Chitambudzo muBurundi—Chipikirwa Chakapunzwa Chorusununguko Rworudzidziso!
Rusununguko rworudzidziso runogamuchirwa munyika dzakawanda dzokuMadokero. Zvisinei, chitambudzo chorudzidziso chiri kuitika munyika yeAfrica yeBurundi chinoratidzira kuti rusununguko irworwo runogona kuva rusina kusimba sei. Zvamazvirokwazvo, chero bedzi maruramiro makuru omunhu eboka ripi neripi ravanhu achizvidzwa, hakuna maruramiro omunhu akachengeteka. Isu naizvozvo tinokurudzira varavi vedu kunzvera chiri kuitika muBurundi.
FEBRUARY 16, 1989, akaona mubvuri weDark Ages uchiwira panyika yeAfrica yeBurundi. Pamusi iwoyo purezidhendi weRepublic of Burundi, Pierre Buyoya, akaita musangano namagavhuna amaruwa. Pashure pomusangano iwoyo, chitambudzo chinotyisa, chakapararira chorudzidziso chakatanga paZvapupu zvaJehovha. Varume, vakadzi, uye kunyange vana vakakurumidza kuva vanyajambwa vokusungwa, kurohwa, kutambudzwa zvisiri zvapamutemo, uye nzara.
Kuti utsinye hwakadaro hunogona kuitika muzuva rino nezera makuri kumene kunonyadzisa. Zvisinei, kutambudza kweBurundi maKristu kunonyangadza zvikuru. Neiko? Nemhaka yokuti kunoumba kushatiswa kwechipikirwa chorusununguko rworudzidziso.
Kushatiswa Kwehurumende
Burundi rudzi rweAfrica rwuri kure rwuri kuchamhembe chaiko kweequator, kunyange zvazvo iyi nyika ine makomo ichifarikanya mugariro wokunze unotonhorera, unofadza. (Ona mapu.) Vanhu vashomanene kupota pasi vaiziva nezvokuvapo kweBurundi kutozosvikira muna August 1988, apo iyo yakabata misoro yenhau yenyika. Panguva iyoyo kakavadzano ine chishava yakatanga pakati pamapoka ayo maviri makuru edzinza, vaTutsi navaHutu. Ikoku pasina panikiro kwakasiya murangariro wakaipa weBurundi pandangariro dzavazhinji.
Kunyanguvezvo, kune zvinhu zvakanaka zvakawanda zvinofanira kutaurwa pamusoro peiyi nyika inofambira mberi. Vanhu vayo vanobishaira uye vanoshanda zvakaoma. Imwe nyaya muThe New York Times Magazine inotaurazve kuti “munzira dziri pachena dzakajeka kumushanyi, Burundi, kunyange zvazvo ine urombo, inoshanda. Maurice Gervais, mugari wemo anomirira weWorld Bank, anoidana kuti ‘nyika inoshanda zvakaoma zvikuru.’”
Mugariro worudzidziso weBurundi, zvisinei, unotyisidzira uyu murangariro wakanaka. Inenge 80 muzana inotaura kuva maKristu, voruzhinji vaRoma Katurike. Bva, hurumende dzezvamatongerwe enyika imomo dzakatanga muenzaniso unokangaidza wokusashivirira rudzidziso. Pana October 16, 1985, The Christian Century yakashuma, kuti: “Mugore rapfuura hurumende yeBurundi yakaita nhevedzano yezviito zvakanangidzirwa pakusekesa kuvapo kwechechi . . . Maruramiro kukunamata nomunyengetero zvapachena zvomunhu oga akaganhurirwa zvikuru kwazvo. Chechi dzose dzamamwe marudzidziso . . . dzakapfigwa ndokurambidzwa kushanda; . . . maKristu mamwe namamwe akawanda akaiswa mutorongo, mamwe akatotambudzwa . . . zvose nokuda kwokushandisa maruramiro avo okushandisa rudzidziso.”
Nokudaro kariro dzakakwira apo, muna September 1987, hurumende itsva pasi poutungamiriri hwaPurezidhendi Pierre Buyoya yakatonga muBurundi. Purezidhendi mutsva akavimbisa rudzi rwake sununguko yorudzidziso, uye iye akakurumidza kuita nhano dzokuita kuti shoko rake rive rakanaka. Mushumo wakaitwa neU.S. Department of State unoti: “Mukati megore rake rokutanga muhofisi, Purezidhendi Buyoya akaita chinjo huru mumiitiro yeBurundi kurudzidziso rwakarongwa, achichinja kudzvinyirirwa kwokuratidzirwa kworudzidziso pasi pehurumende [yakapfuura]. Buyoya akasunungura vasungwa vose vorudzidziso; akazarurazve chechi dzakavharwa; akadzorera zvinhu zvose zvechechi zvakabvutwa.” Izvi zviito zvokuziva zvakawanira Purezidhendi Buyoya ruremekedzo rwavadi vorusununguko munyika yose.
Neiko, ipapoka, Zvapupu zvaJehovha misi ichangobva kupfuura iyi zvakasarudzwa sechipfuro chedzvinyiriro yorudzidziso?
Zvapupu zvaJehovha—Hondo Yokuzivikanwa
Mumakumi amakore apfuura, Chechi yeKaturike “yakapinda muchinhu chezvemari nechezvamatongerwe enyika chine simba,” inoshuma kudaro The New York Times. Mumazuva outongi hwokumwe hworudzi rwacho, chechi yaibvumirwa “kudokutonga nyika yacho,” sezvo iyo “yakaita basa guru mukugovera kutarisirwa kwoutano nedzidzo.” Hakushamisi, ipapoka, kuti hurumende ingave yakanzwa ichityisidzirwa norudzidziso rwakarongwa.
Zvisinei, apo Zvapupu zvaJehovha zvakavamba basa razvo rokuparidzira evhangeri pachena muBurundi muna 1963, izvo hazvina kuedza kudzongonyedza zvinhu zveHurumende. Panzvimbo pezvo, zvakaganhurira basa razvo kukuparidzira “aya mashoko akanaka oumambo.” (Mateo 24:14, NW) Sezvo Bhaibheri richitaura kuti maKristu echokwadi anofanira kuva “asiri rutivi rwenyika,” Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvisingatori rutivi mune zvamatongerwe enyika, chimiro chinotorwa neZvapupu munyika yose.—Johane 17:16, NW.
Zvapupu zvakarega nokutungamirirwa nehana kukumbanira mapato ezvamatongerwe enyika nokushevedzera kutaura kwebato rezvamatongerwe enyika. Hurumende kazhinji kazhinji dzakanzwisisa zvisakafanira ichi chimiro chokusatora rutivi sokushaikwa kwokuvimbika kunyika yako kana kuti kunyange kuratidzira kupandukira. Asi hakuna kudaro. Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvinozivikanwa savagari vemo vomuenzaniso, vanochengeta mitemo. Izvo zvinorangarira zvakakomba murairo weBhaibheri wo“kuva pasi” pehurumende dzenyika. (VaRoma 13:1, NW) Kunyange zvazvo zvichirega kukwazisa kana kuti munzira ipi neipi kuratidza ruremekedzo nokuda kwezviratidzo zvehurumende zvakadai semireza, izvo hazvibati zviratidzo zvakadaro noruzvidzo.—Eksodho 20:4, 5.
Muna 1975 Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakumbira kuzivikanwa pamutemo kwebasa razvo. Asi muna 1976 kumukira kwamauto kwakadzinga hurumende ndokuisa Purezidhendi Jean-Baptiste Bagaza musimba. Iye akavimbisa rusununguko rwokunamata. Bva muna March 1977, Zvapupu zvaJehovha zvakarambidzwa pamutemo! Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvakaita nhamburiko yokujekesa nhau yacho nokuda kwemitezo yehurumende yaBagaza, asi tsamba, shanyo kuvamiriri veBurundi muFrance neBelgium, uye misangano navakuru vakuru vehurumende muBurundi zvose zvakabvumikisa kuva zvisina maturo. Muna 1987 Zvapupu 80 muBurundi—varume navakadzi—zvakakandirwa mutorongo kwemwedzi inoverengeka. Chapupu chimwe chakafiramo.
Ipapo muna 1987 kumukira kwakasvitsa Major Pierre Buyoya kusimba. VaKaturike navaPurotesitendi vakakurumidza kubetserwa nokushivirira kwake rudzidziso—asi kwete Zvapupu.
Mavambo Echitambudzo Chorudzidziso
Pashure pomusangano waPurezidhendi Buyoya namagavhuna amaruwa pana February 16, 1989, kwakaziviswa munhepfenyuro kuti chimwe chezvinetso zvikuru izvo Burundi yaifanira kutarisana nacho kwakanga kuri kukura kweZvapupu zvaJehovha. Sokunge kuita pashure pokupiwa chiratidzo, vanagavhuna vamaruwa omukati vakatanga fungu rechitambudzo. Kunyange zvazvo udzame huchiri husina kukwana, mishumo inotevera inopa pfungwa yakati yechiri kuitika imomo:
Ruwa rweGitega: Gavhuna Yves Minani akaraira kuti mapurisa navanhu vaunganidzwe kuti vasunge Zvapupu zvaJehovha zvose. Somuuyo, vamiriri vamapurisa echengeteko vakapinda mumusha waNtibatamabi Edmond, muparidzi weevhangeri piona chaiye, uye vakamusunga. Akapfigirwa, iye akanyimwa zvokudya. Kakawanda akafenda nenzara. Akatambudzwawo mukuedza kumuita kuti asimbise runyerekupe rwokuti Zvapupu zvaJehovha zvinodya ropa ravanhu—nhema yakaipa!
Pashure pokusungwa kwaEdmond, Ntikarahera Aaron naNtimpirangeza Prime, Zvapupu zvaJehovhawo, vakasungwa ndokuiswa mutorongo muGitega. Ivo vakagamuchira kubatwa noutsinye kwakafanana.
Nijimbere Charlotte, mudzimai womutariri wedunhu—mushumiri anofambira uyo anoshanyira chiverengero chakati cheungano—akaziva nezvomugariro wakashata wehama dzake dzechiKristu. Iye akaedza kuendesa zvokudya kutorongo asi akasungwa pana March 16, 1989, uye akachengetwa ari musungwa mukuedza kwaitwa nezviremera kubata murume wake.
Ruwa rweMuramvya: Gavhuna Antoine Baza akatumira samanisi kuZvapupu zvose zvinozivikanwa yokusangana naye ndokupindura mibvunzo. Pana March 4 boka rakawirirana nechikumbiro ichocho. Kunyange zvazvo ivo vaipindura nokuremekedza mibvunzo yake, vakaramba kudanidzira kutaura kwebato kwezvamatongerwe enyika.
Mumhinduro gavhuna akanyandura vanhu vemo kudenha Zvapupu zvaJehovha. Pana March 16 mapurisa akapinda mumisha yeZvapupu zvinozivikanwa ndokuvamba kurova varume navakadzi nokuda kwokuramba kushevedzera kutaura kwebato. Chitoro chaiva cheChapupu chakatorwa ndokuvharwa—kuchinyima mhuri yacho chokurarama nacho chayo.
Pana March 17 vakadzi vana vakarohwa nemhaka yokuti vakaramba kuramba kutenda kwavo. Ivo vakaiswa muchitokisi chetorongo chisingapindi mhepo, kunyange zvazvo mumwe wavo akanga ari amai wemwana ane mazuva 20 okukura.
Pana March 20 chikwata chakashongedzerwa nemiti namatochi chakapinda mumisha yavakadzi Zvapupu, avo vakarohwa ndokudzingwa mumisha mavo. Pakati paavo vakadenhwa akanga ari mukadzi ane makore 75 okukura uyo akanga achifunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha nechiverengero chakati chavaduku vari pasi pamakore 14 ezera!
Pierre Kibina-Kanwa, mutungamiriri wechikoro chepuraimari cheNyabihanga, akaedza kumanikidzira vana vechikoro vari Zvapupu kukwazisa mureza worudzi rwacho. Asingakwanisi kuita saizvozvo, iye akavadzinga. Zvapupu zvina makumi maviri nezviviri zvomutaundi iroro zvakamanikidzirwa kutiza, zvichisiya shure chinhu chiri chose chavaiva nacho. Pakati paavo vakasungwa pakanga pana Ndayisenga Leonidas, Kanyambo Leanard, Ntahorwamamiye Abednego, Bankangumurindi P., Kashi Grégoire, naMbonihankuye Thadée.
Ruwa rweBujumbura: Mutariri wenzanga inonzi Muhuta, Nahimana Macaire, akashevedza Kavunzo Vincent, Ndabazaniye Sylvestre, uye Ndizwe-Nzaniye—vose Zvapupu—kumusangano. Ikoko iye akavapomera kubatanidzwa murwisano yamadzinza muna August 1988. Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisina kubatanidzwa nenzira yakajeka, kurohwa nokusungwa zvakatevera.
Ruwa rweBubanza: Zvapupu zviviri zvakasungwa nemhaka bedzi yokuva namabhuku eBhaibheri. Apo zvakaramba kuita sarutu yebato, Gavhuna Kimbusa Balthazar akaita kuti zvitumirwe kumusasa wehondo. Ikoko vakatambudzwa kupfurikidza nokuita kuti minwe yavo ipwanywe.
Chaunogona Kuita
Kuzhinjisa kwouku kubatwa kusakafanira kwakaitika mukati, kure nameso avacherechedzi vokumwe. Zvisinei, makopi anopfuura mamirioni 13 eiyi nyaya achaparadzirwa munyika yose mumitauro inopfuura 106. Utsinye hweBurundi hahusati huchizova hwakavanzika. Vanhu vanoda rusununguko vachakatyamadzwa kuti kuputswa kwakadaro kwamaruramiro avanhu kuri kuitika—maruramiro ayo zviuru zveAfrica zvakarwira.
Burundi nokudaro inopinza mungozi zvakawanda mukukundikana kuchengeta chipikirwa chayo chorusununguko rworudzidziso. Iyo inopinza mungozi kukuvadza mukurumbira uyo iyo yakashanda nesimba zvakaoma kwazvo kutanga, uya worudzi runofambira mberi, runoshanda zvakaoma. Ko Burundi inoda mutoro wokurangarirwa sorudzi rwavatambudzi vorudzidziso vanonyanyisa here? Hatifungi kudaro. Tinongogona bedzi kurangarira kuti Purezidhendi Buyoya akaziviswa zvakashata, akatsauswa navapi vezano vake.
Pomero dzakaitirwa Zvapupu zvaJehovha inhema dzisakafanira dzakarongedzerwa kunyandura zvishuvo zvisina mufungo. Zvapupu zvaJehovha hazvisi tyisidziro kuchengeteko yehurumende yeBurundi kana kuti rumwe rudzi rupi norupi. Izvo zvine rugare uye zvinochengeta mitemo, zvinoremekedza zviratidzo zvorudzi. Mukupesana norunyerekupe, izvo zvinoramba chose chose kudya ropa muchimiro chipi nechipi—kunyange apo upenyu hwazvo hunenge huri mungozi.—Mabasa 15:28, 29.
MaKristu echokwadi munyika yose naizvozvo achanyengeterera hama dzawo dziri muBurundi akabatana. (1 Timotio 2:1, 2) Varavi vazhinji vachasundwawo kunyora zvakananga kuna Purezidhendi Pierre Buyoya, vachikumbira noruremekedzo kuti chitambudzo chorudzidziso chimiswe uye kuti Zvapupu zvaJehovha zvigamuchire kuzivikanwa kwapamutemo sorudzidziso rwakasimba. Burundi inofanira kuva nomufungo kana ichizozvidzikinura imene mumeso enyika.
His Excellency Major Pierre Buyoya
President of the Republic of Burundi
Bujumbura
REPUBLIC OF BURUNDI
[Mepu dziri papeji 22]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
RWANDA
ZAIRE
BURUNDI
TANZANIA
LAKE TANGANYIKA