RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 2/15 pp. 4-7
  • Kutendeseka Kunorevei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutendeseka Kunorevei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Muizvo Tinotaura
  • Pabasa
  • Dzimwe Nzira Dzokutendeseka
  • Tuso Nebetsero
  • Iva Akatendeseka Pazvinhu Zvese
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Iva Munhu Akatendeseka Pazvinhu Zvese
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Iva Akatendeseka Muzvinhu Zvose
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
  • Zvinobatsira Kuva Akatendeseka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 2/15 pp. 4-7

Kutendeseka Kunorevei?

KUTENDESEKA kunoreva kuva wechokwadi naasinganyengedzi. Kutendeseka kunoda kuti uve akarurama mukubata navamwe—wapachokwadi, akarurama, asinganyengeri kana kuti kutsausa. Munhu akatendeseka ndimunhu weperero. Kuti ave akavimbika nguva dzose, iye haasati achizotongonyengedza munhu biyake. Tose zvedu tingada kubatwa nenzira iyoyo, hatingadi here? Naizvozvo ko kutendeseka kunogona kumbova kwechinyakare here?

MuKristu anokurumidza kuona murondedzero dziri pamusoro apa chikonzero nei ani naani anotaura kuva munamati wechokwadi achifanira kuva munhu akatendeseka. (Johane 4:24) Iye anonamata “Jehovha Mwari wezvokwadi.” (Pisarema 31:5, NW; Tito 1:2) Nenzira ine mufungo, “vanhu vechokwadi” bedzi vanokwanirisa kumumirira.—Eksodho 18:21, New World Translation Reference Bible, mashoko omuzasi.

Kutendeseka kunotapura mativi akawanda oupenyu hwedu, naizvozvo kunonzwisisika kuti muapostora Pauro akati: “Tinoda kuzvibata timene nomutoo wokutendeseka muzvinhu zvose.” Ikoko kunobatanidza mumutauro, kubasa, munhau dzemhuri, muzvinhu zvebhizimisi, uye mukuita chimwe chinhu kuzvinodikanwa zvapamutemo zvipi nezvipi zvinoisa hurumende patiri.—VaHebheru 13:18, NW.

Muizvo Tinotaura

Kune nzira dzakawanda—kunyange zvazvo dzichiwanzorangarirwa sedzisina mhaka nedzinogamuchirika—umo vanhu vasingatauri zvokwadi. Ivo vanonyepera mishumo pamusoro pamaawa ebasa, vanoita kuti vana vataure nhema kuvashanyi, vanopa kutaura kusina kururama kuvamiriri veinishuwarenzi, uye vanoreva nhema pamusoro pokuva vanorwara kuti vasashande, kududza zvishomanene.

Pane dzimwe nguva chatinofanira kutaura kumumwe chinofanira kunyorwa. Nokuda kwechikonzero chakati, vanhu vasati vaizotongonyepa nomuromo vanorangarira kuti inhau yakasiana pakushuma mari inowanwa nokuda kwemitero kana kuti kunyora ziviso yezvinhu nokuda kwavamiriri vecustoms pamuganhu wamarudzi. Uku kunyengedza kunodyira mari vabhadhari vose vemitero. Irworwo rudo chairwoirwo rwomuvakidzani here? Kunze kwezvo, maKristu haana here musengwa woku“dzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari”?—Ruka 20:25, NW;Ruka 10:27; onawo VaRoma 13:1, 2, 7, 8.

Muizvo tinotaura, tinoda zvamazvirokwazvo kutevedzera “Mwari wezvokwadi,” kwete “baba venhema.” (Pisarema 31:5; Johane 8:44, NW) Vanhu vakaipa vangatendeukira kuchibhende kuti vakwenengere nokunyengera. Asi kunyepa kumuvakidzani wedu hakusi kumuda. Kunze kwezvo, vanyepi havana nguva yemberi chaiyoiyo.—VaEfeso 4:25; Zvakazarurwa 21:27; 22:15.

Pabasa

Kuita basa rokutendeseka rezuva nokuda kwemibhadharo inogamuchirwa ndichinodikanwa chine mufungo nechapaMagwaro. (VaKorose 3:22-24) Bva, kune zviuru zvakawanda zvembavha dzenguva idzo dzinopambadza nguva yekambani pakuzorora kurefu, dzinononoka kuuya kubasa uye dzinokurumidza kukotoka, dzinopedza nguva yakawanda dzichizvitsvindisa dzimene pashure pokusvika pabasa, dzinoshandisa runhare rwekambani nokuda kwekurukurirano dzomunhu oga refu dzisina kutenderwa, dzinotarisira mabhizimisi adzo dzimene munguva yekambani, uye kunyange kuvata. Kuba kwadzo kunokwidza ndyiko dzomunhu ari wose.

Zvimwe zvimiro zvoumbavha pabasa zvinobatanidza kutora migove nemidziyo nokuda kweshandiso yomunhu oga. Vamwe vanotaura kuti ikoku kungotsiva miripo isina kukwana, sokunge vari kuenzanisa zvinhu nomushandirwi akaomera! Asi kana kutora zvinhu kusina zivo nemvumo zvomwene kana kuti mushandirwi, chaizvoizvo chimiro chokuba.

Muiyi migariro yose, muKristu wechokwadi achashandisa zano rakafuridzirwa, rinoti: “Wakaba, ngaarege kubazve; . . . abate namaoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa unoshaiwa.”—VaEfeso 4:28; Mabasa 20:35.

Bva, zvakadiniko kana mushandirwi wako akakukumbira kuita chiito chokusatendeseka kana kuti chisiri chapamutemo, achityisidzira kukudzinga kana usingabvumi? Mienzaniso: Kuchaja kasitoma nokuda kwokutsiviwa kwamapati emotokari ayo asina kutongoiswa pamotokari yacho; kuisa shavo isingadhuri, yenhando mumabhokisi kuitira kuti makasitoma agogona kuchajwa mitengo yakakwira; kunyora mitengo mitsva, “yakaderedzwa” pazvinhu, apo mitengo yapakuvamba yaiva mimwe cheteyo kana kuti yakaderera. Vashandi vazhinji vangarangarira ikoku somutoro womushandirwi, kwete womushandi. Chii chakaita Zvapupu zvaJehovha pazvakatarisana nomugariro wakadaro? Daryl J   anorondedzera, kuti:

“Ndichishanda samaneja wezvirimwa mugirosa, ndakasvikwa navatarisiri ndokukumbirwa kuwedzera mhindu pasina kukwidza ipi neipi yemitengo. Zvikarakadzo zvokuita ikoku zvaiva izvi: Kukatutsira uremu hwezvinhu zvakati, uye kupa magwaro echikwereti ‘enhema’ kumugoveri. Miitiro inozivikanwa navose asi kusatendeseka.”

Daryl akaramba kukwenengera nokunyengedza. (Zvirevo 20:23) Mavhiki mashomanene gare gare iye akadzingwa basa. Ko iye akanga asina kuchenjera here kupinza mhuri yake mumiuyo yokusashanda kwake? Ko iye akademba kuva akatendeseka here? Aiwa, nemhaka yokuti apo Chapupu biyake chakanzwa chakanga chaitika, chakagovera basa. Daryl anoti: “Mumavhiki matatu kusvikira kumana, ndakanga ndadzokera ndichizvitsigira ndimene nemhuri yangu nemitoo yokutendeseka. Ndinokurangarira kuva ropafadzo kukomborerwa naJehovha nokuda kwokuchengeta perero yangu kwaari.”

Pane rumwe rutivi, iwe ungawana basa nemhaka yokuti wakatendeseka. Mumwe mumiriri wekambani yeinishuwarenzi yamarudzi ose inosanozivikanwa akapangira mwene wechitoro chinobudirira muToronto, Canada, kugumisa zvinetso zvake nokuba kwavashandi kupfurikidza nokupinza basa Zvapupu zvaJehovha. Mumiriri akatsanangura, kuti: ‘Pandanga ndiri murimwe guta ndichigamuchira rovedzo yangu yeinishuwarenzi, ndakawana kuti pakati pamakasitoma avo pakanga pane supamaketi huru yaingopinza basa Zvapupu bedzi kuti zviise girosa pamasherefu usiku. Ivo vakanga vava nezvinoitika zvakashata navamwe vashandi asi vakanga vasina kurasha chinhu sezvo ivo vakanga vapa kiyi kuZvapupu kuti zviuye pashure pamaawa ebasa kuti zviise zvinhu.’

Dzimwe Nzira Dzokutendeseka

Panguva yokukwereta mari, mukwereti kazhinji kazhinji anoratidzira kuzvininipisa noruremekedzo, uye iye anotaura mashoko anokurudzira pamusoro pokubhadhara nokuonga betsero. Asi apo nguva inosvika yokubhadhara chikwereti, chinjo inoshamisa yakamwe kamwe muchimiro inouya pavamwe vakwereti. Kunozivikanwa navose ipapo kucherechedza hasha, utsinye, nyunyuto dzokunetswa nokuda kwokubhadhara, uye kutaura kuti mukwereti haana ngoni. Mumeso omukwereti, mukweretesi ano rupo ashandurwa kuva munhu akashata! Bhaibheri, kunyanguvezvo, rinotaura kuti ‘mukwereti asingabhadhari akaipa.’ (Pisarema 37:21; VaRoma 13:8) Ikoku kwaizova kwakadaro zvikuru uko mukwereti asingaiti nhamburiko yokubhadhara kunyange zvitsama zviduku kuratidzira kutenda kwakanaka, zvichida kusaita nhamburiko kunyange yokukurukura nomukweretesi.

Muupenyu hwemhuri, kutendeseka kunorairwa muzvinhu zvakawanda: Musoro wemba unofanira kuva wechokwadi nomudzimai wake pamusoro pemari yaanowana nenhau dzemari; mudzimai anofanira kuva akatendeseka naye pamusoro pokuti anoshandisa sei mari yemhuri; vose vari vaviri vanofanira kuva vanhu veperero, kubatanidza kuganhurira vatano dzavo kumumwe nomumwe; vana vanoita zvakanaka kuva vechokwadi navanoteerera pamusoro pesonganiro dzavo nezvimiro zvevaraidzo, zvinowirirana nezvishuvo zvakataurwa zvavabereki vavo.—VaEfeso 5:33; 6:1-3.

Kubva muizvo zvose zvataurwa, kunofanira kuva pachena kuti muKristu wechokwadi anofanira “kuramba kusarurama”—mabasa akaipa nechibereko chakashata izvo zvinoperekedza kusatendeseka, kureva nhema, kunyengera, kunyengedza, uye tsika dzakashata.—2 Timotio 2:19; VaRoma 2:21-24.

Tuso Nebetsero

Kururama nouzvokwadi, kubata kwechokwadi navamwe, zvinosimudzira kutendeseka. Mugariro woruvimbo nechivimbo nokudaro unokura, uchitungamirira kuzvimiro zvakanaka noukama. Kutendeseka kunogoverawo mugariro wokurarama une chivimbo, usina kuzvidzivirira kunopedza nguva nokunopedza simba unoparirwa nokunyumwira, panikiro, uye rutyo pamusoro pavamwe.—Enzanisa naIsaya 35:8-10.

Kutendeseka kunotungamirira kukuva kwedu nehana yakachena, iyo inokosha kana tichizo“ita basa rinoyera kuna Mwari mupenyu” nenzira inogamuchirika. (VaHebheru 9:14, NW; 1 Timotio 1:19) Kunopa rugare rwendangariro, kuchitungamirira kukurara kwakanaka usiku. Unogona kutarisana navamwe pasina kukwenudzwa. Kutendeseka kunobvisa rutyo runonetsa rwokubatwa uchiita chakaipa. Neiyi nzira tinochengeta chiremera chohunhu nokuzviremekedza. Ikoko kungambogona sei kuva kwechinyakare kana kuti kusingashandi.

Nokudaro, kune tuso dzazvino dzakawanda nebetsero zvichauya kwatiri navamwe kana tiri vanhu vakatendeseka. Bva, kupfuura chimwe chinhu chipi nechipi zvacho, tinofanira kuda kuva vakatendeseka ndizvo kwete chete nemhaka yokuti ndiwo muitiro wakanakisisa kana kuti nemhaka yokuti tinorairwa kuva vakatendeseka asi nemhaka yokuti tinoda Baba vedu Jehovha. Tinoda kuchengeta ukama hwedu hunokosha naye ndokuva netendero yake. Tinodawo kuva vakatendeseka nemhaka yokuti nomutoo iwoyo tinoratidzira rudo rwomuvakidzani. Naizvozvo, kukataurwa zvakapfava, kuva muKristu wechokwadi kunoreva kutendeseka.—Mateo 22:36-39.

Wezvamapisarema anoti: “Jehovha, ndianiko ungatsaukira mutende renyu? Ndianiko ungagara pagomo renyu dzvene? Uyo, unofamba usina mhosva, unoita zvakarurama, unotaura zvokwadi mumwoyo make. . . . Usingaitiri shamwari yake zvakaipa.” (Pisarema 15:1-3) Kana tichirarama upenyu hwokutendeseka savanamati vaJehovha, ipapo apo iye nomutoo wakarurama anogumisa tsika isina kururama yazvino uye apo “tendi yaMwari inenge ine rudzi rwomunhu,” tichava pakati paavo vanofarikanya zvikomborero zvisingagumi so“muenzi” wake. Ipapo isu hatisati tichizotongova wechinyakare!—Zvakazarurwa 21:1-5.

[Bhokisi riri papeji 5]

Ko Iwe Unogona Here Kubata Nedenho Kukutendeseka Kwako?

Nyika yatinorarama mairi inodenha zvitendero zvedu nechisarudzo chedu chokuita chiri chakarurama. Iyo yakagadzirwa kusimbisa kuzviisa timene pakutanga, kunyange pakuvadziko yavamwe.

Murangariro wako wechokwadi here kuti kutendeseka kuchiri muitiro wakanakisisa? Ko zvitendero zvako zvakasimba zvakakwana kukuchengeta wakatendeseka apo dzvinyiriro dzinokuedza here? Somuenzaniso, chii chawaizoita kudai:

◻ Pashure pokunge usingashandi kwemwedzi yakawanda, ukawana chitsama chikuru chemari chingabhadhara zvikwereti zvako ndokukupa mari yokuchengeta?

◻ Kubira pabvunzo inokosha muchikoro chako kwaiva nzira bedzi yawaigona kuwana nayo giredhi ringagona kusarudza nguva yako yemberi yemari?

◻ Kuwana zivikanwo somusayendisiti kungada kuti iwe “ugadziridze” mashoko anobva munzvero yako kuitira kuti mushumo wako ugobudiswa?

◻ Pazororo rako kuimwe nyika, iwe ukatenga chinhu chinodhura pamutengo wakanaka asi kuchizivisa pamuganhu kungareva kubhadhara duty yakakwira?

[Bhokisi riri papeji 6]

Mabasa Okutendeseka Haasi Echinyakare

Ko vanhu vachiri kuitira hanya munhu biyavo here? Hungu, kunyange zvazvo mapepanhau achishuma mabasa okusatendeseka sokunge ndiwo anosiiwa uye nokudaro akakodzera nhau.

Mapurisa muFort Wayne, Indiana, U.S.A., akaedza kukwezva mbavha kupfurikidza nokuisa TV inodhura mumotokari isina kukiiwa. Iwo akatarira kwamavhiki anoverengeka kuti aone chaizoitika. “Chatakawana ndechokuti vanhu vaipfuura pamotokari, kutarira mukati ndokuona TV, kuzarura suo, kudzikisa kiyi, kupfiga suo ndokupfuurira kufamba nepo.” Nokuita saizvozvo ivo vakaratidza kutendeseka.

Misoro yenhau yamapepanhau yeCanada inotaura pamusoro pokudzorerwa kwemari yakarasika nemhaka yomuuyo unobetsera wedzidziso yeBhaibheri:

“VaSamaria vakanaka vanochengeta zororo.”

—The Windsor Star

“Pat akatendeseka anodzorera $421.”

—The Spectator

“Kudzokera kwe$983 yakarasika kunodzorera kutenda kwomutengesi.”—The Toronto Star

Muizvi zvinoitika, avo vanodzorera mari yakarasika vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Muchokutanga, Zvapupu zviduku zviviri zvigoverana muushumiri hwapasuo nesuo zvakawana ndokudzorera chikwama kumumwe mukadzi. Iye akati: “Ndinofunga kuti vakomana ivavo ndimumwe mumamirioni . . . Munoziva, ikoko kunodzorera chaizvoizvo kutenda kwako muhunhu hwomunhu.” Sezvo iye akanga achibva kunze kwetaundi, kungadai kwakava kuri nyore kuti pwere dzichengete mari yacho, asi idzo dzakati: “Kwakanga kusiri chinhu. Takanga tichingoita hedu chimwe chinhu chakanakira mumwe munhuwo zvake.”

Mushumo wechipiri waivawo nechokuita nomufambi. “Asi muedzo hauna kusiya mubvunzo mundangariro [yomuwani],” pepa rakashuma kudaro. Muwani akatsanangura kuti iye akanga ari mumwe weZvapupu zvaJehovha, “uye tinodavira zvakasimba mukutendeseka.”

Muchinoitika chechitatu, munhu akarasa mari “akabvuma kuti akanga odokurasikirwa nokutenda kwake muvanhu.” Murume weChapupu chakawana bhegi repepa rebhuraundi remari akaudza munyori wenhau kuti kutungamirirwa neBhaibheri kwaiva chinhu chikuru: “Ikoko kwakaita kuti kuve kuri nyore kuti mudzimai wangu” aidzorere.

Muchimwe chinoitika, Zvapupu zviviri zvaishanda paimba neimba zvakawana emvuropu yakarasika yepei. Apo izvo zvakaiendesa kukamba yamapurisa yomunzvimbomo, sajeni aiva pabasa akataura kuti kwakanga kusina kuva nomushumo wemari yakarasika. Chapupu chakakarakadza kuzivisa kuwana kwacho munhepfutepfu yenhepfenyuro yomunzvimbomo. Mupurisa akanzi katyamadzwei. Iye akati: “Uri kuita nhamburiko huru yokudzorera iyi mari. Uri worudzidzisoiko zvisinei?” Apo Chapupu chakapindura, sajeni akati: “Ndafunga kudaro, nemhaka yokuti ndimi bedzi makatendeseka zvakakwana kuita nhamburiko dzakadaro.”

Achiita shanyo dzapaimba neimba, mumwe weZvapupu zvaJehovha, W. K   , akasangana nechikumbiro chechienzi zvikurusa. Murume wemba nomudzimai wake vairwara zvikuru asi vaifanira kuenda kubhagi zuva iroro. Vakakumbira kana Chapupu chaizokuita. Pakubvuma, iye akapiwa mari inoita $2 000 yokuendesa kubhangi. Achidzokera kubhagi, iye aisagona kudzivisa kubvunza: “Maigona sei kundivimba pasina kunyange kundiziva?” Mhinduro: “Tinoziva, uye munhu ari wose anoziva, kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo bedzi zvokuvimba nazvo.”

Kunyange zvazvo zvamazvirokwazvo kune vanhu vakatendeseka vanowanwa munyika dzose, mukuwedzera kuZvapupu zvaJehovha, kunoratidzika kuti ivo vashoma zvakakwana kufanirwa necherechedzo chaiyo. Tinogona kuva vanoonga sei kuti dzidziso yeBhaibheri pakutendeseka inobereka miuyo inobetsera neinoshanda!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe