Musha Mutsva Wechikoro Chavafundisi cheGilead
PANA FEBRUARY 1, 1943, Nathan H. Knorr, aichimbova purezidhendi weWatchtower Bible and Tract Society, akakurukura hurukuro yokuzarura kukirasi yokutanga yechikoro chitsva. Iye akatsanangurira vadzidzi ivavo vane zana rimwe kuti “hakusati kuri donzo reichi [chikoro] kukushongedzerai kuva vashumiri vakagadzwa. Imi munotova vashumiri uye mave muchishingaira muushumiri kwamakore. . . . Kosi yefundo . . . iri chose chose nokuda kwedonzo rokukugadzirirai kuva vashumiri vanokwanisa zvikuru.” Kusvikira kuzuva rino Watchtower Bible School of Gilead inopfuurira kurovedza vashumiri nokuda kwebasa rokumwe roufundisi.
Shure muna 1943, Gilead School yakaiswa munharaunda yeFinger Lakes yeNew York State. Gilead yakaramba iriko kwamakore 17. Ipapo, muna 1961, iyo yakaendeswa muBrooklyn. Nokuda kwedonzoiko? Kosi yefundo yeGilead nguva dzose yakarongedzerwa kuita zvinodikanwa zvesangano. Kudikanwa kwokukudza nokuronga zviri nani nzvimbo dzamapazu mupasi rose kwakaraira kuraidzwa kukuru zvikuru kwavadzidzi nemitezo yavashandi vapadzimbahwe veZvapupu zvaJehovha, riri muBrooklyn. Naizvozvo kwechiverengero chakati chamakore, simbiso yaiva pakurovedza vashandi vamapazu. Pashure paikoko, ngwariro yaivazve pabasa roufundisi.
Kwamakore 27 akatevera, 1961 kusvikira kuna 1988, vadzidzi veGilead School vakafarikanya ropafadzo yokugara nokudzidza pakati chaipo pavashandi vapadzimbahwe muBrooklyn. Ipapo vadzidzi vakabetserwa nesonganiro yapedyo nemitezo yoMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha uye navamwe vashumiri vane ruzivo rwokuzviwanira. Inzirai iri nani yokudzidza nayo kuti bazu reWatch Tower Society rinoshanda sei? Vadzidzi vakabetserwa kwete bedzi nerovedzo mukirasi asiwo nokucherechedza vashandi vapadzimbahwe vachishanda zuva rimwe nerimwe.
Gilead School yakava nomuuyoi pabasa rokuparidzira ramarudzi ose? Pavatsinhiranisi vamatare amapazu 93 vanobatira kuchengeta basa rakarongwa munyika yose, 74 ndivakapedza kufunda veGilead School. Ikoku hufakazi hwerovedzo yakaisvonaka ava varume vakagamuchira yokutarisira mutoro unorema wokufudza vanhu vaMwari nhasi. Vatariri vanofambira vasingaverengeki zvino vari kubatira zvinodikanwa zvesangano vakundiwo veGilead School. Hungu, gadziriro yerovedzo paGilead School yakaramba yakavambirana nezvinodikanwa zvesangano.
Gilead Inobuda muBrooklyn
Zvakare, zvisinei, chisarudzo chakaitwa chokubvisa Gilead School. Naizvozvo mumunakamwe wa 1988, marori mana akazara nefanicha nemidziyo yomuhofisi akasvika pamusha wechitatu weGilead—Watchtower Farms, dziri muWallkill, New York. Mukati memwedzi miviri chete, vashandi vanogadzira zvinhu paWatchtower Farms vakagadzirira makirasi akaisvonaka, raibhurari, uye hofisi dzechikoro. Vamwe vakashanda masikati nousiku kugadzirira nzvimbo dzechikoro kuti dzipere nguva isati yasvika yokuti kirasi inotevera ivambe rovedzo yavo.
Pana October 17, 1988, kirasi yechi 86 yeGilead yakatanga. Pasina kurashikirwa nechinhu chipi nechipi, chikoro chakapfuuridzira donzo racho ro‘kurovedza varume navakadzi kuva vashumiri vanokwanisa zvikuru.’ Mumhoteredzo yacho itsva yakaisvonaka kuWatchtower Farms, kumwe kwokunzwa kwechikoro chapakuvamba munharaunda yeFinger Lakes kwakadzorerwa.
Kirasi Yechi 86 Inopedza Kufunda
Pana March 5, 1989, vashandi vose vapadzimbahwe reWatchtower muBrooklyn neWatchtower Farms vakasangana pamwe chete kuJersey City Assembly Hall kuzogoverana mukupedza kufunda kwekirasi yechi 86. Daniel Sydlik, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora, akazarura purogiramu yacho nomunyengetero. Karl Klein woMutumbi Unodzora akabatira sasachigaro. Musumo yake, iye akasianisa vafundisi vokumwe vechiKristudhomu naavo veZvapupu zvaJehovha. Vafundisi vakarovedzwa neGilead vakabudirira sei mukudzidzisa zvokwadi yeShoko raMwari munyika dzakadai seJapan, umo mune zvino Zvapupu zvinopfuura 131 000 zvinogoverana nokushingaira muushumiri hwomumunda!
Nomusoro unoti “Mabasa Akanaka Ngaave Chiratidzo Chenyu,” Donald Krebs akarondedzera basa rinokosha zvikuru vafundisi veGilead vakaita muwedzero munyika yose yesangano raJehovha. “Mabasa enyu akanaka mumunda woufundisi savadzidzisi veShoko raMwari achava . . . vara renyu rinosianisa. Tinokukurudzirai kushanda zvakaoma. Jehovha achakomborera zvikuru nhamburiko dzenyu.”
George Gangas, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora, akapa hurukuro ine simba pamusoro unoti “Bhaibheri Ndiro Bhuku Rakanakisisa Pasi Pezuva.” Iye akapa zano vakapedza kufunda, kuti: “Musakanganwa kufunda Bhaibheri. Bhaibheri rakazara nezvinokosha zvomudzimu . . . izvo zvinopenya nokutaima. Munhu anozvikoshesa anoda kuzvitarira azvitarirazve ndokufarikanya mavara azvo anotaima.”
Musoro waRichard Eldred waiva uyu “Munogona Kuita Musiano.” Sezvo vafundisi vatsva vachitapura upenyu hwavamwe vanhu, ivo vanogona kuita musiano wakananga. Varume navakadzi vomunguva dzakare vakadai saDhavhidhi, Nehemia, Dhebhora, uye Abhigairi vaiva nepesvedzero yakananga pavamwe kupfurikidza nokuvatarisira zvikuru, kuchengeta kutenda kwoushingi, uye kuratidzira chimiro chinyoro, chomudzimu.
“Verengai Zvikomborero Zvenyu” ndiwo akanga ari mashoko aLyman Swingle, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora, kukirasi inopedza kufunda. Pashure pokurondedzera zvishomanene zvezvikomborero kirasi yacho yakava nazvo, zvakadai sokukwanisa kupedza mwedzi mishanu mufundo yakakomba yeBhaibheri, iye akavakurudzira, kuti: “Sezvo mugumo unoswedera pedyo, mungawana kuti nhano ingakurumidza, mugwagwa ungava wakaipa zvikuru, nzira ine materu zvikuru. Asi ivai nechokwadi chokuti hamutongoneti, kuti hamutongoregi, kuti hamusati muchitongova muregi.”
Mumwe wavaraidzi, Jack Redford, akakudziridza musoro unoti “Simba Renyu Ngarirege Kuva Utera.” Achivakira pazano raSoromoni, “Usava munhu wakaisvorurama,” iye akanyevera nezvokunyanyovimba nezvinhu zvomunhu oga panzvimbo pokuvimba naJehovha. (Muparidzi 7:16, 17) “Mavara akanaka anonyanyiswa anogona kuva ngozi.” Somuenzaniso, munhu ane simba riri mutemo nomurau anganyanyisa vara rakadaro kupfurikidza nokuva ane rumano zvikuru. Nokudaro, iye akapa iri zano kukirasi: “Tose zvedu tinofanira kuziva utera hwedu, asi tinofanira kuzivawo masimba edu. Iva akarurama asi kwete kuzviruramisa. Vimbai naJehovha. Itai Jehovha simba renyu.”
Ulysses Glass, muraidzi nomunyori wechikoro, akatsanangura mashoko aJesu, “Takurai joko rangu.” (Mateo 11:29, 30, NW) Pano Jesu ari kukoka vadzidzi vake kuti ‘vapinde pasi pejoko rake’ naye. Iye haana kuda kuvaremedza. Iye airangarira zvikurusa zvinodikanwa zvavamwe. Iye akaratidza kuzvininipisa. Iye haana kutuka vadzidzi vake. Jesu akati, “Dzidzai kwandiri.” Mufundisi anofanira kuva nendangariro yaKristu. Uyu mukurukuri akarumbidza kirasi nokuda kwomudzimu wavo wokupa ndokuvakurudzira kupfuurira kuratidza mudzimu mumwe cheteyo mumigove yavo yokumwe.
Sezvo rusando rwamangwanani rwakasvika kumugumo, mutezo woMutumbi Unodzora Carey Barber akapa hurukuro yakasimba pamusoro unoti “Kucheka Ndiko Mhedziso Yetsika Yezvinhu.” Iye akakwevera ngwariro kuzadziko yomuzuva razvino uno yomuenzaniso waJesu wegorosi namashawi. (Mateo ganhuro 13) Kutanga, vakazodzwa vaKristu vanounganidzwa. Ipapo, zvikurukuru chifo chegore ra 1935, mamwe makwai akakumbanira muku‘chekwa.’ Gilead School yakaita basa rinoshamisa mukubetsera kucheka vadzidzi vaKristu.
Pashure pokunge vakapedza kufunda vapiwa magwaro avo, mumwe wechiverengero chavo akarava tsamba youshamwari inotaura mirangariro yavo pamusoro perovedzo nengwariro zvavakagamuchira kuvaraidzi nemhuri yeBheteri. Murutivi, tsamba yacho yakati: “Fariro yenyu matiri kwete bedzi sekirasi yeGilead asi savanhu vamwe navamwe yakatiorora uye inzira yakafanirwa nokutevedzera. Tiri kuparadzana nemirangariro yakavhengana—kusuruvara kuenda nemhaka yokuti ticharasikirwa nokuvapo kwenyu asi kufara namanyemwe pamusoro pomugove wedu mutsva.”
Nokuda kwepurogiramu yamasikati, vakapedza kufunda vakatora rutivi muFundo yeNharireyomurindi yakaitiswa naRalph Walls. Ipapo kirasi yakaratidzira mapfundo makuru ezvinoitika izvo ivo vakava nazvo muushumiri hwomumunda mukati mokugara kwavo kuWatchtower Farms. Dare Rokudzidzisa roMutumbi Unodzora rakapa purogiramu yemitambo inofadza yaiva nomusoro unoti “Kuremekedza Chiremera Kunosimudzira Chinzwano” uye kuratidzwa kwamasiraidhi anoratidzira mufaro vafundisi munyika dzakawanda vakagoverana mauri mumakore apfuura. Purogiramu yakaguma nomunyengetero womwoyo wose wakapiwa naFrederick Franz, purezidhendi ane makore 95 okukura weWatchtower Bible School of Gilead.
Kupfurikidza nokuita kwavo kune mbavarira kupurogiramu, avo vaivapo vakaratidzira kutsigira kwavo vafundisi vanokarirwa nokuonga purogiramu yacho. Hapana panikiro yokuti vakapedza kufunda 24 vekirasi yechi 86 yeGilead vakatsunga kuita Jehovha simba ravo sezvavanoenda kumigove yavo yakaropafadzwa mumunda woufundisi.
[Bhokisi riri papeji 21]
MASHOKO AVADZIDZI
Chiverengero chavaroorani: 12
Chiverengero chavadzidzi: 24
Chiverengero chenyika vadzidzi vakabva: 6
Chiverengero chenyika dzakagoverwa kwadziri: 12
Avhareji yezera: 32,3
Avhareji yamakore muzvokwadi: 14,1
Avhareji yamakore muushumiri hwenguva yakazara: 9,1
[Mufananidzo uri papeji 23]
Kirasi Inopedza Kufunda yechi 86 yeWatchtower Bible School of Gilead
Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi kuenda shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe.
(1) Parrott, R.; Imig, E.; Benig, G.; Bengtsson, E.; Baart, W; Ihander, K. (2) Lewis, J.; Hilario, L.; Lindmark, A.; Antoncich, C.; Agurs, C. (3) Bengtsson, R.; Parrott, J.; Benig, J.; Imig, J.; Baart, A.; Rissell, S. (4) Rissell, M.; Lewis, L.; Antoncich, M.; Hilario, R.; Agurs, H.; Lindmark, L.; Ihander, J.