RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 9/15 p. 30
  • Nzwisiso Panhau

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzwisiso Panhau
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pesvedzero yaSatani
  • “Isingadzorwi”
  • Pwere Dzanhasi—Ndivananyajambwa Vari Nyore Vokunamata Satani Here?
    Mukai!—1994
  • Kunamata Satani Munguva Yedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Kufarira Kuita Zvemashiripiti—Kwakaipirei?
    Mukai!—2002
  • Zvinotsigira Kunamata Satani Mirimo Nenziyo dzeHeavy-Metal
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 9/15 p. 30

Nzwisiso Panhau

Pesvedzero yaSatani

Pashure pokuita nzvero pamusoro pepesvedzero youSatani munziyo dzerock nedzechienzi zvikuru, munyori wenhau wepepanhau reToronto Tom Harpur anonyora muThe Sunday Star, kuti: “Ndinofanira kupa nyevero yakasimba zvikurusa inobvira pamusoro pechiri kuitika. . . . Handisati ndatongoona chinhu chipi nechipi chakashata kudaro. Nziyo dzacho dzakazadzwa noupengo, kubatwa namadhemoni, madhemoni, ropa, tuko, masimba masimba orudzi rwuri rwose, kubatanidza kubata chibharo, kuzvicheka, kuponda, uye kuzviuraya. Rufu noruparadziko, mauporofita ejambwa, kurambwa kwechose chiri chakanaka nokugamuchirwa kwechose chinotyisa zvikuru nechakaipa—iyoyi ndiyo misoro yacho.”

Inowirirana newedzero yenziyo dzousatani iwedzero mumubato wesekete wousatani muUnited States neCanada. Richishuma pamusoro pekosi yamapurisa yemisi ichangobva kupfuura iyi muOntario, The Globe and Mail, pepanhau reCanada, rinotaura kuti masekete ousatani “anobatanidzwa muzvibairo zvemhuka, kushatiswa kwamakuva nokushatiswa kwavana nomuitiro.” Mufeyi James Bradley weWashington, D.C., akabatanidza mazana ezvinoitika zvokushatiswa kwavana nemhaka dzomuitiro dzouSatani. Sezvinonokorwa mashoko muThe Globe and Mail, mufeyi Bradley anowedzera kuti mumakore mashanu apfuura, mishumo yemiitiro yokushatisa vana yakabva ku“mazana avana, mazana avashandi vomunzanga navadzidzisi.”

Achinongedzera ku“mazuva okupedzisira” etsika yakaipa yazvino yezvinhu, muapostora Johane akanyora, achiti: “Dhiabhorosi akaburukira kwamuri, ane hasha huru, achiziva kuti ane nhambo pfupi yenguva.” (2 Timotio 3:1; Zvakazarurwa 12:12, NW) Pesvedzero yaSatani, “mutongi wesimba romweya,” inotekeshera kunyange munziyo dzakakurumbira dzenyika ino. (VaEfeso 2:2, NW) Ndokusaka muapostora Pauro akapa zano maKristu biyake kuti “mirai nesimba mukurwisana namanomano aDhiabhorosi.”—VaEfeso 6:11, NW.

“Isingadzorwi”

Apo munjairikadzi ane makore 28 okukura akarohwa ndokubatwa chibharo muCentral Park yeNew York City, mamirioni avanhu akakatyamadzwa nokushamiswa. Chikonzero chacho? Kudenha kwoupengo nokwoutsinye kwakaitwa negen’a ravechiduku vane “kufara kwakaipa mumuuyo nokusakendenga kwavo kukutambura kwakaitwa kunotyisa zvirokwazvo,” inoshuma kudaro New York Post. Dzimwe dzepwere dzaiva nomutoro wemhaka yakashata zvikuru dzakashumwa kuva duku samakore 14. Akatyamadzwa nedenho yacho, mumwe munyori wePost akabvuma kuti nyika yazova “chaunga chisina kurangwa, chinozvifadza, chakazadzwa nemirimo, chakazadzwa nevatano, chine mhuri dzakapunzika, chinopenga namasimba masimba” zvokuti “haidzorwi uye mubvunzo ndouyu: neiko?”

Zvomenemene, ichi chizvarwa chamasimba masimba asina muenzaniso ndicho chaizvoizvo chakadeya kutaurwa nomuapostora Pauro pana 2 Timotio 3:1-5. Imomo iye akatsanangura kuti “mazuva okupedzisira” aizoratidzirwa navanhu “vane udyire, vane makaro, vanodada, uye vanozvitutumadza.” Uyezve, “ivo vachava vanotuka, vanosingateereri vabereki vavo, vasingaongi, uye vasiri vorudzidziso; ivo vachava vasina mutsa, vasina ngoni, vacheri, vane masimba masimba, uye vanotyisa; ivo vachavenga chakanaka; ivo vachava vanochera, vasingangwariri, uye vanodada; ivo vachada mufarwa panzvimbo paMwari.” (Today’s English Version) Ko iyi nyika yamasimba masimba icharamba “isingadzorwi” kusvikira kunguva isingazivikanwi here? Aiwa! Jesu akati: “Sezvo izvi zvinhu zvinotanga kuitika, zvisimudzei mumene kuti tote uye simudzai misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.”—Ruka 21:28, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe