RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 10/15 pp. 4-7
  • Rumuko—Nokuda Kwavanaani Uye Rini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rumuko—Nokuda Kwavanaani Uye Rini?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Neiko Vanhu Vachifanira Kufa?
  • Chii Chiri Mugariro Wavakafa?
  • Rumuko Rwapasi
  • Rumuko—Manyuko Enyaradzo
  • Rumuko—Rini?
  • Tariro Yechokwadi Nokuda Kwevadiwa Vako Vakafa
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Mushonga Bedzi Worufu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Tariro Yechokwadi
    Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
  • Vakafa Vachamuka!
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 10/15 pp. 4-7

Rumuko—Nokuda Kwavanaani Uye Rini?

KWAKAITIKA mugore ra 32 N.V. kuBhetania, uko Razaro aigara nehanzvadzi dzake mbiri, Marta naMaria. Hanzvadzi dzacho dzakanga dzatumira shoko kuna Jesu rokuti Razaro akanga achirwara. Jesu aida Razaro nehanzvadzi dzake, naizvozvo Iye akaenda kuBhetania. Ari munzira, Jesu akazivisa vadzidzi vake, kuti: “Razaro, hama yedu, wavata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope.” Vadzidzi vakafunga kuti Jesu akareva kuvata chaikoiko. Naizvozvo Jesu akataura zvakajeka, kuti: “Razaro wafa.”—Johane 11:1-15.

Vashanyi vakasvika mazuva mana pashure porufu rwaRazaro. Apo Jesu akaona Maria navamwe vachichema, iye “akachema misodzi,” achiratidza rudo rwake rukuru netsitsi. (Johane 11:17, 35) Mutumbi wakafa waRazaro wakanga waiswa mubako. Jesu akaraira kuti ibwe rakavhara suo reguva ribviswe. Iye akanyengetera kuna Baba vake uye ipapo akadanidzira nenzwi guru, achiti: “Razaro, buda!” Razaro akabuda. Ikoku kunofanira kuva kwakaunzira hanzvadzi dzake mufaro wakadini!—Johane 11:38-45.

Ichi chinoitika chinogovera tariro chaiyoiyo yorumuko. Zvisinei, kazhinji kazhinji, rufu muvengi anotyisa uyo anotora vadiwa vedu pasina kariro yokuvamutsa kwaJesu nokukurumidza. Sezvatinosanoziva, vazhinji vaava vanhu vanodiwa vakanaka uye vane mutsa zvikuru. Nokudaro, mubvunzo uri pachena unomuka . . .

Neiko Vanhu Vachifanira Kufa?

Kana tichida mhinduro yakarurama, yakavimbika, tinofanira kutarira shure kumavambo orudzi rwomunhu mubindu reEdheni. Achiedza teerero yaAdhama, Mwari ikoko akamuraira kusadya muchero womuti wakati. Kana iye naEvha vakadya muchero wacho, Mwari akati, vaizo“fa zvamazvirokwazvo.” (Genesi 2:17, NW) Apo vakaedzwa naSatani, vakasateerera Mwari ndokukundikana mumuedzo iwoyo wakakomba. Rufu rwakavapo.

Neiko chirango chakadaro nokuda kwemhaka inoratidzika kuva duku? Chiito chavo chakanga chiri chiduku, asi mhaka yacho yakanga yakakomba zvikuru—kupandukira kwaitwa navanhu vakakwana, Adhama naEvha, Musiki wavo. Ivo vakanga vachasiri vakakwana, uye Mwari akaita tongero yorufu. Bva, Mwari akaronga kuti tongero yakarurama iyoyo ichinjwe nokuda kwavazukuru vaAdhama. Seiko? Pauro akanyora kuti “Kristu Jesu . . . akazvipa amene sorudzikinuro runowirirana nokuda kwavose.”—1 Timotio 2:5, 6; VaRoma 5:17, NW.

Chii Chiri Mugariro Wavakafa?

Razaro akanga akafa kwamazuva mana. Kudai iwe wakanga wafa asi wakanga uri mupenyu chaizvoizvo munzvimbo yemidzimu kwamazuva mana uye ipapo wakamutswa, hausati here waizoda kuudza vamwe pamusoro pako? Asi Razaro haana kutaura chinhu pamusoro pokuva akanga ari mupenyu muimwe nzvimbo yakati. Bhaibheri rinoti: “Kana vari vakafa, havana chinhu chavanotongoziva.”—Muparidzi 9:5, NW; Pisarema 146:3, 4.

Rangarira zvinobatanidzwa zvaikoko. Mamirioni avanhu anodavira mupurigatori, kunyange zvazvo shoko racho risingaoneki muBhaibheri. Vamwe vazhinji vanodavira kuti kune hero yomwoto. Zvisinei, iwe hausati waizopisa kunyange muvengi mumwoto nokusingagumi. Kana iwe waizoramba kuita chinhu choutsinye chakadaro, Musiki wedu ane rudo aizoita saizvozvo kupfurikidza nokuita kuti vanhu vatambure muhero yomwoto here? Asi rangarira, tapota, vimbiso yeBhaibheri inonyaradza yadudzwa pamusoro apa—vakafa “havana chavanotongoziva.”

Mukuwirirana naMagwaro, chiverengero chichatonga naKristu mudenga chiduku zvikuru. Jesu akavarondedzera se“boka duku.” (Ruka 12:32, NW) Muapostora Johane akaona “Gwaiana [Jesu Kristu] rimire pagomo reZioni [rokudenga], uye vaiva naro vane zviuru zvine zana namakumi mana nezvina . . . vakadzikinurwa vachibva pasi.” (Zvakazarurwa 14:1-3, NW) Ikoku kunoreva, ipapoka, kuti vanhu vakadaro vakanga vave vari vanhu, vakanga vafa, uye gare gare vakamutswa kuti vagare mudenga naKristu.

Sezvaunogona kufungidzira, vanhu vakabetserwa nokunzwisisa idzi zvokwadi dzeBhaibheri—kuti hakuna purigatori kana kuti hero inopisa uye kuti kune tariro yokuti vanhu vakafa vanogona kumutsirwa kudenga. Zvisinei, kana avo vanomutsirwa kudenga vari vashomanene kwazvo, itariroi iripo nokuda kwavamwe?

Rumuko Rwapasi

Jesu Kristu akazarura, kana kuti akatanga, nzira yokukumutsirwa kuupenyu mudenga. (VaHebheru 9:24; 10:19, 20) Naizvozvo, Johane Mubhapatidzi haasati achizotora rutivi murumuko rwokudenga nemhaka yokuti akapondwa Jesu asati afa ndokuzarura nzira yokuupenyu hwokudenga. Jesu akati: “Hakuna kumuka mukuru kuna Johane Mubhapatidzi; asi muduku muushe hwokudenga mukuru kwaari.” (Mateo 11:11) Itusoi inopa Mwari uyu murume akatendeka navamwe vakafanana naye vakafa?

Bhedhenura Bhaibheri rako kuna Ruka 23 uye rava ndima 39 kusvikira ku 43 Ruka 23:39-43 . (NW) Mumwe wavaiti vezvakaipa uyo akaroverwa parutivi paJesu akati: “Jesu, ndiyeukei apo munopinda muumambo hwenyu.” Jesu akamuvimbisa kuti aizova muParadhiso. Iroro harisi denga, asi iparadhiso yapasi, sezvakanga zvakaita Paradhiso yokutanga.

Rumuko—Manyuko Enyaradzo

Kariro yakanaka iyoyo yeBhaibheri inofanira kuva inonyaradza zvikuru, sezvo tine chikonzero chokukarira. Neiko? Nemhaka yokuti Jehovha rudo. (1 Johane 4:8) Apo iye akabvumira Mwanakomana wake kufa rufu runonyadzisa, Mwari akanga achiratidzira zvomenemene vara rake rinoshamisa rorudo. Pane imwe nguva pamberi pezvi, Jesu akanga ati: “Mwari akada nyika [rudzi rwomunhu] zvikuru kwazvo zvokuti iye akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johane 3:16, NW.

Jesuwo akaratidza rudo rwechienzi mukupa upenyu hwake sorudzikinuro nokuda kworudzi rwomunhu runotenda. Iye amene akati: “Mwanakomana womunhu akauya, kwete kuti ashumirwe, asi kuti ashumire nokupa mweya wake sorudzikinuro mutsinhano navazhinji.”—Mateo 20:28, NW.

Carolann, uyo adudzwa munyaya yokutanga saakarasikirwa nechiverengero chakati chavadiwa vake mutsaona inotyisa, akaoma muviri pashure payo. Asi iye akanyaradzwa nokuziva kuti vadiwa ivavo vakafa vakanga vasiri kutambura. Chii mukuwedzera chakamubetsera kugonana nako? Rudo nenyaradzo dzechokwadi zvakaratidzwa nehama dzake dzomudzimu, Zvapupu zvaJehovha, zvakabvumikisa kuva zvinobetsera zvikuru.—Pisarema 34:18.

Munyengetero kuna Jehovha wakabetserawo zvikuru kwazvo. Usiku hwakawanda iye aimuka ndokufunga kuti zvose zvakanga zviri chiroto chakashata, asi ipapo zvomene yaimurova. Teterero kuna Jehovha yaimunyaradza, uye iye akanzwisisa zvikuru kwazvo izvo Pauro akanyora: “Musafunganya pamusoro pechinhu chimwe; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwe chete nokuonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.”—VaFiripi 4:6, 7.

Shirley anogovera mumwe muenzaniso wokuti tariro yorumuko inonyaradza sei. Mwanakomana wake muduku Riccardo akaurawa kamwe kamwe apo chidimbu chinorema chekongiri chakawira pachipfuva chake, chichitsemura mwoyo wake muduku. Pashure peiyi ngwavaira, muna January 1986, Shirley akaudza shamwari, kuti: “Kwakanga kwakafanana nechiroto chakashata.” MuChechi yeKaturike iye akanzwa awa mashoko: “Mwari achatonga vapenyu navakafa.” Shirley akavamba kufunga kuti, ‘Kana Mwari achizotonga vapenyu navakafa, ipapo munhu anogona kuziva sei uko vanhu vanoenda pashure porufu? Uye kana ivo vari mudenga, kuvamutsireiko gare gare kuti vatongwe? Kupfuurirazve, ivo vanogona sei kumutswa kana vari vapenyu mudenga?’ Hakuna nzvimbo apo Bhaibheri rinodudza rumuko rwavapenyu asi bedzi rwavakafa.

Shirley akabvunza murume wake pamusoro peichi chinetso, sezvo iye akanga akarovedzana neBhaibheri. Apo akangonzwisisa bedzi zvakati kuti zveizvo Magwaro anotaura pamusoro penhau yacho, Shirley haana kutongodzokera kuchechi. Imwe hama yokunyama iyo iri mumwe weZvapupu zvaJehovha yakavamba kufunda Bhaibheri naShirley nomurume wake muna March 1986, uye nguva refu isati yapera ivo vakabhapatidzwa. Iye zvino anogumisa, kuti: “Kunoshamisa kwazvo kuziva zvokwadi, kuziva pamusoro porumuko, uye kuziva kuti Jehovha munhu anoshamisa zvakadini.”

Rumuko—Rini?

Muchiono, muapostora Johane akaona “boka guru, rakanga risina munhu aikwanisa kuverenga, rakabva mumarudzi ose namadzinza navanhu nendimi, rimire pamberi pechigaro choumambo napamberi peGwaiana.” (Zvakazarurwa 7:9, NW) Kuti boka guru ‘rimire pamberi pechigaro choumambo chaMwari’ kunotsinhirana neidi rokuti ivo vachararama pasi pano. (Isaya 66:1) Kana vakati kuti vavo vakafa zvino, vachamutswa rini? Bhaibheri haripi musi, asi kuchava pashure pehondo iri kusvika umo Mwari achabvisa mupasi avo vose vasingadi kurarama mukuwirirana nemipimo yake yakarurama. (2 VaTesaronika 1:6-9) Ikoko kuchazarura nzira yeZuva roRutongeso norumuko rwaavo vose Mwari anorangarira savari mumutsara nokuda kworumuko rwapasi. (Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15) Zadziko youporofita hweBhaibheri inobvumikisa kuti izvi zvinoitika zvinofadza nezvinoshamisa zvichaitika nokukurumidza!—Zvakazarurwa 16:14-16.

Vadzidzi vaJesu vakambomubvunza, kuti: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” Mumhinduro Jesu akadudza hondo, perevedzo dzezvokudya, kudengenyeka kwapasi, nhenda, uye kuparidzirwa mupasi rose kwamashoko akanaka oUmambo.—Mateo 24:3-14, NW; Ruka 21:7-11.

Uhwu uporofita hunoshamisa hwave huchizadzika chibviro cha 1914, apo Hondo yeNyika I yakavamba. Iyo yakauraya mamirioni ndokuparira nzara neperevedzo dzezvokudya munyika dzakawanda. Mugariro wenyika mukati napashure peHondo yeNyika II wakanga wakaipa zvikuru kwazvo.

Pamusoro penhenda, vazhinji vanorangarira kuti muenzaniso wakaipisisa iAIDS. “Murakatira wacho wapararira kwazvo uye unouraya kwazvo zvokuti nyanzvi dziri kuuenzanisa neBlack Death iyo yakauraya chikamu chimwe chezvina chechiverengero chavagari veEurope muzana ramakore regumi nerechina.”—Reader’s Digest, June 1987.

Nemhaka yezvinotyisa zvazvino zvakadaro, rumuko ruchava chinoitika chinoshamisa zvakadini! Ichava nguva yomufaro usingadzivisiki apo mhuri dzakapunzwa norufu, dzakadai seidzo dzaCarolann naShirley, dzichabatanidzwazve! Nenzira yakajeka, nzira ine mufungo yomumwe nomumwe wedu kuronga upenyu hwedu zvino muwirirano nokuda kwaMwari nokudaro ndokukwanirisa kuvapo apo rumuko runoitika.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Bhaibheri rinotaura kuti seizvo chaizvo muti ungatemerwa pasi ndokubukira zvakare, Mwari anogona kumutsa muna vakafa avo vari muyeuko yake.—Jobho 14:7-9, 14, 15

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe