RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w88 10/1 p. 30
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mashoko Akafanana
  • Mashoko Mana Akachinja Nyika Yose
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 27—Dhanieri
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Dhanieri—Bhuku Riri Kutongwa
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Bhaibheri Rinotii nezvaDhanieri?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
w88 10/1 p. 30

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Sezvo Dhanieri akanga ataura kuti haasati aizogamuchira zvipo zvinobva kuna Mambo Bhershazari nokuda kwokuturikira runyoro rwapamadziro, neiko iye akawanwa akapfeka zvipfeko nohuketani pashure?

Pamberi chaipo pokukurira Bhabhironi kwavaMedhia navaPersia, Mambo Bhershazari nedare rake vakanga vari pakati pamadyo. Mukati mamadyo, iye akatora midziyo iyo yakabva mutembere yaJehovha ndokushandisa iyoyi nokuda kwokunwira waini, vachirumbidza vamwari veBhabhironi. Asi pati yacho yakadzongonyedzwa kamwe kamwe apo ruoko runopfuura rwomunhu rwakanyora zvinhu zvechienzi pamadziro.—Dhanieri 5:1-5.

Varume vakachenjera navazivi vemitumbi yomudenga veBhabhironi havana kukwanisa kududzira runyoro rwacho, kunyange zvazvo Bhershazari akavimbisa kupa huketani hwendarama noutanhamari hwehurumende kumunhu upi noupi aigona kurava ndokutsanangura runyoro rworuoko rwechienzi.—Dhanieri 5:7-9.

Apo muHebheru ainzi Dhanieri akapinzwa pakupedzisira, mambo akadzokorora chipo chake—chokupfekedza Dhanieri nenguvo tsvuku, kuisa huketani hwendarama paari, uye kumuita mutongi wechitatu muumambo. Muporofita wacho akapindura norukudzo, kuti: “Garai henyu nezvipo zvenyu, ipai henyu mumwe mibairo yenyu; kunyange zvakadaro ndicharavira mambo zvakanyorwa, nokumuzivisa kududzirwa kwazvo.”—Dhanieri 5:17.

Naizvozvo Dhanieri haana kudikanirwa kufumbwa muromo kana kuti kubhadharwa kuti agovere kududzira. Mambo aigona kuchengeta zvipo zvake kana kuti kuzvipa mumwe munhuwo zvake. Dhanieri aizogovera tsananguro, kwete nokuda kwetuso, asi nemhaka yokuti iye akapiwa simba rokuita saizvozvo naJehovha, Mwari wechokwadi, ane rutongeso paBhabhironi rwakanga rwuchiswedera pedyo.

Sezvatinorava pana Dhanieri 5:29, pashure pokunge Dhanieri arava ndokududzira mashoko sezvaakati aizoita, mambo akaraira kuti tuso dzigopiwa hadzo kuna Dhanieri. Dhanieri amene haana kupfeka nguvo nohuketani. Izvo zvakamupfekedzwa nomurairo womutongi mukuru, Mambo Bhershazari. Asi ikoku hakurwisani naDhanieri 5:17, umo muporofita akajekesa kuti vavariro yake yakanga isiri youdyire.

Jesu gare gare akataura kuti “unogamuchira muporofita muzita romuporofita, uchapiwa mubairo womuporofita.” (Mateo 10:41) Ikoko hakuna kutongoshanda kuna Bhershazari, sezvo iye akanga asiri kubata Dhanieri nomutsa kana kuti nenzira yokuremekedza nemhaka yokuti iye airemekedza uyu murume akatendeka somuporofita waMwari wechokwadi. Mambo Bhershazari akanga achidisa kupa zvipo zvimwe chetezvo kumunhu upi noupi aikwanisa kupedza chakavanzika chorunyoro rworuoko, kunyange muzivi wemitumbi yomudenga wechihedheni. Mambo akawana tuso yakafanira, iyo yakanga iri mutsinhirano norunyoro rwouporofita rwapamadziro: “Nousiku uhwo mambo Bhershazari muKardhea wakaurawa. Dhariusi muMedhia akapiwa ushe.”—Dhanieri 5:30, 31.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe