RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 10/1 pp. 26-29
  • Yeuka Nheyo dzechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Yeuka Nheyo dzechiKristu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ko Kunamata Kwako Kunogamuchirika Here?
  • Nheyo yapaMagwaro Inokosha
  • Avo Vanotevera Nheyo Huru
  • Tungamirira Nhanho Dzako Nenheyo Dzemitemo yaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mitemo yaMwari Inotibatsira Sei?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Nei Zvichikosha Kuti Tinzwisise Mafungiro aJehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Nheyo dzaMwari Dzinogona Kukubatsira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 10/1 pp. 26-29

Yeuka Nheyo dzechiKristu

APO mwana anotanga kupinda chikoro, pakati pezvinhu zvokutanga izvo iye anodzidza kurava nokunyora. Izvi zvidzidzo zvinokosha zvinomugadzirira nokuda kwamashoko akaoma zvikuru, zvakadai sezvifundo zvamagariro avanhu, sayenzi, nemitauro. Kana mwana akakundikana kunzwisisa zvakakwana kurava nokunyora, dzidzo yake yose yomunguva yemberi inotapurwa zvakashata.

Kudzidza nzira yokunamata nayo Mwari kwakati fananei. Patinofunda Bhaibheri, tinowana kuti kune zvokwadi huru dzakawanda, kana kuti nheyo, izvo zvinofanira kunzwisiswa. Tikangonzwisisa izvozvi bedzi, tinogona kupfuurira kuzvinhu zvikuru zvikuru. Kana, zvisinei, tikasanzwisisa zvakakwana ndokudavira idzi nheyo dzokutanga, kunamata kwedu kuchashatiswa. Hatisati tichizokwanisa kuita zvisarudzo zvakanaka, uye kutenda kwedu kuchazununguswa nyore nyore.

Nheyo huru dzeBhaibheri hadzina kuoma kunzwisisa. (Ona chati.) Zvisinei, idzo hadzisati dzichingova hadzo zvinhu zvisingafadzi kana kuti zvinhu zvefariro youngwaru. Idzo izvokwadi mhenyu, dzinokosha, uye maKristu akachenjera anodzidza kudzida. Jehovha anoti: “Teerera mashoko angu; rerekera nzeve yako kune zvandinoreva. Urambe uchiatarira, uachengete mukati memwoyo wako. Nokuti ndihwo upenyu kune vanoawana, noukukutu hwenyama yavo yose.”—Zvirevo 4:20-22; Ezekieri 18:19, 20, 23.

Kunyanguvezvo, pasinei zvapo noukoshi hweidzi nheyo, Jesu akanyevera kuti vashomanene bedzi vaizodzinzwisisa ndokurarama mukuwirirana nadzo. Iye akati: “Nokuti suo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma.” (Mateo 7:14) Uku hakusi nemhaka yokuti nheyo dzakati vandei. Jehovha anoda kuti varume navakadzi vararame mukuwirirana nadzo nokudaro ndokugara nhaka upenyu. (2 Petro 3:9) Iye akaparira uchenjeri, zivo, uye nzwisiso kunyorwa muBhaibheri, iro rinowanika zvikuru kuvose. Uye Zvapupu zvake zvinokurudzira vavakidzani vazvo kutsvaka aya mashoko anopa upenyu. Neiyi nzira, chaizvoizvo, “uchenjeri hunodanidzira panzira.” (Zvirevo 1:20; 2:1-9) Asi kuna mamwe masimba anoshanda.

Satani akapofumadza meso avazhinjisa vorudzi rwomunhu kunheyo dzechokwadi. (2 VaKorinte 4:4) Mukuwedzera, mudzimu womunhu wokuzvimirira unomuita kuti ade kufamba nenzira yake amene panzvimbo pokutarira kuSimba Rakakwirira nokuda kwenhungamiro. Muzuva romuapostora Pauro, kunyange vamwe vakanga vadzidza nheyo huru vakarasikirwa nadzo. Nokudaro, iye akanyora, achiti: “Mofanirazve kuti muve nomumwe unokudzidzisai dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari.”—VaHebheru 5:12.

Uyezve, Jesu akanyevera, kuti: “Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro: ‘Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here?’ Zvino ndichavaudza pachena: Handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vokusarurama.” (Mateo 7:22, 23) Neiko vanhu vanofunga kuti vari kubatira Jesu vachizviwana vamene vachirambwa? Imhaka yokuti “mabasa [avo] esimba” haana kuvakirwa panheyo dzeBhaibheri. Kwakaita sokunge kuti ivo vakaedza kufunda nhau kana kuti sayenzi pasina kutanga kudzidza kurava. Mabasa avo akashatiswa, haana kuvakirwa muzvokwadi. Nokudaro, ivo “vaiti vokusarurama.”

Ko Kunamata Kwako Kunogamuchirika Here?

Tinogona here kuva nechokwadi chokuti Jesu pane rimwe zuva haasati achizoti kwatiri, ‘Ibva kwandiri, iwe muiti wokusateerera mutemo’? Hungu, kana kunamata kwedu kwakavakirwa chose chose munheyo dzeBhaibheri. Kunogona kana tikasanonzvera Bhaibheri, zvikurukuru mashoko aJesu. Jesu akafamba munzira nhete, yakamanikana inotungamirira kuupenyu—kutaura idi, iye akanga ari “nzira nezvokwadi noupenyu.” (Johane 14:6) Kana tikashandisa mashoko ake ndokusanotevera mutsoka dzake, tichava munzira imwe cheteyo.—Johane 6:68; 1 Petro 2:21.

Vateveri vapedyo vaJesu vakafambawo munzira iyoyo nhete, yakamanikana inotungamirira kuupenyu. Naizvozvo, apo Jesu akafa akaisa mumaoko avo basa rokudzidzisa vamwe kunamata Mwari. Iye akanyeverawo kuti aizodzokera ndokukarira kuzvidavirira kwavari pamusoro penzira yavakanga vazvibata nayo vamene mukati mokusavapo kwake.—Mateo 24:46; 25:14-23; 28:19, 20.

Pakupedzisira, chiverengero chaavo vaitaura kuti vanotevera Kristu chakapinda mumazana amamirioni. Asi muzvinoitika zvizhinjisa, kunamata kunoitwa naayo mapoka makuru kwakanga kusina kuvakirwa panheyo dzeBhaibheri. Nokudaro, apo Jesu akagadzwa saMambo wokudenga muna 1914 uye ipapo ‘akasvika’ kuti aite kuzvidavirira naavo vaitaura kuti vateveri vake, chii chaakawana? Mamirioni amaKristu okuedzesera akanga akabatikana muhondo inotyisa zvikurusa munhau yorudzi rwomunhu kusvikira panguva iyoyo.

Hungu, voruzhinji zvikuru va“maKristu” vakanga vachiita mukupesana chose chose nenheyo huru dzeBhaibheri. Zvisinei, kwakanga kune boka ramaKristu chaiwoiwo raiedza zvakaoma kutevera nheyo dzoumwari uyewo kudzidzisa kuvapi navapi vaizoteerera munyika inopenga nehondo. Ivava vakaunganidzwa pamwe chete uye pashure penguva yakati vakakumbanirwa neboka guru ravanhu vane ndangariro yakafanana. (Mateo 24:31; Zvakazarurwa 7:4, 9, 10) Ivo vachiri kutevera nheyo dzinopa upenyu, vachiudza vamwe pamusoro pamadonzo makuru aMwari, vachisonganira pamwe chete seboka rimwe, uye vachiedza zvakaoma kuwirirana no“kuda kwakakwana kwaMwari.”—VaRoma 12:2.

Nheyo yapaMagwaro Inokosha

Ikoku kwave kusiri nyore. Kutanga, aya maKristu echokwadi aitofanira kurwisa kusakwana kwao amene, hunhu hwokutadza. Uye ipapo ivo vanofanira kurarama munyika inoshora chose chose zvinokosha nenheyo izvo ivo vanoedza kurarama mukuwirirana nazvo. Kutaura idi, muapostora Johane akati: “Nyika yose iri musimba rowakaipa.” (1 Johane 5:19, NW) Ndokusaka, vanamati vechokwadi vaMwari nhasi vachifanira kusanorangarira nheyo inokosha zvikuru yakatsanangurwa naJesu: “Ivo [maKristu] havasati vari rutivi rwenyika.”—Johane 17:16, NW.

Jehovha haasati achimanikidzira vanhu kumubatira, asi avo vanosarudza kuita saizvozvo vanofanira kuita zvisarudzo zvakanaka. Somuenzaniso, ivo vanofanira kuwiriraniswa neidi rokuti ivo havatongogoni kuva vakakurumbira munyika ino. (Mateo 24:9) Mudzidzi Jakobho akanyevera, achiti: “Munhu upi noupi . . . anoda kuva shamwari yenyika ari kuzviita amene muvengi waMwari.” (Jakobho 4:4, NW) Uye muapostora Pauro akati: “Kururama kungava noukama hweiko nokusarurama?” Uye “unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi?” Ipapo iye akanokora mashoko amene aJehovha, achiti: “Budai pakati pavo, muzviraure; . . . musabata chinhu chine tsvina.”—2 VaKorinte 6:14-17; VaEfeso 5:11.

Tinogona sei ‘kuzviparadzanisa timene’? Chokwadika, kwete kupfurikidza nokuzvibvisa timene mumuviri munyika. Asi tinogona kudzivisa kuva ‘vakasungwa pajoko zvisakafanira navasingatendi.’ Tinogona kudzivisa ‘songaniro dzakashata, idzo dzinoshatisa tsika dzinobetsera.’ (1 VaKorinte 15:33) Uye tinogona kuzviparadzanisa timene nomudzimu wenyika, mudzimu woudyire, kusatendeseka, kudisa zvenyika, uye kutsvakwa kwoupengo kwomufarwa. (2 Timotio 3:1-5) Chipikirwa chinofadza chinopiwa kuavo vanodarozvo kuzviparadzanisa vamene nezvishuvo zvenyika ino: “Iye uyo unoita kuda kwaMwari unogara nokusingaperi.”—1 Johane 2:15-17.

Avo Vanotevera Nheyo Huru

Kunobvira here nhasi kutevera nheyo dzeBhaibheri ndokufamba munzira nhete inotungamirira kuupenyu? Hungu, kunyange vana vanogona kukuita. Somuenzaniso, vana vaviri vaduku muBrazil vaizvibata vamene zvakanaka kwazvo kuchikoro zvokuti mudzidzisi wavo akakumbira kuti amai vavo vauye ndokukurukura chikonzero nei. Amai vakatsanangura kuti yakanga iri mhaka yokuti ivo vakanga vachitevera nheyo dzeBhaibheri pamusoro peteerero kuvabereki navamwe vane chiremera. (VaEfeso 6:1-3) Pamugumo petemu yechikoro, ivo vakapiwa banza rokutsanangura kukirasi yose betsero dzinobva munzira yakadaro youmwari.

Jesu akataura nheyo, achiti: “Upenyu hwomunhu hahuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.” (Ruka 12:15) Mumwe chiremba anobudirira muJapan akadzidza ikoku uye, kukushamiswa kweshamwari dzake, akakushandisa. Iye akasiya nzvimbo yake inobhadhara zvakanaka ndokuenda kutaundi duku kwaaigona kuva webetsero yomudzimu kuvanhu vomutaundi. Uku kuregwa kwebetsero dzokunyama hakuna kumutorera mufarwa wake. Panzvimbo pezvo, vose vari vaviri iye nomudzimai wake zvino vari kuwana mufarwa mukuru mukuendesa Shoko roupenyu kuvamwe.

Bhaibheri rinoti: “Nokuti munwi nouna madyo vachava varombo.” (Zvirevo 23:21) Iyi inyevero yakajeka pamusoro pokupindwa muropa. Tinonyeverwawo pamusoro pokushandiswa zvisakafanira kwemirimo: “Mabasa enyama ndiwo . . . kunamata zvidhori, kushandisa kutenda mumidzimu [phar·ma·kiʹa, “panogadzirwa mirimo” muchiGiriki chapakuvamba].” (VaGaratia 5:19, 20, NW) Mukuwedzera, muapostora Pauro anokurudzira, kuti: “Ngatizvichenesei timene pachinosvibisa chiri chose chenyama nomudzimu.”—2 VaKorinte 7:1, NW.

Kusvuta fodya nokushandisa mimwe mirimo inopinda muropa nenzira yakajeka zvinopesana neidzi nheyo dzeBhaibheri uye nokudaro “kusateerera mutemo.” (Mateo 7:23, NW) Vabatiri vapi navapi vaMwari vanozvishatisa vamene nezvinhu zvakadaro vachawana kuti kunamata kwavo hakugamuchiriki kuna Mwari. Nokudaro, mazana akawanda ezviuru akaita nhano yokurega kushandisa iyi mirimo, uye somuuyo, ivo vakagamuchira betsero dzomudzimu nedzokunyama. Chokwadika, hakusi nyore nguva dzose kurega idzi tsika dzisina kuchena.

Rimwe jaya muMichigan, U.S.A., rakadzidza pamusoro paMwari nenheyo dzake kuvafundisi vakashanya pasuo rake. Iye akada izvo akanzwa asi akaziva kuti tsika yake yokusvuta mbanje nefodya yakanga isingatsinhirani nokunamatwa kwaJehovha. Iye anoti: “Handina kuva nechinetso chipi nechipi chokurasa mirimo, yandakanga ndafarikanya. Asi kwakanditorera inenge mwedzi mitanhatu kurega kusvuta midzanga.” Iye akabetserwa namaKristu biyake uye nomunyengetero. Zvino, achirarama upenyu hwakachena mukuwirirana nenheyo dzeBhaibheri, iye ari kufarikanya hana yakachena, ukama naMwari, uye ushamwari hwechiKristu. Kutaura idi, iye anotaura kuti kutozosvikira iye ava muKristu, akanga asingatongozivi chakanga chiri shamwari.

Kutevera nheyo dzakarurama zvirokwazvo inzira youchenjeri. Uye uchenjeri hunotokosha kunyange kupfuura ndarama yakaisvonaka. Iwe umene tora iyi nzira, uye kuchaunzira rumbidzo kuna Jehovha uye kuchashanda kuchikomborero chako umene chisingagumi.—Pisarema 19:7, 10; Zvirevo 16:16.

[Bhokisi riri papeji 27]

Nheyo izvokwadi huru kana kuti mitemo mikuru munogona kutorwa dzimwe zvokwadi kana kuti mitemo. Inotevera mienzaniso yakati:

□“Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wose uye nomweya wako wose uye nendangariro yako.”—Mateo 22:37, “NW.”

□“Zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, muvaitire nemiwo saizvozvo.”—Mateo 7:12.

□“Ushamwari nenyika ruvengo naMwari.”—Jakobho 4:4, “NW.”

□“Kana muchidya kana kuti muchinwa kana kuti muchiita chinhu chipi nechipi zvacho, itai zvinhu zvose nokuda kwembiri yaMwari.”—1 VaKorinte 10:31, “NW.”

□“Zvino isu, tine simba, tinofanira kutakura utera hwavasine simba, tisingazvifadzi.”—VaRoma 15:1.

□“Nguva dzose ngatipe kuna Mwari chibairo cherumbidzo, ndiko kuti, chibereko chemiromo inoita ziviswo yapachena kuzita rake.”—VaHebheru 13:15, “NW.”

□“Ngatirangarirane, timutsane mwoyo kuti tive norudo namabasa akanaka.”—VaHebheru 10:24, 25.

□“Munhu anofanira kurarama, kwete nezvokudya zvoga, asi nokutaura kuri kwose kunobuda mumuromo maJehovha.”—Mateo 4:4, “NW.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe