RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 12/1 pp. 21-23
  • “Zvinhu Zvinovaka Kariro Dzedu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Zvinhu Zvinovaka Kariro Dzedu”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kariro Dzakakwirira
  • Musha Mutsva Wechikoro Chavafundisi cheGilead
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Vafundisi Vakawanda Nokuda Kwokucheka Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Chikoro cheGilead Chava Namakore 50 uye Chiri Kupfuurira Chakasimba!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kirasi Yechi 84 yeGilead—Kuita Mukuwirirana Nekariro!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 12/1 pp. 21-23

“Zvinhu Zvinovaka Kariro Dzedu”

AKANGA ari mangwanani anodziya eSvondo, September 10, apo vane 4 155 vakaungana muAssembly Hall of Jehovah’s Witnesses yakaisvonaka muJersey City, New Jersey, nokuda kwamarusando okupedza kufunda ekirasi yechi 87 yeWatchtower Bible School of Gilead. Vaivapo vakanga vari vadzidzi 24 navashanyi vavo vakakokwa pamwe chete nemitezo yemhuri yeBheteri yakabva kuBrooklyn namapurazi eSosaiti.

Vateereri vakanyaradzwa nokukurumidza pa 10:00 a.m. naAlbert Schroeder, uyo akabatira sasachigaro wezuva racho. Pashure porwiyo rwokuzarura, munyengetero wakapiwa naJohn Barr. Hama dzose dziri mbiri mitezo yoMutumbi Unodzora. Pashure pokukurukura nhauro pfupi yekirasi, Hama Schroeder vakataura kuti vanopedza kufunda vaka“gadzirirwa kugoverana mumubato wenyika yose weZvapupu zvaJehovha, zvino munyika 210.” Iye ipapo akapfuurira kusuma vamwe vakurukuri vatanhatu.

Robert Wallen, uyo anoshanda muHofisi Huru padzimbahwe reBrooklyn, akavakira musoro wake, “Ivai Norudo Rukuru Nokuda Kwomumwe Nomumwe,” pana 1 Petro 4:8. (NW) Iye akataura kuti vafundisi vanofanira kubetserana, uye sezvo vadzidzi vose veiyi kirasi vakanga vakaroora, iye akanangidzira tsinhiro dzake zvikurukuru kuvaroorani. “Mudzimai anofanira kuda murume wake kunyange zvazvo iye akadzidza mutauro wokumwe nokukurumidza zvikuru kupfuura zvaanoita,” iye akapa zano kudaro. “Iye anofanira kuva anonzwisisa neane tsitsi. Uyewo, iye anofanira kuedza kumunzwisisa apo anenge ane zuva rake rokubika revhiki nevhiki!” (Kazhinji kazhinji, mufundisi mumwe nomumwe anogoverwa zuva renguva dzose rokugadzirira zvokudya zvezuva iroro zvavose vanogara mumusha wavafundisi.) Ipapo mukurukuri akarondedzera dzimwe dzekangaidziko nezvinoitika zvinofadza izvo vamwe varume vanova nazvo pakudzidza kubika, zvakadai sechinoitika chomurume uyo akashandisa soda yokubikisa panzvimbo pepaudha yokubhekesa. Hama Wallen akaonesawo kuti murume anofanira “kuva anonzwisisa zvinodikanwa zvomudzimai wake,” sezvo yakawanda kwazvo yenguva yomurume ingapedzwa achitarisira mitoro yeungano. Kuvose vari vaviri varume navadzimai, iye akati: “Nguva dzose ivai vanovaka; musaita tsinhiro dzakashata, kunyange kuno mumwe nomumwe. Dzivisai kuzviparadzanisa mumene. Uye apo munoita zvikanganiso, zvibvumei.”

Mukurukuri anotevera, Daniel Sydlik, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora, akasarudza musoro, unoti: “Chengetai Mwoto Womudzimu waMwari Uri Mupenyu,” wakavakirwa pana 1 VaTesaronika 5:19. “Mwoto unogona kuita zvose zviri zviviri kudziisa nokuparadza,” iye akadaro. “Pane dzimwe nguva vafundisi vanokurudzira uye pane dzimwe nguva vanotyisidzira. Mumwe murume wekare weAfrica akamboti: ‘Furidza zvinyoro-nyoro,’ sapapfarivari yauri kuedza kuita kuti ive noupenyu! Pakutaura pamusoro pezvinhu zvamungawana mumugove wenyu—zvimbudzi zvine migero inofambisa tsvina, nhunzi, motokari dzine ruzha, nyika itsva, rudzidziso rusina kurovedzanwa narwo—ratidzai ruremekedzo. Munobata nhunzi dzakawanda nouchi kupfuura nevhiniga. Dzidzai ku‘furidza zvinyoro-nyoro’ uye chengetai mwoto womudzimu waJehovha uri mupenyu.”

Ipapo musoro unoti “Pindai Mumugove Wenyu Nembavarira Nengwariro” wakakudziridzwa naKenneth Flodin, mutariri woMusha weBheteri kuWatchtower Farms. Sezvo Gilead School zvino iri kuWatchtower Farms, vanopedza kufunda vose vakasanorovedzana naHama Flodin. Nharaunda mbiri dzengwariro dzakakudziridzwa muhurukuro yake: (1) kudisa zvenyika uye (2) kutaura kwakashata nokufunga kwakashata. “Dzivisai udyire uye ivai vasina udyire” ndiro rakanga riri zano racho. “Tarirai mberi kuzvinonyaradza nezviri zvakaisvonaka zviri munyika itsva; musazvitsvaka zvino,” iye akadaro. Kubetsera vadzidzi kudzivisa kuramba, mukurukuri akanokora mashoko Numeri 13:28, 32. “Pane dzimwe nguva vanhu vanoona chinhu chimwe chetecho, uye vamwe vachava nomurangariro wakashata, vamwe nomurangariro wakanaka. Kufanana naKarebhi wekare, vimbai naJehovha. Taurirai vamwe mifungo yenyu yakanaka. Uye kana kutaura kwakashata kukasanganwa nako, chinjai nhau yacho kuti mudzivise mifungo yakashata.”

Lloyd Barry, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora uye iye amene aichimbova mufundisi, akapa zano rinoshanda. “Rudo, mufaro, uye rugare mavara anokosha nokuda kwavafundisi vatsva,” iye akadaro. “Muchaziva utera hwavamwe vari mumusha wenyu wavafundisi, asi nangidzirai ngwariro pautera hwenyu mumene.” Iye akayeuka mazuva ake apakuvamba muJapan apo vafundisi vaifarikanya hove zuva riri rose, asi ipapo vafundisi vatsva vakasvika avo vairwadzwa nehove. Naizvozvo rudungwe rwezvokudya rwakachinjwa nemhaka yorudo nokuda kwavatsva. Iye akapawo zano, kuti: “Chengetai pfungwa yenyu yomufaro; musatongorege zuva richivira mune zvinetso zvipi nezvipi zvamunenge munazvo. Chengetai rugare mumusha, uye muchafara muupenyu hwenyu hwoufundisi.”—VaEfeso 4:26.

Jack Redford, mumwe wavaraidzi veGilead, ipapo akataura pamusoro penyaya inoti: “Jehovha Achapedza Kurovedzwa Kwenyu,” achivakira tsinhiro dzake pana 1 Petro 5:10. Iye akati: “Jehovha anogona kukurovedzai kupfurikidza nokubvumidza migariro kumuka iyo yakaoma kutarisira. Sezvo iye akarovedza vaapostora kutarisira rwisano dzohunhu, iye achakurovedzai. Musaora mwoyo apo kunenge kune misiano yomurangariro. Ivai vakagadzirira kuchinja hunhu hwenyu. Rudado runoita kuti ikoku kuve kwakaoma, asi kuzvininipisa kunoita kuti kuve kunobvira. Dzidzai kuva vanochinjika. Jehovha achakurovedzaiwo kufambidzana navamwe. ‘Musapa mwoyo wenyu kumashoko ayo vanhu vangataura’ pamusoro penyu.” (Muparidzi 7:21, 22) Chitambudzo chinobatirawo serovedzo. Vafundisi vakatsungirira chitambudzo vanofara uye havana kuzvidemba, mufaro bedzi wokuva vakarovedzwa nechitambudzo.

Ulysses Glass, mumwe muraidzi, ipapo akapa mashoko ake okupedzisira kuvanopedza kufunda. Iye akanangidzira ngwariro pana VaEfeso 4:1-3, achirumbidza kirasi nokuda kwokuratidzira mavara anobatanidza anorondedzerwa imomo uye kuvakurudzira kupfuurira kuita saizvozvo. “Rugare runobatanidza, uye rwuri madikanwa nokuda kwechinzwano.” Iye ipapo akapfuurira naVaEfeso 4:4-6 uye akahwirudzura kutyisa kwomudzimu waMwari, achiyeuchidza vose kuti “Jehovha ndiye Manyuko esimba rose guru. Tinofanira kumutya; chinhu chinotyisa kuwira mumaoko ake.”—VaHebheru 10:31, NW.

Kariro Dzakakwirira

Ipapo vose vakateerera nefariro huru kuna Theodore Jaracz, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, uyo akataura pamusoro wakatanhamariswa, unoti: “Zvinhu Zvinovaka Kariro Dzedu.” Achirangarira pana 1 VaKorinte 2:9, iye akati: “Iyi ndima haisi kutaura pamusoro pezvinhu zvorudzi rwokunyama, nokuti ndima inotevera, 1 VaKorinte 2:10, inotaura nezve‘zvinhu zvikuru zvaMwari.’ Ikoku kunobatanidza ‘uchenjeri hwaMwari’ pamusoro pe‘chakavanzika chinoyera,’ ‘uchenjeri hwakavanzwa’ hwake uhwo hwakanga hwauya huchibva mberi kwezuva rino nemitumbi yomudenga, hungu, kuna Mwari amene.” (1 VaKorinte 2:7) Vateereri ipapo vakanongedzerwa kuna Isaya 64:4, icho chakanga chiri chiyeuchidzo cho‘kuramba muchikarira’ Mwari nezvinhu zvaakagadzirira.

Vanhu vaMwari vane kariro dzakadini chaizvoizvo! Hama Jaracz akaonesa zvinotevera: “Muna 1919 makanga mune kuwa kweBhabhironi Guru; muna 1922 zano rinofadza rokuti ‘zivisai Mambo noUmambo,’ kuparidzira Umambo hwakagadzwa munyika yose; muna 1935 vanhu vaMwari vakadzidza revo ye‘boka guru’ riri pana Zvakazarurwa 7:9; muna 1943 ivo vakaona Gilead School ichivamba kutumira vafundisi kumigumo yapasi; nhasi, muna 1989, imi vanopedza kufunda mune ropafadzo yokutaura mashoko akanaka kuvanhu vari mumigove yenyu avo vanodisa kunzwa.”

Pashure pokunge magwaro apiwa, mumwe wavadzidzi akarava tsamba inoorora yokuonga yakabva kukirasi.

Mumasikati, Lon Schilling, mutsinhiranisi weDare reWatchtower Farms, akaitisa fundo yeNharireyomurindi yakapfupikiswa. Ipapo vadzidzi vakapa purogiramu yenziyo inofadza ndokuratidzira zvakati kuti zvezvinoitika zvavo zvebasa romumunda. Pashure paikoku, vaparidzi vomunzvimbomo vakapa chinoitika chine simba chine musoro, unoti: “Kugonana Namabasa Amanomano aSatani.” Pakupedzisira, pashure pokuteerera kubvunzurudzwa kwavatanhatu vavanopedza kudzidza vatsva, boka rinofara rakaimba rwiyo rwokugumisa uye vakafadzwa nokukumbanira mumunyengetero napurezidhendi ane makore 96 okukura weGilead School, Frederick Franz.

[Bhokisi riri papeji 23]

MASHOKO EKIRASI

Chiverengero chenyika dzakamirirwa: 5

Chiverengero chenyika dzakagoverwa kwadziri: 10

Chiverengero chavaroorani: 12

Hwerengedzo yavadzidzi: 24

Avhareji yezera: 30,9

Avhareji yamakore muzvokwadi: 13,4

Avhareji yamakore muushumiri hwenguva yakazara: 9,2

[Mufananidzo uri papeji 23]

Kirasi Inopedza Kufunda yechi 87 yeWatchtower Bible School of Gilead

Mundaza iri pasi apa, mitsetse inorongwa nhamba kuvambira mberi kuenda shure uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.

(1) Heindel, E.; Andrews, D.; Casavant, D.; Montanez, E.; Nale, P.; Koukaras, S. (2) Miell, T.; Heithaus, M.; Melton, T.; Hagberg, N.; Kettinen, M. (3) Kettinen, L.; Andrews, W.; Koukaras, E.; McCollough, S.; Melton, G.; McCollough, J. (4) Heindel, W.; Casavant, G.; Miell, G.; Montanez, J.; Nale, M.; Hagberg, I.; Heithaus, K.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe