RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 9/15 pp. 4-7
  • Chatinofanira Kuita Kuti Tiponeswe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chatinofanira Kuita Kuti Tiponeswe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Gadziriro Yoruponeso
  • Zvinodikanwa Nokuda Kworuponeso
  • “Ukangoponeswa Bedzi, Waponeswa Nguva Dzose” Here?
  • “Iye Akatsungirira . . . Achaponeswa”
  • Bhaibheri Rinodzidzisa Here Kuti ‘Kana Munhu Aponeswa, Atoponeswa Zvachose’?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Chii Chinonzi Ruponeso?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Kuponeswa—Zvakunoreva Chaizvoizvo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinotenda Kuti Ndizvo Chete Here Zvichaponeswa?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 9/15 pp. 4-7

Chatinofanira Kuita Kuti Tiponeswe

NEIKO tichida kuponeswa? Nemhaka yokuti tose zvedu tinotambura miuyo ine ngwavaira yechivi: kusakwana, marwadzo, chirwere, nhamo, uye pakupedzisira rufu. Muapostora Pauro akatsanangura kuti ikoku kwakadaro nemhaka yokuti sekuru wedu Adhama akapandukira mutemo waMwari. Pauro akanyora, kuti: “Kupfurikidza nomunhu mumwe [Adhama] chivi chakapinda munyika uye rufu kupfurikidza nechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nemhaka yokuti ivo vose vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12, NW) Neiko chivi chaAdhama chakaparira rufu kupararira kuvanhu vose? Chaizvoizvo, ikoku kwakanga kuri nemhaka yokushanda kwomusikirwo kwezvinhu.

Apo Adhama akatadza, akashurikidzirwa kurufu muwirirano nomutemo woumwari. Ikoku kwakanga kuri zvose zviri zviviri kwakarurama nokuri madikanwa. Kwakanga kwakarurama, nokuti upenyu hahusi maruramiro asi chipo chakabva kuna Mwari. Kupfurikidza nokutadza namaune, Adhama akarasikirwa namaruramiro ose echipo ichocho. (VaRoma 6:23) Kushurikidzwa kwaAdhama kurufu kwakanga kuri madikanwa nemhaka yokuti hakuna chinhu chisina kukwana chinogona kubvumidzwa kupukunyuka ndokushatisa chisiko chapose pose kusvikira kunguva isingazivikanwi. Nokudaro, apo Adhama akatadza, akavamba kufa uye akanga asisina upenyu hwakakwana, husingatadzi hwokugamuchidza kuvana vake senhaka. Iye aigona bedzi kuvapa upenyu hwakashatiswa nokusakwana nechivi.—VaRoma 8:18-21.

Isu hatifaniri, zvisinei, kukanganwa kuti kunongova bedzi nemhaka yomutsa usakafanirwa waMwari kuti tine kunyange kuvapo kupfupi uko kuri mugariro wedu nhasi. (Jobho 14:1) Mwari haana kusungirwa kubvumira Adhama naEvha kuva navana vasati vafa. Iye akavabvumira kuita saizvozvo kuti abvumikise kuti vanhu vasina kukwana vaizotsigira uchangamire hwaMwari kupfurikidza nokuchengeta perero yavo kwaari. Mwari akabvumirawo ikoku nemhaka yokuti aiziva kuti pakupedzisira aizodzikinura, kana kuti kuponesa, vazukuru vanogamuchira vavapanduki ivavo vapakuvamba, Adhama naEvha. Seiko?

Gadziriro Yoruponeso

Jehovha Mwari aisagona kungoisa zvake parutivi rutongeso rwake rwakarurama. Iye haagoni kukanganwa nenzira isina mufungo chivi chapakuvamba chaAdhama neizvo zvose rudzi rwomunhu rwakawedzera kwachiri chibviro chenguva iyeyo. Kudai Mwari aizofuratira mitemo yake amene yakarurama, ikoku kwaizosekesa kuremekedzwa kwegadziriro yake yose yeruramisiro nechivimbo mairi. Fungidzira danidzo yaizonzwiwa kudai, nemhaka yepfungwa yakati yomunhu oga, mutongi wohunhu akabvumidza nenzira isina mufungo tsotsi kusarangwa. Zvisinei, mambo anonzwira tsitsi anogona kuronga nenzira yakafanira kuti faindi yomutemo ibhadharwe nokuda kwomunhu ane mhaka nomumwe munhu akati anodisa. Ikoku, nenzira yakati, ndiko uko Mwari akaita nokuda kwedu.

Jehovha akaronga kuti Mwanakomana wake amene, Jesu Kristu, ape upenyu hwake hwakakwana hwohunhu munzvimbo youpenyu hwakakwana hwakaraswa naAdhama. Jesu akatakura nokudisa chirango chezvivi zvedu—rufu. (Isaya 53:4, 5; Johane 10:17, 18) Bhaibheri rinoti: “Mwanakomana womunhu akavinga . . . kuzopa mweya wake sorudzikinuro mutsinhano navazhinji.” (Mateo 20:28, NW; 1 Timotio 2:6) Hakuna mumwezve aigona kuita ikoku. Jesu akanga akasiana mukuti iye akaberekwa asina chivi uye akaramba ari munhu akakwana, asina chivi kusvikira kurufu rwake. (VaHebheru 7:26; 1 Petro 2:22) Kutendeka kwake kusvikira kurufu kwakaita kuti kumubvirire kubhadhara chirango chomutemo nokuda kwezvivi zvedu.

Yeuka, kunyanguvezvo, kuti Mwari, Mutongi Mukurusa, haana musengwa wokusunungura munhu ari wose. Iye anorangarira upenyu hwakakwana hwomunhu hwakabairwa hwaJesu somuripo womungava watinawo nokuda kwechivi. Asi Jehovha Mwari haasati achizoshandisa iwoyu kuvatadzi vasingapfidzi, vasingaongi, vamaune. Panzvimbo pokupa rudzi rwakati rwokukanganirwa kwavose kana kuti ruponeso rwavose, Bhaibheri rinoonesa migariro inofanira kusvitswa kana tichizoponeswa mumiuyo yechivi chakagarwa nhaka.

Zvinodikanwa Nokuda Kworuponeso

Naizvozvo, ipapoka, chii chinodikanwa nokuda kworuponeso? Chinodikanwa chikuru ndiicho muapostora Pauro akataura kumurindi wetorongo weFiripi, kuti: “Tenda kunaShe Jesu, ugoponeswa.” (Mabasa 16:31) Kugamuchirwa kwomwoyo wose kweropa rakadeurwa raJesu kunokosha kana tichizoponeswa. Uye ruponeso rucharevei nokuda kwedu? Jesu akaratidzira mhinduro yacho paakati: “Ndinovapa upenyu husingaperi, uye ivo havasati vachizomboparadzwa.” (Johane 10:28, NW) Nokuda kwavazhinjisa, ruponeso ruchareva upenyu husingaperi papasi richadzorerwa kukukwana kweparadhiso. (Pisarema 37:10, 11; Zvakazarurwa 21:3, 4) Kana riri “boka duku,” zvisinei, kuchareva kutonga naJesu muUmambo hwake hwokudenga.—Ruka 12:32, NW; Zvakazarurwa 5:9, 10; 20:4.

Vamwe vanokarakadza kuti chitendero muna Jesu ndiwo mugumo wenhau yacho. “Kunongova nechinhu chimwe chete icho ani naani anoda kuita kuti aende kudenga,” rinodaro rimwe turakiti rorudzidziso. “Ndiko kuti, kugamuchira Jesu Kristu soMuponesi wake pachake, kuzviisa pasi Pake saIshe naTenzi, uye kubvuma pachena Iye saakadaro pamberi penyika.” Nokudaro, vazhinji vanodavira kuti chinoitika chokutendeuka chakamwe kamwe, chamanyemwe ndicho tinoda bedzi kuti tive nechokwadi choupenyu husingaperi. Zvisinei, kupa ngwariro pachinodikanwa chinokosha chimwe bedzi choruponeso ndokurega zvimwe kwakafanana nokurava chikamu chimwe chinokosha chiri muchibvumirano nokufuratira zvasara.

Ikoku kunova pachena zvikuru apo tinoteerera tsinhiro dzavamwe avo pane imwe nguva vaifunga kuti kutaura chitendero muna Jesu ndiko bedzi kwaidikanwa kuponeswa. Bernice anoti: “Ndakarererwa muBrethren Church, asi ndakasvika pakushamisika chikonzero nei, kana upenyu husingaperi huchitsamira chose chose pana Jesu, iye amene akati: ‘Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari mumwe bedzi wechokwadi, uye youyo makatuma, Jesu Kristu.’”—Johane 17:3, NW.

Kwamakore mapfumbamwe Norman akapwiswa kuti akanga aponeswa. Asi ipapo iye akaona kuti zvakawanda zvaidikanwa kupfuura kubvuma kwamanyemwe kuti Jesu Kristu akanga ari Muponesi wake. “Ndakaona muBhaibheri kuti kwakanga kusina kukwana kungobvuma chete kuna Mwari kuti tiri vatadzi uye tinoda ruponeso,” iye anodaro. “Tinofanirawo kuita mabasa akakodzera rupfidzo.”—Mateo 3:8; Mabasa 3:19.

Hungu, kudavira Jesu kunokosha kuruponeso rwedu, asi zvakawanda zvinodikanwa. Jesu akataura nezvavamwe vakataura kutenda maari uye kunyange kuita “mabasa ane simba” muzita rake. Asi iye haana kuvaziva. Neiko? Nemhaka yokuti ivo vakanga vari “vaiti vokusateerera mutemo” uye vakanga vasingaiti kuda kwaBaba vake. (Mateo 7:15-23, NW) Mudzidzi Jakobho anotiyeuchidza nezvokudikanwa kwo“kuva vaiti veshoko, ndizvo kwete vanzwi bedzi, tichizvinyengera timene nokurangarira kwenhema.” Iye akatiwo: “Imi munodavira kuti kuna Mwari mumwe, hamudaro here? Muri kuita zvakanaka zvikuru. Asi madhemoni anodavira uye anodedera. . . . Kutenda kusina mabasa kwakafa.”—Jakobho 1:22; 2:19, 26, NW.

Vamwe, kunyanguvezvo, vanoita nharo kuti avo vanoponeswa zvechokwadi vanoita zvavo zvinhu izvozvi. Asi ikoko ndiko chaizvoizvo here? Denis, uyo ‘akagamuchira Jesu’ apo akanga ari mukomana muduku, anoti: “Vanhu ‘vakaporeswa’ vandakaziva havanzwe kudikanwa kukuru kwokunzvera Magwaro nemhaka yokuti vanofunga kuti vanotova nezvose zvavanoda nokuda kworuponeso.” Zvamazvirokwazvo, unyengeri namabasa asiri echiKristu zvavazhinji vanotaura kuva vakaponeswa zvakazvidzisa nhau yose yoruponeso.

Kunyanguvezvo, vazhinji vanotaura kuti Magwaro anoti: “Uyo anodavira Mwanakomana ano upenyu husingaperi.” (Johane 3:36, King James Version) Naizvozvo, ivo vanogumisa kuti kana vangogamuchira bedzi Ishe Jesu Kristu soMuponesi wako pachako, hausati uchizotongogonazve kurasika. “Ukangoponeswa bedzi, waponeswa nguva dzose” ndiko kutaura kwavo. Asi izvozvo ndizvo zvinotaura Magwaro chaizvoizvo here? Kupindura ikoku, tinofanira kurangarira chinhu chiri chose Bhaibheri rinotaura pamusoro penhau yacho. Hatisati taizoda ku‘zvinyengera timene nokurangarira kwenhema’ kupfurikidza nokungorava bedzi mativi akasarudzwa eShoko raMwari.

“Ukangoponeswa Bedzi, Waponeswa Nguva Dzose” Here?

Cherechedza nyevero yakafuridzirwa yomudzidzi Judhasi. Iye akanyora, kuti: “Vadikanwa, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakaona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurairai kuti murwire kwazvo kutenda kwakadeya kupiwa vatsvene kamwe.” (Judhasi 3) Neiko Judhasi akanyora ikoku? Nemhaka yokuti aiziva kuti maKristu mamwe namamwe aigona kungorasikirwa no‘ruponeso rwawo ose.’ Iye akapfuurira kuti: “Ndinoda kukuyeudzai . . . kuti [Jehovha, NW] wakati amborwira vanhu [vaIsraeri] munyika yeEgipita, akazoparadza avo vakanga vasingatendi.”—Judhasi 5.

Nyevero yaJudhasi yaizova isina maturo kudai maKristu asina kutarisana nengozi yakafanana neiyo yavaIsraeri ivavo. Judhasi akanga asiri kupanikira ukoshi hwechibairo chaJesu. Chibairo ichocho chakatiponesa muchivi chaAdhama, uye Jesu achadzivirira avo vanoshandisa kutenda maari. Hakuna munhu anogona kuvabvuta muruoko rwake. Asi tinogona kurasikirwa nedziviriro iyoyo. Seiko? Kupfurikidza nokuita zvakaitwa navaIsraeri vazhinji vakaponeswa muEgipita. Isu tinogona kusarudza namaune kusateerera Mwari.—Dheuteronomio 30:19, 20.

Fungidzira kununurwa mushongwe iri kutsva. Funga nezvenyaradzo yawaizonzwa sezvo iwe wakatorwa zvakakotsekana muchivako uye mununuri akati: “Iwe wakotsekana zvino.” Hungu, waizova waponeswa murufu rwechokwadi. Asi chii chaizoitika kana ukasarudza kudzokera ndokupinda muchivako chacho nokuda kwechikonzero chakati choupenzi? Upenyu hwako hwaizovazve mungozi.

MaKristu ari mumugariro wokuponeswa. Iwo ane kariro youpenyu husingaperi nemhaka yokuti ari munzvimbo yakatenderwa pamberi paMwari. Seboka, ruponeso rwawo muchivi chaAdhama nemiuyo yacho yose ndorwechokwadi. Asi somunhu mumwe nomumwe iwo achaponeswa kuupenyu husingaperi bedzi kana akapfuurira kunamatira kuzvinodikanwa zvose zvaMwari. Jesu akasimbisa ikoku paakazvifananidza amene nomuzambiringa uye vadzidzi vake namatavi ari mumuzambiringa iwoyo. Iye akati: “Davi rimwe nerimwe riri mandiri, risingabereki zvibereko, [Mwari] vanoribvisa; . . . Kana munhu asingagari mandiri, unorashwa kunze sedavi, ndokuoma; vanoaunganidza, ndokuakandira mumwoto, atsve.” (Johane 15:2, 6; VaHebheru 6:4-6) Avo vanorasikirwa nokutenda muna Jesu vanorasikirwawo noupenyu husingaperi.

“Iye Akatsungirira . . . Achaponeswa”

Hungu, kune chiverengero chakati chezvinhu zvinobatanidzwa mukuponeswa. Tinofanira kupinza zivo yakarurama yamadonzo aMwari nenzira yake yoruponeso. Ipapo tinofanira kushandisa kutenda muMumiriri Mukuru woruponeso, Jesu Kristu, uye kuita kuda kwaMwari upenyu hwedu hwose. (Johane 3:16; Tito 2:14) Ruponeso rune chokwadi nokuda kwaavo vanotevera iyi nzira. Asi runobatanidza kutsungirira kusvikira kumugumo chaiko kwoupenyu hwedu hwazvino kana kuti hwetsika ino yezvinhu. Bedzi “iye akatsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.”—Mateo 24:13, NW.

Pamwe chete navamwe vomumhuri yake, murindi wetorongo muFiripi akagamuchira zvakananga shoko roruponeso iro Pauro naSirasi vakaparidzira. “Vose, iye nevake vakabhapatidzwa pasina kunonoka.” (Mabasa 16:33, NW) Isu tinogona kuita chiito chakananga chakafanana. Nokudaro, tichapinda muukama hwapedyo nohwakakomborerwa naJehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye tinogona kuva nechivimbo chakakwana mugadziriro dzoumwari dzoruponeso. Murindi wetorongo weFiripi “akafara zvikuru, iye nemhuri yake yose, achitenda kuna Mwari.” (Mabasa 16:34) Nzira yakadaro ichatiparirawo ku‘fara zvikuru.’

[Mufananidzo uri papeji 7]

Chii chaizoitika kana ukamhanya ndokupinda muchivako chiri kutsva pashure pokuponeswa?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe