“Ndinofanira Kuitei Kuti Ndiponeswe?”
“NDINOFANIRA kuitei kuti ndiponeswe?” Uyu mubvunzo wakabvunzwa shure mugore ra 50 N.V. nomurindi wetorongo muFiripi, Makedhonia. Kwakanga kuchangobva kuva nokudengenyeka kukuru kwapasi, uye masuo etorongo ayo aitarisira akanga azaruka ose. Achirangarira kuti vasungwa vakanga vatiza, murindi wetorongo akanga odokuzviuraya amene. Asi mumwe wavasungwa, muapostora Pauro, akadanidzira, achiti: “Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose!”—Mabasa 16:25-30.
Pauro nomusungwa biyake, Sirasi, vakanga vauya kuFiripi kuzoparidzira shoko roruponeso, uye ivo vakanga vari mutorongo nemhaka yepomero dzenhema dzavakaitirwa. Achionga kuti vasungwa vakanga vasina kutiza, murindi wetorongo akada kunzwa shoko raPauro naSirasi. Aizofanira kuiteiko kuti afarikanye ruponeso rwakaparidzirwa naava vafundisi vaviri vechiKristu?
Vanhu nhasi vachiri kuda ruponeso urwo Pauro naSirasi vakanga vachiparidzira. Nenzira isingafadzi, kunyanguvezvo, vazhinji vanorangarira nhau yokuponeswa nenyumwiro huru. Ivo vanodziviswa nokuzvitutumadza noudyire zvechiverengero chakati chavezvorudzidziso vaye vanoti vanovadzidzisa nzira yokuponeswa nayo. Vamwe vanobva mumanyemwe asina mufungo anoratidzira marudzidziso akawanda eevhangeri ayo anosimbisa pfungwa yoruponeso. Munyori wenhau weEngland Philip Howard akataura kuti vanonzi vaevhangeri vakadaro “vanodenha manyemwe namaoko anosaina cheki panzvimbo pendangariro dzavateereri vavo.”—Enzanisa na 2 Petro 2:2.
Vamwezve vanokatyamadzwa nechinjo idzo pane dzimwe nguva dzinoitika muvanhu vanodavira kuti vakava nechinoitika “chinoponesa.” Mubhuku ravo Snapping, Flo Conway naJim Siegelman vanokurukura zvinoitika zvakawanda zvorudzidziso—kubatanidza “kuponeswa”—izvo zvakava zvakakurumbira mumakumi amakore mashomanene apfuura. Ivo vanonyora pamusoro po“rutivi rwakaipa” rwezvinoitika zvakadaro uye vanotaura kuti vanhu “vanopinzwa” muchinjo dzohunhu dzakamwe kamwe idzo dzinokundikana kupa gutsikano yakavimbiswa nenzwisiso asi panzvimbo pezvo zvinoparira nyengedzo, ndangariro dzakavharwa, uye kusakwanisa kutarisana nechinhu chaichoicho. Vanyori vanowedzera, kuti: “Isu tinogona kurondedzera muitiro wacho somumwe wokuvhara ndangariro, wokusafunga.”
Ikoku kwakanga kusina kudaro apo maKristu omuzana rokutanga ramakore akawana ruponeso. Murindi wetorongo weFiripi haana ‘kuvhara ndangariro yake’ apo muapostora Pauro akapindura mubvunzo wake, “Ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?” Uye Pauro naSirasi havana kutanga ‘denho pamanyemwe ake’ ndokukumbira mupiro mukuru wemari. Panzvimbo pezvo, “vakataura shoko raJehovha kwaari.” Vachirangarira nomurume wacho, ivo vakamubetsera kusvika pakunzwisiswa kwakajeka kwegadziriro dzaMwari dzoruponeso.—Mabasa 16:32, NW.
“Tenda kunaShe Jesu”
Vafundisi ivavo vechiKristu vakazarurira ndangariro yomurindi wetorongo kuzvokwadi huru pamusoro poruponeso. Iyo yakanga iri zvokwadi imwe cheteyo iyo muapostora Petro akatsanangura apo ungano yechiKristu yakatanga kutangwa. Petro akanongedzera kubasa guru raJesu Kristu munhau yoruponeso, achimudana kuti “Mumiriri Mukuru woupenyu.” Muapostora iyeyo akatiwo: “Hakuna ruponeso muna ani naani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pavanhu ratinofanira kuponeswa naro.” (Mabasa 3:15; 4:12, NW) Pauro naSirasi vakatungamirira uyu murindi wetorongo reFiripi kuMumiriri mumwe cheteyu nokuda kworuponeso apo iye akati: “Tenda kunaShe Jesu, ungoponeswa.”—Mabasa 16:31.
Kunyanguvezvo, kutenda Ishe Jesu kunorevei? Neiko kusina rimwe zita kunze kweiro raJesu ratinogona kuponeswa naro? Ko munhu ari wose pakupedzisira achawana ruponeso here? Ko vaapostora vaidavira here pfungwa yokuti “ukangoponeswa bedzi, waponeswa nguva dzose”? Iyi mibvunzo inokosha nemhaka yokuti, pasinei zvapo neidi rokuti mashoko nezviito zvaverudzidziso vazhinji vazvino uno zvakakombamira kuzvidza shoko racho, tichiri kuda ruponeso. Tose zvedu tinoda mhinduro inogutsa, ine mufungo kumubvunzo, unoti: “Ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?”