RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 10/1 p. 31
  • Aids—‘Mavambo Etsika Itsva Here’?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Aids—‘Mavambo Etsika Itsva Here’?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 10/1 p. 31

Aids—‘Mavambo Etsika Itsva Here’?

PASHURE pokuonesa kuti mumwe chiremba akanga ataura kuti “vatano nomukwanyina mumwe chose chose” ndiyo nzira bedzi yokudzivisa nayo kubata AIDS muvatano, mumwe munyori wechikamu chomupepeti wenhau weCanada anobvunza, kuti: “Ko AIDS inotyiwa ingagona here kuva mavambo etsika itsva chose munyika yedu?” Munyori wacho akashamisikawo kana kusiri “kwechienzi” kuti izvo Bhaibheri rakadzidzisa kwamakore, ndiko kuti, mukwanyina mumwe weroorano, “zvino ingagona kuva nhau yokupukunyuka kworudzi rwomunhu.” Chichinongedzerawo kunyika yanhasi ye“mirimo, fodya, zvinodhaka uye chisiri chiduku, kunyanyisa muvatano,” chikamu chinonyorwa nomupepeti wenhau chinoti: “Zvino tiri kubhadhara mutengo wenyika yezvinyorwa zvoutere, yokusasarura muvatano, inoshatisa yatakaparira.”

Nepo kwakanaka kukarira vandudziko mumufambiro uye nokuda kwepukunyuko, kunongova zvako here kutyiwa kworufu rwokukurumidza kana kuti kwomugumo worudzi rwomunhu uko kuchaparira “tsika itsva chose”? Aiwa, nokuti pasinei zvapo nenyevero dzinobva kuna vanachiremba navanzveri, vasvuti vazhinjisa navanamusiya dzasukwa vezvinodhaka vanopfuurira noupenzi kukuvadza utano hwavo, vachisvitsa upenyu hwavo kumugumo wokukurumidza. Uye vamwe vavatani vane mitezo mimwe chete yevatano vakataura kuti ivo vachapfuurira navakwanyina vazhinji kunyange pangozi yokubata AIDS.—Zvirevo 10:21, 23.

Chiiko, ipapoka, chichadzora zvakafanira kuita chakaipa? Zvirokwazvo, kutyiwa kwakanaka nokuremekedzwa kwaJehovha, zvinoonwa mukuteererwa kwemitemo yake pamusoro petsika. “Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo.” Uye rudzi urwu rwezivo runoparira uchenjeri uhwo zvamazvirokwazvo “hunoponesa vene vahwo.”—Zvirevo 1:7; Muparidzi 7:12.

Nenzira inokosha, mumupepeti wenhau, achicherechedza kuti AIDS ingabatwawo kupfurikidza nokuisirwa ropa, akabvunzawo kuti: “Ha[ku]setsi here kuti isu takashurikidza zvikuru Zvapupu zvaJehovha nokuda kwokuramba kuisirwa ropa . . . zvino tingava tichiita chinhu chimwe chetecho nokuda kwezvimwe zvikonzero?”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe