RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 3/1 pp. 26-29
  • Kuwa kweBhabhironi Kunoziviswa muJapan

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwa kweBhabhironi Kunoziviswa muJapan
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Japan Inogadzirira
  • Basa Roupiona Hwebetsero
  • Zuva Chairo Romubato
  • Kupupurira Mumigwagwa
  • Kugovera Magazini
  • Simba Rinopfuura Romuzvarirwo
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 3/1 pp. 26-29

Kuwa kweBhabhironi Kunoziviswa muJapan

“RAWA! Bhabhironi Guru rawa, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa kwoufeve hwaro!” Ziviso iyoyo inonyandura yengirozi yakanzwiwa kwenguva yokutanga nomuapostora Johane shure muzana rokutanga ramakore reNguva yedu yaVose. Mukati menguva yedu, zvisinei, mu“zuva raShe,” yakadzokororwa neZvapupu zvechiKristu zvaJehovha rudzi rwose rwomunhu rwuchizvinzwa.—Zvakazarurwa 1:10; 14:8, NW.

Bhabhironi Guru isangano renyika yose rorudzidziso rwenhema, iro chiKristudhomu chiri rutivi rune mhaka zvikurusa rwaro. “Munguva yomugumo” yose, marutongeso aJehovha pariri akaziviswa noushingi neZvapupu zvaJehovha kupote nyika. (Dhanieri 12:4) Somuenzaniso, zvinyorwa zveNharireyomurindi zvaApril naMay gore rapera zvaiva nenyaya dzine simba dzinoratidzira mhaka yorudzidziso rwenhema noruparadziko rwaro rwuri kuuya. Makopi anopfuura mamirioni 50 ezvinyorwa izvozvo akaparadzirwa munyika yose—kuziviswa kune simba kwengwavaira yeBhabhironi Guru!

Japan Inogadzirira

Muenzaniso wembavarira yeZvapupu zvaJehovha nokuda kwezvinyorwa izvozvo chaizvo wakaonwa muJapan, nhare yechikamu cheShinto nechiBuddha cheBhabhironi Guru. MuJapan chinyorwa chaDecember 1988 choHushumiri Hwedu Hwoumambo chakazivisa ungano nezvenhimbe chaiyo yebasa romumunda yakarongwa nokuda kwemwedzi yaApril naMay 1989. Danidzo dzokutsigira uyu mubato chaiwo wamagazini dzakabuda muzvinyorwa zvakatevera zvoHushumiri Hwedu Hwoumambo, pamwe chete netsamba dzokuungano nemitumbi yavakuru.

Mhinduro yakanga yakatanhamara. Nebetsero yaJehovha, mukati memwedzi miviri iyoyo yegore rapera, Japan yakagamuchira uchapupu husina kumboitika nakare kose.

Basa Roupiona Hwebetsero

Chiziviso chaDecember 1988 chakabatanidza awa mashoko: “Tinokukurudzirai kuva nenharidzano yokufarikanya kuita upiona hwebetsero mukati maApril naMay, zvikurukuru April.” Uyu mufungo wakadzokororwa muchinyorwa chaFebruary 1989 choHushumiri Hwedu Hwoumambo, uhwo hwakakusvudzira hama ku‘gadziridza rudungwe rwavo rwezuva nezuva kuti dzigova vashumiri vakazvitsaurira vazhinjisa vanobvira vanonyoresa samapiona ebetsero muna April.’

Zvapupu zvakarangarira zvakakomba izvi zviyeuchidzo. Muuyo wacho? Chiverengero chapamusoro zvikurusa muchiverengero chamapiona ebetsero. Muna March 1989 chiverengero chamapiona ebetsero chakanga chatosvika chiverengero chapamusoro chitsva chavane 24 115. Asi muna April nhamba iyoyo yakadokupetwa kaviri kusvika ku 41 055. Zvamazvirokwazvo nhamburiko inoshamisa!

Muungano dzakawanda, vaparidzi vose kana kuti vazhinjisa vakagoverana murutivi rwakati rwebasa renguva yakazara mumwedzi miviri yomubato chaiwo. Ikoku kazhinji kazhinji kwakada kugadzirira kwakawanda. Mumwe mukadzi anotarisira imba akapanikira kuti angagona kugoverana, sezvo iye achigara kunodokusvika mamita 900 mumakomo umo zvokufambisa zvakaganhurirwa. Kunyanguvezvo, iye aida chaizvoizvo kuita upiona hwebetsero. Naizvozvo vakuru vakaronga kumubetsera nechokufambisa, uye iye, pamwe chete navamwe vaparidzi vose vomuungano, vakafarikanya mwedzi wokupayona.

Nhungamiro yakaisvonaka yavakuru yakaratidzirwa muOsaka Prefecture, Takatsuki City, Otsuka Ungano yavaparidzi 77, umo vakuru vose navabatiri vanoshumira vakanga vari pakati pe 73 vakagoverana muchimiro chakati chebasa roupiona. Mapiona iwayo akabatanidzawo vaparidzi vaduku vose vakabhapatidzwa vachiri kupinda chikoro. Mudzimu woupiona wakaratidzwa neizvi Zvapupu zviduku wakanga uri muenzaniso chaiwoiwo wouyo wakaonwa muungano dzakawanda. Somuenzaniso, vaava vechiduku vakabhapatidzwa 23 muHeiwadai Ungano muTokyo Prefecture, 11 mapiona enguva dzose, uye 11 vakaita upiona hwebetsero muna April. Muungano iyoyo, hwerengedzo yavaparidzi 93 yakaita upiona mumwedzi mumwe chetewo.

Zuva Chairo Romubato

Chinyorwa chaMarch choHushumiri Hwedu Hwoumambo hweJapan chakakurudzira hama naawa mashoko: “Basa ramagazini rakatsigirwa pasati pachingova bedzi paChitanhatu chechipiri nechechina asi paChitanhatu chiri chose chomwedzi. Shingairo iyo hama dziri kuratidza inoongwa. Muna April basa ramagazini rakarongwawo nokuda kweChitanhatu chiri chose, asi tapota ita nhamburiko chaiyo yokutsaura April 8 nokuda kwezuva ramagazini kuitira kuti munhu ari wose agogoverana mubasa ramagazini pazuva iroro. Nokuda kwokuzivisa nyevero kuvose vachateerera, kuri madikanwa kugovera izvi zvinyorwa zvakakodzera nguva zvakafara.”—Isaya 61:2; Zvakazarurwa 18:4, 5.

Muna February chinyorwa cheJapan choHushumiri Hwedu Hwoumambo chakanga chasimbisa iri basa rinokosha. Chakati: “PaChitanhatu chechipiri, April 8, ari wose weZvapupu zvaJehovha muJapan—zvino vanopfuura 130 000—ngaagoverane mubasa ramagazini.” Vakuru vakakurudzirwa kuronga marudzi akasiana-siana omubato wamagazini anofukidza zuva rose kuitira kuti vazhinjisa savanobvira vagogona kutora rutivi. Kuonga kumhinduro yakananga yavakuru netsigiro yomwoyo wose yorutivi rwasara rwavaparidzi, zuva racho rakanga riri budiriro inoshamisa. Tingagona kutaura kuti pazuva iroro ukuru hukurusa hwakasvikwa muJapan mukuziviswa kwamarutongeso aJehovha paBhabhironi Guru.

Somuenzaniso, muUshioda Ungano Yokohama City, vakuru vakaronga basa iro raizopfuurira kwamaawa 13, kuvambira pa 7:00 a.m. kusvikira pa 8:00 p.m. Dzakabatanidzwa dzakanga dziri nhambo mbiri dzokupupurira mumigwagwa, pamwe chete nenguva dzokushanyira vanhu avo pamberi pezvi vakanga vasiri pamusha uye nokuda kwokupupurira paimba neimba kwenguva dzose. Vaparidzi vazhinjisa vakakwanisa kugoverana murunenge zvarwo rumwe rwamativi akarongwa ebasa, uye chiverengero chakati chakagoverana murwunodokuva rutivi rwuri rwose rwomubato wakarongwa.

Basa rinopfuurira rakarongwawo muJonan Ungano, Fukuoka City. Imomo, gadziriro dzakaitwa dzinofukidza maawa anovambira pa 8:00 a.m. kusvikira ku 9:00 p.m., netindiko pfupi chete pamasikati makuru. Yakabatanidzwa yakanga iri nguva yokupupurira paimba neimba, kushanyira ndima yamabhizimisi uye nharaunda dzokutenga, uye kushanyira apo pakanga pasina munhu akawanwa pashanyo dzakapfuura. Zvimwe Zvapupu zvomuungano iyoyo zvakashuma maawa anosvikira kumasere omubato wokuparidzira nokuda kwezuva racho!

Mhinduro yomwoyo wose yehama yakaonwa muWakayama Prefecture, umo vaparidzi vose 55 muKainan Ungano vakagoverana muzuva chairo romubato. Imwe hanzvadzi imomo, piona wenguva dzose, yakasununguka pana April 7. Ikoko kwakairegedzesa kupupurira pana April 8 here? Aiwa. Iye akagovera magazini imomo chaimo muchipatara! Ichiratidza mudzimu wakafanana, imwe hama yokuOsaka Prefecture yakamanikidzirwa kutarisira zvinhu panzvimbo yayo yebasa rokunyika pana April 8. Yaigona sei kugoverana mumubato chaiwo? Iye akaita nzvimbo yake yebasa ndima yake ndokuwana kuzvinyoresa kushanu.

Imwe hanzvadzi yomuSaitama Prefecture yakashuva kugoverana mumubato chaiwo kwezuva racho, asi yaifanira kufamba makiromita anodokusvika 1 300 kuenda kuAsahikawa City nomurume wake asingatendi. Iye haana kurega, kunyanguvezvo. MuAsahikawa, iye akaenda navana vake vaviri vaduku kuchiteshi chechitima, uye ikoko, kunze kwechiteshi, akawana chaakanga akarira: boka ravaparidzi rakabva muungano yomunzvimbomo rakabatikana mubasa romumunda. Iye akakwanisa kugoverana navo mumibato yezuva.

Kupupurira Mumigwagwa

Hushumiri Hwedu Hwoumambo hweJapan hwakakurudzira zvikuru vakuru kuronga kupupurira mumigwagwa nokuda kwaApril 8, uye ikoku kwakava rutivi rwakatanhamara rwezuva iroro chairo. Sezvakwakaitika, kwakanga kune kunaya kukuru kwemvura munyika yacho yose, asi ikoko hakuna kuderedza mbavarira yehama. Vazhinjisa vakaratidza mudzimu mumwe chetewo souyo wakaonwa muhanzvadzi nhatu dzakakwegura dzomuMinamata Ungano, Kumamoto Prefecture. Pasinei zvapo namazera avo—65, 80, uye 85—ivo vakatsungirira mugariro wokunze wakashata uye vakanga vari kurudziro yakaisvonaka kuvasara vose veungano; ivo vakakwezvawo ngwariro yavapfuuri vazhinji.

Ichipupurira mumugwagwa, imwe hanzvadzi muKashiwa City West Ungano yakabvunza mumwe murume, kuti: “Mati mambonzwa nezveBhabhironi Guru here?” Apo akagovera zvinyorwa zvaApril zvamagazini, murume wacho akati, “Handifariri” ndokuenda. Zvisinei, apo iye akasvika panodarika njanji ndokumira, akanga achitaura kwaari amene, “Chii chiri Bhabhironi Guru?” Imwe hama yakanga ichipupurira mumugwagwa pedyopo yakamunzwawo zvayo ndokufamba mumugwagwa naye, ichitsanangura chiri Bhabhironi Guru. Murume wacho akagamuchira magazini.

Dzimwe ungano dzakanga dzisina kutongoita kupupurira kwomumigwagwa. Asi chifo chaApril 8, idzo dzakakuita rutivi rwenguva dzose rwomubato wadzo. Uye hakushamisi! Kupupurira mumigwagwa inzira inobudirira zvikuru yokuwana nayo vanhu vasingasvikiki neimwe nzira. Imwe hanzvadzi muNaha City, Okinawa, yakapinda mukupupurira mumugwagwa kunze kwechivako chehofisi icho Zvapupu zvaJehovha zvisingabvumirwi kupinda nokuda kwedonzo rokupupurira. Iye akagovera magazini 12 muawa imwe kupfurikidza nokusvika avo vari kupinda navari kubuda muchivako chacho.

Imwe hanzvadzi muMuroran City, Hokkaido, yakapinda mukupupurira mumugwagwa kunze kwezvitoro zvine mabato akasiana-siana pakati peguta. Iye akaudza mumwe murume akagamuchira magazini, kuti: “Kana mungada kudzidza zvakawanda, tinogona kukushanyirai mumusha menyu.” Iye akamupa kero yake, nhamba yorunhare rwake, mapu yokusvika kumba kwake, uye nguva apo iye aizova pamusha! Vhiki rakatevera racho, iye neimwe hama vakamushanyira ndokuwana kuti iye aigara mufurati yaivharirwa shanyo dzoushumiri dzenguva dzose dzinoitwa neZvapupu zvaJehovha. Jaya rakanga rapwiswa nokurava kwaro Bhaibheri kwomunhu oga kuti chiKristudhomu chakanga chisina tendero yaMwari. Rakanga richitsvaka chiKristu chechokwadi uye rakafara kutanga fundo yeBhaibheri yapamusha yenguva dzose.

Mumwe muparidzi muKawasaki City akagoverana mukupupurira mumugwagwa pamasikati aApril 8. Pamugumo penguva yaakanga agovera, akataura kumunhu mumwe wokupedzisira, musikana uyo akataura kuti kare akafunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Asi akanga asangana nechishoro chakabva kuvabereki vake uye pashure akanga apinda muyunivhesiti ndokutamira mudhomitari. Naizvozvo akarega fundo yake. Zvisinei, kuonga kukupupurira mumugwagwa, iye akatanga zvakare nomufaro fundo yake yeBhaibheri uye ava kutopinda misangano.

Kugovera Magazini

Somuuyo wavazhinji kwazvo vanotsigira mubato chaiwo, kugoverwa kwamagazini—zvikurukuru ayo aiva namashoko orutongeso paBhabhironi Guru—kwakanga kuri kukuru. Mumwe muparidzi weungano muOsaka Prefecture akagovera magazini 205 muna April. MuKagoshima City, East Ungano, vaparidzi 14 vakagovera magazini anopfuura zana mumwe, apo boka riri roga ravaparidzi 12 muOgawa Town, Ibaraki Prefecture, vakagovera hwerengedzo yamagazini 1 388 mukati maApril.

Zvamazvirokwazvo, muJapan yose zvayo, magazini 3 293 266 akagoverwa muna April wegore rapera—92 muzana kupfuura April wa 1988! Shoko rorutongeso raJehovha rakaziviswa nesimba kwazvo sei paBhabhironi Guru!

Simba Rinopfuura Romuzvarirwo

Zvamazvirokwazvo, somumamwe mativi ose enyika, Zvapupu zvaJehovha muJapan zvakanga zvakananga uye zvichishingaira muchirimo cha 1989. Zvinoitika zvazvo zvakapa ufakazi hwakajeka hwokuti Jehovha akakomborera shingairo yazvo ndokutsigira nhamburiko dzazvo dzokuzivisa marutongeso ake parudzidziso rwenhema. Nokuda kwavamwe, kwakanga kusiri nyore kutora rutivi; kunyanguvezvo, ivo vakatsunga, uye Jehovha akakomborera shingairo yavo. Vazhinji vanogara mundima inowanzoshandwa, asi vakaratidza mudzimu mumwe chetewo wekurumidziro nembavarira sehama dzavo dzomudzimwe nharaunda. Muzvinoitika zvose, mashoko aIsaya akabvumikisa kuva echokwadi, anoti: “Vanoziya unovapa simba; unoshaiwa simba unomuwedzera simba rake.”—Isaya 40:29.

Pasina panikiro zvinoitika zvavo zvakavayeuchidza nezvamashoko omuapostora Pauro: “Asi pfuma iyi tinayo mumudziyo yevhu, kuti hukuru hwesimba huve hwaMwari, hurege kuva hwedu.” (2 VaKorinte 4:7) Hungu, apo munhu anoisa ushumiri hwechiKristu, “iyi pfuma,” pakutanga muupenyu hwake, iye anowana “simba rinopfuura renguva dzose” rinopiwa naMwari. Jehovha ngaapfuurire kushandisa vabatiri vake muJapan nomudzimwe nyika dzose kupa uchapupu hwakakwana mugumo usati wasvika.—Mateo 24:14.

Gore rino, zvinyorwa zvaApril naMay zveNharireyomurindi zvichasimbisa nhevedzano yebutiro paunoti “Ndiani Achatungamirira Rudzi Rwomunhu Kurugare?” “Rugare Rwenyika—Rwucharevei?” “Mamirioni Zvino Akafa Achararamazve,” uye “Armagedhoni—Rini?” Kuregerereiko kuronga kugoverana aya mashoko navavakidzani vako? Iva nechokwadi chokuti vazhinji savanobvira vanoziviswa mashoko anoshamisa akanaka ayo Mwari akachengeta muBhaibheri nokuda kwezuva redu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe