RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w89 8/15 pp. 25-28
  • VaGuatemala Vanogamuchira Mashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaGuatemala Vanogamuchira Mashoko Akanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Misoro Midiki
  • Kuziviswa kwoUmambo Kunovamba
  • Kuparidzira muHighlands
  • Kudzika Nomunzvimbo Dzakaderera Dzemhenderekedzo Yegungwa
  • Masimba Masimba Nechitambudzo Zvinosiana Norugare
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
w89 8/15 pp. 25-28

VaGuatemala Vanogamuchira Mashoko Akanaka

MAKOMO ebhuruu namakomo makuru anobudisa utsi nomwoto zvinooneka kamwe kamwe kure sezvo ndege inosvika dzimbahwe. Vakwiri vari parutivi rumwe vanotarira kunze napawindo ravo uye vanoona Gomo rePacaya richiputika, richibudisa utsi hwakawanda uhwo hunoumba shongwe iyo inokwira uye inoperera mudenga. Vakwiri vari parumwe rutivi vanotarira pasi uye vanoona zvikepe zvinofambiswa namachira nezvikepe zvinokwasviwa zvichiyambuka zvakatsiga Gungwa reAmatitlán. Iyi ndiyo Guatemala, nyika yemisiano mikuru.

Iri muCentral America, Guatemala inofukidza nharaunda inenge makiromita akaenzana kumativi mana 109 000. Chiono chenyika yayo chinosiana kuvambira pamakomo marefu—kubatanidza makomo anobudisa utsi nomwoto 33, 4 awo anobudisa panhambo nenhambo—kusvikira kumasango ari munzvimbo dzakaderera, matsoka emvura, uye makungwa nenzizi zvine mvura yakachena. Urefu hunovambira pamwero wegungwa kusvikira kumakiromita 4 211. Mudzimbahwe, mune tsime risingagumi, rine avhareji yetembiricha ye 24° C. gore rose. Nepo makakwirira mumakomo tembiricha ichigona kuderera kusvikira pasi pokutonhora zvikuru, nharaunda dzomumhenderekedzo dzegungwa dzingapisa mukupisa kwe 38° C. Iyi inyika inogona kukodzera chishuvo chomunhu upi noupi, ine mhenderekedzo dzegungwa, masango, makomo, nzvimbo dzakaoma, uye mipata inobereka zvibereko. Uye munharaunda idzodzi dzose, mashoko akanaka oUmambo ari kuparidzirwa.

Kuziviswa kwoUmambo Kunovamba

Kuparidzirwa kwoUmambo kwakavamba muGuatemala munenge mugore ra 1920. Pashure penguva yakati mapoka maduku avanhu vanofarira navazivisi voUmambo zvakavamba kuumbwa mumativi akasiana-siana enyika yacho. Apo vafundisi vaviri vokutanga vakasvika pana May 21, 1945, ivo vakawana fariro huru. Mumwe anorondedzera, kuti: “PaChitanhatu chechipiri pashure pokusvika kwedu, ndakasarudza kuita basa romumugwagwa namagazini. Madekwana iwayo ndakaenda ndine bhegi rangu ramabhuku rakazara mabhuku, uye muawa imwe nehafu, ndakaripedza, ndichigovera magazini 32, mabhukwana 34, mabhuku 4, neBhaibheri rimwe.” Mwedzi wokutanga iwoyo ivo vakavamba kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha 17! Hanzvadzi yokutanga mufundisi iyo yakasvika imomo ichiri kuparidzira nembavarira mashoko akanaka oUmambo makore 44 gare gare.

Misiano yakawanda mundima yokuparidzira. Dzimbahwe, Guatemala City, rine zvivako zvirefu zvakawanda zvazvino uno, pamwe chete nenharaunda dzokugara bedzi dzine misha yakaisvonaka, umo vashandirikadzi vanopindura kugogodza pasuo neindakomu. Asi pedyo pane dzimba dzine uriri hune tsvina namadziro ezvitina zvisina kupiswa namatenga akapfirirwa umo magetsi nemvura inoyerera zviri zviroto hazvo. Nemhatsa yakadaro yakatanhamara yendima, hakuna chinhu chakadai sezuvawo zvaro mubasa romumunda.

Mumakore achangobva kupfuura aya masuo akawanda haazarurwi nemhaka yokuti vose vari vaviri murume nomudzimai vari kunoshanda. Naizvozvo kuti zvipupurire kuvanhu vakadaro, Zvapupu kazhinji kazhinji zvinogoverana mubasa romumugwagwa. Vamwe vanotanga pa 5:30 a.m., vachigovera mabhuku panomira mabhazi pane mubato wakawanda. Chapupu chinofanira kuva chiri mumugariro wakanaka womuviri kuti chivambirane navanhu vari kumhanyira kuzobata bhazi ravo. Mamwe mangwanani boka reZvapupu rakasarudza kusvika vachairi vetekisi nemhaka yokuti mubato womutsetse webhazi wakanga waderera. Kukushamiswa kwavo vachairi vanoverengeka vetekisi vakabudisa makopi avo amagazini yeNharireyomurindi akatoiswa mitsetse. Mumwe kana kuti vaviri vaiva nemibvunzo, iyo hama dzakakwanisa kupindura dzichishandisa maBhaibheri avachairi vetekisi vamene.

Kuparidzira muHighlands

Panajachel ndimumwe wemisha makapoteredza Lake Atitlán, gungwa rakaisvonaka rebhuruu negirinhi rakapoteredzwa namakomo akaisvonaka namakomo matatu anobudisa utsi nomwoto. Mimwe misha yakatumidzwa mazita avaapostora. Inenge 95 muzana yavanhu ndeverudzi rwechiMayan, Cakchiquel neTzutuhil ichiva miviri yemitauro mikuru. Nepo varume vachitaurawo chiSpain, vazhinjisa vavakadzi havasati, nokuti vanopedza yakawanda yenguva yavo vari pamusha. Musha mumwe nomumwe une mupfekero wawo umene wakaisvonaka wegamuchidzanwa, kazhinji kazhinji zvakarukwa navakadzi.

Pakusvika muPanajachel, uchacherechedza kuti haina kufanana namamwe mataundi maduku muGuatemala. Mumisha yakaderera yamadziro ezvitina zvisina kupiswa kana kuti mabhuroko, unoona dzimba dzemiti dzakaisvonaka. Mumusiano unotova mukuru zvikuru ihotera dzazvino uno. Vanhu vanobva munyika yose vanouya kuPanajachel kuzoyemura Lake Atitlán.

Chapupu chimwe chinorondedzera kuti basa rokuparidzira rinoitwa sei muno: “Pachine nguva mberi chikepe chinorendwa kwezuva, uye hama dzedu dzinobva kuSololá iri pedyo, pamwe chete nedzimwe dzinoshanyira dzichibva kuGuatemala City, dzinokokwa kubetsera kufukidza ndima huru. Hama dzokuSololá ibetsero huru nemhaka yokuti zhinjisa dzadzo dzinogara panzvimbo yamakomo yakafanana neiyo tichave tichishanyira. Idzo dzinotaurawo mutauro womunzvimbomo. Rwendo runokurumidza kutanga mumangwanani. Apo chikepe chinoyambuka gungwa, vana vanoyemura mvura yakachena yebhuruu uye vabereki vanorovedza mashoko mashomanene omumutauro wacho.

“Nguva ino misha mishanu ichashanyirwa. Kutanga, mapoka matatu anoumbwa. Ipapo ivo vanoiswa vaviri vaviri—avo vanotaura mutauro naavo vasingatauri. Kune zviteshi zviduku zvitatu bedzi zvezvikepe apo tinogona kuburuka kuti tisvike iyi misha, naizvozvo boka rinoburutswa pane chimwe nechimwe. Kunofadza kuona hama dzedu dzakapfeka mupfekero wadzo wakaisvonaka wokuberekwa nawo dzichishandira pamwe chete naavo vakapfeka mupfekero wokumadokero. Ikoku makuri kumene huchapupu hwakaisvonaka kuvagari vemisha. Vana vanoda kuziva kazhinji kazhinji vanotikwazisa. Pashure pokuwana donzo reshanyo yedu, ivo vanomhanyira kundozivisa vagari vose vomusha.

“Panguva yatinosvika misha yakaderera, vanhu vazhinji vari kumirira nokudisa kuti vaone mabhukwana edu akaisvonaka kana kuti Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri ayo vana vavaudza nezvawo. Bhuku reBhaibheri ripi kana ripi rinosiiwa paimba yokutanga ndiro richakumbirwa pamisha inotevera nemhaka yokuti munhu ari wose anoda kuva nechinhu chimwe chetecho chakaisvonaka icho muvakidzani wake agamuchira. Vazhinji havagoni kurava, naizvozvo ivo vanofarikanya zvikuru mifananidzo ine chokuita neParadhiso iri kuuya. Zviso zvavo zvinopenya sezvo vanoteerera kutariro yenguva yemberi iyo Bhaibheri rinopikira pana Zvakazarurwa 21:3, 4. Tinomira zvishomanene nokuda kwezvokudya zvamasikati zvinofarikanywa zvepikiniki uye ipapo tinopfuurira kutaura kuvanhu kutozosvikira pa 3:00 p.m. Ipapo tinodzokera kuchiteshi chezvikepe kuzomirira chikepe chokutitakura. Apo munhu ari wose anenge ava muchikepe, hama dzinogoverana nomufaro zvinoitika zvadzo.

“Hanzvadzi imwe inoyeuka mufaro uyo yakanzwa apo yakanzwa mumwe mukadzi ari pamusoro pake achishevedzera kuti, ‘Hanzvadzi, hanzvadzi, ndiri pano. Mauya kuzondishanyira here. Mazviita, mazviita.’ Iye akatarira kumusoro kumuchinjiri unotevera pagomo ndokuona mukadzi wacho achimusimudzira ruoko namanyemwe. Nguva yokupedzisira iyo iye akanga ashanyira musha iwoyo, mukadzi wacho akanga aratidza fariro huru sezvo vakarangarira Bhaibheri pamwe chete. Mukadzi wacho akanga ave akamirira kudzokera kwakavimbiswa. Ivo vakagarazve pasi kuimwe fundo yeBhaibheri inofarikanywa.

“Kunyange zvazvo munhu ari wose aneta nokufamba madaro akawanda panzvimbo ine mabwe, ivo vanodisa kuziva apo rwendo runotevera ruchava. Sezvo chikepe chinosvika pamhenderekedzo yegungwa, tinoonekana netsinhiro pamusoro penhambo inofadza inotevera.”

Kudzika Nomunzvimbo Dzakaderera Dzemhenderekedzo Yegungwa

Guatemala inewo mhenderekedzo dzegungwa mbiri dzakasiana: mhenderekedzo yegungwa yePacific ine mhenderekedzo dzegungwa dzayo dzine jecha dema rinoorora nemhenderekedzo yegungwa yeCaribbean ine jecha rayo jena.

Mukati mamaminiti 45 okuchaira kubva kudzimbahwe wakananga kuPacific, chinjo yemhoteredzo nomugariro wokunze yakati o. Mugariro wokunze unopisa noune mvura wakapararira mumhenderekedzo yegungwa, uchiperekedzwa nezvipembenene zvakawanda. Michindwe, mikokonati, uye miceiba pamwe chete nemiti yakawanda zvinopa ufakazi hwokuti uri munzvimbo dzapasi dzinopisa. Kune ungano huru dzeZvapupu zvaJehovha muakawanda amataundi munharaunda macho.

Muno bhasikoro rakatsiva bhiza ramagamuchidzanwa, naizvozvo hakusi kwechienzi kuona hama dzedu dzichichovha nokushingaira muminda yenzimbe sezvo dzinopupurira paimba neimba. Imwe hama yakaitisa fundo yeBhaibheri mumwe munhu aigara kure namakiromita 35. Vhiki nevhiki iyo yaifamba nebhasikoro rayo daro iroro ruviri kuti idzidzise munhu iyeyu anofarira zvokwadi yeBhaibheri.

Iwe ungafungidzira kuti wapinda muimwe nyika kana ukashanyira zviteshi zviviri zvengarava zveSanto Tomas de Castilla nePuerto Barrios pamhenderekedzo yegungwa yeCaribbean. Mutoo wokurarama wakasiana neGuatemala yose yasara. Dzimba dzine tsangadzi namakwenzi anooneka kuvose; hauwanzowana rusvingo rwezvitina zvisina kupiswa zvakapoteredza nzvimbo, icho chiri chiratidzo chinotsauranisa cheMexico neCentral America. Kupfuurirazve, hauwani muno mupfekero worudzi uyo unozivikanwa navose kwazvo muyasara yose yeGuatemala.

“Nemhaka yokuti iri itaundi rapachiteshi chengarava, une banza rokutsanangura shoko reBhaibheri kumarudzi ose avanhu,” akatsanangura kudaro mumwe mushumiri wenguva yakazara. “Ndakapfuura nomumasuo anovheya ebhawa rimwe. ‘Mukadzi’ akatora bhuku rinogoverwa neBhaibheri, uye iye akandikoka kudzokera kuzomudzidzisa nzira yokuzvifunda nayo. Apo ndakadzokera vhiki rakatevera, iye akanga akamirira patafura huru neBhaibheri nebhuku. Achiita jangariko roushamwari rokuti ndigare pasi, iye akati ndimire kweminiti apo akadanidza ‘vasikana’ vose. Iye aida kuti vadzidzewo. Ndisati ndakuziva, tafura yose yakanga yatenderedzwa na‘vasikana’ vake. Achitendeukira kwandiri, iye akati, ‘Zvino tiratidzei mafundirwe eBhaibheri.’ Ndakafunga: ‘Ndakambozvipinza ndimene sei muna ikoku?’ Asi ndakapfuurira nenzira yokudzikama, sokunge ndaifunda Bhaibheri nguva dzose mubhawa.” Mukadzi wacho akafambira mberi nokukurumidza, akarega bhizimisi rake, uye akava Chapupu chakabhapatidzwa. Nhasi iye anoshingaira muimwe ungano uye iye amene ari kuitisa fundo dzeBhaibheri vanhu vanofarira.

Kure neawa neigwa uchiyambuka bay kune taundi rakaisvonaka reLivingston, nzanga isina mubato yavanhu vane ushamwari vakapesvedzerwa zvakasimba nokutenda mashura kweAfrica namashiripiti. Hakusi kwechienzi ikoko kunzwa kurira kwengoma usiku nokuona kutamba kweAfrica mumigwagwa mukati memitambo. Unogona kucherechedzawo mutauro uri wechienzi kunzeve—Caribe, kana kuti Garifuna. Boka duku asi rinokura nokukurumidza ravazivisi voUmambo rinobatira fariro dzoUmambo dzavanhu vomo.

Masimba Masimba Nechitambudzo Zvinosiana Norugare

Zvinetso zvakamuka muna 1982 sezvo purezidhendi mutsva weGuatemala akaedza kukurira mubato wamagandanga uyo wakanga wawana simba mukati moutungamiriri hwomutangiri wake. Unyanzvi hwake hwakanga huri kuumba varindiri vasiri varwi vakaumbwa navasiri varwi vakashongedzerwa zvombo zvehondo avo vairinda migwagwa usiku, vachidzivirira mataundi nokusvinudza mauto kumubato upi noupi unonyumwirwa. Munharaunda dzakawanda iri sangano ravarindiri vasiri varwi rakabvumikisa kuva muedzo wokusatora rutivi wehama dzedu.

Mutaundi rimwe ungano yose yakadzvinyirirwa kuti iputse kusatora rutivi kwavo kwechiKristu kupfurikidza nokutora rutivi mumubato wokurindira. Vatyisidzirwa norufu, vakatizira kudzimbahwe, uko ivo vakagamuchira dziviriro paHoro yoUmambo kutozosvikira ivo vogona kurarama mumisha yehama. Hungu, hama dzakawanda dzakatsungirira miedzo yakakomba nechitambudzo sezvo mauto akaedza kuvamanikidzira kurindira.

Imwe hama inorondedzera, kuti: “Ini ndava namakore 20 okukura uye ndinogara nomukoma wangu nomudzimai wake. Zvitambudzo zvangu zvakatanga apo mubato wamagandanga namauto wakasvika kupurazi kwandaishanda. Pane imwe nhambo, pamberi pameso edu pamene, vanhu vasere vakatorwa vakanongedzerwa pfuti. Vaviri bedzi vakadzokera; vamwe vatanhatu havana kuzotongoonekwazve.

“Muna April 1984 mauto akashongedzerwa akauya kupurazi remombe kuzowana vakumbaniri vatsva. Ivo vakakumbira vashandi biyangu neni kukumbanira. Pashure pokunge ndaramba, ivo vakandirova vasingaregi. Pakuona ikoku, vashandi biyangu vakachema savana, vachindikumbira kutora chombo ndokukumbanira. Murwi mumwe akabaya neminwe yake mumutsipa wangu ndokumona nzeve dzangu apo mumwe ainditsikirira pasi kuti mumwezve agogona kumbamura ndokundibanha. Mukuru mukuru akajwiririka nokushatirwa achiti, ‘Chii chakaipa newe? Uri mhuka here, kana kuti uri Mwari here?’ Pakupedzisira mumwe mukuru mukuru akasvika ndokuti, ‘Muregei nemhaka yokuti ndozvakaita Zvapupu. Unofanira kuvauraya vasati vabvuma.’ Mukuru mukuru wokutanga akati, ‘Mupfure!’ Asi panzvimbo pezvo akandirova mudumbu nepfuti yake. Apo vakapwiswa kuti handisati ndaizovakumbanira, vakarega kundirova. Pashure pamazuva matatu, vakandisunungura. Nebetsero yaJehovha handina kupunza perero yangu. Ndokusaka ndichiudza dzimwe pwere kuva nechivimbo chakawanda muna Jehovha, uyo achatibetsera kuva netsungiriro patinoida.” Nomufaro, mugariro wakachinja zvikuru kwazvo pashure pokunge purezidhendi mutsva atanga kutonga muna January 1986.

Nokukurumidza zvikuru misiano yehondo norugare, upfumi nourombo, upenyu norufu, zvichanyangarika nokusingaperi. MuParadhiso yapasi rose iri kuuya, misiano inofadza yousiku namasikati, makomo nemipata, makungwa anovinduka nenyanza dzakanyarara, zvichafarikanywa sezvo Jehovha Mwari akaronga. Iwe unogona kuvakowo kana, kufanana navazivisi voUmambo vanopfuura zviuru gumi veGuatemala, ukagamuchira nomwoyo wose mashoko akanaka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe