Iwe Unoyeuka Here?
Wakafarikanya here kurava zvinyorwa zvemisi ichangobva kupfuura iyi zveNharireyomurindi? Eya, ona kana ungagona kupindura mibvunzo inotevera:
◻ Chii chiri hwaro hweroorano inobudirira?
Vakwanyina vanofanira kuratidzirana rudo, ruremekedzo, uye ruvimbiko, vachionga zvakanaka zvomumwe nomumwe nokudzidza kufuratira nokukanganwira utera hwomumwe nomumwe.—5/15, peji 15.
◻ Mitemo yaMwari yakapiwa kuna Israeri yakavabetsera mukuramba vari vatsvene mumativii?
Mitemo yaJehovha yakabetsera vaIsraeri kuramba vakachena mumudzimu, mutsika, mundangariro, mumuviri, uye mumuitiro, kwapashure pamusoro pokunamata kwavo.—6/1, peji 11.
◻ Chii chinorehwa nokutaura kwokuti “utsanana hwendangariro”?
“Utsanana hwendangariro” hunoreva nhamburiko yedu yokuziva yokuva vakachena mundangariro kupfurikidza nokufungisisa zvinhu zviri ‘zvechokwadi, zvakarurama, uye zvakachena’ uye kupfurikidza no‘kupfuurira kurangarira zvinhu izvozvi.’ (VaFiripi 4:8)—6/1, peji 16.
◻ Neiko Jesu akataura kuti kuvapo kwake kwaizova “semheni”? (Ruka 17:24)
Jesu pano akanga achiratidzira kuti chibvumikiso chokuvapo kwake musimba roUmambo chaizoonwa panharaunda yakafara, kuchigonesa vose vanoda kuchicherechedza kuti vazive nezveidi racho.—6/15, peji 8.
◻ Neiko tsika dzechiKristu dzine ukama zvakananga norudo rwechiKristu?
Tsika dzechiKristu—nzira yatinobata nayo navamwe, chimiro chedu, mugariro wedu, uye mufambiro wedu wetsika—chiratidzo chokuti tinoitira hanya sei vamwe vanhu. Tsika dzedu dzinoratidza ukuru hworudo rwedu nokuda kwavo. (Johane 13:35; 1 VaKorinte 10:24; 13:4-7)—6/15, peji 14.
◻ Ndirini apo roorano yaJesu Kristu no“mudzimai wake” wavateveri vakatendeka vakazodzwa vane 144 000 inoitika? (Zvakazarurwa 19:7, 8)
Iyi roorano ichaitika pashure pehondo yeArmagedhoni uye kuiswa mugomba rakadzika-dzika kwaSatani. Ipapo Jehovha achave areverera uchangamire hwake kupfurikidza nokubvisa mupasi avo vanodenha utongi hwake uye kupfurikidza nokubvisa pesvedzero yakaipa yaSatani namadhemoni ake.—7/1, peji 24.
◻ Joko rokuva mudzidzi rinogona sei kuunza zororo, sezvinoratidzirwa mumashoko aJesu ari pana Mateo 11:29, 30?
Sezvo Jesu asiri asina mufungo, kunozorodza kushanda pamwe chete naye mujoko rimwe chetero. Iye anorangarira ganhuriro dzedu noutera. Uye kunozorodza sei kuudza vamwe kuti ivo vanogona kurarama nokusingaperi muParadhiso!—7/15, peji 20.
◻ Chii chiri “kuberekwa kutsva” uko Jesu anotaura pamusoro pako pana Mateo 19:28?
Jesu akaratidza pano kuti kuchava no“kuberekwa kutsva” kwemigariro pasi pano zvokuti zvinhu zvichava sezvazvakanga zvakaita mubindu reEdheni.—8/1, peji 9.