Itariroi Iripo Nokuda Kwavakafa?
IMWE mhuri duku yakanga ichienda kumhenderekedzo yegungwa yokumabvazuva yeSouth Africa nokuda kwezororo. Vabereki vomudzimai vakanga vari muimwe motokari pamberi chaipo. Kamwe kamwe, tai rakaputika. Apo vakanga vachigadzirira kurichinja parutivi pomugwagwa, muchairi akadhakwa akapinda mumotokari mbiri. Mutana nomudzimai wake vakafa. Murume muduku akafa mazuva mashomanene gare gare. Mudzimai wake akatambura mbabvu dzakadimuka nokumwe kukuvara. Mwana wake akatambura kukuvara kwouropi kunouraya mitezo.
Haiwa ingwavaira yakadini nokuda kweiyi mhuri ine mhanza yakaipa! Apo Carolann, munun’una womudzimai muduku, akanzwa mashoko acho, akaoma muviri. Ngwavaira dzakafanana neiyi dzinoitika munyika dzose. Hama dzokunyama dzinorohwa nenhamo neshamwari kazhinji kazhinji vanoshamisika, ‘Vakafa vakafa chaizvoizvo here,’ kana kuti . . .
‘Vakafa Vapenyu Here?’
Anodokuva marudzidziso ose anodzidzisa kuti mweya haufi. Nokudaro, vateveri vawo vanodavira kuti avo vanofa havana kufa chaizvoizvo asi vachiri vapenyu mudenga, purigatori, kana kuti hero. Sezvinodzidziswa muchechi dzakawanda, avo vari munzvimbo yapashure vanotambura zvinotyisa nokusingagumi kwose. Asi Mwari worudo angaparira chaizvoizvo kutambura kwakadaro pazvisikwa zvake here?—1 Johane 4:8.
Hakusati kwaizoratidzika kuva kwakadaro, asi tinogona sei kuva nechokwadi? Rangarira nokungwarira chibvumikiso cheBhaibheri chinotevera. “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake, munhu akava mweya mupenyu.” (Genesi 2:7) Ko uku kutaura kwakafuridzirwa kunotaura kuti munhu wokutanga, Adhama, akapiwa mweya here? Aiwa, iye akava mweya, munhu mupenyu. Ikoku kunosimbiswa nomuapostora Pauro, uyo akanyora, kuti: “Munhu wokutanga, Adhama, sezvinotaura rugwaro, akava mweya mupenyu.” Pauro akanga achinokora mashoko muna Genesi.—1 VaKorinte 15:45, The Jerusalem Bible.
Ko mweya womunhu unogona kufa here? Muporofita Ezekieri akanyora, kuti: “Mweya yose—ndeyangu. Somweya wababa naizvozvo nenzira yakafanana mweya womwanakomana—ndeyangu. Mweya unotadza—iwo umene uchafa.” (Ezekieri 18:4, 20, NW; Muparidzi 9:5, 10) Sezvinooneka, kana mweya wafa, ipapo munhu haana chaanoziva, nokudaro haagoni kuva achitambura. Muhurukuro yake yavose yokutanga pashure pePentekosta 33 N.V., muapostora Petro akazivisa, kuti: “Zvamazvirokwazvo, mweya upi noupi usingateereri Muporofita iyeyo [Jesu] uchaparadzwa chose chose pakati pavanhu.” Naizvozvo mweya unofa.—Mabasa 3:23, NW.
Vakafa Vachararamazve Here?
Vose avo vanodavira kuti Bhaibheri nderechokwadi vanoziva kuti Jesu akafa uye akamutswa pazuva rechitatu. (Mabasa 10:39, 40) Ikoku kwaigona sei kuitika? Kupfurikidza nesimba romudzimu mutsvene waMwari.
Ko rumuko rwaJesu rwakanga rwuri rwechienzi here? Aiwa. Pauro akanyorera ungano yaiva muKorinte, kuti: “Kristu akamutswa kuvakafa, akava chibereko chokutanga chavavata. Nokuti rufu zvarwakauya nomunhu, kumuka kwavakafa kwakauya nomunhuwo . . . Kristu.” (1 VaKorinte 15:20-22) Nokudaro, vazhinji vachamutswa muna vakafa. Jesu akatiwo: “Musashamiswa naikoku, nokuti nguva iri kuuya umo vose avo vari mumahwiro echirangaridzo vachanzwa inzwi rake ndokubuda, avo vakaita zvinhu zvakanaka kurumuko rwoupenyu.” (Johane 5:28, 29, NW) Ikoku kunovimbisa rumuko rwamamirioni.
Kana tsananguro iri pamusoro apa yanyandura fariro yako murumuko, ungabvunza kuti, ‘Rumuko ndorwavanaani, uye rini?’ Ngatirangarirei mibvunzo iyoyo inokosha.