwa seBheteri, uko ndakaita pahwaro hwechinguvana kwamakore maviri. Ndakaororwa nokuzvininipisa kunoratidzwa navose. Hama dzino mutoro zvikuru dzaitogoverana mubasa rokusuka ndiro pashure pechirairo.

“Pana March 14, 1988, ndakava mutezo wechigarire wemhuri yeBheteri. Inhambo inofadza zvakadini! Hungu, ndakawana mufarwa. Kupiko? Pakati peZvapupu zvakazvitsaurira zvaJehovha! Zvino ndinonzwa sowezvamapisarema uyo akati: ‘Zuva rimwe muvazhe dzenyu riri nani kupfuura ane chiuru kune imwe nzvimbowo zvayo.’”—Pisarema 84:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe