Tsika Dzevatano Dzinosemesa—Dzakare Nedzazvino Uno
KUNAMATWA kwaMoreki, mumwe wavamwari vaMoabhi kwakanga kuchisemesa sei? Paolo Mantegazza anonyora mubhuku rake The Sexual Relations of Mankind kuti vaMoabhi venguva dzeBhaibheri vaiita zviito zvevatano zvakaipa “murwiyo, sezvo vaitamba vachitenderera mufananidzo unopenya waMoreki, pashure pokunge miromo minomwe yebhuronzi yamwari yapedza zvipiriso zvavakatendeka, zvipiriso zvaiumbwa neupfu, njiva, matehwe amakwai, makondohwe, mhuru, mikono, uye vakomana vaduku.” Iye anowedzera, kuti: “Munhu upi noupi akarava Bhaibheri anofanira kuyeuka kutuka kunotyisa kwakaitwa naMosesi pavaHebheru vaya vakaita upombwe naMoreki. Baal-Phegorwo, kana kuti Belphegor [Bhaari wePeori], uyo akanga ari mwari anodikanwa wavaM[e]dhia, aigamuchirwa nembavarira yokunyanyisa navaJudha, uye sekete yake yakanga isina kuipa zvishoma kupfuura miitiro yaMoreki.”—Revhitiko 18:21, New World Translation Reference Bible, mashoko omuzasi; Re 20:2-5; Numeri 25:1-5; Jeremia 32:35.
“Mbavarira yokunyanyisa” yavaJudha ivavo inowana wirirano nhasi mu“tsika itsva” idzo dzakaoneka, zvikurukuru muUnited States nedzimwe nyika dzechiKristudhomu, muma 1960.
Mukuwana miuyo inosvika kure yechinjo iyoyo yevatano, Drs. Alexandra naVernon H. Mark, vanyori pamwe vebhuku The Pied Pipers of Sex, vakapa mirangariro yavo muchikamu che“Speaking Out” cheMedical World News, Houston, Texas, U.S.A. Muna 1985 ivo vakanyora, kuti:
“Mumakore 25 apfuura, chaunga chakapupurira chinjo huru mutsika dzevatano. . . . Uku kuparadzwa kwetsika dzegamuchidzanwa kwakanzi chinjo yevatano.” Pashure pokududza vanachiremba vane mutoro weiyi chinjo muzvimiro zvevatano, vanyori vakazivisa kuti: “Mukupesana neizvo munhu angakarira kumipiro yavo yomunhu mumwe nomumwe, [ava vanachiremba] vakava nomuuyo unoshamisa pachaunga namasangano acho ose. Panzvimbo pokuonga ava vatsigiri vevatano, tinofanira kuderedza pesvedzero yavo kupfurikidza nekutsigira chimiro chine mufungo nechakadzikama pamusoro pomufambiro wevatano nokudzivirirwa kwoutano hwavose.
“Kusunungurwa kwehasha dzakazara dzechinjo yevatano kuchigere kubereka betsero dzipi nedzipi dzinoyereka kunyika yose zvayo—kutoti tikafunga pamusoro pemhindu yemari. Asi nesimbiso yayo pavatano senhandaro nomutambo womuyevi, chinjo yacho yakaparira zvinetso zvakawanda izvo zvinotityisidzira nenyongano yechaunga—runyoka somuenzaniso. VD harisi denda idzva, asi zvino razova mukondombera, ichiparira marudzi matsva amabacteria echienzi uye zvinhu zvakafanana nevirus. Hosha yemitezo yokubereka nayo, isingarapiki muvakuru, yakaparira nzufu dzavacheche nokuzvimba uropi. AIDS . . . yakawana nzira yayo yokupinda nayo muchaunga chedu chikuru uye muropa ravanyajambwa vasina mhaka kupfurikidza neropa rinopiwa rakashatiswa.”
Ava vanyori vanosvika kumhedziso: “Ufakazi hunowedzera hunopa mhaka vatungamiriri vechinjo yevatano hwakasimba. Ivo vakavimbisa mufaro, rusununguko, uye utano hwakanaka. Ivo vakapa nhamo, hosha, uye kunyange rufu.” Bhaibheri rinojekesa pamire vatungamiriri ivavo. Somuenzaniso, 1 VaKorinte 6:9, 10, (NW) inoti: “Chii! Ko hamuzivi kuti vanhu vasina kururama havazati vachizogara nhaka umambo hwaMwari here? Musatsauswa. Uyewo zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana kuti mhombwe, kana vanhu vakachengeterwa madonzo asati ari omuzvarirwo, kana varume vanovatana navarume . . . havazati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.”—Onawo Judhasi 7.