RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 12/1 p. 20
  • Betsero Yakanakisisa Yokuziva Nguva Yemberi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Betsero Yakanakisisa Yokuziva Nguva Yemberi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu Hwevanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Bhaibheri Rinochinja Upenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Nzira Yakagutswa Nayo Nyota Yangu Yokunamata
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 12/1 p. 20

Betsero Yakanakisisa Yokuziva Nguva Yemberi

Yakanyorwa Nomunhu Akawana Nzira Yokuupenyu

RUDZIDZISO rwaiita rutivi runokosha muupenyu hwemhuri yangu. Baba vangu vakanga vari muJudha, uye kunyange zvazvo vakanga vatendeukira kuchiKaturike kuti varoore amai vangu, ivo vakanga vachine ruremekedzo rukuru nokuda kweBhaibheri. Amai vakabva kumhuri yaiva namagamuchidzanwa eKaturike akasimba zvikuru—vaviri vavakoma vavo vakanga vari manani, imwe hama yokunyama yakanga iri mumonsignor, uye vazukuru vaviri vakanga vari mafriar.

Mukati mehondo yenyika yechipiri, funganyo, rutyo, uye tyisidziro yenguva dzose yokuendeswa kumusasa wechibharo nokuda kwokuva muJudha zvakasvitsa baba vangu kukukurumidza kufa. Vachidavira zvakasimba mudzidziso yokusafa kwomweya, amai vangu vaitora rutivi mumisangano yokudavira midzimu, vachiedza kuonana nababa vangu.

Pandakasvika ukuru, rudzidziso rwamagamuchidzanwa rwakapfuurira kuva rutivi rwoupenyu hwangu. Ndakaramba ndiri “muKaturike akanaka.” Kunyanguvezvo, chiKaturike chaisagona kutsanangura icho nguva yemberi yakanga yakandichengetera. Ndiani wandaigona kutendeukira kwaari nokuda kwebetsero mukuiwana?

Kungofanana neizvo amai vangu vakanga vamboita, ndakabvunzawo masvikiro. Sezvo iwo aivamba kugara kuri kwose nechiratidzo chechipiyaniso neminyengetero, ndakapwiswa kuti zvinoitika zvechienzi zvandaipupurira zvaibva kuna Mwari. Pakanga pari paiyi nguva apo ini, ndichida kuita chimwe chinhu kusunungura kutambura kwavamwe, ndakakumbanira sangano reKaturike iro raironga nzendo dzokunzvimbo tsvene yaMaria kuLourdes, uko vanorwara vaikarira kuporesa kwamanenji.

Ndakanga ndisati ndambonzwa nezveZvapupu zvaJehovha kutozosvikira pazuva apo murume wangu akagamuchira magazini maviri ayo ndakawana achifadza zvikuru. Chakandiorora zvikurusa chaiva chokuti Bhaibheri rakanokorwa mashoko mukutsigirwa kwetsinhiro dzaiva mumagazini acho. Pakarepo ndakaziva kuti izvi zvinyorwa zvaizova zvinobetsera zvikuru mukuwana zivo yeShoko raMwari. Ndakanyora ndichikumbira kuzvinyoresa kumagazini acho ose ari maviri. Zvapupu zvaJehovha zvakandishanyira, uye ndakavamba kufunda Bhaibheri.

Ndakanga ndine mbavarira zvikuru pamusoro pezvokwadi dzeBhaibheri dzandakanga ndichidzidza uye ndakavamba kutaura pamusoro padzo kuvazivikanwi. Ndakakatyamadzwa nokuita kweimwe shamwari, iyo yaironga nzendo dzorudzidziso, apo ndakamuudza kuti ndakanga ndichinzvera Bhaibheri neZvapupu. Iye akashatirwa zvikuru uye akataura zvinhu zvakashata pamusoro pazvo zvokuti ndakaenda. Ipapo ndaifanira kutarisana nechishoro chakabva kumurume wangu. (Mateo 10:36) Pakutanga kwakanga kwakaoma, asi apo ndakashandisa zvikuru zvinhu zvandakanga ndichidzidza, upenyu hwangu hwemhuri hwakachinja zvikuru nokuda kwezviri nani. Ndakabhapatidzwa muna 1977.

Ndakaziva kuti ndingadai ndisina kutongowana nzira yokuupenyu kudai Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisina kundiratidza fariro kupfurikidza nokuedza kundibetsera kusvika pakuziva zvokwadi dzinoshamisa dzeBhaibheri. Ndakaziva kuti iniwo ndaiva mumusengwa wokuita zvose zvandaigona kubetsera vamwe kusvika pakuziva pamusoro paJehovha nedonzo rake rinoshamisa nokuda kwenguva yemberi. Ndaizoita sei ikoku? Nzira yakanakisisa yakanga iri kutanga ushumiri hwenguva yakazara. Sezvo ndaigara mumhuri yakakamuraniswa mune zvorudzidziso, ikoku kwakanga kusiri nyore nokuda kwangu. Asi ndakavimba netsigiro yaJehovha nenhungamiro ndokutizira kwaari. Zvino, ndiri kurarama makore anofadza zvikurusa oupenyu hwangu sapiona wenguva dzose. Ndinopwiswa zvikuru kupfuura nakare kwose kuti “Jehovha akanaka” uye kuti munhu upi noupi “anotizira maari” anofara.—Pisarema 34:8, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe